Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upristi Hwoumambo Huchabatsira Vanhu Vose

Upristi Hwoumambo Huchabatsira Vanhu Vose

“Imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo.’”—1 PET. 2:9.

1. Nei “kudya kwaShe kwemanheru” kuchinziwo Chirangaridzo, uye kunoitirwei?

MANHERU aNisani 14 mugore ra33 C.E., Jesu Kristu nevaapostora vake 12 vakachengeta Paseka yechiJudha kekupedzisira. Adzinga mutengesi Judhasi Iskariyoti, Jesu akatanga chimwe chiitiko, chakazonzi “kudya kwaShe kwemanheru.” (1 VaK. 11:20) Jesu akataura kaviri kuti, “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” Chiitiko ichi chinozivikanwawo seChirangaridzo, kurangarira rufu rwaKristu. (1 VaK. 11:24, 25) Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera murayiro uyu nokuchengeta Chirangaridzo gore negore. Muna 2012, Nisani 14 maererano nekarenda yeBhaibheri achatanga zuva ronyura musi weChina, April 5.

2. Jesu akatii nezvechingwa newaini zvaakashandisa?

2 Mudzidzi Ruka anotaura nemashoko mashomanana zvakaitwa uye zvakataurwa naJesu pachiitiko ichocho mundima mbiri achiti: “Akatorawo chingwa, akaonga, akachimedura, akavapa, achiti: ‘Ichi chinomirira muviri wangu uchapiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.’ Akatorawo kapu sezvaakanga amboita vapedza kudya kwemanheru, achiti: ‘Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu, ramuchadururirwa.’” (Ruka 22:19, 20) Vaapostora vangave vakanzwisisa sei mashoko aya?

3. Vaapostora vangave vakanzwisisa kuti chingwa newaini zvairevei?

3 Vaapostora vaiva vaJudha, saka vainyatsoziva nezvezvibayiro zvemhuka izvo vapristi vaipa Mwari patemberi muJerusarema. Zvibayiro zvakadaro zvaipiwa kuti vanhu vafarirwe naJehovha, uye zvakawanda zvaiva zvokufukidza zvivi. (Revh. 1:4; 22:17-29) Saka vaapostora vaigona kunzwisisa kuti Jesu paakati muviri wake neropa ‘zvaizopiwa nokuda kwavo,’ aireva kuti aizopa upenyu hwake hwakakwana sechibayiro. Chaizova chibayiro chinokosha chaizvo kupfuura zvemhuka.

4. Jesu airevei paakati: “Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu”?

4 Zvakadini nemashoko aJesu okuti “kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu”? Vaapostora vaiziva uprofita hwaitaura nezvesungano itsva huri pana Jeremiya 31:31-33. (Verenga.) Mashoko aJesu akaratidza kuti akanga ava kutanga sungano iyoyo itsva, yaizotsiva sungano yoMutemo yainge yaitwa naJehovha nevaIsraeri pachishandiswa Mosesi. Sungano idzi mbiri dzaiva noukama here?

5. Sungano yoMutemo yakapa vaIsraeri mikana yei?

5 Hongu, dzainge dziine chinangwa chimwe chete. Paakatanga sungano yoMutemo, Jehovha akaudza rudzi rwacho kuti: “Kana mukanyatsoteerera inzwi rangu uye mukachengeta sungano yangu, muchabva mava pfuma yangu chaiyo pakati pemamwe marudzi ose, nokuti nyika yose ndeyangu. Imi muchava kwandiri umambo hwevapristi norudzi rutsvene.” (Eks. 19:5, 6) Mashoko aya airevei kuvaIsraeri?

CHIPIKIRWA CHOUPRISTI HWOUMAMBO

6. Sungano yoMutemo yaibatsira pakuzadzisa chipikirwa chipi?

6 VaIsraeri vainzwisisa shoko rokuti “sungano,” nokuti Jehovha ainge aita zvibvumirano zvakadaro nemadzitateguru avo, Noa naAbrahamu. (Gen. 6:18; 9:8-17; 15:18; 17:1-9) Musungano yake naAbrahamu, Jehovha ainge apika kuti: “Marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako.” (Gen. 22:18) Sungano yoMutemo yakabatsira pakuzadzisa chipikirwa ichi. Pachishandiswa sungano iyoyo, vaIsraeri vaigona kuva “pfuma [yaJehovha] chaiyo pakati pemamwe marudzi ose.” Nechinangwa chei? Kuti ‘vave kuna Jehovha umambo hwevapristi.’

