Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Mwanakomana Anoda Kuzivisa nezvaBaba’

‘Mwanakomana Anoda Kuzivisa nezvaBaba’

‘Mwanakomana Anoda Kuzivisa nezvaBaba’

“Kuti Baba ndiani, hapana anoziva kunze kwoMwanakomana, uye munhu uyo Mwanakomana anenge ada [kuzivisa].”—RUKA 10:22.

UNGAPINDURA SEI?

Nei Jesu ariye chete ainyatsokwanisa kuzivisa nezvaBaba vake?

Jesu akazivisa sei vamwe nezvaBaba vake?

Ungatevedzera sei Jesu pakuzivisa vamwe nezvaBaba?

1, 2. Vakawanda vanotenderedzwa musoro nomubvunzo upi, uye chii chinokonzera izvozvo?

‘MWARI ndiani?’ Vakawanda vanotenderedzwa musoro nemubvunzo uyu. Somuenzaniso, kunyange zvazvo vazhinji vanozviti vaKristu vachitenda kuti Mwari Utatu, vakawanda vanobvuma kuti dzidziso iyi hainzwisisiki. Mumwe munyori uye arizve mufundisi akabvuma kuti: “Pfungwa dzemunhu dzaita diki kuti dzinzwisise dzidziso iyi. Inoita seisina musoro.” Asi ruzhinji rwevaya vanobvuma dzidziso yokuti vanhu vakatanga vari mhuka vanotenda kuti hakuna Mwari. Vanoti zvinhu zvose zvinoshamisa zvakasikwa zvakangovapo zvoga. Kunyange zvakadaro, pane kuti Mwari haako, Charles Darwin akati: “Ini zvandingangotaura hangu ndezvokuti pfungwa dzemunhu hadzikwanisi kunzwisisa nyaya yacho yose.”

2 Ruzhinji rwevanhu, pasinei nezvavanotenda, vakafunga nezvemibvunzo ine chokuita naMwari. Zvisinei, pavakashaya mhinduro inogutsa, vakawanda vakarega kutsvaka Mwari. Zvechokwadi, ‘vasingatendi vakapofumadzwa pfungwa’ naSatani. (2 VaK. 4:4) Ndokusaka vakawanda vachivhiringidzika uye vasingazivi chokwadi pamusoro paBaba, Musiki wezvinhu zvose!—Isa. 45:18.

3. (a) Ndiani akatizivisa nezveMusiki? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

3 Kunyange zvakadaro, zvinokosha kuti vanhu vadzidze chokwadi pamusoro paMwari. Nei zvichikosha? Nokuti vaya chete vanodana “zita raJehovha” ndivo vachaponeswa. (VaR. 10:13) Kudana zita raMwari kunosanganisira kunyatsoziva Jehovha, zvaari chaizvo. Jesu Kristu akadzidzisa vadzidzi vake chokwadi ichocho chinokosha. Akavazivisa nezvaBaba vake. (Verenga Ruka 10:22.) Nemhaka yei Jesu ariye chete ainyatsokwanisa kuzivisa nezvaBaba? Akaita sei izvozvo? Uye tingamutevedzera sei pakuzivisa vamwe nezvaBaba? Ngatikurukurei mibvunzo iyi.

JESU CHETE NDIYE AINYATSOKWANISA KUZIVISA NEZVABABA

4, 5. Nei Jesu ariye chete ainyatsokwanisa kuzivisa nezvaBaba vake?

4 Jesu ainyatsokwanisa kuzivisa nezvaBaba vake. Nei tichidaro? Nokuti zvimwe zvipenyu zvose zvisati zvasikwa, chisikwa chomudzimu chakazozivikanwa saJesu pasi pano chaivapo kudenga se“mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga.” (Joh. 1:14; 3:18) Chokwadi hapana mumwe aiva nechinzvimbo chakadaro! Zvimwe zvisikwa zvose zvisati zvavapo, Baba vaingofunga nezveMwanakomana wavo chete chete, uye iye aidzidza nezvavo. Kwemakore asingaverengeki, Baba neMwanakomana wavo vanofanira kuva vaikurukurirana chaizvo, uye vakasvika pakudanana zvakadzama. (Joh. 5:20; 14:31) Mwanakomana anofanira kuva akadzidza zvakawanda chaizvo nezvaBaba vake!—Verenga VaKorose 1:15-17.

