Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munogona Kufara Mumhuri, Kunyange Zvitendero Zvenyu Zvakasiyana

Munogona Kufara Mumhuri, Kunyange Zvitendero Zvenyu Zvakasiyana

Munogona Kufara Mumhuri, Kunyange Zvitendero Zvenyu Zvakasiyana

“Unoziva sei kuti hauzoponesi [mumwe] wako?”—1 VAK. 7:16.

UNOGONA KUWANA MHINDURO HERE?

MuKristu ari mumhuri ine vamwe vasiri vatendi angaitei kuti vave nerugare?

MuKristu angabatsira sei vemumhuri vasingatendi kuti vagamuchire kunamata kwechokwadi?

Vamwe vangaitei kuti vabatsire vaKristu vari mumhuri dzine vamwe vasiri vatendi?

1. Chii chinogona kuitika kumhuri kana mumwe akagamuchira mashoko oUmambo?

MUMWE musi Jesu paakatuma vaapostora vake akati: “Pamunenge muchienda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mat. 10:1, 7) Mashoko aya akanaka aizoita kuti vaya vaiagamuchira vave norugare uye vafare. Zvisinei, Jesu akayambira vaapostora kuti vakawanda vaizopikisa basa ravo rokuparidza Umambo. (Mat. 10:16-23) Asi zvinonyanya kurwadza kana vomumhuri vakaramba mashoko oUmambo.—Verenga Mateu 10:34-36.

2. Nei vaKristu vari mumhuri dzine vasingatendi vachigona kufara?

2 Izvi zvinoreva here kuti vateveri vaKristu vangatadza kufara nokuti vamwe vomumhuri havanamati navo? Kana! Kunyange dzimwe nguva vemumhuri vachipikisa chaizvo, hazvina kudaro mune dzimwe mhuri. Uyewo dzimwe nguva kupikisa kwacho kunogona kuzopera. VaKristu vanogona kufara kana kusafara zvichienderana nezvavanoita pavanopikiswa. Uyezve Jehovha anokomborera vaya vakavimbika kwaari, nokuita kuti vafare pasinei nezvavanosangana nazvo. Vatendi vanogona kuwedzera mufaro wavo (1) nokuedza kuita kuti pamba pave norugare uye (2) nokubatsira nomwoyo wose vomumhuri vasingatendi kuti vagamuchire kunamata kwechokwadi.

ITA KUTI PAMBA PAVE NORUGARE

3. Nei muKristu ari mumhuri ine vasingatendi achifanira kuita kuti pamba pave norugare?

3 Pamba panofanira kuva norugare kuti mhuri ive nechibereko chokururama. (Verenga Jakobho 3:18.) MuKristu anofanira kunyatsoedza kuita kuti pamba pave norugare, kunyange mhuri yake isati yava kunamata pamwe naye. Izvi zvingaitwa sei?

4. VaKristu vangaramba sei vakagadzikana mumwoyo?

4 VaKristu vanofanira kuramba vakagadzikana mumwoyo. Kuti tidaro tinofanira kunyengetera nomwoyo wose, zvobva zvatiunzira “rugare rwaMwari.” (VaF. 4:6, 7) Kudzidza nezvaJehovha uye kushandisa zvinotaurwa neMagwaro muupenyu ndizvo zvinoita kuti tifare uye tive nerugare. (Isa. 54:13) Kuvawo nezvatinoita pamisangano uye kushingaira muushumiri kunokosha kana tichida kuva norugare uye mufaro. Kazhinji, vaKristu vari mumhuri dzine vasingatendi vanokwanisawo kuita mabasa echiKristu. Somuenzaniso, funga nezvaEnza, * ane murume anopikisa zvehasha chaizvo. Anotanga aita mabasa epamba ozoenda kuushumiri. Enza anoti, “Jehovha anondikomborera chaizvo pose pandinoedza kuudzawo vamwe mashoko akanaka.” Chokwadi makomborero akadaro anoita kuti ave norugare, agutsikane uye afare.

5. VaKristu vari mumhuri dzine vasingatendi vanowanzosangana nedambudziko ripi, uye vangawana kupi rubatsiro?

5 Tinofanira kushanda zvakasimba kuti tive nerugare nevomumhuri vasingatendi. Izvi zvinogona kuoma nokuti pamwe pacho vangada kuti tiite zvinopesana neBhaibheri. Kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri kunogona kugumbura vamwe vomumhuri vasingatendi, asi nokufamba kwenguva izvozvo zvinozoita kuti pave norugare. Ichokwadi kuti kungoomesa musoro pazvinhu zvisingapesani neMagwaro kunogona kuita kuti mungonetsana zvisina basa. (Verenga Zvirevo 16:7.) Panomuka dambudziko, zvinokosha kuti titsvake rubatsiro rweMagwaro mumabhuku eboka remuranda akatendeka, akangwara uye kuvakuru.—Zvir. 11:14.