7. Mashoko okuti “umambo hwevapristi” airevei?

7 VaIsraeri vaiziva nezvemadzimambo nevapristi, asi Merekizedheki wekare kare ndiye chete ainge abvumirwa naJehovha kuva mambo uye mupristi panguva imwe chete. (Gen. 14:18) Iye zvino, Jehovha akapa rudzi urwu mukana wokuita kuti vamwe vavo vave “umambo hwevapristi.” Sezvakazoratidzwa neMagwaro, izvi zvaipa mukana wokuti pave noupristi hwoumambo, kureva madzimambo aizoshandawo ari vapristi.—1 Pet. 2:9.

8. Vapristi vakagadzwa naMwari vanoita mabasa api?

8 Basa ramambo nderokutonga. Asi mupristi anoitei? VaHebheru 5:1 inotsanangura kuti: “Mupristi mukuru wose anotorwa pakati pevanhu anogadzwa nokuda kwevanhu kuti atarisire zvinhu zvine chokuita naMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro zvezvivi.” Saka, mupristi akagadzwa naJehovha anomiririra vanhu vane zvivi pamberi paMwari achishandisa zvibayiro, achivatetererera kwaari. Mupristi anomiririrawo Jehovha pamberi pevanhu, achivarayiridza mitemo yake. (Revh. 10:8-11; Mar. 2:7) Nenzira idzi, mupristi akagadzwa naMwari anoita basa rokuyananisa vanhu naMwari.

9. (a) VaIsraeri vaifanira kuitei kuti vamwe vavo vave “umambo hwevapristi”? (b) Nei Jehovha akaita kuti vamwe vevaIsraeri vave vapristi? (c) Chii chaitadzisa vaIsraeri kuti vamwe vavo vave “umambo hwevapristi” ivo vari pasi pesungano yoMutemo?

9 Saka sungano yoMutemo yaipa vaIsraeri mukana wokuita kuti vamwe vavo vave upristi hwoumambo hwaizobatsira “mamwe marudzi ose.” Asi vane zvavaifanira kuita kuti mukana uyu wakazonaka uve wavo. Mwari akati: “Kana mukanyatsoteerera inzwi rangu uye mukachengeta sungano yangu.” VaIsraeri vaigona here ‘kunyatsoteerera inzwi raJehovha’? Hongu, vaigona asi kwete zvakakwana. (VaR. 3:19, 20) Ndokusaka Jehovha akaita kuti panguva iyoyo vamwe vevaIsraeri vave vapristi, asi vasiri madzimambo, kuti vape zvibayiro zvemhuka nokuda kwezvivi zvaizoitwa nevaIsraeri. (Revh. 4:1–6:7) Zvivi izvi zvaisanganisira zvevapristi vacho pachavo. (VaH. 5:1-3; 8:3) Jehovha aigamuchira zvibayiro zvakadaro, asi zvaisadzima zvivi zvacho zvachose. Vapristi vaiva pasi pesungano yoMutemo vaisakwanisa kuyananisira zvizere kunyange vaIsraeri vakanga vakanyatsozvipira kuna Mwari. Pauro akati: “Hazvibviri kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.” (VaH. 10:1-4) VaIsraeri vakatosvika pakuva vakatukwa nokutyora Mutemo. (VaG. 3:10) Vaisakwanisa kuva upristi hwoumambo nokuda kwenyika yose vari mumamiriro ezvinhu akadaro.

10. Chinangwa chesungano yoMutemo chaiva chei?

10 Saka chipikirwa chaJehovha chokuti vamwe vavo vave “umambo hwevapristi” chaisava nezvachaireva here? Kana! Kudai vaiedza nemwoyo wose kuteerera, vaizova nomukana uyu, asi vasiri pasi poMutemo. Nemhaka yei? (Verenga VaGaratiya 3:19-25.) Mutemo waiita kuti vaya vaiedza kuramba vachiuteerera vachengetedze kunamata kwakachena. Waiita kuti vaJudha vazive kudarika kwavo uye kuti vaida chibayiro chinopfuura chaipiwa nemupristi wavo mukuru. Waivaperekedza kuna Kristu, kana kuti Mesiya, mazita anoreva kuti “Muzodziwa.” Asi Mesiya paaizosvika, aizotanga sungano itsva yakataurwa naJeremiya. Vaya vakagamuchira Kristu vakakokwa kuti vave musungano itsva uye vaitozova “umambo hwevapristi.” Ngationei kuti zvaizodaro sei.

