Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Mari yaishandiswa pakuita mabasa epatemberi yaJehovha muJerusarema yaibva kupi?

Mari yaishandiswa pakuita mabasa akasiyana-siyana patemberi yaibva pamitero, kunyanya chegumi chaifanira kubviswa nemunhu wose. Asi pane mimwewo mitero yaibviswa. Somuenzaniso, panguva yaivakwa tebhenekeri, Jehovha akarayira Mosesi kuti atore hafu yeshekeri resirivha kubva kumuIsraeri mumwe nomumwe anenge anyoreswa. Mari iyi yaipiwa se“mupiro kuna Jehovha.”—Eksodho 30:12-16.

VaJudha vakatozopedzisira vava netsika yokupa mari iyi kuti vabhadhare mutero wetemberi wepagore negore. Uyu ndiwo mutero wairehwa naJesu paakati Petro atore mari mumuromo wehove aubhadhare.—Mateu 17:24-27.

Makore mazhinji akapfuura, mari mbiri dzesirivha dzaishandiswa pakubhadhara mutero wetemberi dzakafukunurwa muJerusarema. Imwe yacho yakagadzirwa kuTire muna 22 C.E., yakawanikwa mumugero wakacherwa muzana remakore rokutanga. Rimwe divi reshekeri iri raiva nemufananidzo waMelkart kana kuti Bhaari, mwari mukuru wevanhu vokuTire uye rimwe divi racho raiva negondo rakamhara kumberi kwechikepe. Imwe mari yacho yakawanikwa paungwandangwanda hwematongo etemberi uye inoratidza kuti yakagadzirwa vaJudha pavakatanga kupandukira vaRoma muna 66 C.E. kusvikira muna 67 C.E. Mari iyi ine kapu yesimbi ine tumapazi tune tumapomegraneti tutatu uyewo mashoko okuti “Hafu yeShekeri” neokuti “Jerusarema Dzvene.” Vachitaura nezvemari iyi, Muzvinafundo Gabriel Barkay vanoti ine “zviratidzo zvokuti inofanira kunge yakatsva nemoto wakaparadza Temberi Yechipiri muna 70 CE.”

Zvivako zvaMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, zvaiva zvakanaka zvakadii?

Bhuku reBhaibheri raDhanieri rine mashoko aNebhukadhinezari okuti: “Iri harisi Bhabhironi Guru, randakavaka kuti rive imba youmambo nesimba rangu guru uye nokuda kwokukudzwa kwouchangamire hwangu here?” (Dhanieri 4:30) Guta iri rakanga rakakura zvechokwadi here?

Vanyori venyaya dzakaitika kare vanoti Nebhukadhinezari akavaka temberi dzakawanda, dzimba dzemadzimambo, masvingo eguta, uye bindu rakanakisisa. Temberi huru yaiva pakati peBhabhironi yaiva neshongwe yaigona kunge yakareba mamita 70 kuenda mudenga. Zvisinei, bhuku rinonzi Babylon—City of Wonders rinoti: “Basa guru rinonyanya kuzivikanwa rakaitwa naNebhukadhinezari nderokugadzira mugwagwa wainzi Processional uye gedhi rainzi Ishtar.” Mugwagwa weProcessional waipfuura nepagedhi reIshtar uye mumativi mawo makanga makashongedzwa nemifananidzo yeshumba dzaiita sedziri kufamba. Bhuku racho parinotaura nezvegedhi reguta racho iro rainyanya kushandiswa nevaBhabhironi, rinoti: “Rakanga rakavakwa nezvidhinha zvaiva noruvara rwaiyevedza, riine mifananidzo yenzombe nemadhiragoni zvokuti munhu aishanyira guta racho aisazombokanganwa zvaainge aona.”

Pakutanga kwezana remakore rechi20, vanochera matongo vakafukunura zvisaririra zvemugwagwa weProcessional negedhi reIshtar vachibva vazvishandisa pakuvakazve zvinhu izvi mumiziyamu yePergamon muBerlin, kuGermany.

[Mifananidzo iri papeji 12]

Mari yacho

[Kwazvakatorwa]

Pamusoro: Clara Emit, Courtesy of Israel Antiquities Authority; pasi: Zev Radovan

[Mufananidzo uri papeji 12]

Gedhi reIshtar rakavakwazve