Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Kurinda Kubva Kuvaapostora Vajesu

Dzidza Kurinda Kubva Kuvaapostora Vajesu

‘Rambai makarinda neni.’—MAT. 26:38.

1-3. Vaapostora vakatadza sei kuramba vakarinda pausiku hwokupedzisira hweupenyu hwaJesu, uye chii chinoratidza kuti vakadzidza pane zvavakakanganisa?

FUNGIDZIRA zvakaitika pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwaJesu pasi pano. Jesu akaenda mumunda weGetsemane, nzvimbo yaaifarira, yaiva kumabvazuva kweJerusarema. Akaendako nevadzidzi vake vakatendeka. Jesu aiva nezvakawanda zvaimunetsa mumwoyo nemupfungwa, saka aida kuva ega kuti anyengetere.—Mat. 26:36; Joh. 18:1, 2.

2 Akaenda mukatikati memunda wacho nevadzidzi vake vatatu, Petro, Jakobho naJohani. Akavaudza kuti, “Garai pano murambe makarinda neni,” akabva aenda kunonyengetera. Paakadzoka akavaona vakafa zvavo hope. Akavaudzazve kuti: “Rambai makarinda.” Asi vakararazve kaviri! Gare gare usiku ihwohwo, vaapostora vose vakatadza kuramba vakarinda. Vakatosvika pakusiya Jesu vakatiza!—Mat. 26:38, 41, 56.

3 Chokwadi vaapostora vakazozvidemba kuti vakatadza kuramba vakarinda. Varume ivavo vakatendeka vakadzidza pane zvavakakanganisa. Bhuku reBhaibheri raMabasa rinoratidza kuti vakazova muenzaniso wakanaka wokurinda nguva dzose. Kutendeka kwavo kunofanira kunge kwakakurudzirawo vamwe vaKristu. Iye zvino ndiyo nguva yokuti titorinda kupfuura kare. (Mat. 24:42) Ngatikurukurei zvidzidzo zvitatu zvokuramba takarinda zvatinowana mubhuku raMabasa.

KURINDA KUTI VAUDZWE KWOKUPARIDZA

4, 5. Pauro nevamwe vake vakatungamirirwa sei nemudzimu mutsvene?

4 Chokutanga, vaapostora vainge vakarinda kuti vaudzwe kwokuparidza. Mune imwe nyaya tinodzidza kuti Jesu akashandisa mudzimu mutsvene waakapiwa naJehovha, kutungamirira muapostora Pauro nevamwe vake parwendo rwainge rwakasiyana nedzimwe nzendo. (Mab. 2:33) Ngationei zvaiitika pavaifamba.—Verenga Mabasa 16:6 kusvika ku10.

5 Pauro, Sirasi naTimoti vainge vabva muguta reRistra raiva nechokumaodzanyemba muGaratiya. Kwapera mazuva, vakasvika mumugwagwa mukuru weRoma unonanga kumadokero kunharaunda yeruwa rweEzhiya inogara vanhu vakawanda. Vaida kufamba nemugwagwa iwoyo kuti vashanyire maguta aiva nezviuru zvevanhu vaida kunzwa nezvaKristu. Asi pane chakavamisa. Ndima 6 inoti: “Vakapfuura nomuFrijiya nomunyika yeGaratiya, nokuti vakarambidzwa nomudzimu mutsvene kutaura shoko muruwa rweEzhiya.” Hatiudzwi kuti zvakafamba sei, asi mudzimu mutsvene wakavarambidza kuparidzira muruwa rweEzhiya. Zviri pachena kuti Jesu, achishandisa mudzimu waMwari, aida kuti Pauro nevamwe vake vanoparidza kune imwe nzvimbo.

6, 7. (a) Chii chakaitika kuna Pauro nevamwe vake vava pedyo neBhitiniya? (b) Vakazosarudzei, zvikaguma nei?

