Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rambai Makarinda”—Nei Zvichinyanya Kukosha?

“Rambai Makarinda”—Nei Zvichinyanya Kukosha?

“Rambai Makarinda”—Nei Zvichinyanya Kukosha?

“CHII chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mat. 24:3) Achipindura mubvunzo iwoyo, Jesu akanyatsorondedzera kuvadzidzi vake chiratidzo chakajeka uye chinooneka zviri nyore sezvakanyorwa muchitsauko 24 chaMateu, chitsauko 13 chaMako, uye chitsauko 21 chaRuka. Akawedzera kuti: “Rambai makarinda.”—Mat. 24:42.

Kana chiratidzo chacho chaizova chakajeka zvakadaro, nei akazowedzera kuti, “rambai makarinda”? Panogona kuva nezvikonzero zviviri. Kutanga, vamwe vangavhiringidzwa zvokuti vangatadza kucherechedza chiratidzo voguma vaneta pakunamata vorega kurinda. Chechipiri, muKristu angaona chimwe chezvinhu zvinoumba chiratidzo asi nemhaka yekwaanogara angaona sokuti hazvisi kumukanganisa. Angafunga kuti “kutambudzika kukuru,” chikamu chokupedzisira chouprofita hwakataurwa naJesu, kuchiri kure saka haafaniri hake ‘kuramba akarinda.’—Mat. 24:21.

“Havana Kucherechedza”

Jesu akayeuchidza vateveri vake nezvevanhu vakararama munguva yaNoa. Kuparidza kwaiita Noa, kuvaka kwaaiita areka hombe-hombe uye chisimba chaiva nevanhu mumazuva iwayo zvaiva zvinhu zvaisatadza kuonekwa nevanhu. Kunyange zvakadaro, vazhinji “havana kucherechedza.” (Mat. 24:37-39) Ndizvowo zviri kuita vanhu vazhinji mazuva ano pavanonyeverwa. Somuenzaniso, kune zvikwangwani zvinonyevera vanhu kuti vasamhanyise motokari, asi vakawanda havana basa nazvo. Kanzuru inowanzoisa mahambu mumigwagwa yomuguta kuitira kuti vatyairi vasamhanyisa motokari. Saizvozvowo, muKristu angaziva nezvechiratidzo chemazuva okupedzisira asi angararama upenyu husingaenderani nekuziva kwaanenge achiita. Ndozvakaitika kune mumwe musikana anonzi Arielle, wekuWest Africa.

Arielle ainakidzwa nokuona bhora revakadzi paTV. Chikoro chake pachakaronga kuti chive nechikwata chebhora zvakamutora mwoyo zvokuti haana kumbofunga nezvokukanganisa kwazvaigona kumuita pakunamata. Akanyoresa kuti aida kutamba pagedhi. Chii chakazoitika? Anotsanangura kuti: “Vamwe vandaitamba navo vaiva nevakomana vaishandisa zvinodhaka nokusvuta fodya. Vaindiseka kuti ndaisavawo newangu, asi ndakafunga kuti ndaigona kutsungirira. Ndisingafungiri, mutambo wacho chaiwo wakatanga kukanganisa kunamata kwangu. Bhora rakanga risisabve mumusoro mangu. Ndiri mumisangano yechiKristu, pfungwa dzangu dzaitova hadzo kubhora. Unhu hwangu hwechiKristu hwakatanga kuchinja. Pane kuti nditambe zvokungonakidzwa, pfungwa yokuda kukunda yakanga yasimba. Ndaigadzirira kwenguva refu kuti ndikwanise kukwikwidza. Zvakatanga kundidya mwoyo. Ndakanga ndisisina nguva yokuva neshamwari dzangu pamusana pebhora.

“Zvakazoipisisa pane mumwe mutambo apo vataitamba navo vakapiwa pena. Ndakamira pagedhi ndakanyatsogadzirira kubata bhora. Ndisingambofungi kuti ndiri kuitei, ndakanga ndatonyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kubata bhora racho! Izvi zvakaita kuti ndione kuti ukama hwangu naMwari hwakanga hwakanganisika zvakadini. Ndakaita sei kuti ndihugadzirise?

“Ndakanga ndamboona DVD redu rinonzi Young People Ask—What Will I Do With My Life? * Ndakafunga kurionazve ndiine pfungwa yokunyatsofungisisa zviri mariri sezvo mamiriro angu ezvinhu ainyatsoenderana neaAndré, mukomana ari mumutambo wacho. Ndakanyatsofungisisa nezvemashoko akaudzwa André nemumwe mukuru okuti, verenga uye fungisisa VaFiripi 3:8. Ndizvo zvandakaita uye ndakabva ndasiya chikwata ichi.

“Zvinhu zvakatanga kuchinja! Kuda zvemakwikwi nekuzvidya mwoyo kwakabva kwangoti hwaa. Ndakanga ndava kufara uye ndava pedyo neshamwari dzangu dzechiKristu. Ndakatanga kukoshesa kunamata. Ndainyatsoteerera kumisangano uye yakatangazve kundinakidza. Ushumiri hwangu hwakavandudzikawo. Iye zvino ndinogara ndichitora upiyona hwebetsero.”

