Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaunovaraidzwa Nazvo Zvinobatsira Here?

Zvaunovaraidzwa Nazvo Zvinobatsira Here?

Zvaunovaraidzwa Nazvo Zvinobatsira Here?

“Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.”—VAEF. 5:10.

1, 2. (a) Shoko raMwari rinoratidza sei kuti Jehovha anoda kuti tinakidzwe noupenyu? (b) Kuona nguva yokumbofurwa nemhepo ‘sechipo chaMwari’ kuchaita kuti tiitei?

MUBHAIBHERI rose, tinowana mashoko anoratidza kuti Jehovha anoda kuti tirarame uye anodawo kuti tinakidzwe noupenyu. Somuenzaniso, Pisarema 104:14, 15 inoti Jehovha anobudisa “zvokudya panyika, newaini inoita kuti mwoyo womunhuwo zvake ufare, kuti apenyese chiso nemafuta, nechingwa chinotsigira mwoyo womunhuwo zvake.” Zvechokwadi Jehovha anoita kuti zvirimwa zvikure, towana zviyo, mafuta newaini zvinotiraramisa. Asi waini inoitawo kuti ‘mwoyo ufare.’ Haikoshi zvokuti tikaishaya tingatadza kurarama, asi inoita kuti tiwedzere kufara. (Mup. 9:7; 10:19) Chokwadi Jehovha anoda kuti tinakidzwe, mwoyo yedu yakazara “nomufaro.”—Mab. 14:16, 17.

2 Saka hatifaniri hedu kunetseka kana tichimbova nenguva yokunyatsocherechedza “shiri dzokudenga” uye “maruva omusango” kana kumboitawo zvimwe zvinoita kuti tizorodzwe uye tinakidzwe noupenyu. (Mat. 6:26, 28; Pis. 8:3, 4) Upenyu hwakanaka “chipo chaMwari.” (Mup. 3:12, 13) Kuona nguva yokumbofurwa nemhepo sekachikamu kechipo ichocho kuchaita kuti tiishandise nenzira inofadza iye akatipa chipo chacho.

Zvinovaraidza Zvakawanda, Asi Zvinoda Kungwarira

3. Nei zviine musoro kurega munhu achisarudza zvaanoda kuvaraidzwa nazvo?

3 Vaya vane maonero akanaka panyaya yezvinovaraidza vanoziva kuti vakasununguka kusarudza zvavanoda asi vachingwarira. Nemhaka yei? Kuti tiwane mhinduro, ngatifungei zvinoitika panyaya yezvokudya. Zvokudya zvinofarirwa nevanhu vari munyika zvinosiyana munzvimbo nenzvimbo. Zvokudya zvinonakira vanhu vokune imwe nzvimbo zvinogona kushatira vokune imwe. Izvozvo zvakafananawo nevaraidzo, zvinonakidza vaKristu vari kune imwe nzvimbo zvinogona kusanakidza vari kune imwe. Kunyange kune vaya vomunzvimbo imwe chete, mumwe anganakidzwa nokugara zvake achiverenga bhuku, asi mumwe zvingasamunakidza; mumwe angafurwa nemhepo nokuchovha bhasikoro achiona zvakaita nyika, asi mumwe zvingatomunetesa. Asi tinobvuma kuti panyaya dzakadai sezvokudya nevaraidzo munhu akasununguka kusarudza zvaanoda.—VaR. 14:2-4.

4. Nei tichifanira kungwarira pakusarudza varaidzo? Ipa muenzaniso.

4 Zvisinei, tinozivawo kuti kuva nerusununguko rwekusarudza hakurevi kuti tinogona kuvaraidzwa nechero chatinenge tada. Funga zvakare nezvenyaya yezvokudya. Kunyange munhu angadya hake zvokudya zvakasiyana-siyana, haazodyi zvakaora achitoziva hake. Kudya zvokudya zvakadaro hakuna musoro uye kunogona kukanganisa utano. Ndizvo zvazvakaitawo nevaraidzo, kunyange tingawana zvokuzvivaraidza nazvo zvakasiyana-siyana, hatizosarudzi zvinoisa upenyu pangozi, zvokurwa, kana kuti zvine tsika dzakaora. Kunakidzwa nezvakadaro kunopesana nezvinotaurwa neBhaibheri uye kunogona kukanganisa utano hwedu uye kunamata. Kuti tive nechokwadi chokuti hativaraidzwi nezvinhu zvisina kukodzera, tinofanira kugara tasarudza kuti pazvinhu zvinotivaraidza ndezvipi zvinobatsira. (VaEf. 5:10) Tingazviita sei?