6 Pauro nevamwe vake vakabva vaenda kupi? Ndima 7 inoti: “Uyezve, pavakasvika kuMisiya vakaedza kupinda muBhitiniya, asi mudzimu waishandiswa naJesu hauna kuvabvumira.” Pauro nevamwe vake pavakarambidzwa kuparidza muEzhiya, vakananga kuchamhembe, vachida kuparidza mumaguta eBhitiniya. Zvisinei, vava pedyo neBhitiniya, Jesu akavarambidzazve achishandisa mudzimu mutsvene. Panguva iyi varume vacho vanofanira kunge vakanga vavhiringidzika. Vaiziva kuti voparidza chii uye kuti voparidza sei, asi vaisaziva kuti voparidza kupi. Tingazvitaura seizvi: Vainge vagogodza pasuo rokuenda kuEzhiya, zvikaramba. Vakazogogodza pasuo rokuenda kuBhitiniya, zvikarambazve. Vaparidzi ivavo vanoshingaira vakakanda mapfumo pasi here? Kana!

7 Panguva iyi varume ava vakabva vaita chisarudzo chaiita sechisina musoro. Ndima 8 inotiudza kuti: “Vakapfuura pedyo neMisiya vakaburukira kuTroasi.” Saka zvinoreva kuti vakananga kumadokero vachibva vafamba makiromita 563, vachisiya maguta akawanda dzamara vasvika pachiteshi chezvikepe cheTroasi, pavaigona kuwana chikepe chaienda kuMakedhoniya. Kechitatu vakagogodza pasuo, uye iye zvino rakabva ravhurika! Ndima 9 inotaura zvakazoitika: “Pauro akaona chiratidzo usiku: mumwe murume muMakedhoniya akanga akamira achimuteterera achiti: ‘Yambukirai kuMakedhoniya mutibatsire.’” Iye zvino Pauro ainge ava kuziva kuti oparidza kupi. Varume vacho vakabva vakwira chikepe, vakananga kuMakedhoniya.

8, 9. Tingadzidzei pane zvakaitika parwendo rwaPauro?

8 Tingadzidzei panyaya iyi? Ona kuti mudzimu waMwari wakazopindira pashure pokunge Pauro asimuka kuenda kuEzhiya. Zvadaro, Jesu akazopindira pashure pokunge Pauro ava pedyo neBhitiniya. Uyezve Jesu akazoudza Pauro kuti aende kuMakedhoniya pashure pokunge asvika kuTroasi. Sezvo Jesu ari iye Musoro weungano, anogona kuita zvakafanana kwatiri. (VaK. 1:18) Somuenzaniso, ungave uchifunga kuva piyona kana kuti kutamira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Asi Jesu angangozoshandisa mudzimu waMwari kukutungamirira pashure pokunge watora matanho okuzadzisa chinangwa chako. Somuenzaniso: Mutyairi angakonesera motokari yake kurudyi kana kuruboshwe, ndokunge iri kutofamba. Saizvozvowo, Jesu anotitungamirira pakuwedzera ushumiri hwedu kana tiine zvatiri kutoita kuti tizadzise chinangwa chedu.

9 Ko kana zvichiita sokuti hauna chauri kubura? Wokanda mapfumo pasi here, uchiti mudzimu waMwari hausi kukutungamirira? Unofanira kuyeuka kuti Pauro akasanganawo nezvipingamupinyi. Asi akaramba achitsvaka uye achigogodza kusvikira awana suo rakazovhurika. Saka kana ukaramba uchitsvaka “suo guru rebasa,” unogona kuwanawo mubayiro.—1 VaK. 16:9.

