Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakristu Vechokwadi Vanoremekedza Shoko Ramwari

Vakristu Vechokwadi Vanoremekedza Shoko Ramwari

“Shoko renyu ichokwadi.”—JOH. 17:17.

1. Taura chinhu chimwe chete chinokosha chawakaona chinosiyanisa Zvapupu zvaJehovha nezvimwe zvitendero.

CHIMBOFUNGA nezvepawakatanga kukurukura nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Unoyeukei nezvokukurukura kwamakaita? Vakawanda vangati, ‘Ndakafarira mashandisiro aakaita Bhaibheri kupindura mibvunzo yangu yose.’ Takafara chaizvo patakaziva kuti Mwari akasikirei nyika, chinoitika patinofa uye remangwana rehama neshamwari dzakafa.

2. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvakaita kuti ukoshese Bhaibheri?

2 Zvisinei, patakaramba tichidzidza, takaona kuti Bhaibheri rine zvakawanda, haringopinduri mibvunzo ine chokuita neupenyu, rufu uye ramangwana. Takaona kuti ndiro bhuku rinobatsira chaizvo kupfuura ose. Mazano aro anoshanda nguva dzose uye vanonyatsoateerera vachabudirira uye vachafara muupenyu. (Verenga Pisarema 1:1-3.) Kubvira kare vaKristu vechokwadi vave vachiona Bhaibheri kwete “seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” (1 VaT. 2:13) Kumboongorora zvakaitika kare kucharatidza kusiyana kwevanonyatsoremekedza Shoko raMwari nevasingariremekedzi.

NYAYA YAKAOMA INOGADZIRISWA

3. Inyaya ipi yaigona kukanganisa kubatana kweungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga uye nei yainge yakaoma kugadzirisa?

3 Mumakore 13 akazotevera pashure pokuzodzwa kwaKoneriyasi, munhu wokutanga akanga asina kudzingiswa wemamwe marudzi, pane nyaya yakamuka yaigona kukanganisa kubatana kweungano yechiKristu. Vemamwe marudzi vakawanda vainge vachitendeukira kuchiKristu. Paiva nemubvunzo wokuti, Varume vaifanira kudzingiswa here maererano netsika yevaJudha vasati vabhabhatidzwa? Zvaisava nyore kuti muJudha apindure mubvunzo iwoyo. VaJudha vaitevedzera Mutemo vaisatombopinda muimba yemunhu asiri muJudha ndoda kuzoshamwaridzana naye. VaKristu vechiJudha vaitotambudzwa zvakanyanya nokuti vainge vasiya chitendero chavo. Kana vaitozogamuchira vemamwe marudzi vasina kudzingiswa sehama dzavo, izvozvo zvaizoita kuti vatambudzwe zvakanyanya nevechitendero chechiJudha.—VaG. 2:11-14.

4. Ndivanaani vakaungana kuti vagadzirise nyaya yainge yanetsa uye mibvunzo ipi ingangodaro yakamuka?

4 Muna 49 C.E., vaapostora nevarume vakuru vomuJerusarema avo vainge vari vaJudha vakadzingiswa, “vakaungana kuti vaone nezvenyaya iyi.” (Mab. 15:6) Uyu waisava musangano wokungoitisana nharo nezvechitendero asi musangano wainakidza vachikurukura zvinodzidziswa neBhaibheri. Mumwe nomumwe aitaura zvaaifunga panyaya yacho. Vaizoita zvavaida ivo here kana kuti zvakanakira rudzi rwavo? Varume ava vaitungamirira vaizombosendeka nyaya yacho kusvikira kutambudzwa kwevaKristu kwadzikira here? Kana kuti vaizongobvumirana nezvimwe zvisizvo kuti nyaya yacho ipere here?

5. Musangano womuJerusarema womuna 49 C.E. wainge wakasiyana chaizvo papi neyakazoitwa nevakuru vemachechi?

5 Mazuva ano, pamisangano yevakuru vemachechi, vanongobvumirana zvokuti zvipere uye vachiita zvokutsveterana. Zvisinei, izvozvo handizvo zvakaitika pamusangano womuJerusarema. Vose vakanyatsobvumirana pane zvavakasarudza. Vakazviita sei? Kunyange zvazvo vaiva nemaonero akasiyana, vose vaivapo vairemekedza Shoko raMwari, uye magwaro ndiwo akashandiswa kugadzirisa nyaya yacho.—Verenga Pisarema 119:97-101.

6, 7. Magwaro akashandiswa sei pakugadzirisa nyaya yokudzingiswa?