5. Tingaziva sei kuti varaidzo yedu inoenderana nezvinodiwa naMwari?

5 Kuti varaidzo itibatsire uye ifadze Jehovha inofanira kuenderana nezvinotaurwa muShoko rake. (Pis. 86:11) Kuti uone kana zviri izvo zvakaita varaidzo yaunofarira, ungada kuzvibvunza mibvunzo iri nyore. Mibvunzo yacho ndeiyi, varaidzo yacho inosanganisira chii? Inondivaraidza riini? Ndinenge ndiina ani? Ngatiikurukurei mumwe nemumwe.

Inosanganisira Chii?

6. Ndezvipi zvinhu zvatisingafaniri kuvaraidzwa nazvo, uye chikonzero chacho ndechei?

6 Usati wasarudza zvokuzvivaraidza nazvo, mubvunzo wokutanga waunofanira kuzvibvunza ndewokuti, ‘Varaidzo yacho inombosanganisira chii?’ Paunenge uchitsvaka mhinduro, zvinobatsira kugara waziva kuti kune mhando mbiri dzevaraidzo. Yekutanga haiiti zvachose, yechipiri inosiyirwa kumunhu. Mhando yacho yekutanga ndeipi? Munyika ino yakaipa varaidzo yakawanda izere nezvinhu zvinonyatsopesana nezvinotaurwa neBhaibheri kana kuti mitemo yaMwari. (1 Joh. 5:19) VaKristu vechokwadi havatombobati zvakadaro. Izvi zvinosanganisira chidhimoni, ungochani, zvinhu zvinonyadzisira, kunakidzwa nokuona vamwe vachiitirwa utsinye, kurwa kana zvimwe zvinorumbidza maitiro akaipa ounzenza. (1 VaK. 6:9, 10; verenga Zvakazarurwa 21:8.) Kana tikatambira kure nevaraidzo yakadaro, pasinei nekwatingava, tinoratidza Jehovha kuti ‘tinosema zvakaipa.’—VaR. 12:9; 1 Joh. 1:5, 6.

7, 8. Tingaongorora sei zvinotivaraidza kuti tione kuti zvakanaka? Ipa muenzaniso.

7 Mhando yechipiri inosanganisira kuvaraidzwa nezvinhu zvingasarambidzwa zvakajeka neShoko raMwari. Pakadaro, tisati tasarudza, tinofanira kunyatsotarisa kuti varaidzo yacho inoenderana nemaonero aJehovha anotaurwa muBhaibheri here. (Zvir. 4:10, 11) Tadaro tinofanira kusarudza zvichazoita kuti tisare tiine hana yakanaka. (VaG. 6:5; 1 Tim. 1:19) Tingazviita sei? Funga izvi: Tisati tadya zvokudya zvatisati tambodya, tingada kutanga taziva kuti zvakabikwa nei. Ndizvo zvatinofanira kuitawo nevaraidzo, tinoda kutanga taziva kuti yakamboita sei.—VaEf. 5:17.

8 Somuenzaniso, ungave uchifarira zvemitambo. Mitambo inogona kunakidza chaizvo. Asi zvakadini kana uchifarira mitambo nokuti ine ngozi zvakanyanya, vanhu vanenge vachikwikwidzana zvisingaite, vachikuvadzana, vachifara zvakapfurikidza uye vachitsigira nyika yavo, kana zvimwe zvakada kudaro? Paunenge waongorora zvose izvi, pamwe ungatoona kuti mitambo yacho haienderani nemafungiro aJehovha uye neshoko rorugare norudo ratinoparidzira vamwe. (Isa. 61:1; VaG. 5:19-21) Asi kana zvinokuvaraidza zvacho zvichisanganisira zvinhu zvinonzi naJehovha zvakanaka, varaidzo yakadaro ingakubatsira uye kukuzorodza.—VaG. 5:22, 23; verenga VaFiripi 4:8.

Ndinovaraidzwa Nezvinhu Izvozvo Riini?