KUSVINURIRA KUNYENGETERA

10. Chii chinoratidza kuti kusvinurira pakunyengetera kunokosha kana tichida kuramba takarinda?

10 Chidzidzo chechipiri chatinowana kuhama dzemuzana remakore rokutanga panyaya yokurinda ndechekuti dzainge dzakasvinurira kunyengetera. (1 Pet. 4:7) Kuramba tichinyengetera kunokosha kana tichida kuramba takarinda. Yeuka kuti asati asungwa, Jesu akaudza vaapostora vake vatatu vari mumunda weGetsemane kuti: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera.”Mat. 26:41.

11, 12. Herodhi aitambudza sei vaKristu kusanganisira Petro uye aizviitirei?

11 Petro, mumwe wevatatu vacho, akazozvionera kuti minyengetero yemwoyo wose ine simba. (Verenga Mabasa 12:1-6.) Mundima dzokutanga dzenyaya iyi, tinodzidza kuti Herodhi akatambudza vaKristu kuti afarirwe nevaJudha. Anofanira kunge aiziva kuti Jakobho aiva muapostora ainge ari pedyo chaizvo naJesu. Saka, Herodhi akauraya Jakobho “nebakatwa.” (Ndima 2) Ungano yakabva yarasikirwa nemuapostora wayaida. Chokwadi uyu waiva muedzo kuhama!

12 Herodhi akazoiteizve? Ndima 3 inoti: “Zvaakaona kuti zvakanga zvichifadza vaJudha, akabva asungawo Petro.” Asi zvokuisa vaapostora mujeri zvainge zvambokundikana, uye Petro aiva mumwe wavo. (Mab. 5:17-20) Herodhi anofanira kunge aizviziva. Saka aisamboda kumupa mukana wokutiza. Akaendesa Petro “kumapoka mana evarwi kuti amurinde, boka rimwe nerimwe riine varwi vana, zvaaida kuzomubudisa kuti amuise kuvanhu paseka yapera.” (Ndima 4) Pafunge! Herodhi akaita kuti Petro asungwe ari pakati pevarindi vaviri, varindi 16 vachiita majana siku nesikati kuti asatize. Herodhi aida kufadza vanhu nokuuraya Petro paseka yapera. Zvinhu zvaoma kudaro, vaKristu vainamata naPetro vaizoitei?

13, 14. (a) Ungano yakaita sei Petro paakaiswa mujeri? (b) Panyaya yokunyengetera, tinodzidzei pane zvakaitwa nevaKristu vainamata naPetro?

13 Ungano yainyatsoziva zvokuita. Ndima 5 inoti: “Naizvozvo Petro akanga achichengetwa mujeri; asi ungano yakanga ichimunyengeterera kwazvo kuna Mwari.” Chokwadi vainyengeterera hama yavo kwazvo zvichibva pamwoyo. Saka kufa kwaJakobho hakuna kuita kuti vashaye tariro; uye hakuna kuita kuti vaone munyengetero seusingabatsiri. Asi vaiziva kuti minyengetero yevanamati vakatendeka inokosha chaizvo kuna Jehovha. Kana minyengetero yakadaro ichienderana nezvaanoda, anoipindura.—VaH. 13:18, 19; Jak. 5:16.

14 Tinodzidzei pane zvakaitwa nevaKristu vainamata naPetro? Kuramba takarinda kunosanganisirawo kunyengeterera hama nehanzvadzi dzedu. (VaEf. 6:18) Une vamwe vaunoziva vatinonamata navo vakamomoterwa nemiedzo here? Vamwe vangave vachitambudzwa, vachirambidzwa kunamata nehurumende kana kuti vakawirwa nenjodzi dzinongoitika dzoga. Wadii kuvanyengetererawo nemwoyo wose? Ungave uchiziva vamwe vane matambudziko asinganyatsooneki akadai seemhuri, kuora mwoyo kana kuti kurwara. Wadii kufunga nezvevamwe vaungatodudza nemazita paunenge uchinyengetera kuna Jehovha, “Munzwi womunyengetero”?—Pis. 65:2.

