Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki Vanofanira Kudzidzisa Vana Vavo Nezvebonde Here?

Vabereki Vanofanira Kudzidzisa Vana Vavo Nezvebonde Here?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Vabereki Vanofanira Kudzidzisa Vana Vavo Nezvebonde Here?

▪ Vabereki vakawanda vanoshanda nesimba kuti vadzivirire vana vavo pazvirwere zvakaipisisa. Vabereki vanofanirawo kuita saizvozvo kuti vadzivirire vana vavo patsika dzakaipa. Imwe nzira yokuita izvi ndeyokuvadzidzisa zvinhu zvakakodzera nezvebonde. (Zvirevo 5:3-23) Kuvadzidzisa tsika dzakanaka kunokosha zvakanyanya mazuva ano, nokuti zvinhu zvakadai seIndaneti, TV, mabhuku uye mitambo yokusetsa vanhu zvava kuburitsa vanhu vachitonyatsoita zvepabonde.

Mumwe munyori wenyaya uye muzvinafundo anonzi Diane Levin akati: “Dambudziko harisi pakuti vana vedu vari kudzidza nezvebonde, asi pane zvavari kudzidza zvacho, zera ravari kuzvidzidza vari uye ari kuvadzidzisa wacho. Vana vari kuwana mashoko akaipisisa uye anokuvadza kubva kuvanhu vanoshambadzira zvepabonde uye kuzvinhu zvinobudisa mashoko.”

Vabereki vanofanira kudzivirira vana vavo kuti vasawana mashoko asiriwo uye ounzenza ari kuodza tsika dzevanhu. (Zvirevo 5:1; VaEfeso 6:4) Vana vaduku vanofanira kuziva mashandiro anoita miviri yavo, kuti vanofanira kuitarisira sei, uye kuti vangazvidzivirira sei pavanhu vanoda zvounzenza. Musikana asati asvika zera rokuyaruka, anofanira kuziva nezvekuchinja kuchaita muviri wake uye anofanira kunzwisisa kuti nei achizotanga kutevera uye kuti zvichange zvichizofamba sei. Mukomana anofanirawo kugara aziva nezvokuzvirotera. Vana pavanenge vachiri vaduku, vabereki vanogona kutanga kuvadzidzisa mazita chaiwo enhengo dzakavandika. Vabereki vane rudo vanodzidzisa vana vavo zvinhu zvitatu zvinokosha nezvenhengo idzi, zvinoti: (1) dzinokosha uye dzakavandika, (2) havafaniri kutaura zvakaipa nezvadzo, uye (3) hadzifaniri kubatwa-batwa nevamwe vanhu kana kuti kuratidzwa vamwe vanhu. Vana pavanenge vachikura, vabereki vanofanira kuziva nguva yokuzovatsanangurira kuti munhukadzi anobata sei pamuviri. *

Vabereki vanofanira kuzotanga rini kudzidzisa vana vavo nyaya idzi? Vanofanira kukurumidza kupfuura zvinofungwa nevakawanda. Musikana anogona kutanga kutevera aine makore 10 kana kuti asati atoasvitsa. Mukomana anogona kutanga kuzvirotera achine makore 11 kana 12. Zviitiko izvi zvinochinja upenyu zvinogona kuvhiringidza vana chaizvo kana vasinganzwisisi zviri kuitika. Vana vanofanira kuudzwa pachine nguva kuti kuchinja kwakadaro kuri kuitika mumiviri yavo kunongoitika kumunhu wose. Iyi ndiyo zvakare nguva yokuvabatsira kunzwisa kukosha kwokuteerera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzetsika, izvo zvisingamboitwi nezvirongwa zvakawanda zvinoti zvinodzidzisa nezvebonde.—Zvirevo 6:27-35.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Vabereki vanogona kuwana mashoko anobatsira panyaya idzi mumabhuku anotevera akabudiswa neZvapupu zvaJehovha: Mukai! yaJuly 2006 munyaya inoti “Kugadzirira Mwanasikana Wako Kutanga Kutevera,” mapeji 10 kusvika ku13; Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, chitsauko 6, “Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?”; uye Nharireyomurindi yaNovember 1, 2010, “Mazano Okuti Mhuri Ifare—Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde,” mapeji 12 kusvika ku14.