Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Usavimba Nokunzwisisa Kwako’

‘Usavimba Nokunzwisisa Kwako’

‘Usavimba Nokunzwisisa Kwako’

“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako.”—ZVIR. 3:5.

1, 2. (a) Tingasangana nemamiriro ezvinhu akaita sei? (b) Tinofanira kuvimba naani kana tichishungurudzika, tichida kuita zvisarudzo zvinokosha, kana kuti tichida kukunda miedzo uye nei tichifanira kudaro?

MUNHU anoshandirwa naCynthia * akatotanga kuvhara kambani yake uye akatomisa basa vamwe vashandi vakawanda. Cynthia anofunga kuti ndiye achatevera. Achaita sei kana basa rikapera? Achawana kupi mari yokubhadhara zvinodiwa? Imwe hanzvadzi inonzi Pamela inoda kutamira kunodiwa vazivisi voUmambo vakawanda asi inofunga kuti yoenda here. Mumwe mukomana anonzi Samuel ane dambudziko rakatosiyana. Akatanga kuona zvinonyadzisira achiri mudiki. Iye zvino ava nemakore ari kuma20 uye ava nechido chikuru chokutangazve katsika kacho. Angakunda sei muedzo uyu?

2 Unovimba naani kana uine zviri kukushungurudza, uchida kuita zvisarudzo zvinokosha kana kuti uchida kukunda miedzo? Unovimba neuchenjeri hwako here kana kuti uno“kanda mutoro wako pana Jehovha”? (Pis. 55:22) Bhaibheri rinoti, “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.” (Pis. 34:15) Zvinokosha chaizvo kuti tivimbe naJehovha nemwoyo wose uye kuti tirege kuvimba nokunzwisisa kwedu!—Zvir. 3:5.

3. (a) Kuvimba naJehovha kunosanganisirei? (b) Nei vamwe vangavimba nokunzwisisa kwavo?

3 Kuvimba naJehovha nemwoyo wose kunosanganisira kuita zvaanoda. Zvinokosha kuramba tichinyengetera uye tichimukumbira nemwoyo wose kuti atitungamirire. Zvisinei, kuvimba naJehovha nemwoyo wose hakusi nyore kune vakawanda. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi inonzi Lynn inobvuma kuti, “Kudzidza kuvimba naJehovha nemwoyo wose kwakabvira kare kuchindinetsa.” Nei achidaro? Anoti, “Handigari nababa vangu, uye amai vangu vaisava nehanya neni. Saka ndakadzidza kuzvitarisira ndichiri mudiki.” Marererwo akaitwa Lynn akaita kuti zvimuomere kunyatsovimba nevamwe. Vamwe vangavimba neunyanzvi hwavo uye kubudirira kwavanenge vachiita panzvimbo pokuvimba naJehovha. Mukuru angatanga kutarisira nyaya dzeungano asina kumbonyengetera kuna Mwari achivimba neunyanzvi hwake.

4. Munyaya ino tichakurukurei?

4 Jehovha anotarisira kuti tiedze nemwoyo wose kurarama maererano neminyengetero yedu uye zvaanoda. Saka tingaziva sei nyaya dzokusiyira Jehovha kuti agadzirise nedzatingagadzirisa pachedu? Tinofanira kungwarira chii patinoita zvisarudzo? Nei kunyengetera kuchikosha patinenge tichiedza kukunda miedzo? Tichakurukura mibvunzo iyi tichishandisa mienzaniso yemuMagwaro.

Patinenge Tiine Zvinotishungurudza

5, 6. Hezekiya akaita sei paakatyisidzirwa namambo weAsiriya?

5 Bhaibheri rinotaura nezvaHezekiya Mambo waJudha, richiti: “Akaramba akanamatira kuna Jehovha. Haana kutsauka pakumutevera, asi akaramba achichengeta mirayiro yake yakanga yarayirwa Mosesi naJehovha.” Chokwadi “akavimba naJehovha Mwari waIsraeri.” (2 Madz. 18:5, 6) Hezekiya akaita sei, Mambo Saniheribhi weAsiriya paakatuma vamiririri vake, vaisanganisira Rabhisheki, kuJerusarema vaine uto rine simba? Uto rine simba reAsiriya rainge ratokunda maguta anoverengeka eJudha aiva nemasvingo uye Saniheribhi ainge ava kutarisira kurwisa Jerusarema. Hezekiya akaenda kuimba yaJehovha uye akatanga kunyengetera achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wedu, tapota, tiponesei paruoko rwake, kuti umambo hwose hwenyika huzive kuti imi, haiwa Jehovha, ndimi Mwari moga.”—2 Madz. 19:14-19.