6 Rugwaro rwakavabatsira kugadzirisa nyaya yacho ndiAmosi 9:11, 12. Maererano naMabasa 15:16, 17, rugwaro rwacho rwunoti: “Ndichadzoka, ndivakezve dumba raDhavhidhi rakawa; uye ndichavakazve matongo aro ndirimisezve, kuti vaya vanosara pane vanhu ava vatsvake Jehovha nomwoyo wose, pamwe chete nevanhu vemamwe marudzi ose, vanhu vanoshevedzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha.”

7 Asi vamwe vangati rugwaro urwu harutauri kuti munhu asiri muJudha aisafanira kudzingiswa. Ichocho ichokwadi; asi vaKristu vechiJudha vainzwisisa pfungwa yacho. Vaiona vanhu vaisava vaJudha vakanga vadzingiswa sehama dzavo kwete ‘sevanhu vemamwe marudzi.’ (Eks. 12:48, 49) Somuenzaniso, muSeptuagint yaBagster, Esteri 8:17 inoti: “Vakawanda vaisava vaJudha vakadzingiswa uye vakava vaJudha.” Saka Magwaro paakataura nezvevakasara veimba yaIsraeri, (kureva vaJudha uye vakatendeukira kuchiJudha vakadzingiswa) pamwe chete “nevanhu vemamwe marudzi” (kureva vanhu vainge vasiri vaJudha uye vasina kudzingiswa) kuti vaizova vanhu vanodanwa nezita raMwari, pfungwa yacho yainge yakajeka. Vanhu vasiri vaJudha vaisafanira kudzingiswa kuti vave vaKristu.

8. Nei vaKristu vechiJudha vaida ushingi pane zvavakasarudza?

8 Shoko raMwari uye mudzimu wake zvakabatsira vaKristu ivavo kuti ‘vabvumirane nomwoyo mumwe.’ (Mab. 15:25) Kunyange zvazvo zvavakasarudza zvaizoita kuti vaKristu vechiJudha vawedzere kutambudzwa, vose vakatendeka vakatsigira zvakasarudzwa pachishandiswa Bhaibheri.—Mab. 16:4, 5.

MUSIYANO URI PACHENA

9. Ndechipi chakanyanya kuita kuti kunamata kwechokwadi kushatiswe uye idzidziso ipi inokosha yakanyanya kukanganiswa?

9 Muapostora Pauro akagara ataura kuti pashure porufu rwevaapostora, chiKristu chaizoshatiswa nedzidziso dzenhema. (Verenga 2 VaTesaronika 2:3, 7.) Vamwe vevaya vaizosiya “kudzidzisa kunopa utano” vaitotungamirira muungano. (2 Tim. 4:3) Pauro akayambira vakuru vepanguva yake kuti: “Pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mab. 20:30) The New Encyclopædia Britannica inotaura chakanyanya kuita kuti pave nedzidziso dzenhema ichiti: “VaKristu vaiva neuzivi hwechiGiriki vakatanga kufunga kuti kutsanangura zvavaitenda vachishandisa uzivi hwavo kwaizoita kuti vagutsikane uye vatendeutse vahedheni vakadzidza.” Imwe dzidziso inokosha yavakatanga kutsanangura saizvozvo yaiva yokuti Jesu Kristu aiva ani. Bhaibheri rinomuti Mwanakomana waMwari; vaifarira uzivi hwechiGiriki vaisimbirira kuti ndiMwari.

10. Nyaya yokuti Kristu aiva ani ingadai yakagadziriswa sei?

10 Dzidziso iyi yakanetsa mumisangano yakawanda yevakuru vechechi. Nyaya yacho ingadai yakagadziriswa nyore nyore kudai vakashandisa Magwaro, asi vakawanda vavo havana kuashandisa. Vakawanda vaigara vasarudza zvavaida vasati vatombosvika pamisangano yacho uye vaidzokera vatotsunga kusachinja. Zvibvumirano zvavainyorerana zvaisatombotaura nezveMagwaro.

11. Vakuru vechechi vakashandisa chii pakuita zvisarudzo zvavo uye nei vakadaro?

11 Nei vasina kunyanya kushandisa Magwaro? Mumwe muzvinadzidzo anonzi Charles Freeman anoti vaya vaidavira kuti Jesu ndiMwari “vaiomerwa nokupikisa zvakawanda zvakataurwa naJesu zvairatidza kuti aiva muduku pana Mwari Baba.” Saka panzvimbo pokushandisa Evhangeri, vakatanga kushandisa tsika dzechechi nemafungiro evanhu. Nanhasi vafundisi vakawanda vanofunga kuti zvakataurwa nevavanoti vanaBaba veChechi zvinokosha kupfuura Shoko raMwari. Ungangodaro wakaona izvozvo kana wakambokurukura nezvedzidziso yeUtatu nemunhu aidzidzira ufundisi.

