Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuita Kuti Kudzidza Kunyanye Kunakidza Uye Kubatsire

Kuita Kuti Kudzidza Kunyanye Kunakidza Uye Kubatsire

Kuita Kuti Kudzidza Kunyanye Kunakidza Uye Kubatsire

Tingaita sei kuti tiwedzere kunakidzwa nokudzidza Bhaibheri? Tingaitei kuti pose patinodzidza tibatsirwe zvakanyanya? Ngatikurukurei muchidimbu matanho matatu achaita kuti tibatsirwe zvakanyanya patinodzidza Bhaibheri tiri toga.

 

1 NYENGETERA: Danho rokutanga nderokunyengetera. (Pis. 42:8) Nei tichifanira kudaro? Tinofanira kuona kudzidza Shoko raMwari sokunamata. Saka, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuva nemaonero akanaka uye kuti atipe mudzimu wake mutsvene. (Ruka 11:13) Barbara uyo ava nenguva refu ari mumishinari, anoti: “Ndinonyengetera pose pandinenge ndava kuda kuverenga kana kudzidza Bhaibheri. Ndadaro, ndinonzwa kuti Jehovha aneni uye kuti ari kufarira zvandiri kuita.” Kunyengetera tisati tadzidza kunoita kuti pfungwa dzedu nemwoyo zvinyatsogamuchira zvakawanda zvatinenge tava kuda kudzidza.

2 FUNGISISA: Nemhaka yokushaya nguva, vamwe vanongoverenga Shoko raMwari vasingadzamisi pfungwa. Zvisinei, izvi zvinoita kuti vasabatsirwa nokudzidza Bhaibheri. Carlos, uyo ave achishumira Jehovha kwemakore anopfuura 50, ava kuziva kukosha kwokuwana nguva yokufungisisa kuti abatsirwe zvakanyanya paanodzidza. Anoti: “Iye zvino ndinoverenga mapeji mashoma eBhaibheri, anenge maviri pazuva. Ndinobva ndava nenguva yakawanda yokufungisisa zvandinoverenga kuti ndiwane zvidzidzo zvinokosha.” (Pis. 77:12) Patinova nenguva yokufungisisa, tinowedzera ruzivo uye kunzwisisa kwatinoita zvinodiwa naMwari.—VaK. 1:9-11.

3 SHANDISA: Tikaona ukoshi hwokuita chimwe chinhu, tinowedzera kubatsirwa nacho. Ichocho ichokwadi panyaya yokudzidza Bhaibheri. Gabriel, imwe hama yechiduku ine purogiramu yokudzidza Bhaibheri, inoti: “Kudzidza kunondibatsira kukunda matambudziko ezuva nezuva, uye kunoita kuti ndikwanise kubatsira vamwe.” Inowedzera kuti: “Ndinoedza kushandisa zvose zvandinodzidza muupenyu hwangu.” (Dheut. 11:18; Josh. 1:8) Chokwadi, pane ruzivo rwakawanda runobva kuna Mwari rwatinogona kuwana uye kushandisa.—Zvir. 2:1-5.

KUDZOKORORA: Tine ropafadzo yakazokura yokunyatsodzidza zvatinopiwa naIye ane uchenjeri hwose, Jehovha! (VaR. 11:33) Saka nguva inotevera pauchadzidza, iva nechokwadi chokuti unotanga wanyengetera kuna Jehovha, wokumbira mudzimu wake mutsvene uye kuti akubatsire kuva nemaonero akanaka. Wadaro, imbomira pamwe pacho kuti ufungisise zvauri kuverenga. Uyewo shandisa zvaunodzidza muupenyu hwezuva nezuva. Kana ukatora matanho aya anokosha, uchaona kuti kudzidza kwaunoita Bhaibheri kuchakunakidza chaizvo uye kuchakubatsira.