6 Hezekiya akaita zvaienderana nemunyengetero wake. Kunyange asati aenda kutemberi kunonyengetera, akarayira vanhu kuti varambe vakanyarara pavaishorwa naRabhisheki. Hezekiya akatumawo nhume kumuprofita Isaya achitsvaka mazano. (2 Madz. 18:36; 19:1, 2) Hezekiya akatora matanho chaiwo aaifanira kutora. Panguva iyi haana kuedza kuita zvaisaenderana nekuda kwaJehovha nokutsvaka kutsigirwa neIjipiti kana kuti nemamwe marudzi avainge vakavakidzana nawo. Panzvimbo pokuvimba nekunzwisisa kwake, Hezekiya akavimba naJehovha. Pashure pokunge ngirozi yaJehovha yauraya varwi vaSaniheribhi 185 000, Saniheribhi wacho “akabva,” ndokudzokera kuNinivhi.—2 Madz. 19:35, 36.

7. Tinowana nyaradzo yakaita sei kubva mumunyengetero waHana uye waJona?

7 Hana, mudzimai womuRevhi ainzi Erikana, akavimbawo naJehovha paaishungurudzika nokushaya mbereko. (1 Sam. 1:9-11, 18) Muprofita Jona akanunurwa mudumbu rehove huru pashure pokunyengetera achiti: “Ndakashevedzera kuna Jehovha ndichitambudzika, iye akandipindura. Ndakachemera kubatsirwa ndiri mudumbu reSheori. Imi makanzwa inzwi rangu.” (Jona 2:1, 2, 10) Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti pasinei nokuti zvinhu zvakatimirira sei, tinogona kudana kuna Jehovha ‘tichikumbira kunzwirwa nyasha’!—Verenga Pisarema 55:1, 16.

8, 9. Zvii zvainyanya kukosheswa naHezekiya, Hana uye Jona pavainyengetera uye tinodzidzei pazviri?

8 Tinowanawo chidzidzo chinokosha pamuenzaniso waHezekiya, waHana uye waJona, pamusoro pezvatinofanira kuyeuka patinonyengetera kana tichishungurudzika. Vose vaishungurudzika pavaiva munguva yenhamo. Asi minyengetero yavo inoratidza kuti vaisangofunga zvakavanakira chete uye vaisangoda kupedzerwa matambudziko avo. Vainyanya kukoshesa zita raMwari, kumunamata uye kuita kuda kwake. Hezekiya akarwadziwa nokuti zita raJehovha raizvidzwa. Hana akavimbisa kuti aizopa Jehovha mwana iyeye waaida chaizvo kuti ashumire patebhenekeri yaiva kuShiro. Uye Jona akati: “Ndicharipa zvandakapika.”—Jona 2:9.

9 Patinonyengetera kuti tibatsirwe patinenge tichishungurudzika, zvinokosha kuti tiongorore zvatinenge tichivavarira. Tinenge tichingofunga kupedzerwa matambudziko edu here kana kuti tinenge tichifunga nezvaJehovha uye chinangwa chake? Kutambura kungaita kuti tinyanye kufunga nezvematambudziko edu zvoita kuti tisaone kunamata sechinhu chinokosha. Patinonyengetera kuna Mwari tichida rubatsiro, ngatiitei kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga nezvaJehovha, kutsveneswa kwezita rake uye kurevererwa kwouchangamire hwake. Kuita izvi kunogona kutibatsira kuti tive nemaonero akanaka kunyange zvatingafunga kuti ndizvo zvichapedza dambudziko redu zvikaramba kushanda. Dzimwe nguva Jehovha angasabvisa dambudziko racho, asi anopindura minyengetero yedu nokutipa simba rokutsungirira.—Verenga Isaya 40:29; VaFiripi 4:13.

Patinoita Zvisarudzo

10, 11. Jehoshafati akaitei paainge aomerwa nezvinhu zvokusaziva kuti oitei?

10 Unoita sei zvisarudzo zvinokosha muupenyu? Unotanga wasarudza zvokuita here wozonyengetera kuna Jehovha kuti akomborere zvawasarudza zvacho? Chimbofunga zvakaitwa naJehoshafati mambo waJudha, mauto evaMoabhi nevaAmoni paakauya kuzomurwisa. VaJudha vaisatombokwanisa kumisidzana nawo. Jehoshafati aizoitei?