5 Baba vakasarudza Mwanakomana kuti ataure achivamiririra, ari “Shoko raMwari.” (Zvak. 19:13) Saka Jesu ndiye chete ainyatsokwanisa kuzivisa vamwe nezvaBaba. Zvainge zvakakodzera kuti Johani, munyori weEvhangeri arondedzere Jesu, “Shoko,” seaiva “panzvimbo yepachipfuva chaBaba.” (Joh. 1:1, 18) Johani akashandisa mashoko iwayo achifunga nezvemagariro aiwanzoitwa pakudya mumazuva ake. Mumwe muenzi aitsenhama pamberi pomumwe vakatevedzana. Sezvo vaiva pedyo zvakadaro, vaviri ava vaigona kukurukurirana zviri nyore. Saka Mwanakomana zvaaiva “panzvimbo yepachipfuva chaBaba,” aikurukura naBaba vake zvinhu zvakadzama.

6, 7. Ukama hwaBaba neMwanakomana hwakaramba sei huchisimba?

6 Ukama hwaBaba neMwanakomana hwakaramba huchisimba. Mwanakomana “akava munhu [aidiwa naMwari] kwazvo zuva nezuva.” (Verenga Zvirevo 8:22, 23, 30, 31.) Saka zvine musoro kuti ukama hwavo hwakaramba huchisimba sezvo vaishanda pamwe chete, Mwanakomana achidzidza kutevedzera Baba vake. Kunyange pakazosikwa zvimwe zvisikwa zvinogona kushandisa pfungwa, Mwanakomana akaona mabatiro aiita Jehovha chimwe nechimwe, uye zvechokwadi aiwedzera kunzwisisa Mwari.

7 Kunyange kupikisa kwakazoita Satani kodzero yaJehovha yokuva Changamire kwakapa Mwanakomana mukana wokudzidza maratidziro aizoita Jehovha rudo, kururamisira, uchenjeri, uye simba mumamiriro ezvinhu akaoma. Hapana mubvunzo kuti izvozvo zvakaita kuti Jesu azokwanisa kutsungirira matambudziko aakazosangana nawo muushumiri hwake pasi pano.—Joh. 5:19.

8. Nhoroondo dzeEvhangeri dzinotibatsira sei kudzidza zvakawanda nezveunhu hwaBaba?

8 Mwanakomana akatsanangura zvakadzama nezvaBaba kupfuura chero ani zvake nemhaka yokuti aiva pedyo chaizvo naJehovha. Chokwadi, nzira yakanakisisa yokuziva nezvaBaba ndeyokudzidza zvakadzidziswa uye zvakaitwa neMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga. Somuenzaniso, funga kuti zvaizotiomera sei kunyatsonzwisisa zvinorehwa neshoko rokuti “rudo” nokungoverenga zvinotaurwa neduramazwi. Asi patinofungisisa nhoroondo dzakajeka dzevanyori veEvhangeri dzinotaura nezveushumiri hwaJesu nemabatiro aaita vamwe, tinogona kunzwisisa chaizvo mashoko okuti “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8, 16) Ndizvo zvazvakaitawo nohumwe unhu hwaMwari uhwo Jesu akazivisa vadzidzi vake paaiva pasi pano.

KUZIVISA KWAKAITA JESU NEZVABABA VAKE

9. (a) Jesu akazivisa nezvaBaba vake nenzira dzipi mbiri? (b) Taura muenzaniso unoratidza kuzivisa kwakaita Jesu nezvaBaba vake achishandisa dzidziso dzake.

9 Jesu akazivisa sei nezvaBaba kuvadzidzi vake nevamwe vaizovawo vadzidzi? Akaita izvozvo nenzira mbiri: zvaaidzidzisa uye maitiro ake. Ngatitangei kukurukura zvaaidzidzisa. Zvaakadzidzisa vateveri vake zvairatidza kuti ainyatsonzwisisa zvaifungwa naBaba vake, manzwiro avo, uye maitiro. Somuenzaniso, Jesu akafananidza Baba vake nemunhu ane hanya nemakwai ake, anoenda kunotsvaka rimwe chete rakarasika. Jesu akati munhu wacho paanowana gwai rake rakarasika, “anofara kwazvo pamusoro paro kupfuura pamusoro pemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.” Mufananidzo iwoyo wairevei? Jesu akatsanangura kuti: “Saizvozvowo hachisi chinhu chinodiwa naBaba vangu vari kudenga kuti mumwe wevaduku ava aparare.” (Mat. 18:12-14) Ungadzidzei nezvaJehovha pamufananidzo uyu? Kunyange kana uchimbofunga kuti haukoshi uye kuti hapana anofunga nezvako, Baba vako vokudenga vanokufarira uye vane hanya newe. Vanokuona somumwe “wevaduku ava.”