15, 16. (a) Tsanangura kuti ngirozi yaJehovha yakanunura sei Petro mujeri. (Ona mufananidzo uri pasi apa.) (b) Nei kufunga nezvekusunungura kwakaita Jehovha Petro kuchinyaradza?

15 Zvisinei, chii chakazoitika kuna Petro? Usiku hwokupedzisira ari mujeri, paainge akafa zvake nehope ari pakati pevarindi vaviri, pane zvinhu zvinoshamisa zvakaitika kwaari. (Verenga Mabasa 12:7-11.) Fungidzira zvakaitika: Muchitokisi makangoerekana mati bhaa nechiedza. Ngirozi yakamira pedyo naPetro, zvichida varindi vasingaioni, ikabva yamumutsa. Uye cheni dzakadonha kubva mumaoko ake! Ngirozi yacho yakabuda naPetro muchitokisi, vakapfuura nepavarindi vaiva vakamira panze uye gedhi hombe resimbi “rakangovavhurikira roga.” Pavakanga vangova panze, ngirozi yakabva yanyangarika. Petro ainge asununguka!

16 Kufunga nezvesimba raJehovha rokununura vashumiri vake hakusimbisi kutenda here? Ichokwadi kuti hatitarisiri kuti Jehovha aite chishamiso chokutinunura panguva ino. Zvisinei, tine chivimbo chokuti mazuva ano anoshandisa simba rake kutsigira vanhu vake. (2 Mak. 16:9) Achishandisa mudzimu wake mutsvene une simba, anogona kuita kuti tikunde chero muedzo. (2 VaK. 4:7; 2 Pet. 2:9) Uye nokukurumidza Jehovha achapa Jesu simba rokusunungura mamiriyoni evanhu vakafa vanoita sevakasungwa norufu. (Joh. 5:28, 29) Kutenda zvipikirwa zvaMwari kunogona kutishingisa kwazvo patinosangana nemiedzo mazuva ano.

KUPUPURIRA KWAZVO PASINEI NEZVIPINGAMUPINYI

17. Pauro akaratidza sei muenzaniso wakanaka pakuparidza achishingaira uye achiziva kuti basa raifanira kukurumidza kuitwa?

17 Chidzidzo chechitatu chatinowana kuvaapostora ndechokuti vakaramba vachipupurira kwazvo pasinei nezvipingamupinyi. Kuparidza tichishingaira kunokosha kana tichida kuramba takarinda. Muapostora Pauro aiva muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Akashingaira chaizvo, achifamba nzendo refu uye achitanga ungano dzakawanda. Akatsungirira matambudziko akawanda, asi akaramba achishingaira achiziva kuti basa raifanira kukurumidza kuitwa.—2 VaK. 11:23-29.

18. Pauro akaramba achipupura sei paaiva akasungwa muRoma?

18 Chimbofunga nezvemashoko okupedzisira anotaura nezvaPauro mubhuku raMabasa chitsauko 28. Pauro akasvika kuRoma kwaaifanira kunomira pamberi paNero. Aiva musungwa, zvimwe akasunganidzwa nemurindi waaiva naye. Asi izvozvo zvaisatadzisa muapostora uyu aishingaira kuparidza! Pauro akaramba achitsvaka nzira dzokupupura. (Verenga Mabasa 28:17, 23, 24.) Pashure pemazuva matatu, Pauro akaunganidza varume vakuru vevaJudha kuti apupure kwavari. Zvadaro, pazuva ravakanga varangana, akapupura kwazvo kwavari. Ndima 23 inoti: “Zvino [vaJudha veko] vakarangana zuva naye, uye vakauya kwaari vari vazhinji kwazvo munzvimbo yaaigara. Iye akavatsanangurira nyaya yacho nokuvapupurira kwazvo pamusoro poumambo hwaMwari uye achivanyengetedza pamusoro paJesu kubva mumutemo waMosesi neZvakanyorwa nevaprofita, kubvira mangwanani kusvikira manheru.”

