Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kununurwa paVira roMoto!

Kununurwa paVira roMoto!

Zvevechiduku

Kununurwa paVira roMoto!

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Shadreki, Misheki, Abhedhinego uye Nebhukadhinezari

Nyaya yacho muchidimbu: Kutenda kwevaHebheru vaduku vatatu kunoedzwa.

ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA DHANIERI 3:1-30.

Rondedzera kuti uri kunzwa ruzha rwakaita sei pauri kuverenga ndima 3 kusvika ku7.

․․․․․

Rondedzera zvaunofunga kuti ndizvo zvakaita vira romoto.

․․․․․

Unofunga kuti Nebhukadhinezari ari kunzwa sei sezvaanodanidzira murayiro wokuti vira rikuchidzirwe nekanomwe kupfuura zvaraigara richiitwa? (Verengazve ndima 19 ne20.)

․․․․․

Rondedzera zvaunofunga kuti ndizvo zvakaita murume wechina ari muvira romoto. (Verengazve ndima 24 ne25.)

․․․․․

Unhu hupi hunoratidzwa naShadreki, Misheki naAbhedhinego pavanenge vachitaura naNebhukadhinezari mundima 16 kusvika ku18?

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Uchishandisa zvokutsvakurudza zvaunazvo, tsvaka kuti kubhiti rakareba sei, wobva waona kuti chifananidzo chaNebhukadhinezari chakanga chakakura zvakadii. (Verengazve ndima 1.)

․․․․․

Paunoenzanisa zviri mundima 19 ne20 nezviri mundima 28 ne29, unofungidzira kuti Nebhukadhinezari munhu akaita sei?

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Kuremekedza vaya vane masimba.

․․․․․

Zvakanakira kuomerera pane zvaunotenda.

․․․․․

Kutsigira kunoita Jehovha patinenge tichiedzwa.

․․․․․

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Mamiriro api ezvinhu angaedza kutenda kwako?

․․․․․

Nyaya yaShadreki, Misheki naAbhedhinego ichakubatsira sei kuramba wakatendeka?

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana usina Bhaibheri, kumbira zvapupu zvaJehovha, kana kuti verenga paIndaneti www.watchtower.org