Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Itai Zvinoita Kuti Muve Vanhu Vomudzimu Somurume Nomudzimai

Itai Zvinoita Kuti Muve Vanhu Vomudzimu Somurume Nomudzimai

Simba * anoti: “Tichangoroorana, ndaisimbirira kuti ini nomudzimai wangu tidzidze Bhaibheri pamwe chete. Ndaida kuti Chido aise pfungwa dzake dzose pane zvataidzidza. Asi zvaiita sokuti aisakwanisa kugarisika. Pandaimubvunza mibvunzo, aingoti ehe kana kuti aiwa. Mhinduro dzake dzakanga dzisingaenderani nezvandaifunga kuti ndizvo zvinofanira kuitwa kana tichidzidza Bhaibheri.”

Chido anoti: “Ndakaroorwa naSimba ndiine makore 18. Taigara tichidzidza Bhaibheri pamwe chete, asi pose pataidzidza, Simba aitoti ndazviwanirapo odonongodza zvose zvandaikanganisa uye pandaifanira kuvandudza somudzimai. Zvaindiodza mwoyo uye zvaindirwadza chaizvo!”

UNOFUNGA kuti dambudziko raSimba naChido raiva rei? Vavariro dzavo dzaiva dzakanaka. Vose vaida Mwari. Uye vose vaiziva kuti zvinokosha kuti vadzidze Bhaibheri pamwe chete. Asi chinhu chaifanira kuita kuti vawirirane chinenge chaitoita kuti vanetsane. Vaidzidza havo pamwe chete, asi vakanga vasiri kuita zvaiita kuti vasimbe mumudzimu, kureva kuti pakunamata.

Kusimba mumudzimu, kureva kuti pakunamata, kuita sei? Sei vakaroorana vachifanira kuvavarira kuti vasimbe pakunamata? Matambudziko api avangasangana nawo, uye vangaakurira sei?

Kuva Vanhu Vomudzimu Kuita Sei?

Mashoko okuti “munhu womudzimu” anoshandiswa muBhaibheri anoreva maonero atinofanira kuva nawo muupenyu. (1 VaKorinde 2:15) Somuenzaniso, mumwe munyori weBhaibheri anonzi Pauro anoratidza musiyano womunhu akasimba pakunamata nomunhu anoda zvenyama. Pauro anoti vaya vanofarira zvenyama vanonyanya kuzvifunga ivo pane kufunga vamwe. Vanoita zvakavanakira ivo, pane kuedza kurarama zvinoenderana nemitemo yaMwari.—1 VaKorinde 2:14; VaGaratiya 5:19, 20.

Kusiyana neizvi, vaya vakasimba pakunamata vanokoshesa mitemo yaMwari. Vanoona Jehovha Mwari seShamwari yavo voedza kutevedzera unhu hwake. (VaEfeso 5:1) Saka vane rudo nemutsa uye vanobata vamwe nounyoro. (Eksodho 34:6) Vanoteerera Mwari kunyange pazvinenge zvakavaomera. (Pisarema 15:1, 4) Darren, anogara kuCanada uye ava nemakore 35 akaroora anoti, “Manzwisisiro andinozviita ndeokuti munhu akasimba pakunamata anogara achifunga kuti zvaanotaura uye zvaanoita zvichaita kuti ushamwari hwake naMwari husare hwava papi.” Mudzimai wake anonzi Jane anowedzera kuti: “Ndinofunga kuti mukadzi akasimba pakunamata ndouya anoedza kuti zuva nezuva unhu hwake huratidze chibereko chomudzimu waMwari.”—VaGaratiya 5:22, 23.

Hazvirevi hazvo kuti munhu anofanira kuroora kana kuroorwa kuti azosimba pakunamata. Bhaibheri rinototi munhu oga oga anofanira kudzidza nezvaMwari omutevedzera.—Mabasa 17:26, 27.

Sei Muchifanira Kuita Zvinoita Kuti Musimbe Mumudzimu?