SUNGANO ITSVA INOITA KUTI PAVE NOUPRISTI HWOUMAMBO

11. Jesu akava sei wokutanga pane vaya vaizova upristi hwoumambo?

11 Muna 29 C.E., Jesu wokuNazareta akava Mesiya. Aine makore 30, akazvipa kuti aite zvainyatsodiwa naJehovha, achiratidza izvi nokubhabhatidzwa mumvura. Jehovha akabva amuti, “Mwanakomana wangu, anodiwa,” uye akamuzodza, kwete nemafuta, asi nomudzimu mutsvene. (Mat. 3:13-17; Mab. 10:38) Akazodzwa kuti ave Mupristi Mukuru wevanhu vose vanotenda uye Mambo wavo womunguva yemberi. (VaH. 1:8, 9; 5:5, 6) Iye ndiye aizova wokutanga pane vaizova upristi hwoumambo.

12. Chibayiro chaJesu chakaita kuti chii chikwanisike?

12 SoMupristi Mukuru, Jesu aizopa chibayiro chakaita sei chaizonyatsofukidza chivi chokuzvarwa nacho chevatendi? Sezvaakaratidza paakatanga Chirangaridzo chorufu rwake, upenyu hwake hwakakwana ndihwo hwaiva chibayiro chacho. (Verenga VaHebheru 9:11, 12.) Kubvira paakabhabhatidzwa muna 29 C.E., Jesu, soMupristi Mukuru, akabvuma kuedzwa uye kudzidza kusvikira panguva chaiyo yokufa kwake. (VaH. 4:15; 5:7-10) Amutswa, akakwira kudenga akapa Jehovha ukoshi hwechibayiro chake. (VaH. 9:24) Kubvira ipapo, Jesu aigona kuteterera Jehovha akamiririra vaya vanotenda chibayiro chake uye kuvabatsira kushumira Mwari vaine tariro youpenyu husingaperi. (VaH. 7:25) Chibayiro chake chakaitawo kuti sungano itsva itange kushanda.—VaH. 8:6; 9:15.

13. Vaya vakakokwa kuti vave musungano itsva vaiva netariro yei?

13 Vaya vakakokwa kuti vave musungano itsva vaizozodzwawo nomudzimu mutsvene. (2 VaK. 1:21) Kwakatanga vaJudha vakatendeka ndokuzouya veMamwe Marudzi. (VaEf. 3:5, 6) Vaya vaiva musungano itsva vaiva netariro yei? Vaizokanganwirwa zvivi zvavo zvachose. Jehovha akanga avimbisa kuti: “Ndichakanganwira kukanganisa kwavo, uye handizoyeukizve chivi chavo.” (Jer. 31:34) Pashure pokudzimwa zviri pamutemo kwezvivi zvavo, vaizokwanisa kuva “umambo hwevapristi.” Achinyorera vaKristu vakazodzwa, Petro akati: “Imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.” (1 Pet. 2:9) Pano Petro akataura mashoko aJehovha aakaudza vaIsraeri paaivapa Mutemo uye akaratidza kuti anoshanda kuvaKristu vari musungano itsva.—Eks. 19:5, 6.

UPRISTI HWOUMAMBO HUNOITA KUTI VANHU VOSE VABATSIRWE

14. Vaya voupristi hwoumambo vaizoshandira kupi?

14 Vaya vari musungano itsva vaizoshandira kupi? Vachiri panyika, seboka vaizova vapristi, vachimiririra Jehovha kuvanhu ‘nokuzivisa kwose kwose kunaka kwake’ uye kuvapa zvokudya zvinosimbisa pakunamata. (Mat. 24:45; 1 Pet. 2:4, 5) Vafa uye vamutswa, vaizoshanda pamwe naKristu kudenga vari madzimambo uye vapristi, vachiita mabasa iwayo maviri zvizere. (Ruka 22:29; 1 Pet. 1:3-5; Zvak. 1:6) Ichi ichokwadi nokuti muapostora Johani akaratidzwa zvisikwa zvomudzimu zvinoverengeka zviri pedyo nechigaro choUmambo chaJehovha kudenga. Zvaiimbira “Gwayana . . . rwiyo rutsva,” zvichiti: “Neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi, uye makaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvak. 5:8-10) Pane zvaakazoratidzwazve, Johani anoti nezvevatongi ava: “Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.” (Zvak. 20:6) Ivo naKristu vanoumba upristi hwoumambo huchabatsira vanhu vose.

