Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaya Youpenyu

Zvatakadzidza Mubasa Redu Dzvene

Zvatakadzidza Mubasa Redu Dzvene

Yakataurwa naOlivier Randriamora

“Chokwadi ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvinhu zvishoma, chokwadi ndinoziva zvazvinoreva kuva nezvizhinji. Muzvinhu zvose uye mumamiriro ose ezvinhu ndakadzidza zvazvinoreva kuva akaguta nokuva ane nzara . . . Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”—VaF. 4:12, 13.

MASHOKO aya omuapostora Pauro akakurudzira ini nomudzimai wangu Oly kwemakore. Sezvakaita Pauro, takadzidza kuvimba zvizere naJehovha patiri kumushumira kuno kuMadagascar.

Zvapupu zvaJehovha pazvakatanga kudzidza Bhaibheri naamai vaOly muna 1982, ini naOly takanga tatovimbisana kuroorana. Ini ndakabvumawo kudzidza Bhaibheri uye Oly akazotangawo pava paya. Takaroorana muna 1983 tikazobhabhatidzwa muna 1985, uye takabva tangotora upiyona hwebetsero. Takava mapiyona enguva dzose muna July 1986.

Muna September 1987, takagadzwa kuva mapiyona chaiwo. Kwatakatanga kutumirwa, kumavirira kweMadagascar, kwakanga kusina ungano. MuMadagascar mune marudzi anokwana 18 uyewo gumi nefararira remadzinza uye tsika nemagariro zvakasiyana-siyana. Mutauro wemo chiMalagasy icho chine mapazi akasiyana-siyana. Saka takadzidza bazi remutauro waitaurwa kwatakatumirwa, uye izvi zvakaita kuti vanhu vomunzvimbo iyi vatiteerere.

Mazuva okutanga ndaipa hurukuro yavose misi yeSvondo yega yega, uye pandaingopedza, Oly airova maoko. Taipinda tingori vaviri chete. Taiitawo Chikoro chaMwari Choushumiri, Oly achiita seari kutotaura nasaimba. Takazofara mutariri wedunhu paakatikurudzira kugadzirisa maitiro ataiita misangano!

Sezvo posvo dzainetsa, taisawana mari yataipiwa pamwedzi nesangano nenguva. Saka takadzidza kurarama nezvishoma. Mumwe musi takashaya mari yokukwirisa bhazi kuenda kugungano redunhu raizoitwa kure nemakiromita 130. Takayeuka zvatakamboudzwa nechimwe Chapupu kuti: “Udzai Jehovha zvinenge zvichikunetsai nokuti basa racho ramuri kuita nderake.” Saka takanyengetera tikasarudza kufamba netsoka. Tava kutoda kuti tichisimuka, imwe hama yakauya tisingambofungiri ikatipa chipo chemari yaikwana kuti tikwire bhazi!

BASA REMUDUNHU

Ndakagadzwa kuva mutariri wedunhu muna February 1991. Panguva iyi takanga tava nevaparidzi vapfumbamwe muboka redu, vatatu vacho vakanga vakabhabhatidzwa, uye paavhareji 50 vaiuya kumisangano. Pandakapedza kurayiridzwa, takafambira dunhu remuguta reAntananarivo. Muna 1993 takachinjirwa kudunhu raiva nechekumabvazuva kweMadagascar. Upenyu hweko hwakanga hwakatosiyana nehwemuguta.

Kuti tisvike kuungano nemamwe mapoka aiva kure, taifamba netsoka, dzimwe nguva kwemakiromita 145 nemumakomo aiva nemiti yakawanda. Taifamba nezvinhu zvishoma. Asi hurukuro yavose yemutariri wedunhu payaisanganisira masiraidhi, sezvaimboitwa mazuva iwayo, zvataitakura zvaizoti wandei. Oly aitakura purojekita ini ndakatakura bhatiri remotokari.

Taiwanzofamba makiromita 40 pazuva kubva kune imwe ungano tichienda kune imwe. Munzira taikwidza nokudzika makomo, tichiyambuka nzizi uye tichichakwaira nomumadhaka. Dzimwe nguva tairara musango muzasi menzira, asi kakawanda taiedza kutsvaka musha wokuti tirare usiku. Pamwe pacho taikumbira pokurara kuvanhu vataisamboziva. Tangowana pokurara taibva tatotanga kugadzira zvokudya. Oly aikumbira poto oenda kunochera mvura kurwizi rwaiva pedyo. Ini ndaisara ndichikumbira demo rokutemesa huni dzokubikisa. Zvose izvi zvaitora nguva. Pano neapo taitenga huku touraya toiundura.

