Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?

Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Nei tichifanira kuteerera Mwari?

Zvakakodzera kuti titeerere Mwari nokuti ndiye akatisika. Kunyange Jesu aigara achiteerera Mwari. (Johani 6:38; Zvakazarurwa 4:11) Tinoratidza kuti tinoda Mwari patinoteerera mitemo yake.—Verenga 1 Johani 5:3.

Mitemo yose yaJehovha Mwari inotibatsira. Inotidzidzisa mararamiro akanakisisa atingaita iye zvino, yotiratidza zvatingaita kuti tizowana makomborero asingaperi mune remangwana.—Verenga Pisarema 19:7, 11; Isaya 48:17, 18.

2. Mitemo yaMwari inotibatsira sei pautano hwedu?

Mutemo waMwari unorambidza kudhakwa unotidzivirira pakubatwa nezvirwere zvinouraya nepatsaona. Udhakwa hunopinda muropa hwoita kuti munhu aite zvinhu zvoupenzi. (Zvirevo 23:20, 29, 30) Jehovha haarambidzi hake kuti vanhu vanwe doro asi anoda kuti vanwe zvine mwero.—Verenga Pisarema 104:15; 1 VaKorinde 6:10.

Jehovha anotinyeverawo kuti tisava neshanje nehumwe unhu husina kunaka uye tidzore hasha. Kana tikashandisa mazano aya, tichava neutano hwakanaka.—Verenga Zvirevo 14:30; 22:24, 25.

3. Mutemo waMwari ungatidzivirira sei?

Mutemo waMwari unorambidza vanhu vasina kuroorana kuti varare vose. (VaHebheru 13:4) Vakaroorana pavanoteerera mutemo uyu, zvinoita kuti vanzwe vasina chokutya uye zvinoita kuti pamba panakidze vana. Asiwo kana vakaita gumbo mumba gumbo kunze zvinowanzoguma nezvirwere, kurambana, kurwisana, kushungurudzika uye mhuri dzine mubereki mumwe.—Verenga Zvirevo 5:1-9.

Patinorega kuita zvinhu zvingaita kuti tipedzisire tarara nemunhu watisina kuroorana naye, tinoramba tiine ushamwari naMwari. Zvinoitawo kuti tisarwadzisa vamwe.—Verenga 1 VaTesaronika 4:3-6.

4. Kuremekedza upenyu kunotidzivirira sei?

Vanhu vanoremekedza chipo chaMwari choupenyu vanova noutano hwakanaka pavanorega kuita zvinhu zvakadai sokusvuta nezvimwewo zvinoisa upenyu pangozi. (2 VaKorinde 7:1) Mwari anotokoshesa kunyange upenyu hwemwana achiri mudumbu raamai vake. (Eksodho 21:22, 23) Saka hatifaniri kuuraya nemaune mwana asati aberekwa. Uyewo, vaya vanoziva maonero anoita Mwari upenyu, vanotora matanho okuzvidzivirira kubasa, pamba uye pakufamba nemotokari. (Dheuteronomio 22:8) Uyewo havaiti mitambo inoisa upenyu hwavo pangozi nokuti upenyu chipo chinobva kuna Mwari.—Verenga Pisarema 36:9.

5. Tinobatsirwa sei noutsvene hweropa?

Ropa idzvene nokuti Mwari anoti rinomirira upenyu kana kuti mweya wechinhu. (Genesisi 9:3, 4) Tinobatsirwa nomutemo waMwari uyo unoti ropa rinokosha sezvinongoitawo upenyu. Sei zvakadaro? Mutemo iwoyo unoita kuti tigone kukanganwirwa zvivi.—Verenga Revhitiko 17:11-13; VaHebheru 9:22.

Ropa raJesu rainyanya kukosha nokuti aiva munhu asina zvivi. Jesu akapa Mwari ropa rake sechinhu chaimiririra upenyu hwake. (VaHebheru 9:12) Ropa rake rakateurwa rinoita kuti tigone kuwana upenyu husingaperi.—Verenga Mateu 26:28; Johani 3:16.

Kuti unzwe zvakawanda, ona zvitsauko 12 ne13 zvebhuku iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.