15, 16. Upristi hwoumambo huchabatsira sei vanhu?

15 Vane 144 000 vachabatsira sei vaya vanenge vari panyika? Chitsauko 21 chaZvakazarurwa chinovaratidza seguta rokudenga, Jerusarema Idzva, rinonzi “mudzimai weGwayana.” (Zvak. 21:9) Ndima 2 kusvika ku4 dzinoti: “Ndakaonawo guta dzvene, Jerusarema Idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake. Naizvozvo ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’” Aya makomborero akazonaka! Kuchange kusisina misodzi, kuchema, kuridza mhere, uye kurwadziwa nokuti rufu runenge rwabviswa. Vanhu vakatendeka vachange vakwana, uye vanyatsoyananiswa naMwari.

16 Zvakazarurwa 22:1, 2 inotsanangura mamwe makomborero achaunzwa noupristi hwoumambo uhwu ichiti: “Yakandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ichiyerera ichibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwayana ichidzika nepakati pomugwagwa wakafara [weJerusarema Idzva]. Mhiri kuno kworwizi nemhiri uko kwakanga kuine miti youpenyu inobereka zvibereko zvomuchero gumi nezviviri, ichibereka michero yayo mwedzi mumwe nomumwe. Mashizha emiti yacho akanga ari okurapa marudzi.” Nourongwa uhwu hwokufananidzira, “marudzi,” kana kuti mapoka emhuri dzevanhu, achaporeswa zvachose pakusakwana kwavakapiwa naAdhamu. Chokwadi, ‘zvinhu zvokutanga zvichange zvapfuura.’

UPRISTI HWOUMAMBO HUNOPEDZA BASA RAHWO

17. Panopera makore ane chiuru, upristi hwoumambo huchange hwaitei?

17 Pachapera makore 1 000, upristi hwoumambo huchange hwabatsira vanhu vahunotonga panyika kuti vave vakakwana. SoMupristi Mukuru uye Mambo, Kristu achabva agamuchidza Jehovha mhuri yevanhu isina kana chivi. (Verenga 1 VaKorinde 15:22-26.) Upristi hwoumambo huchange hwanyatsopedza basa rahwo.

18. Pashure pokunge upristi hwoumambo hwapedza basa rahwo, Jehovha achashandisa sei shamwari dzaKristu?

18 Pashure paizvozvo, Jehovha achashandisa sei shamwari dzaKristu dzine ropafadzo yakakura kudai? Maererano naZvakazarurwa 22:5, “vachatonga semadzimambo nokusingaperi-peri.” Vanenge vachitonga vanaani? Bhaibheri hapana zvarinotaura. Asi upenyu hwavanenge vanahwo noruzivo rwavakawana pakubatsira nyika yevanhu vasina kukwana zvichaita kuti vakwanise kuva nechinzvimbo chokutonga nokusingaperi muzvinangwa zvaJehovha.

19. Vaya vachange varipo paChirangaridzo vachayeuchidzwa nezvei?

19 Patichaungana kuti tichengete Chirangaridzo chorufu rwaKristu musi weChina, April 5, 2012, dzidziso idzi dzeBhaibheri dzichange dziri mupfungwa dzedu. Vashoma vachiri pasi pano vevaKristu vakazodzwa vachadya chingwa nokunwa waini, izvo zvinoratidza kuti vari musungano itsva. Zvinhu izvi zvinomirira chibayiro chaKristu zvichavayeuchidza ropafadzo dzakazonaka uye mabasa avanawo muchinangwa chaMwari chisingagumi. Tose zvedu ngativepo tichionga chaizvo urongwa hwaJehovha Mwari hwoupristi hwoumambo huchabatsira vanhu vose.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Upristi hwoumambo huchabatsira vanhu nokusingaperi