Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ndicha- kwanisa Sei Kuparidza?’

‘Ndicha- kwanisa Sei Kuparidza?’

‘Ndicha- kwanisa Sei Kuparidza?’

Munyika yose, tine mienzaniso yakanaka chaizvo yehama nehanzvadzi vanoramba vachiita basa rokuparidza pasinei nematambudziko akakura eutano. Somuenzaniso, funga nezvaDalia, anogara muVilnius, guta guru reLithuania.

Dalia ihanzvadzi ine makore ari kuma35. Kubvira paakazvarwa, ave achitambura nokusitiroka kwaakaita. Zvakamusiya aoma nhengo dzomuviri uye achitadza kunyatsotaura. Saka vemhuri yake chete ndivo vanogona kunyatsonzwisisa zvaanotaura. Dalia anogara naamai vake, Galina, avo vanomutarisira. Kunyange zvazvo upenyu hwaDalia hwave huzere nematambudziko uye kuzvidya mwoyo, anogara achifara. Anozviita sei?

Galina anotsanangura kuti: “Muna 1999, munin’ina wangu anonzi Apolonija akatishanyira. Takaona kuti Apolonija, uyo ari Chapupu chaJehovha, aiziva chaizvo Bhaibheri, uye Dalia akatanga kumunaya nemibvunzo. Pasina nguva, Dalia akatanga kudzidza Bhaibheri. Pano neapo, ndaibatana navo ndichibatsira kuti anzwisise zvaitaurwa naDalia. Asi ndakaona kuti zvose zvavaidzidza zvainyatsomubatsira. Pasina nguva, neniwo ndakakumbira kudzidza Bhaibheri.”

Dalia zvaakatanga kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri, pane mubvunzo mumwe chete wakatanga kumunetsa. Akazoshinga, akabvunza Apolonija kuti: “Munhu akaita seni, akaoma nhengo dzomuviri, angakwanisa sei kuparidza?” (Mat. 28:19, 20) Apolonija akaudza Dalia akadzikama kuti: “Usatya. Jehovha achakubatsira.” Uye zvechokwadi Jehovha anomubatsira.

Saka Dalia anoparidza sei? Nenzira dzakasiyana-siyana. Hanzvadzi dzechiKristu dzinomubatsira kunyora tsamba dzinotaura nezveBhaibheri. Kutanga, Dalia anoudza hanzvadzi dzacho zvaanofunga. Dzinobva dzanyora tsamba yezvaanenge ataura. Dalia anoparidzawo nokutumira mameseji pafoni yake yeserura. Uye kana kunze kwakanaka, vamwe vomuungano vanoenda naye panze kuti ataure nevanhu vavanosangana navo mumapaki omunzvimbo iyoyo nomumugwagwa.

Dalia naamai vake vave vachifambira mberi pakunamata. Vakazvitsaurira kuna Jehovha vakabhabhatidzwa muna November 2004. Muna September 2008, boka rinotaura chiPolish rakatangwa muVilnius. Sezvo boka racho raida vaparidzi voUmambo vakawanda, Dalia naamai vake vakatamira mariri. Dalia anoti: “Mimwe mwedzi ndinonetseka pandinenge ndisati ndabuda muushumiri. Asi pashure pokunyengetera kuna Jehovha nezvazvo, pasina nguva, mumwe munhu anoronga kubuda neni muushumiri.” Hanzvadzi yedu inodiwa Dalia, inonzwa sei nezvairi? Anoti: “Chirwere chacho chakaomesa nhengo dzomuviri wangu, asi hachina kuomesa pfungwa dzangu. Ndinofara chaizvo kuti ndinokwanisa kuudza vamwe nezvaJehovha!”