6, 7. (a) Nei vamwe vangapikisa vomumhuri vanenge vatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha? (b) Mudzidzi weBhaibheri kana muKristu anofanira kuita sei paanopikiswa nevomumhuri?

6 Tinogona kuita kuti pamba pave nerugare kana tikavimba naJehovha uye tikanzwisisa manzwiro anoita vomumhuri vasingatendi. (Zvir. 16:20) Kunyange vadzidzi veBhaibheri vatsva vanogona kuratidza ungwaru panyaya iyi. Vamwe varume kana vakadzi vasingatendi vangasarambidza mumwe wavo kudzidza Bhaibheri. Vangabvuma kuti kudzidza Bhaibheri kwakanakira mhuri yavo. Asi vamwe vangapikisa chaizvo. Esther, uyo ava Chapupu, anobvuma kuti ‘akagumbuka chaizvo’ murume wake paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Anoti, “Ndairasa mabhuku ake kana kuapisa.” Howard, uyo aimbopikisa mudzimai wake paaidzidza Bhaibheri, anoti: “Varume vakawanda vanotya kuti madzimai avo ari kunyengerwa kuti apinde kamwewo kachechi. Murume angashaya kuti oita sei nazvo, saka angatanga kupikisa.”

7 Murume kana mudzimai ari kupikiswa nemumwe wake anofanira kubatsirwa kuona kuti haafaniri hake kurega kudzidza Bhaibheri. Kazhinji anokwanisa kugadzirisa dambudziko rake nokuva munyoro uye nokuremekedza mumwe wake. (1 Pet. 3:15) Howard anoti, “Ndinoonga chaizvo kuti mudzimai wangu akaramba akadzikama uye haana kuiita nyaya hombe!” Mudzimai wacho anoti: “Howard akati ndirege kudzidza Bhaibheri. Akati ndakanga ndiri kuputirwa. Pane kuita nharo, ndakamuti zvimwe aitaura chokwadi, asi ndakamuudzawo kuti ndaisazviona. Saka ndakamukumbira kuti averenge bhuku randaidzidza. Akariverenga uye haana kuona chakaipa mariri. Izvi zvakamubatsira chaizvo.” Zvakanaka kuyeuka kuti vamwe vangafunga kuti vava kusiyiwa kana kuti imba yavo yava kuparara, mumwe wavo paanoenda kumisangano kana kunoparidza, asi kuvavimbisa kuti vachiri kudiwa kunogona kuvabatsira chaizvo kuti vasafunga saizvozvo.

VABATSIRE KUTI VAGAMUCHIRE KUNAMATA KWECHOKWADI

8. Muapostora Pauro akapa zano ripi muKristu ane murume kana mudzimai asingatendi?

8 Muapostora Pauro akapa vaKristu zano rokuti vasangosiya vavakaroorana navo nokuti havatendi. * (Verenga 1 VaKorinde 7:12-16.) Kana muKristu akayeuka kuti mumwe wake anogona kuzovawo muKristu, izvozvo zvinogona kumubatsira kuti arambe achifara. Zvisinei, paanenge achiedza kuudza mumwe wake chokwadi, anofanira kungwarira sezvinoratidzwa nezvakasangana nevamwe zvinotevera.

9. Munhu paanotanga kuudza vemumhuri chokwadi cheBhaibheri, chii chaanofanira kungwarira?

9 Jason, anoyeuka kufara kwaakaita paakatanga kudzidza Bhaibheri. Anoti, “Ndaida kuudza munhu wose!” Kana mudzidzi weBhaibheri akanzwisisa kuti zvaari kudzidza ichokwadi, anogona kufara chaizvo zvokuti anenge ava kungogara achitaura nezvazvo. Angatarisira kuti vomumhuri vabva vangogamuchira mashoko oUmambo, asi vanogona kusaafarira. Mudzimai waJason akaita sei nemafariro aiita murume wake? Anoyeuka kuti, “Ndainzwa sokuti ainditadzisa kufema.” Mumwe mukadzi akazogamuchira chokwadi pashure pokunge murume wake ava nemakore 18 ari muchokwadi anoti, “Ini hangu ndaida kudzidza zvishoma nezvishoma.” Kana uri kudzidza Bhaibheri nemunhu ane murume kana mudzimai asingadi kubatana naye pakunamata kwechokwadi, wadii kupota uchidzidzira naye kutaura kwaangaita achingwarira nemumwe wake? Mosesi akati: “Kurayiridza kwangu kuchadonha sezvinoita mvura, shoko rangu richayerera sezvinoita dova, sezvinoita mvura inopfunha pauswa.” (Dheut. 32:2) Mashoko mashomanana echokwadi anotaurwa zvakanaka uye panguva yakakodzera anogona kubatsira chaizvo pane kuita okudurura.

