Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene Ndiye Jehovha”

“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene Ndiye Jehovha”

Swedera Pedyo naMwari

“Mutsvene, Mutsvene, Mutsvene Ndiye Jehovha”

KUDAI waizonzi usarudze shoko rimwe chete rokutsanangura zvakaita Jehovha Mwari, waizosarudza ripi? Muzana remakore rechisere B.C.E., muprofita Isaya akaratidzwa zvisikwa zvemudzimu zvairumbidza Jehovha zvichishandisa shoko rokuti mutsvene iro rinotsanangura zvakaita Mwari. Zvakaonekwa naIsaya nezvaakanzwa zvinofanira kutiomesa mate mukanwa zvoita kuti tiswedere pedyo naJehovha. Sezvatinokurukura mashoko ari pana Isaya 6:1-3, zvione uripowo pane zvaiitika.

Isaya anoonei? “Ini ndakaona Jehovha akagara pachigaro choumambo chirefu uye chakakwirira,” anodaro Isaya. (Ndima 1) Hakusi kuti Isaya ari kuona Changamire Ishe Jehovha pachake. Maziso enyama haagoni kuona vanhu vemudzimu. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo.” (Johani 1:18) Saka Isaya ari kuona chiratidzo. * Asi, chiratidzo chacho chinoita sechinhu chiri kunyatsoitika zvokuti Isaya anoshamiswa nazvo achiita seari kutoona Jehovha pachake.

Isaya anozoona zvimwe zvisati zvamboonekwa nemumwe munhu. Anonyora kuti: “Maserafi akanga akamira kumusoro kwake [Jehovha]. Rimwe nerimwe rakanga riine mapapiro matanhatu. Rairamba rakafukidza chiso charo nemaviri, uye rairamba rakafukidza tsoka dzaro nemaviri, uye raibhururuka nemaviri.” (Ndima 2) Maserafi zvisikwa zvemudzimu zvine chinzvimbo chepamusoro zvikuru. Isaya ndiye chete munyori weBhaibheri anotaura nezvemaserafi. Maserafi anogara akagadzirira kuenda kwose kwaanenge anzi naJehovha aende uye kuita zvaanenge atumwa. Ane ropafadzo yokushumira Jehovha saka akafukidza zviso netsoka kuratidza kuti anomunamata uye anomupa rukudzo rwakamukodzera.

Isaya haangoshamiswi nezvaanoona chete asiwo nezvaanonzwa. Kwaya yokudenga yemaserafi inoimba rwiyo nemanzwi akakwirira. Isaya anonyora kuti: “Zvino iri rakashevedzera kune iro rikati: ‘Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiye Jehovha wemauto.’” (Ndima 3) Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “mutsvene” rinobudisa pfungwa yechinhu chisina tsvina. Shoko racho rinewo “pfungwa yokusiyana uye kuparadzana zvachose nezvitadzo.” Maserafi anoimba rwiyo rwokuti vamwe vanoshaura vamwe vachibvumira, achiimba shoko rokuti “mutsvene” katatu, kusimbisa kuti Jehovha mutsvene kupfuura vamwe vanhu vose. (Zvakazarurwa 4:8) Naizvozvo, utsvene hunomusiyanisa nevamwe. Jehovha akanyatsochena uye haana kana chaanopomerwa.

Kuziva kuti Jehovha mutsvene kunofanira kutikurudzira kuswedera pedyo naye. Nei? Kusiyana nevanhu vanotonga avo vangava neuori neutsinye, Jehovha haana kana kauipi zvako. Saka, utsvene hwake hunoratidza kuti zvechokwadi acharamba ari Baba vakanaka, Mutongi anoruramisira uye asingasaruri. Hapana chingatitadzisa kuvimba kuti Mwari mutsvene haazombotiodzi mwoyo.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna December:

Isaya 1-23

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Bhuku rinonzi Insight on the Scriptures rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha rinotsanangura kuti: “Munhu paaiona chiratidzo chinobva kuna Mwari asingaiti zvokurota, aisazvikanganwa nokuti zvinenge zvaitika akamuka. Aigona kuzozvirondedzera kana kuzvinyora nemashoko ake.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 26]

Kuziva kuti Jehovha mutsvene kunofanira kutikurudzira kuswedera pedyo naye