10. Jesu akazivisa sei nezvaBaba vake nemaitiro ake?

10 Nzira yechipiri iyo Jesu akazivisa nayo vadzidzi vake nezvaBaba yaiva maitiro ake. Saka muapostora Firipi paakakumbira Jesu kuti: “Tiratidzei Baba,” Jesu aigona kuti: “Aona ini aonawo Baba.” (Joh. 14:8, 9) Funga zvimwe zvakaitwa naJesu zvinoratidza unhu hwaBaba vake. Mumwe munhu aiva nemaperembudzi paakateterera Jesu kuti amurape, Jesu akabata murume wacho “akanga akazara maperembudzi,” akamuudza kuti: “Ndinoda. Cheneswa.” Aporeswa, hapana mubvunzo kuti murume wacho aigona kuona kuti Jehovha ndiye ainge amuporesa achishandisa Jesu. (Ruka 5:12, 13) Uyewo, pakafa Razaro, vadzidzi vanofanira kuva vakaona kuti Baba vane tsitsi, Jesu pa“akagomera neshungu, akanetseka” uye “akasvimha misodzi.” Kunyange zvazvo Jesu aiziva kuti aizomutsa Razaro, akarwadziwa sezvaiita mhuri yaRazaro uye shamwari dzake. (Joh. 11:32-35, 40-43) Hapana mubvunzo kuti une nhoroondo dzemuBhaibheri dzaunofarira dzinoita kuti uone ngoni dzaBaba sokuratidzwa kwadzakaitwa naJesu.

11. (a) Jesu paakachenesa temberi, akaratidzei nezvaBaba vake? (b) Nei nhoroondo yokuchenesa kwakaita Jesu temberi ichiita kuti tive nechivimbo?

11 Zvisinei, unofungei nokuchenesa temberi kwakaitwa naJesu? Fungidzira zvaiitika: Jesu akagadzira tyava yetambo, uye akadzingira kunze vaya vaitengesa mombe nemakwai. Akadururira pasi mari yevaichinja mari uye akapidigura tafura dzavo. (Joh. 2:13-17) Izvozvo zvakaita kuti vadzidzi vayeuke mashoko ouprofita aMambo Dhavhidhi okuti: “Kushingairira imba yenyu kwandipedza.” (Pis. 69:9) Jesu akaratidza chido chakasimba chokudzivirira kunamata kwechokwadi. Unoona here unhu hwaBaba pane zvakaitwa naJesu? Zvinotiyeuchidza kuti Mwari ane simba guru rokubvisa zvakaipa panyika uyewo ane chido chakasimba chokuita izvozvo. Zvakaitwa naJesu paakaona zvakaipa zvaiitwa, zvinoratidza manzwiro anofanira kuva anoita Baba pavanoona zvakaipa zviri kwose kwose panyika mazuva ano. Izvozvo zvinoita kuti tive nechivimbo patinenge tichitsungirira kuitirwa zvakaipa.

12, 13. Ungadzidzei nezvaJehovha pamabatiro aiita Jesu vadzidzi vake?

12 Iye zvino ngationgororei mabatiro aiita Jesu vadzidzi vake. Vairamba vachiitisana nharo kuti ndiani aiva mukuru. (Mako 9:33-35; 10:43; Ruka 9:46) Sezvo Jesu ainge apedza nguva refu aina Baba, aiziva maonero anoita Jehovha katsika kekuzvikudza. (2 Sam. 22:28; Pis. 138:6) Uyezve Jesu ainge aona katsika ikako kachiratidzwa naSatani Dhiyabhorosi. Ngirozi iyoyo yaizvikudza yaingofunga nezvemukurumbira chete uye chinzvimbo. Saka Jesu anofanira kuva akashungurudzika chaizvo kuona vadzidzi vaakanga arovedza vachirwira chinzvimbo! Kunyange vaya vaainge asarudza kuti vave vaapostora vaiita izvozvo! Vakaramba vaine mafungiro akadaro kusvikira pazuva rokupedzisira chairo roupenyu hwaJesu pasi pano. (Ruka 22:24-27) Asi Jesu akaramba achivatsiura nemutsa, achingotarisira kuti vaizodzidza kuzvininipisa sezvaaiita.—VaF. 2:5-8.

13 Unogona here kuona unhu hwaBaba pakushivirira kwaJesu paaibatsira vadzidzi vake kuti varase tutsika twakaipa? Pamashoko uye zvakaitwa naJesu, unoona here unhu hwaBaba, avo vasingarasi vanhu pasinei nokuti vanoramba vachikundikana? Kuziva unhu ihwohwo hwaMwari kunotikurudzira kupfidza tonyengetera tichikumbira ruregerero pane zvatinokanganisa.