11 Bhaibheri rinoti, “Jehoshafati akatya, akatsunga kutsvaka Jehovha.” Akaudza vaJudha vose kuti vatsanye uye akavaunganidza kuti ‘vabvunze Jehovha.’ Akabva asimuka pamberi peungano yaJudha neyevomuJerusarema akanyengetera. Muchidimbu, akakumbira kuti: “Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti isu hatina simba rokurwa neboka guru revanhu iri riri kuuya kuzotirwisa; uye isu hatizivi chatingaita, asi maziso edu akatarira kwamuri.” Mwari wechokwadi akanzwa munyengetero waJehoshafati uye akavanunura zvinoshamisa. (2 Mak. 20:3-12, 17) Patinoita zvisarudzo kunyanya zviya zvine chokuita nokunamata kwedu, tinofanira kuvimba naJehovha pane kuvimba nokunzwisisa kwedu.

12, 13. Pakuita zvisarudzo, tingadzidzei pane zvakaitwa naMambo Dhavhidhi?

12 Tinofanira kuitei patinosangana nedambudziko ringaita seriri nyore kugadzirisa, zvimwe nokuti takambosangana nerakada kudaro tikabudirira kurigadzirisa? Zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi zvinogona kutibatsira. VaAmareki pavakapamba guta reZikragi, vakatora madzimai nevana vaDhavhidhi nevevarume vaaishanda navo. Dhavhidhi akabvunza Jehovha achiti: “Nditevere boka iri revapambi here?” Jehovha akamupindura kuti: “Vatevere, nokuti chokwadi uchavabata, uye chokwadi uchanunura.” Dhavhidhi akateerera uye “akanunura zvose zvakanga zvatorwa nevaAmareki.”—1 Sam. 30:7-9, 18-20.

13 Papfuura nguva vaAmareki vapamba Zikragi, vaFiristiya vakarwisa vaIsraeri. Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha uye akapiwa mhinduro yakajeka. Mwari akati: “Enda, nokuti chokwadi ndichaisa vaFiristiya mumaoko ako.” (2 Sam. 5:18, 19) Pasina nguva izvi zvaitika, vaFiristiya vakadzokazve kuzorwisa Dhavhidhi. Aizoitei? Angadai akafunga kuti: ‘Izvi ndakambosangana nazvo kaviri kose. Regai ndinorwisa vavengi vaMwari ava sezvandakamboita.’ Kana kuti aizobvunza Jehovha here? Dhavhidhi haana kurega kubvunza achifunga kuti ava kuziva zvokuita. Akanyengeterazve kuna Jehovha. Anofanira kunge akafara chaizvo kuti akanyengetera! Mirayiridzo yaakapiwa iye zvino yainge yakasiyana. (2 Sam. 5:22, 23) Patinosangana nematambudziko atakambosangana nawo, tinofanira kungwarira kuti tisafunga kuti tichaagadzirisa sezvatakamboita.—Verenga Jeremiya 10:23.

14. Tinodzidzei panyaya yaJoshua nevaGibhiyoni?

14 Sezvo tose tisina kukwana, kusanganisirawo vakuru vane ruzivo, tinofanira kungwarira kuti tisakanganwe kukumbira kutungamirirwa naJehovha patinoita zvisarudzo. Funga zvakaitwa naJoshua nevarume vakuru vevaIsraeri pavakavingwa nevaGibhiyoni vaiita sokuti vainge vabva kunyika iri kure. Joshua nevamwe vake vakaita sungano yorugare nevaGibhiyoni vasina kumbobvunza Jehovha. Kunyange zvazvo Jehovha akazotsigira chibvumirano chacho, akava nechokwadi chokuti kukundikana kwavakaita kukumbira kutungamirirwa naye kunyorwe muMagwaro kuti tibatsirwe.—Josh. 9:3-6, 14, 15.