9. Mhinduro yedu yomubvunzo wokuti, ‘Ndinowana nguva yokumbofurwa nemhepo riini’ inoratidzei?

9 Unofanira kuzvibvunzawo kuti, ‘Ndinowana nguva yokumbofurwa nemhepo riini? Ndinoda nguva yakawanda sei?’ Mhinduro yedu pamubvunzo wokuti chii? inoratidza patimire panyaya yevaraidzo, kuti yatinoti yakanaka uye yakaipa ndeipi. Asi mhinduro yomubvunzo wokuti riini? inoratidza zvatinokoshesa, zvatinoisa panzvimbo yokutanga. Saka tingaziva sei kuti tiri kuisa varaidzo panzvimbo yayo yakakodzera?

10, 11. Mashoko aJesu ari pana Mateu 6:33 anotibatsira sei kuona kuwanda kwenguva yokushandisa pavaraidzo?

10 Jesu Kristu akaudza vateveri vake kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.” (Mako 12:30) Saka kuda Jehovha ndiko kunofanira kuva pokutanga muupenyu hwedu. Tinoratidza kuti tinodaro nokuteerera murayiro waJesu wokuti: “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mat. 6:33) Mashoko iwayo angatibatsira sei kuona kuti tinokoshesa varaidzo zvakadini uye kuti inguva yakawanda zvakadini yatingashandisa?

11 Ona pfungwa iyi: Jesu akarayira kuti ‘tirambe tichitanga kutsvaka umambo.’ Haana kuti ‘tirambe tichitsvaka umambo chete.’ Zviri pachena kuti Jesu aiziva kuti hatingofaniri kutsvaka Umambo chete muupenyu asi zvimwewo zvakawanda. Tinoda pokugara, zvokudya, zvokupfeka, dzidzo, basa, varaidzo nezvimwewo. Asi pazvinhu zvose izvi zvatinenge tichitsvaka, Umambo chete, ndihwo hunouya pokutanga. (1 VaK. 7:29-31) Pfungwa iyoyo inofanira kuita kuti titsvake zvimwe zvose kusanganisira varaidzo, nenzira inoita kuti tikwanise kuita basa redu guru rine chokuita noUmambo. Kana tikadaro, varaidzo ine mwero inogona kutibatsira.

12. Pfungwa iri pana Ruka 14:28 ingashandiswa sei panyaya yevaraidzo?

12 Saka panyaya yenguva yatinoshandisa pavaraidzo, zvakanaka kuti tigare taona zvinodiwa. (Ruka 14:28) Tinofanira kuona kuti varaidzo yacho ichada nguva yakawanda sei. Tadaro, toona kuti varaidzo yacho inokosha zvinoenderana nenguva yacho here. Kana varaidzo ichizoda kuti tirege zvinhu zvinokosha zvakadai sokudzidza Bhaibheri tiri toga, kunamata semhuri, kupinda misangano yechiKristu, kana kuparidza Umambo, inenge isingakoshi. (Mako 8:36) Asi kana varaidzo ichitipa simba rokuramba tichiita basa roUmambo, tingaona kuti nguva yacho inenge yashandisirwa zviripo.

Ndinenge Ndiina Ani?

13. Nei tichifanira kungwarira patinosarudza vokushamwaridzana navo patinenge tichimbofurwa nemhepo?

13 Mubvunzo wechitatu wokuzvibvunza ndewokuti, ‘Ndinoda kumbofurwa nemhepo ndiina ani?’ Zvinokosha kufunga izvozvo. Nei tichidaro? Nokuti kana shamwari dzedu dziri shamwari dzakanaka, izvozvo zvichabatsirawo kuita kuti zvinotivaraidza zvive zvakanaka. Zvokudya zvinonaka kana uine shamwari dzakanaka. Ndizvo zvazvakaitawo nevaraidzo, inonakidza uine shamwari dzakanaka. Saka hazvishamisi kuti vakawanda vedu, kunyanya vechiduku, vanonakidzwa nevaraidzo vaine vamwe. Zvisinei, kuti tive nechokwadi chokuti tichabatsirwa, zvakanaka kugara taziva vanhu vatinoda kushamwaridzana navo nevatisingadi.—2 Mak. 19:2; verenga Zvirevo 13:20; Jak. 4:4.

14, 15. (a) Jesu akaratidza muenzaniso upi pakusarudza shamwari dzakanaka? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza panyaya yeshamwari dzedu?

