Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanababa Vangaramba Sei Vari Shamwari Dzevanakomana Vavo?

Vanababa Vangaramba Sei Vari Shamwari Dzevanakomana Vavo?

Vanababa Vangaramba Sei Vari Shamwari Dzevanakomana Vavo?

“BABA, sei muchiziva zvinhu zvakawanda kudaro?” Wakamboshamisika here mwanakomana wako paakakubvunza mubvunzo iwoyo? Pamwe wakabva wamera zenze. Pamwe wakatozonyanya kufara pawakaona mwanakomana wako achifambirwa nezvinhu mushure mokunge ashandisa mazano awakanga wamupa. *Zvirevo 23:15, 24.

Zvisinei, nokupindana kwakaita makore, mwanakomana wako achiri kukuyemura here sezvaaiita kana kuti nokukura kwaari kuita zvava kuitawo zvichipera? Ungaramba sei uine ushamwari nemwanakomana wako paanoyaruka achiva murume? Ngatimbotangai nokukurukura mamwe matambudziko anosangana navanababa.

Matambudziko Matatu Avanowanzosangana Nawo

1. KUSHAYA NGUVA: Munyika dzakawanda, vanababa ndivo vanowanzoshanda kuti variritire mhuri. Kazhinji basa rababa rinoita kuti vaswere vasiri pamba. Mune dzimwe nyika vanababa vanowanzopedza nguva shomanene kwazvo nevana vavo. Imwe ongororo ichangobva kuitwa kuFrance inoratidza kuti pazuva baba vanogona kungopedza maminitsi asingasviki 12 nevana vavo.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO: Unopedza nguva yakawanda zvakadini nemwanakomana wako? Kwevhiki imwe kana mbiri dzinotevera, wadii kumbonyora pasi nguva yauchapedza uchikurukura nemwanakomana wako zuva roga roga? Zvauchawana zvingatokurovesa nehana.

2. KUSHAYA MUENZANISO WAKANAKA WOKUTEVEDZERA: Vamwe varume havana kumbonyatsoziva vanababa vavo. “Ndaisambowana nguva yokutaura nababa vangu,” anodaro Jean-Marie, anogara kuFrance. Izvi zvakamukanganisa sei? Anoti: “Zvakakonzera matambudziko andaisambofungira. Somuenzaniso, ndinoomerwa nokutaura nyaya dzine musoro nevanakomana vangu.” Vamwewo varume vaizivana nanababa vavo asi vasina ushamwari hwepedyo. Philippe ane makore 43 anoti: “Baba vangu vaiva vakaomerwa nokuita zvinhu zvakaita sokundimbundira. Saka kwandiri ibasa chairo kuti ndiratidze mwanakomana wangu kuti ndinomuda saizvozvo.”

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO: Unoona sokuti zvawaiita nababa vako ndizvo zvawava kuita nomwanakomana wako here? Unombotevedzera zvakanaka kana kuti zvakaipa zvaiitwa nababa vako here? Zvinoitika sei?

3. KUSHAYA MAZANO AKANAKA: Dzimwe tsika dzinorerutsa basa rababa pakurera vana. Luca, akakurira kumadokero kweEurope anoti: “Kwandakakurira, vanhu vaiona sokuti kutarisira vana ibasa raamai.” Dzimwe tsika dzinoti vanababa ndevekungoranga vana chete. Somuenzaniso, George akakurira mune imwe nyika iri muno muAfrica anoti: “Mutsika dzedu, vanababa havatambi nevana vavo nokuti zvinonzi vangazojairirwa nevana. Saka zvinondiomera chaizvo kungotamba nemwanakomana wangu.”

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO: Kwamunogara, vanababa vanotarisirwa kuti vaite sei? Vanodzidziswa kuti zvokurera vana ndezvanaamai chete here? Vanokurudzirwa kuti varatidze rudo kuvanakomana vavo nokuita zvinhu zvakaita sokuvambundira here kana kuti zvinoonekwa sezvisingaiti?

Kana uri baba vari kutarisana nemamwe ematambudziko aya, ungaita sei kuti uakunde? Chimboongorora mazano anotevera.