MWANAKOMANA AIDA CHAIZVO KUZIVISA NEZVABABA

14. Jesu akaratidza sei kuti aida kuzivisa nezvaBaba vake?

14 Vatongi vakawanda vanoedza kuita kuti vanhu vavanotonga vagare vari murima nokusavaudza zvimwe zvinhu. Kusiyana naizvozvo, Jesu aida kuudza vamwe zvaaiziva nezvaBaba, achinyatsovatsanangurira nezvavo. (Verenga Mateu 11:27.) Jesu akapawo vadzidzi vake “simba rokuva vakangwara kuti [vazive] iye wechokwadi,” Jehovha Mwari. (1 Joh. 5:20) Izvozvo zvinorevei? Jesu akavhura pfungwa dzevadzidzi vake kuti vanzwisise zvaaidzidzisa nezvaBaba. Haana kuita kuti vanhu vasanzwisisa Baba nokudzidzisa dzidziso isinganzwisisiki yoUtatu.

15. Chii chakaita kuti Jesu asaudza vadzidzi zvimwe zvaiva nechokuita naBaba vake?

15 Jesu akazivisa kanhu kese kaaiziva nezvaBaba vake here? Kwete, akaratidza kuti ainge akachenjera nokusaudza vadzidzi zvinhu zvakawanda zvaaiziva. (Verenga Johani 16:12.) Nei akadaro? Nokuti panguva iyoyo vadzidzi vake vaisagona “kuzvinzwisisa.” Asi sokutsanangura kwakaita Jesu, zivo yakawanda chaizvo yaizoziviswa nokusvika kwo“mubatsiri,” mudzimu mutsvene, uyo waizovatungamirira “muchokwadi chose.” (Joh. 16:7, 13) Kungofanana nevabereki vakangwara vasingaudzi vana vavo zvose kusvikira vakura zvokugona kuzvinzwisisa, Jesu akamirirawo kusvikira vadzidzi vava kukwanisa kunzwisisa zvimwe zvinhu nezvaBaba. Jesu aiva nemutsa uye aifunga zvavaisakwanisa.

TEVEDZERA JESU NOKUBATSIRA VAMWE KUZIVA JEHOVHA

16, 17. Chii chinoita kuti ukwanise kuzivisa vamwe nezvaBaba?

16 Paunenge wava kunyatsoziva mumwe munhu uye kuti ane rudo, haunzwi uchida kuudza vamwe nezvake here? Paaiva pasi pano, Jesu aitaura nezvaBaba vake. (Joh. 17:25, 26) Zvinoita here kuti timutevedzere pakuzivisa vamwe nezvaJehovha?

17 Sezvatakurukura, Jesu ainyatsoziva Baba vake kupfuura vamwe vose. Asi, aida chaizvo kuudza vamwe zvaaiziva, uye akatopa vateveri vake simba rokuva vakangwara kuti vanzwisise zvinhu zvakadzama nezveunhu hwaMwari. Tichibatsirwa naJesu, tava kunzwisisa Baba vedu kupfuura zvinoitwa nevakawanda mazuva ano. Tinotenda chaizvo kuti Jesu akatizivisa nezvaBaba vake nedzidziso dzake uye nemaitiro ake. Zvechokwadi, tingatodada nokuziva Baba. (Jer. 9:24; 1 VaK. 1:31) Sezvatakavavarira kuswedera pedyo naye, iye akaswedera pedyo nesu. (Jak. 4:8) Saka, iye zvino tava kukwanisa kuudza vamwe zivo yatinayo. Tingazviita sei?

18, 19. Ungazivisa sei vamwe nezvaBaba? Tsanangura.

18 Tinofanira kutevedzera Jesu nokuzivisa vamwe nezvaBaba, tichidaro nemashoko edu uye nezvatinoita. Yeuka kuti vakawanda vatinosangana navo muushumiri havazivi kuti Mwari ndiani. Maonero avanoita Mwari anogona kunge akavhiringidzwa nedzidziso dzenhema. Tingavaudza zvatinoziva nezvezita raMwari, kuti akasikirei vanhu, uye unhu hwake hunotaurwa muBhaibheri. Tinogonawo kukurukura nevatinonamata navo zvimwe zvatinenge tadzidza muBhaibheri nezveunhu hwaMwari, zvatisina kumbobvira tanzwisisa sezvatava kuita. Tikadaro, naivowo vangabatsirwa.

19 Ko zvakadini nokuzivisa nezvaBaba nemaitiro edu sezvatinoedza kutevedzera Jesu? Vanhu pavanoona rudo rwaKristu pane zvatinoita, zvichavaswededza pedyo naBaba uyewo naJesu. (VaEf. 5:1, 2) Muapostora Pauro akatikurudzira kuti tive ‘vatevedzeri vake, sezvo iye aiva waKristu.’ (1 VaK. 11:1) Tine ropafadzo yakazonaka yokubatsira vamwe kuti vadzidze nezvaJehovha pamaitiro edu! Ngatirambei tichitevedzera Jesu nokuzivisa vamwe nezvaBaba.

[Mibvunzo Yechidzidzo]