12. Mambo aiva nemasimba akaita sei pazvisarudzo zvaiitwa?

12 Madzimambo eRoma aivawo nemasimba chaizvo pakukakavadzana kwaiitwa pamisangano iyoyo. Panyaya iyi, Muzvinadzidzo Richard E. Rubenstein akati nezveMusangano wokuNicaea: “Constantine ainge aafarira [mabhishopi], akaapa upfumi hwaaisarota nezvahwo. Gore risati rambopera, mambo uyu mutsva ainge avadzorera kana kuti avavakirazve machechi avo ose, akavapazve mabasa avo nezvinzvimbo zvavainge vambotorerwa . . . Ainge apa vafundisi vechiKristu ropafadzo dzaimbova dzevapristi vechihedheni.” Saka, ‘Constantine ainge ava kukwanisa kuratidza masimba ake pamusangano wokuNicaea.’ Charles Freeman akatiwo: “Ipapo ndipo pakatangwa tsika yekuti mambo ape Chechi masimba uye avewo nemasimba okuchinjisa dzidziso.”—Verenga Jakobho 4:4.

13. Unofunga kuti chii chakaita kuti vafundisi vasave nehanya nezvinhu zviri nyore zvinodzidziswa neBhaibheri?

13 Kunyange zvazvo vatungamiriri vemachechi vaiomerwa nokuziva kuti Jesu Kristu aiva ani, vanhuwo zvavo vakawanda vaisava nedambudziko rakadaro. Sezvo vaisava nebasa nepfuma yamambo kana kupiwa zvinzvimbo muchechi, vaikwanisa kuona zvinhu sezvazvaiva chaizvo muMagwaro. Uye zvinonzi ndizvo zvavaiita. Gregory weNyssa, mufundisi wepanguva iyoyo, akanyomba vanhuwo zvavo achiti: “Vatengesi vembatya, vachinji vemari, nevatengesi vemuzvitoro vose vavawo vafundisi. Kana ukabvunza kuti mari yako ine ukoshi hwakadini, mumwe anozviita muzivi anokutsanangurira kusiyana kweMwanakomana naBaba. Ukabvunza kuti chingwa imarii, unopindurwa kuti Baba vakuru pane Mwanakomana. Kana ukabvunza kuti mvura yokugeza yaita here, unoudzwa kuti Mwanakomana akaita zvokusikwa.” Kusiyana nevafundisi, vanhuwo zvavo vakawanda vaitsigira zvavaitaura neShoko raMwari. Dai Gregory nevamwe vake vakavateerera zvavo!

“GOROSI” UYE “MASORA” ZVINOKURA PAMWE CHETE

14. Nei tingati kubvira muzana remakore rokutanga, panyika paizova nevaKristu vechokwadi vakazodzwa?

14 Jesu akashandisa mufananidzo kuratidza kuti kubvira muzana remakore rokutanga, panyika paizenge paine vaKristu vechokwadi vakazodzwa. Akavafananidza ne“gorosi” raikura mu“masora.” (Mat. 13:30) Hatigoni hedu kubva tataura kuti ndevapi vaiva vakazodzwa panguva iyi, asi chatinoziva ndechokuti nguva dzose pave paine vamwe vakadzivirira Shoko raMwari noushingi uye vakafumura dzidziso dzechechi dzisiri dzemuMagwaro. Ngationei mienzaniso mishomanana.

15, 16. Taura vamwe vanhu vakaratidza kuremekedza Shoko raMwari.

15 Mukuru wemabhishopi Agobard wekuLyons, France (akararama kubvira muna 779 kusvika 840 C.E.), akashora kunamata zvifananidzo, kutsaurira machechi kuvasande uye manamatiro netsika zvechechi zvisiri zvomuMagwaro. Mumwe wepanguva yake, Bhishopi Claudius, akarambawo tsika dzechechi, kunyengetera kuvasande uye kuremekedzwa kwezvinhu zvinonzi zvinoera. Muzana remakore rechi11, mukuru wemadhikoni Berengarius wokuTours, France, akadzingwa muchechi nokuramba dzidziso yeRoma yokuti chingwa newaini zvinochinja kuva nyama neropa zvaJesu. Akasimbirirawo kuti Bhaibheri rinokosha kupfuura tsika dzechechi.