Saka sei murume nomudzimai vachifanira kushanda pamwe chete kuti vasimbe pakunamata? Chimbofunga nezvomuenzaniso uyu: Pane vanhu vaviri vane gadheni ravo ravari kuda kurima miriwo. Mumwe anosarudza kudyara mbeu mune mumwe mwaka, asi mumwe wacho anofunga kuti dzinofanira kuzodyarwa pava paya. Mumwe anoda kushandisa fetiraiza yorumwe rudzi, asi mumwe anotsika madziro achiti zvichangozvikurira zvoga. Mumwe anoda kushanda nesimba mugadheni racho zuva roga roga asi mumwe anongogara zvake akapeta maoko, pane kuti ashande. Pakadaro, chokwadi gadheni racho ringava nezvibereko, asi harizobereki zvakawanda sezvaraizoita dai vanga vaisa misoro pamwe chete kuti vakohwe pakuru.

Murume nomudzimai vakaita sevanhu vaya vari kurima gadheni. Kana mumwe wavo akaita zvinhu zvinoita kuti asimbe pakunamata, ukama hwavo hungangovandudzika. (1 Petro 3:1, 2) Asi zvaizonyanya kunaka dai vose vaizobvumirana kurarama zvinoenderana nemitemo yaMwari voshanda nesimba kuti vatsigirane pavanenge vachishumira Mwari! Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete.” Nemhaka yei? “Nokuti vane mubayiro wakanaka pabasa ravo rakaoma. Nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.”—Muparidzi 4:9, 10.

Iwewo ungadaro uine chido chokuita zvinhu zvinobatsira iwe nowawakaroorana naye kuti musimbe pakunamata. Asi kungofanana nebasa romugadheni, chido choga hachizoiti kuti pave nezvinobuda. Ngatikurukurei matambudziko maviri amungatarisana nawo uye kuti mungaakurira sei.

DAMBUDZIKO 1: Nguva yacho hatisi kumboiwana isu.

Ruvimbo, uyo achangobva kuroorwa, anoti: “Murume wangu anonditora kubasa na7:00 manheru. Patinosvika kumba, mabasa ose epamba anenge akatimirira. Pfungwa dzedu dzinenge dzichitiudza kuti tinofanira kuwana nguva yokudzidza nezvaMwari pamwe chete, asi nyama inenge ichida zvokuzorora.”

Zvingangokubatsirai: Itai zvinoenderana nezviripo uye shandai pamwe chete. Ruvimbo anoti: “Ini nomurume wangu takasarudza kumuka mangwanani toverenga nokukurukura chikamu cheBhaibheri pamwe chete tisati taenda kubasa. Anondibatsirawo kuita mamwe mabasa epamba kuitira kuti ndiwane mukana wokuva naye.” Zvavakaita izvi zvakavabatsirei? Taurai, murume waRuvimbo anoti: “Ndakaona kuti ini naRuvimbo patinogara tichikurukura nyaya dzokunamata pamwe chete, zvinova nyore kugadzirisa matambudziko uye kukurira kuzvidya mwoyo.”

Kuwedzera pakuwana nguva yokutaura mose, zvinokosha kuti mumbowana nguva yokunyengetera pamwe chete zuva nezuva. Izvozvo zvinobatsirei? Ryan ava nemakore 16 akaroora anoti: “Nguva pfupi yapfuura, mumba medu makanga musisina chakanaka. Asi tainyengetera pamwe chete usiku hwoga hwoga tichitaurira Mwari zvaitinetsa. Izvi ndizvo zvakatibatsira kugadzirisa matambudziko edu uye kuti tifare sezvataimboita.”

EDZA IZVI: Panopera zuva roga roga wanai maminitsi mashoma okuti mukurukure zvinhu zvakanaka zvaitika kwamuri zvingaita kuti mutende Mwari. Tauraiwo matambudziko amuri kusangana nawo amunoda kuti Mwari akubatsirei kuakunda. Ngwarira kuti usashandisa nguva iyi kudonongodza zvinokanganiswa nomumwe wako. Pamunonyengetera kuna Mwari pamwe chete, ingotaurai nyaya dzamunenge muchifanira kugadzirisa mose. Zuva rinotevera, itai zvinoenderana nezvamakanyengeterera.