Patinenge Tichiedza Kukunda Miedzo

15. Tsanangura kuti nei munyengetero uchikosha pakukunda muedzo.

15 Sezvo tiine ‘mutemo wechivi’ mumuviri, tinofanira kurwisa zvakasimba zvido zvokuita chivi. (VaR. 7:21-25) Tinogona kukunda muhondo iyi. Tingakunda sei? Jesu akaudza vateveri vake kuti munyengetero unokosha kuti tikunde muedzo. (Verenga Ruka 22:40.) Kunyange tikaramba tichinzwa kuda kuita zvakaipa pashure pokunyengetera, tinofanira ‘kuramba tichikumbira Mwari’ uchenjeri hwokuti tikunde muedzo wacho. Tine chokwadi chokuti achatipa “nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” (Jak. 1:5) Jakobho akanyorawo kuti: “Pane munhu anorwara [pakunamata] pakati penyu here? Ngaashevedze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha. Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere.”—Jak. 5:14, 15.

16, 17. Inguva ipi yakanaka yokuti tinyengetere kana tichitsvaka rubatsiro rwokuti tikunde muedzo?

16 Munyengetero unokosha kuti tikunde muedzo, asi tinofanira kuziva nguva yakakodzera yokunyengetera. Chimbofunga nezverimwe jaya rinotaurwa pana Zvirevo 7:6-23. Panguva yorubvunzavaeni, rinofamba richidzika nemugwagwa unozivikanwa kuti unogara mukadzi pfambi. Rinotsauswa nokugona kwake kunyengetedza uye kunyengera nemiromo yake rongoerekana ramutevera, sezvinoita nzombe inoenda kunourayiwa. Riri kutsvagei ikoko? Sezvo “raiva nomwoyo usina njere,” zviri pachena kuti raitambura nokuda kuita zvakaipa. (Zvir. 7:7) Munyengetero ungadai wakanyanya kubatsira jaya iri panguva ipi? Ichokwadi kuti kunyengetera chero panguva yarakanga richitaura nemukadzi uyu kungadai kwakabatsira. Asi nguva yainge yakanaka yokuti rinyengetere yaiva parakatanga kufunga nezvokufamba mumugwagwa iwoyo.

17 Mazuva ano, murume angadaro achiedza zvakasimba kukunda muedzo wokuona zvinonyadzisira. Zvisinei, ngatitii anovhura Indaneti paanoziva kuti panobudiswa mifananidzo kana mavhidhiyo asina kunaka. Izvozvo zvingasava zvakafanana here nezvakaitwa nejaya rinotaurwa muchitsauko 7 chaZvirevo? Kutanga kuita izvozvo kutambira panotsvedza. Kuti munhu akunde muedzo wakadaro, anofanira kutsvaka kubatsirwa naJehovha nokunyengetera asati atanga kuvhura nzvimbo dzakadaro paIndaneti.

18, 19. (a) Nei kukunda muedzo kungasava nyore, asi tingabudirira sei? (b) Watsunga kuitei?

18 Hazvisi nyore kukunda muedzo kana kusiya tutsika twakaipa. Muapostora Pauro akanyora kuti, “Nyama inorwisana nomudzimu pakuchiva kwayo, uye mudzimu unorwisana nenyama.” Saka ‘zvinhu chaizvo zvataizoda kuita hatizviiti.’ (VaG. 5:17) Kuti tikunde, tinofanira kunyengetera nemwoyo wose uye kuita zvinoenderana nemunyengetero wedu panongotanga kuuya muedzo kana kuti pfungwa dzakaipa. Shoko raMwari rinoti, “Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu.” Saka Jehovha anogona kutibatsira kuramba takatendeka kwaari.—1 VaK. 10:13.

19 Munyengetero chipo chakanaka chaizvo chinotibatsira patinenge tiine zvinotishungurudza, tichida kuita zvisarudzo zvinokosha kana kuti tichiedza kukunda muedzo. Patinonyengetera tinoratidza kuti tinovimba naJehovha. Tinofanirawo kuramba tichimukumbira mudzimu wake mutsvene uyo unotidzivirira uye unotisimbisa. (Ruka 11:9-13) Saka ngativimbei naJehovha torega kuvimba nokunzwisisa kwedu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Mazita akachinjwa.

Unoyeuka Here?

• Wadzidzei pane zvakaitwa naHezekiya, Hana uye Jona panyaya yokuvimba naJehovha?

• Zvakaitika kuna Dhavhidhi uye Joshua zvinoratidza sei kuti tinofanira kungwarira patinenge tichiita zvisarudzo?

• Inguva ipi yakanyanya kunaka yokunyengetera kuti tikunde muedzo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Munyengetero unonyanya kubatsira papi kana tasangana nemuedzo?