Tapedza kudya, tainochera mvura yokugeza. Dzimwe nguva tairara muimba yokubikira. Pakwainaya, taigona kurara takati kwati kwati nemadziro kuti tisatoteswa nemvura yaipinda nepadenga remba.

Taiva nechokwadi chokuti taipupurira vaitigamuchira. Pataizosvika kwataienda, taifara pataigamuchirwa uye kuratidzwa mutsa nehama nehanzvadzi dzechiKristu. Pavairatidza kuonga kushanya kwataiita taibva takanganwa matambudziko ose atainge tasangana nawo munzira.

Pataigara mudzimba dzeZvapupu, taivabatsira kuita mabasa epamba. Izvi zvaiita kuti vawane nguva yokubuda muushumiri hwomumunda nesu. Taisatarisira kugara upenyu hwemutambarakede kana kupiwa zvokudya zvinodhura zvaisakwaniswa nevaitigamuchira.

KUSHANYIRA MAPOKA ASATI AVA UNGANO

Tainakidzwa nokushanyira mapoka asati ava ungano uye taiva nezvakawanda zvokuita zvainge zvakarongwa nehama. Taisawanzowana nguva ‘yokumbozorora zvishoma.’ (Mako 6:31) Zvimwe Zvapupu murume nomudzimai, vakakoka vanhu 40 vavanodzidza navo Bhaibheri kumba kwavo kuti tivabatsire pavaidzidza navo. Oly aibatsira hanzvadzi iyi kudzidza nevanhu vanenge 20, ini ndichibatsirawo murume wayo kudzidza nevamwe vacho 20. Pataingopedza kudzidza nemudzidzi mumwe chete, taibva tatotangazve nemumwe. Zuva rorereka, taimbosiya kuita zvidzidzo toita misangano yeungano uye tapedza taizotangazve kudzidza nevanhu Bhaibheri. Zuva racho raiva rakareba zvokuti taitozopedza zvidzidzo kuma8:00 dzousiku!

Patakashanyira rimwe boka, takaenda naro kumusha waiva pedyo kuma8:00 dzemangwanani. Tainge takapfeka hembe dzekushandisa pamba. Takafamba nomusango tikazosvikako zuva rorova nhongonya. Takapfeka hembe dzakanaka ndokutanga kuparidza paimba neimba. Dzimba dzacho dzaive shoma asi vaparidzi vakawanda. Saka takapedza kushanda ndima iyi mumaminitsi angasvika 30. Takazoenda kumusha waitevera. Tapedza kuparidza ikoko, takazotanga kufambazve rwendo rurefu tichidzoka kumba. Pakutanga izvi zvakada kutiodza mwoyo. Takanga tafamba kwenguva yakareba asi takangoparidza paimba neimba kweinenge awa chete. Pasinei neizvi, Zvapupu zvomunzvimbo iyi hazvina kugunun’una. Vakaramba vachishingaira.

Rimwe boka risati rava ungano raiva pamusoro pegomo raiva mumusha unonzi Taviranambo. Ikoko takasangana neimwe mhuri yeZvapupu yaigara muimba isina makamuri. Paiva neimwe imba duku yaiva pedyo yavaiitira misangano. Pasina nguva munhu akanga atigamuchira akashevedzera kuti, “Hama!” Uye pamusoro pegomo raiva pedyo takanzwa mumwe akadavira kuti “Hwe!” Ainge atigamuchira akashevedzerazve achiti, “Mutariri wedunhu asvika!” Zvikabva zvanzi, “Zvakanakai!” Shoko iri rakapfuudzirwa kune vamwe vaigara kure. Pasina nguva vanhu vakatanga kuungana zvokuti pakatanga musangano vanhu vanopfuura zana vakanga vatoungana.