DAMBUDZIKO 2: Zvatinokwanisa kuita zvakasiyana.

“Handisi munhu anofarira zvokuverenga,” anodaro Farai. Mudzimai wake Rumbidzai anoti: “Ndinozofarira zvokuverenga, uye ndinonakidzwa nokutaura zvandinenge ndaverenga. Dzimwe nguva patinokurukura nyaya dzomuBhaibheri, ndinoona sokuti Farai anopedzisira ava kuona sokuti haazivi chinhu.”

Zvingangokubatsirai: Tsigiranai, musakwikwidzana kana kufungirana zvisizvo. Udza mumwe wako kuti unoonga zvaanoita uye mukurudzire kuti arambe achiita zvakanaka pakushumira Jehovha. Farai anoti: “Dzimwe nguva shungu dzomudzimai wangu dzokutaura nezvenyaya dzeBhaibheri dzinomboti nyanyisei, uye kare ndakanga ndisingadi kukurukura naye zvinhu zvokunamata. Zvisinei, Rumbidzai anonditsigira chaizvo. Iye zvino tinogara tichikurukura zvinhu zvokunamata pamwe chete, uye ndakazoona kuti hapana chokutya. Ndava kunakidzwa nokutaura naye nyaya idzi. Zviri kutibatsira kunzwa takasununguka uye takadekara somurume nomudzimai.”

Vakawanda vakaona kuti wanano yavo inovandudzika pavanoronga nguva yokuti vhiki yoga yoga vaverenge nokudzidza Bhaibheri pamwe chete. Zvisinei, taura kuti mazano amunenge mawana angashanda sei kwauri, kwete kune mumwe wako. (VaGaratiya 6:4) Nyaya dzingangoita kuti mukakavadzane dzikurukurei pane imwe nguva, kwete pamunenge muchidzidza. Nemhaka yei?

Chimbofunga izvi: Ungasunga ronda rava kunyenga panguva yamunenge muchidya semhuri here? Haungambodaro nokuti ungatadzisa munhu wose kudya. Jesu akati kudzidza zvinodiwa naMwari uye kuzviita kwakafanana nokudya. (Mateu 4:4; Johani 4:34) Kana ukataura nezvemaronda omumwoyo pose pamunovhura Bhaibheri, ungaita kuti mumwe wako agume asingachadi kudya Shoko raMwari. Ndizvo hazvo kuti matambudziko anofanira kukurukurwa. Asi ngazviitwe pane imwe nguva.—Zvirevo 10:19; 15:23.

EDZA IZVI:Nyora pasi unhu huviri kana hutatu hwomumwe wako hwaunonyanya kuyemura. Pamunozokurukura nyaya dzine chokuita nokunamata dzinorerekera kuunhu ihwohwo, muudze kuti unofarira chaizvo maratidzire aanohuita.

Unokohwa Chaunodyara

Kana mukadyara, kana kuti kuita zvinhu zvinoita kuti musimbe pakunamata somurume nomudzimai, munopedzisira mava nemufaro uye runyararo. Shoko raMwari rinotovimbisa kuti “zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

Simba naChido, vaya vataurwa patangira nyaya ino, vakazoona kuti mashoko eBhaibheri achangobva kutaurwa ndeechokwadi. Havana kukanda mapfumo pasi saka vava nemakore 45 vakaroorana. Simba anoti: “Ndaiwanzonenera mudzimai wangu kuti ndiye anoita kuti titadze kukurukurirana. Asi nokufamba kwenguva ndakazoona kuti iniwo ndaifanira kuedza zvose zvandaigona.” Chido anoti: “Chakanyatsotibatsira kukunda matambudziko ndechokuti tose taida Jehovha Mwari. Mumakore ose aya, tanga tichidzidza uye kunyengetera pamwe chete. Pandinoona Simba achiedza kuvandudza pakuratidza unhu hwechiKristu, zvinova nyore kuti ndimude.”

^ ndima 3 Mazita akachinjwa.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Takapedzisira rini kunyengetera somurume nomudzimai?

  • Chii chandingaita kuti ndikurudzire mumwe wangu kuti asununguke kutaura neni nyaya dzokunamata?