16 Muzana remakore rechi12, maiva nevamwe vaidawo chokwadi cheBhaibheri, vakadai saPeter wekuBruys naHenry wekuLausanne. Peter akasiya upristi paakaona kuti Magwaro anopesana nedzidziso dzeRoma dzakadai sokuti chingwa newaini zvinochinja kuva nyama neropa zvaJesu, kubhabhatidza vacheche, kunyengeterera vakafa uye kunamata muchinjikwa. Muna 1140, Peter akaurayirwa zvaaitenda. Henry, uyo ainge akapikira, akapikisa tsika dzakashata nemanamatiro echechi aisabva muMagwaro. Akasungwa muna 1148 akagara mujeri kweupenyu hwake hwose.

17. Matanho api akatorwa naWaldo nevateveri vake?

17 Panenge panguva yakapiswa Peter wekuBruys nokuti ainge ashora chechi, pakaberekwa mumwe munhu aizobatsira chaizvo kuti chokwadi cheBhaibheri chiparadzirwe. Aiva wekwaValdès kana kuti Waldo. * Ainge akasiyana naPeter wekuBruys naHenry wekuLausanne pakuti aiva munhuwo zvake, asi aikoshesa Shoko raMwari zvokuti akasiya pfuma yake akaita kuti zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvishandurirwe mumutauro wainyanyoshandiswa muFrance nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva. Vamwe vakafara chaizvo pavakanzwa mashoko eBhaibheri mumutauro wavo zvokuti naivowo vakasiya zvinhu zvavo vakatanga kuudzawo vamwe chokwadi cheBhaibheri. Chechi haina kumbofara nazvo. Muna 1184 varume nevakadzi ava vaishingaira, avo vakazonzi vaWaldenses, vakadzingwa muchechi napapa uye bhishopi akavadzingawo mumisha yavo. Izvozvo zvakatobatsira kuparadzira mashoko eBhaibheri kune dzimwe nzvimbo. Nokufamba kwenguva, vateveri vaWaldo, nevaPeter wekuBruys, uye vaHenry wekuLausanne nevamwewo vakapandukira chechi, vainge vava kuwanika munzvimbo dzakawanda dzeEurope. Vamwewo vakatsigira chokwadi cheBhaibheri mumazana emakore akazotevera vaiva: John Wycliffe (akararama munenge muna 1330 kusvika 1384), William Tyndale (akararama munenge muna 1494 kusvika 1536), Henry Grew (akararama muna 1781 kusvika 1862), uye George Storrs (akararama muna 1796 kusvika 1879).

“SHOKO RAMWARI HARINA KUSUNGWA”

18. Tsanangura kudzidza Bhaibheri kwaiitwa nevadzidzi veBhaibheri vemwoyo wose makore okuma1800 ava kunopera uye kuti nei vaibudirira.

18 Vavengi vechokwadi cheBhaibheri vakaita zvose zvavaikwanisa kuti chisapararire asi zvakaramba. Pana 2 Timoti 2:9 panoti, “Shoko raMwari harina kusungwa.” Muna 1870 boka revadzidzi veBhaibheri vemwoyo wose rakatanga kutsvaga chokwadi. Vaidzidza sei? Mumwe aibvunza mubvunzo, vobva vaukurukura. Vaivhura magwaro ose ane chokuita nepfungwa yacho, uye kana vagutsikana kuti magwaro acho aipindirana, vaibva vanyora pasi zvavainge vabvumirana. Kuziva kuti varume ava vakatendeka vaitevedzera vaapostora nevarume vakuru pakutsunga kuita kuti zvavaitenda zvinyatsoenderana neShoko raMwari kunotikurudzira chaizvo!

19. Rugwaro rwegore rwa2012 rwunoti chii, uye nei rwakakodzera?

19 Zvatinotenda zvichiri kubva muBhaibheri. Saka Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rakasarudza kuti rugwaro rwegore rwa2012 rwuve mashoko aJesu okuti: “Shoko renyu ichokwadi.” (Joh. 17:17) Sezvo munhu wose anoda kufarirwa naMwari achifanira kufamba muchokwadi, dai tose tikaramba tichiedza kutungamirirwa neShoko raMwari.

[Mashoko emuzasi]

^ ndima 17 Dzimwe nguva Valdès anonzi Pierre Valdès kana kuti Peter Waldo, asi zita rake rokutanga harinyatsozivikanwi.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Rugwaro rwegore rwa2012: “Shoko renyu ichokwadi.”—Joh. 17:17

[Mufananidzo uri papeji 7]

Waldo

[Mufananidzo uri papeji 7]

Wycliffe

[Mufananidzo uri papeji 7]

Tyndale

[Mufananidzo uri papeji 7]

Grew

[Mufananidzo uri papeji 7]

Storrs