Tanga Mwanakomana Wako Achiri Mudiki

Zvinoita sokuti zvingori muropa kuti vanakomana vatevedzere vanababa vavo. Saka shandisa zvakanaka mukana wacho mwanakomana wako paanenge achiri muduku. Ungazviita sei? Mungawana sei mukana wokuti muve mose?

Kana zvichiita, shanda nemwanakomana wako. Somuenzaniso, paunenge uchiita mabasa epamba, ngaakubatsire. Kana uchitsvaira, mupewo kamutsvairo, kana uchitimba, mupewo kapadza. Zviri pachena kuti achanakidzwa nokushanda newe semunhu waanovimba naye uye waanoda kutevedzera pane zvose. Zvingakutorera nguva yakati rebei kuti upedze mabasa iwayo, asi unenge uchitosimbisa ushamwari hwenyu uye unenge uchimudzidzisa kuti ashande nesimba. Vanababa vekare vaikurudzirwa neBhaibheri kuti vave nevana vavo pavaiita mabasa avo uye kuti vashandise nguva iyoyo kukurukura navo uye kuvadzidzisa. (Dheuteronomio 6:6-9) Nanhasi zano iroro richiri kushanda.

Hazvifaniri kungoperera pakuita mabasa asi unofanirawo kuwana nguva yokutamba nomwanakomana wako. Kutamba hakungoiti kuti munakidzwe chete. Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanababa pavanotamba nevana vavo vanovakurudzira kuti vave noushingi hwokuita zvinhu zvavasati vamboita muupenyu uye vave nechivindi.

Pane zvimwe zvakatonyanya kunakira kuti baba vatambe nemwanakomana wavo. Imwe nyanzvi inoongorora magariro evanhu inonzi Michel Fize inoti: “Mwanakomana paanenge achitamba nababa vake ndipo paanonyatsosununguka kutaura navo.” Pavanenge vachitamba nemwanakomana wavo, baba vanogona kuratidza kuti vanomuda nezvavanotaura uye zvavanoita. Izvozvo zvinenge zvichitodzidzisa mwana wavo kuti angaratidzawo sei rudo. André, vamwe baba vanogara kuGermany vanoti: “Mwanakomana wangu paaiva muduku, taigara tichitamba tose. Ndaimumbundira uye iye akazopedzisira ava kundimbundirawo.”

Baba vanogonawo kusimbisa kudanana kwavanoita nemwanakomana wavo panguva dzokunorara. Panguva idzi, garai muchimuverengera nyaya uye muteererei paanenge achirondedzera zvinhu zvamufadza uye zvamudya mwoyo zuva iroro. Kana mukaita izvozvo, achanzwa akasununguka kugara achikurukura nemi sezvaanenge achikura.

Rambai Muchiita Zvinhu Zvamunofarira Mose

Vanababa pavanoedza kutaura navo, vamwe vakomana vachiri kuyaruka vangaita sevasiri kuda zvokutaura navo. Kana mwanakomana wako akaita seasiri kuda kupindura mibvunzo yako, usafunga kuti haatombodi zvokutaura. Pamwe angazonzwa akasununguka kutaura newe kana ukachinja matauriro aunoita naye.

Jacques, vamwe baba vanogara kuFrance, dzimwe nguva zvinovaomera kutanga kutaura nemwanakomana wavo, Jérôme. Pane kumanikidza mwana wake kuti ataure, Jacques akasandura maitiro. Akatanga kutamba naye bhora. Jacques anoti: “Tapedza kutamba bhora, taigara pasi tombozorora zvishoma. Panguva iyoyo mwanakomana wangu ndipo paaitaura zviri pamwoyo pake. Ndakaona kuti ushamwari hwangu naye hwakasimbiswa chaizvo nokuti aiziva kuti ndaizowana nguva yokutamba naye tiri toga.”

Ko kana mwanakomana wako asingafariri zvemitambo? André anonyatsoyeuka nguva yavaipedza vachiyevedzwa nokuona nyeredzi nemwanakomana wake. André anoti: “Taiwanzoisa macheya panze usiku kuchitonhora. Taipfeka zvinodziya tonwa zvedu tii tichiyevedzwa nedenga totaura nezvemusiki wenyeredzi. Taitaura nezveupenyu hwedu pasina chaisara.”—Isaya 40:25, 26.