10-12. (a) Muapostora Petro akapa zano rokutii kumuKristu ane murume kana mukadzi asingatendi? (b) Mumwe mudzidzi weBhaibheri akadzidza sei kushandisa zano riri pana 1 Petro 3:1, 2?

10 Muapostora Petro akafemerwa kupa zano madzimai echiKristu ane varume vasingatendi. Akanyora kuti, “Zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:1, 2) Mudzimai anogona kubatsira murume wake kuti ave munamati wechokwadi nokuzviisa pasi achiratidza ruremekedzo rukuru, kunyange murume wacho achimuitira zvakaipa. Murume anofanirawo kuzvibata semunamati uye sababa vane rudo pasinei nokupikiswa kwaanoitwa nemudzimai wake asingatendi.—1 Pet. 3:7-9.

11 Mazuva ano kune mienzaniso yakawanda inoratidza kubatsira kunoita zano raPetro. Funga nezvaSelma. Paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, murume wake Steve, haana kufara nazvo. Steve anobvuma kuti, “Ndakagumbuka, ndakava neshanje, ndaisada kumuona aine vamwe vanhu uye pane zvandaityira.” Selma anoti: “Kunyange ndisati ndawana chokwadi, kugara naSteve kwaida kungwarira, twake twaisatana kukwidza. Aiva nehasha dzakanyanya uye dzakatowedzera pandakatanga kudzidza Bhaibheri.” Chii chakavabatsira?

12 Selma anoyeuka chidzidzo chaakawana kubva kuChapupu chaimudzidzisa. Anoti, “Mumwe musi ndaisada kudzidza Bhaibheri. Manheru ainge apfuura, Steve ainge andirova pandaiedza kumuudza imwe pfungwa, saka ndaisafara uye ndaidemba. Pandakaudza hanzvadzi iya zvainge zvaitika uye kuti ndainzwa sei, yakati ndiverenge 1 VaKorinde 13:4-7. Pandaiverenga ndakatanga kufunga kuti, ‘Steve haambondiratidzi rudo rwakadai.’ Asi hanzvadzi yacho yakandibatsira nokubvunza kuti, ‘Pane zvataurwa apa, zvingani zvaunoitirawo murume wako?’ Ndakapindura kuti, ‘Hapana, nokuti haagariki naye.’ Hanzvadzi yacho yakati zvinyoronyoro, ‘Nhai Selma, ndiani ari kuedza kuva muKristu? Iwe kana kuti Steve?’ Pandakaona kuti ndaifanira kuchinja mafungiro angu, ndakanyengetera kuti Jehovha andibatsire kuda Steve. Zvinhu zvakatanga kuchinja zvishoma nezvishoma.” Steve akazogamuchira chokwadi papera makore 17.

KUBATSIRA KUNGAITA VAMWE

13, 14. Vamwe vari muungano vangabatsira sei mhuri dzine vamwe vasingatendi?

13 Sezvinongoita mvura inopfunha ichinyorovesa ivhu, yokudza zvirimwa, vakawanda vari muungano vanobatsira pakuita kuti vaKristu vane mhuri dzine vasingatendi vafare. Elvina wokuBrazil anoti, “Rudo rwehama nehanzvadzi dzangu ndirwo rwakandibatsira kuti ndisimbe muchokwadi.”