14 Kutevedzera muenzaniso waJesu pakusarudza shamwari kuchatibatsira chaizvo. Kubva pakutanga, Jesu akagara achida vanhu. (Zvir. 8:31) Ari pasi pano, akaratidza kuti aida uye airemekedza munhu wese. (Mat. 15:29-37) Zvisinei, Jesu aiziva musiyano wokuva noushamwari uye kuva shamwari yepedyo. Kunyange zvazvo aiva neushamwari kuvanhu vose, aingova shamwari yepedyo yevaiita zvaaida chete. Achitaura nevaapostora vake 11 vakatendeka, Jesu akati: “Imi muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.” (Joh. 15:14; onawo Johani 13:27, 30.) Vanhu vakasarudzwa naJesu kuti vave shamwari dzake ndevaya vaimutevera uye vaishumira Jehovha.

15 Saka paunofunga kusarudza mumwe munhu kuti ave shamwari yako yepedyo, zvakanaka kufunga nezvemashoko aJesu. Zvibvunze kuti: ‘Munhu uyu anoratidza nemashoko nezviito kuti ari kuteerera mirayiro yaJehovha naJesu here? Anovenga zvakaipa uye achida zvakanaka sezvandinoita here? Kushamwaridzana naye kuchandikurudzira kutanga kutsvaka Umambo muupenyu uye kuva mushumiri akavimbika waJehovha here?’ Kana uine chokwadi chokuti mhinduro dzemibvunzo iyoyo ndihongu, unenge wawana shamwari yakanaka yokumbofurwa nemhepo muri pamwe chete.—Verenga Pisarema 119:63; 2 VaK. 6:14; 2 Tim. 2:22.

Zvinotivaraidza Zvakakodzera Here?

16. Tinofanira kuzivei panyaya yezvinotivaraidza?

16 Takurukura muchidimbu mibvunzo mitatu ine chokuita nevaraidzo inoti, yakamboita sei, yakawanda zvakadini, uye tinenge tiina vanaani? Kuti varaidzo itibatsire, inofanira kunyatsoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri pamibvunzo mitatu iyoyo. Saka, tinofanira kutanga taiongorora kuti yakakodzera here. Panyaya yekuti yakamboita sei, tinoda kuziva kuti: ‘Inombosanganisira chii? Yakanaka here kana kuti yakaipa?’ (Zvir. 4:20-27) Panyaya yokuti yakawanda zvakadini, tinoda kuziva kuti: ‘Ichada nguva yangu yakawanda zvakadini? Nguva yacho yakakodzera here?’ (1 Tim. 4:8) Uye panyaya yeshamwari, tinofanira kuona kuti: ‘Ndichange ndiina ani pandinenge ndichimbofurwa nemhepo? Shamwari dzakadaro dzakanaka here kana kuti dzakaipa?’—Mup. 9:18; 1 VaK. 15:33.

17, 18. (a) Tingaongorora sei kuti tione kana zvinotivaraidza zvichienderana nezvinotaurwa neBhaibheri? (b) Watsunga kuitei pakusarudza kwaunoita zvinokuvaraidza?

17 Kana varaidzo ikatadza kuenderana nezvinotaurwa neBhaibheri pane mumwe wemibvunzo mitatu iyoyo, inenge isina kukodzera. Asi tikava nechokwadi chokuti varaidzo yedu inoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri pamibvunzo yose mitatu iyoyo, ichaita kuti Jehovha akudzwe uye ichatibatsira.—Pis. 119:33-35.

18 Saka panyaya yezvinotivaraidza, ngatiedzei kuita zvakanaka, panguva yakakodzera uye nevanhu vakanaka. Mumwe nomumwe ngaave nechido chomwoyo wose chokuteerera zano iri reBhaibheri rokuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho, itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.”—1 VaK. 10:31.

Unogona Kutsanangura Here?

Panyaya yevaraidzo, ungashandisa sei pfungwa dziri pana . . .

VaFiripi 4:8?

Mateu 6:33?

Zvirevo 13:20?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Dhiagramu riri papeji 9]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Chii

[Dhiagramu riri papeji 10]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Riini

[Dhiagramu riri papeji 12]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Ani

[Mufananidzo uri papeji 10]

Tingatevedzera sei Jesu pakusarudza shamwari uye zvinotivaraidza?