19, 20. (a) Chii chaiita kuti Pauro abudirire paaiparidza? (b) Pauro akaita sei vamwe pavasina kugamuchira mashoko akanaka?

19 Nei Pauro aibudirira chaizvo paaiparidza? Ona kuti ndima 23 inopa zvimwe zvikonzero zvacho. (1) Ainyanyotaura nezveUmambo hwaMwari uye nezvaJesu Kristu. (2) Akaedza kuita kuti vateereri vake vafarire ‘nokuvanyengetedza.’ (3) Akashandisa Magwaro. (4) Aizvipira, achipupura “kubvira mangwanani kusvikira manheru.” Pauro akapupura kwazvo asi vamwe havana kugamuchira. Ndima 24 inoti, “Vamwe vakatanga kutenda zvinhu zvakataurwa; vamwe vakanga vasingatendi.” Vanhu vakabva vakamuka, vakatanga kuenda.

20 Pauro akaora mwoyo here nokuti vamwe havana kugamuchira mashoko akanaka? Kana! Mabasa 28:30, 31 inotiudza kuti: “Akagara kwemakore maviri ose ari muimba yake oga yaibhadharwa, uye vose vaiuya kwaari aivagamuchira nomutsa, achivaparidzira umambo hwaMwari uye achivadzidzisa zvinhu zvine chokuita naShe Jesu Kristu norusununguko rukuru rwokutaura, asingadziviswi.” Bhuku raMabasa rinobva raguma nemashoko iwayo anofadza.

21. Tingadzidzei pamuenzaniso waPauro paainge akasungwa?

21 Tingadzidzei pamuenzaniso waPauro? Paainge akasungwa asingabvumirwi kubva pamba paaigara, Pauro aisakwanisa kuparidza paimba neimba. Asi akaramba aine maonero akanaka, achipupura kune vose vaiuya kwaari. Mazuva ano, vanhu vaMwari vakawanda vanorambawo vachifara uye vachiparidza pasinei nokuiswa mujeri pamusana pokutenda kwavo. Dzimwe hama dzedu hadzikwanisi kubva pamba, vamwe vacho vangatove vachigara mumisha inochengeterwa vanorwara kana kuti vakwegura. Asi vanoedza nepavanogona napo kuparidzira vanachiremba, vashandi vomunzvimbo idzodzo, vashanyi nevamwewo. Chido chavo ndechokupupura kwazvo nezvoUmambo hwaMwari. Tinoonga chaizvo muenzaniso wavanoratidza!

22. (a) Chii chiri kutibatsira kunzwisisa bhuku reBhaibheri raMabasa? (Ona bhokisi riri pamusoro apa.) (b) Watsunga kuitei sezvaunomirira kuguma kwenyika ino yakaipa?

22 Chokwadi tinodzidza zvakawanda nezvokurinda kubva kuvaapostora nevamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga vari mubhuku raMabasa. Sezvatinomirira kuguma kwenyika ino yakaipa, ngatitsungei kutevedzera vaKristu ivavo vomuzana remakore rokutanga tichipupura noushingi uye tichishingaira. Hapana imwe ropafadzo yatingava nayo inopfuura ‘kupupura kwazvo’ nezveUmambo hwaMwari!—Mab. 28:23.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

“Bhuku Ramabasa Rakandichinjira Zvachose”

Averenga bhuku ra‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari, mumwe mutariri anofambira akati: “Bhuku raMabasa rakandichinjira zvachose. Ndakaverenga nhoroondo iri muna Mabasa kakawanda asi ndaiita sokuti ndiri kufamba nomairi ndakabata kenduru uye ndakapfeka magirazi akasviba. Iye zvino ndinonzwa sokuti ndakaropafadzwa kuti ndione kunaka kwayo nechiedza chezuva.”

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ngirozi yakabudisa Petro nepagedhi hombe resimbi