14 Kuva nemutsa uye kufarira munhu asingatendi kunoitwa nevamwe vari muungano kunobatsira chaizvo pakuita kuti achinje mwoyo. Mumwe murume wokuNigeria uyo akazogamuchira chokwadi pashure pokunge mudzimai wake ava Chapupu kwemakore 13 anoti: “Pataiva parwendo nechimwe Chapupu, motokari yakafa. Chapupu chacho chakatsvaga zvimwe Zvapupu mumusha waiva pedyo uye vakatipa pokurara. Vakatibata sokuti taizivana navo kubva tiri vaduku. Ndakabva ndaona kudanana kunoita vaKristu kwaigara kuchitaurwa nemudzimai wangu.” KuEngland, mumwe mudzimai akazova muchokwadi papera makore 18 murume wake ava Chapupu, anoyeuka kuti: “Zvapupu zvaigara zvichitikoka kuti tinodya nazvo. Ndainzwa ndakasununguka.” * Mumwe murume akazova Chapupu wokuEngland ikoko anoti: “Hama nehanzvadzi dzaitishanyira, kana kuti dzaitikoka kumba kwadzo, uye ndaiona kuti dzaiva nehanya chaizvo. Izvozvo ndakanyatsozviona pandaiva muchipatara, vakawanda pavakandishanyira.” Ungatsvaka mikana yakadaro yokufarira vaya vasingatendi vari mumhuri dzevamwe vaKristu here?

15, 16. Chii chingabatsira Chapupu kuramba chichifara kana vomumhuri vakasagamuchira chokwadi?

15 Kunyange muKristu apedza makore akatendeka uye achingwarira, chokwadi ndechokuti hadzisi hama dzose dzisingatendi, varume, madzimai, vana, kana vabereki vanozogamuchira kunamata kwechokwadi. Vamwe vanoramba vasingafariri kana kuti vachipikisa. (Mat. 10:35-37) Zvisinei, vaKristu pavanozvibata sevanamati, izvozvo zvinogona kubatsira chaizvo. Mumwe murume akazova Chapupu anoti: “Mutendi paanotanga kuratidza unhu hwakanaka, hauzivi kuti chii chinenge chichiitika mumwoyo measingatendi. Saka usambokanda mapfumo pasi.”

16 Kunyange mumwe wemumhuri akasagamuchira chokwadi, muKristu anogona kuramba achifara. Imwe hanzvadzi yava nemakore 21 ichiedza kubatsira murume wayo kuti ave Chapupu inoti: “Ndinoramba ndichifara nokuedza kufadza Jehovha, nokuramba ndakavimbika kwaari uye nokushanda nesimba kuti ndisimbise ukama hwangu naye. Kubatikana nezvinhu zvokunamata zvakadai sekudzidza ndiri ndoga, kupinda misangano, ushumiri, uye kubatsira vamwe muungano, kunoita kuti ndive pedyo naJehovha uye kunochengetedza mwoyo wangu.”—Zvir. 4:23.

USAKANDA MAPFUMO PASI!

17, 18. MuKristu anogona sei kuramba aine tariro kunyange ari mumhuri ine vamwe vasiri vatendi?

17 Kana uri muKristu akatendeka ari mumhuri ine vamwe vasiri Zvapupu, usakanda mapfumo pasi. Yeuka kuti, “Jehovha haazosiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru.” (1 Sam. 12:22) Anewe chero bedzi ukaramba wakanamatira kwaari. (Verenga 2 Makoronike 15:2.) Saka farira “Jehovha kwazvo . . . Isa nzira yako pana Jehovha, uvimbe naye.” (Pis. 37:4, 5) ‘Ramba uchinyengetera,’ uye tenda kuti Baba vedu vokudenga vane rudo vachakubatsira kutsungirira chero dambudziko ripi zvaro.—VaR. 12:12.

18 Teterera Jehovha kuti mudzimu wake mutsvene ukubatsire kuva norugare pamba. (VaH. 12:14) Chokwadi, unogona kuva norugare nevemumhuri vasiri vatendi zvikazoita kuti vachinje. Uchava norugare rwemwoyo nepfungwa uye uchafara paunenge uchiita “zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.” (1 VaK. 10:31) Paunenge uchiedza zvose izvi, zvinofadza chaizvo kuziva kuti unenge uchibatsirwa nehama nehanzvadzi dzine rudo dzemuungano yechiKristu!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mazita akachinjwa.

^ ndima 8 Zano raPauro harirambidzi munhu kuparadzana nemumwe wake kana zvinhu zvaipisisa. Munhu anofanira kuzvisarudzira ega panyaya iyi yakakosha. Ona “Rambai Muri Murudo rwaMwari,” mapeji 220-221.

^ ndima 14 Magwaro haarambidzi kudya nemunhu asingatendi.—1 VaK. 10:27.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 28]

Tsvaka nguva yakakodzera yokutsanangura zvaunotenda

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ratidzai kuti mune hanya nevarume kana kuti vakadzi vasingatendi