Kana paine chiri kuita kuti usakoshese chiratidzo chakataurwa naJesu, itotora matanho sezvakaitwa naArielle. Unogona kuedza zvinotevera. Tarisa muWatch Tower Publications Index iyo ingafananidzwa nemepu inoratidza pane pfuma yakavanzwa. Ucharatidzwa paunogona kuwana mazano anoshanda uye mashoko akataurwa nevamwe nezvezvavakaita pavakasangana nemiedzo. Nyatsogadzirira misangano uye nyora manotsi kuti inyatsokubatsira. Vamwe vakaona zvichibatsira kugara nechekumberi. Kana hurukuro yacho ichida mhinduro dzevateereri, edza kukurumidza kupindura. Uyewo, ramba wakamuka nokucherechedza kuti zvinenge zvichibudiswa munhau zvinopindirana sei nechiratidzo chokuti tiri “mumazuva okupedzisira.”—2 Tim. 3:1-5; 2 Pet. 3:3, 4; Zvak. 6:1-8.

“Ivai Vakagadzirira”

Chiratidzo chemazuva okupedzisira chiri kuitika “munyika yose inogarwa.” (Mat. 24:7, 14) Mamiriyoni evanhu ari kugara munzvimbo dzine matenda, kushomeka kwezvokudya, kudengenyeka kwenyika uye zvimwe zvakagara zvataurwa. Asi vamwewo vanogara munzvimbo dzine rugare uye dzakanyarara. Kana zvimwe zvinoumba chiratidzo zvisina kumboitika kwauri, unofanira kufunga here kuti kutambudzika kukuru kuchiri kure? Ikoko hakusi kuchenjera.

Somuenzaniso, chimbofungisisa zvakataurwa naJesu nezve“matenda nokushomeka kwezvokudya.” (Ruka 21:11) Kutanga, haana kutaura kuti izvi zvaizoitika kunzvimbo dzose panguva imwe chete uye pamwero wakafanana. Asi akataura kuti izvi zvaizoitika “munzvimbo nenzvimbo.” Saka hatitarisiri kuti zvakataurwa naJesu zviitike kwose kwose panguva imwe chete. Chechipiri, angopedza kutaura nezvekushomeka kwezvokudya, Jesu akaratidza kuti vamwe vateveri vake vaifanira kungwarira kuti vasadyisa achiti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa.” (Ruka 21:34) Saka vaKristu vose havafaniri kutarisira kuona zvose zvinoumba chiratidzo zvichiitika kwavari. Jesu akati: “Pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.” (Ruka 21:31) Zvigadzirwa zvavako mazuva ano zvinoita kuti tione chiratidzo, kunyange zvisiri kuitika kwatinogara.

Yeukawo kuti Jehovha akatosarudza ‘zuva neawa’ richatanga kutambudzika kukuru. (Mat. 24:36) Zvinoitika panyika hazviiti kuti zuva iri richinje.

Jesu akarayira vaKristu kwose kwose kuti: “Ivai vakagadzirira.” (Mat. 24:44) Tinofanira kugara takagadzirira. Hatigoni hedu kubva tagara tichiita mabasa ane chokuita nokunamata pose patinenge tiri mazuva ose. Uyewo, hapana kana mumwe wedu anoziva kuti achange achinyatsoita chii nguva ichatanga kutambudzika kukuru. Vamwe vangave vachirima nokusakura mumunda kana kuti vachiita mabasa emumba. (Mat. 24:40, 41) Saka chii chaunofanira kuita kuti uve akagadzirira?

Emmanuel naVictorine nevana vavo vatanhatu vanogara kune imwe nzvimbo muAfrica kusiri kuitika zvakawanda zvinoumba chiratidzo. Saka vakasarudza kukurukura zvokunamata mazuva ose kuti vagare vakagadzirira. Emmanuel anotsanangura kuti: “Zvakanga zvakaoma kusarudza nguva yakatinakira tose. Takazoguma tasarudza kukurukura kwemaminitsi 30, tichitanga na6:00 mangwanani. Patinenge tapedza kuita rugwaro rwezuva, tinogadzirira ndima shomanana dzezvinenge zvichizodzidzwa neungano vhiki iroro.” Zvavakaronga izvi zviri kuvabatsira kuti varambe vakamuka here? Hongu! Emmanuel murongi mudare revakuru muungano. Victorine anogara achitora upiyona hwebetsero uye abatsira vanhu vakawanda kugamuchira chokwadi. Vanasikana vavo vari kufambira mberi pakunamata.

Jesu anotikurudzira kuti: “Rambai muchitarira, rambai makamuka.” (Mako 13:33) Usarega chimwe chinhu chichiita kuti utsimwaire pakunamata. Pane kudaro, cherechedza mazano anobatsira ari mumabhuku edu uye aunowana pamisangano, sezvakaitwa naArielle. Sezvakaitwa nemhuri yaEmmanuel, edza kuita chimwe chinhu zuva rimwe nerimwe kuti uve akagadzirira uye ‘urambe wakarinda.’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Uyu mutambo wemazuva ano wemumwe muKristu wechiduku aiomerwa nekuita zvakarurama pamberi paJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kukurukura zvekunamata mazuva ose kwakabatsira Emmanuel nemhuri yake kuti ‘vave vakagadzirira’