Ko kana usingafariri kuita zvimwe zvinhu zvinodiwa nemwana wako? Pakadaro ungatofanira kurega zvinhu zvaunoda woita zvaanofarira. (VaFiripi 2:4) Ian anogara kuSouth Africa anoti: “Ndainyanya kufarira zvemitambo kupfuura zvaiitwa nemwanakomana wangu Vaughan. Iye aifarira ndege nemakombiyuta. Ndakatangawo kufarira zvinhu izvozvo, ndichienda naye kwaiitwa mitambo yokutyaira ndege uye kutamba naye mitambo yacho pakombiyuta. Kunakidzwa kwataiita tichitamba tose ndiko kwaiita kuti Vaughan ataure neni akasununguka.”

Ita Kuti Awedzere Chivimbo Chake

“Baba, onai!” Mwanakomana wako akambokuudza kudaro here paakagona kuita zvimwe zvinhu? Iye zvino zvaava kuyaruka, achiri kuda kunzwa kuti unoti chii pane zvaanoita here? Pamwe handizvo zvaachiri kuita. Asi kuti azokura ari murume kwaye, anotofanira kugara achinzwa uchimurumbidza.

Chimboona kuti Jehovha Mwari akaratidza muenzaniso wakadii pane zvaaiita nemumwe wevanakomana vake. Jesu paakanga ava kuda kutanga danho rinokosha muupenyu hwake pano pasi, Mwari akataura pachena kumuda kwaaiita achiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mateu 3:17; 5:48) Ichokwadi kuti une basa rokudzidzisa uye kuranga mwanakomana wako. (VaEfeso 6:4) Asi unombomurumbidzawo here pane zvakanaka zvaanenge aita kana kutaura?

Vamwe varume vanoomerwa nokurumbidza uye kuratidza rudo kuvana vavo. Zvimwe vakakurira mumhuri dzaiva nevabereki vaingoti nanga-nanga nezvikanganiso zvevamwe kwete zvavanenge vagonawo. Kana zvirizvo zvakaitika kwauri, unotofanira kusunga dzisimbe kuti mwana wako aone kuti unofarira zvaanenge aita. Ungazviita sei? Luca ambotaurwa, anogara achiita mabasa epamba nemwanakomana wake ane makore 15 anonzi Manuel. Luca anoti: “Dzimwe nguva ndinoudza Manuel kuti aite rimwe basa ari oga uye kuti ndinozomubatsira kana ava kuda kubatsirwa. Kazhinji anogona kuita basa racho ari oga. Izvozvo zvinomufadza uye zvinoita kuti awedzere kuva nechivimbo. Paanoita basa rake nemazvo, ndinomurumbidza. Ndinomutendawo kunyange paya paanenge atadza kuita sezvaaifanira kuita chaizvo.”

Unogonawo kuita kuti mwanakomana wako awedzere chivimbo chake kana ukamubatsira kuti aite zvinangwa zvakakura muupenyu. Zvakadini kana achinonoka kuita zvinangwa zvacho? Ko kana zvinangwa zvake zvisina kuipa hazvo asi zvakasiyana nezvaunoda kuti aite? Pakadaro pamwe unofanira kumboongororazve zvauri kumutarisira kuti aite. Jacques ambotaurwa anoti: “Ndinoedza kubatsira mwanakomana wangu kuti ave nezvinangwa zvaanokwanisa kuita. Ndinoedza kuti aite zvaanoda iye, kwete zvandinoda ini. Handizomuudzi kuti anofanira kuita zvinangwa zvacho rini. Kana ukateerera pfungwa dzemwanakomana wako, ukamurumbidza pane zvaanenge agona uye ukamukurudzira kuti akunde matambudziko aanosangana nawo, uchaita kuti azadzise zvinangwa zvake.

Kutaura chokwadi, muchambotadza kuwirirana uye muchasangana nematambudziko muushamwari hwenyu. Asi zviri pachena kuti mwanakomana wako achada kuramba ari pedyo newe. Hapana munhu asingadi kushamwaridzana nemunhu anoda kumubatsira kuti zvinhu zvimufambire zvakanaka.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Kunyange zvazvo nyaya ino ichinyanya kutaura nezvekuwirirana kunoita vanababa nevanakomana vavo, mazano ainotaura anoshandawo paushamwari hwavanababa nevanasikana vavo.