KUSHAYA ZVOKUFAMBISA

Muna 1996 takachinjirwa kudunhu raiva pedyo neAntananarivo, munzvimbo ine makomo. Dunhu iri raivawo nearo matambudziko. Kwaisava nezvekufambisa zvaienda kumaruwa. Taifanira kushanyira boka raiva kuBeankàna Besakay iri kure nemakiromita 240 kubva kuAntananarivo. Takazokwira karori kaienda nenzira yekwataienda mushure mokunyengetedza mutyairi wacho. Yakanga yakatakura vamwe vanhu 30, vamwe vari mukati vamwe vakaita zvokurara padenga uye vamwe vakarembera.

Sezvinowanzoitika, hakuna kwatakasvika nemotokari iyi isati yafa uye takatanga kufamba netsoka. Tafamba kwemaawa akati kuti, rimwe zirori rakabva rasvika. Rakanga rakati maku nevanhu nezvinhu, asi mutyairi wacho akangomira zvakadaro. Takakwira pasinei nekuti maingova nenzvimbo yokuti timire chete. Takazosvika parwizi, asi bhiriji racho rakanga richigadzirwa. Takaburukazve tikatanga kufamba netsoka tikazosvika mune mumwe musha muduku maigara mapiyona chaiwo. Kunyange kwaisava kushanya kwakarongwa, takaparidza navo tichimirira kuti bhiriji rigadzirwe uye tichimirira kuwana chimwe chokufambisa.

Takazowana motokari yakatitakura patopera vhiki chairo ndokuenderera mberi nerwendo rwedu. Mugwagwa wacho waiva nemakomba makuru. Kakawanda taiburuka tosunda motokari nemumvura yaisvika mumabvi, tichimbogumburwa tichidonha. Takazosvika kune mumwe musha muduku kwava kunoedza uye ndipo patakaburukira. Takasiya mugwagwa mukuru ndokufamba nemumunda wemupunga, waiva nemvura ine madhaka yaisvika muchiuno.

Aka ndiko kaiva kokutanga kushanyira nzvimbo iyi saka takasarudza kuparidzira vashandi vaiva muminda yemupunga kuti tizive kuti Zvapupu zvaigara kupi. Hakusi kufara kwatakaita patakaziva kuti vashandi ava vaitova hama dzedu dzechiKristu!

KUKURUDZIRA VAMWE KUPINDA BASA RENGUVA YAKAZARA

Zvakatifadza chaizvo kwemakore ose aya kuona zvaiitika pataikurudzira vamwe kupinda basa renguva yakazara. Patakashanyira imwe ungano yaiva nemapiyona enguva dzose mapfumbamwe, takakurudzira mumwe nomumwe wavo kuti akurudzire muparidzi mumwe chete kutora upiyona. Patakazovashanyira papera mwedzi mitanhatu, nhamba yemapiyona enguva dzose yakanga yawedzera kusvika pa22. Dzimwe hanzvadzi mbiri dzinopayona dzakakurudzira vanababa vadzo vakuru muungano, kuva mapiyona enguva dzose. Hama idzi mbiri dzakazokurudzirawo mumwe mukuru wechitatu kuti apayone. Pasina nguva mukuru uyu wechitatu akagadzwa kuva piyona chaiye. Iye nomudzimai wake vakazotanga basa romudunhu. Ko vakuru vaya vaviri vakazoitawo sei? Mumwe wavo mutariri wedunhu uye mumwe wacho akazvipira kunobatsira boka rinovaka Dzimba dzoUmambo.

Tinotenda Jehovha mazuva ose nokutibatsira, sezvatinoziva kuti hapana chatinokwanisa kuita nesimba redu toga. Ichokwadi kuti tinomboneta uye tinomborwara, asi tinofara patinofunga nezvezvibereko zvoushumiri hwedu. Jehovha anoita kuti basa rake ribudirire. Tinofara kuti tiri kuitawo zvatinokwanisa iye zvino semapiyona chaiwo. Chokwadi, takadzidza kuvimba naJehovha, uyo ‘anotipa simba.’

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Takadzidza kuvimba naJehovha

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 4]

Madagascar ndicho chitsuwa chikuru chechina pazvitsuwa zvose zviri panyika. Ivhu racho idzvuku uye kune mhuka nemiti zvemarudzi akasiyana-siyana

[Mufananidzo uri papeji 5]

Tinonakidzwa nokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kufamba ndiro rimwe rematambudziko makuru atakasangana nawo