Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”

Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”

Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”

“Chokwadi Mwari wenyu ndiMwari wavanamwari naIshe wemadzimambo noMuzivisi wezvinhu zvakavanzika.”—DHAN. 2:47.

UNGAPINDURA SEI?

Jehovha akatizivisa udzamu hupi nezveramangwana?

Misoro yechikara mitanhatu yatakurukura inomirirei?

Chikara chakafanana pakudini nechifananidzo chakaonekwa naNebhukadhinezari?

1, 2. Jehovha akaita kuti tizive chii uye akazviitirei?

IHURUMENDE dzipi dzichange dziine simba pane dzimwe pachaparadzwa utongi hwevanhu neUmambo hwaMwari? Mhinduro yacho tinoiziva, takaiudzwa “noMuzivisi wezvinhu zvakavanzika,” Jehovha Mwari. Anoita kuti tizive hurumende idzodzo achishandisa zvakanyorwa nomuprofita Dhanieri uye muapostora Johani.

2 Jehovha akaratidza varume ava mhuka dzakasiyana-siyana, imwe pashure peimwe. Akaudzawo Dhanieri zvairehwa nehope dzaNebhukadhinezari dzechifananidzo chikuru. Jehovha akaita kuti uprofita ihwohwo hunyorwe muBhaibheri kuti tibatsirwe. (VaR. 15:4) Akaita izvozvo kuti asimbise tariro yedu, kuti munguva pfupi, Umambo hwake huchapwanya hurumende dzose dzevanhu.—Dhan. 2:44.

3. Kuti tinyatsonzwisisa uprofita, tinofanira kutanga tanzwisisa chii, uye nemhaka yei?

3 Tikabatanidza uprofita hwaDhanieri nehwaJohani, tinoona madzimambo masere, kana kuti utongi hwevanhu, uyewo uprofita hwacho hunoratidza kutevedzana kwemadzimambo iwayo. Zvisinei, tinogona kunyatsonzwisisa uprofita ihwohwo chete kana tikatanga tanzwisisa zvinorehwa neuprofita hwokutanga hwakanyorwa muBhaibheri. Nemhaka yei? Nokuti kuzadziswa kweuprofita ihwohwo hwokutanga ndiko dingindira reBhaibheri. Humwe uprofita hwose hwakabatana neuprofita ihwohwo.

MBEU YENYOKA UYE CHIKARA

4. Mbeu yomukadzi ndivanani, uye ichaita sei?

4 Kupanduka kuchangoitika muEdheni, Jehovha akavimbisa kuti “mukadzi” aizova “nomwana” kana kuti mbeu. * (Verenga Genesisi 3:15.) Mbeu iyoyo yaizopwanya musoro wenyoka, Satani. Jehovha akazozivisa kuti mbeu yacho yaizouya nokuna Abrahamu, yaizova yerudzi rwaIsraeri, dzinza raJudha, uye mwana waMambo Dhavhidhi. (Gen. 22:15-18; 49:10; Pis. 89:3, 4; Ruka 1:30-33) Wokutanga pambeu iyoyo ndiKristu Jesu. (VaG. 3:16) Vamwe vembeu iyoyo inhengo dzakazodzwa dzeungano yechiKristu. (VaG. 3:26-29) Jesu nevakazodzwa ava vanoumba Umambo hwaMwari, huchashandiswa naMwari kupwanya Satani.—Ruka 12:32; VaR. 16:20.

5, 6. (a) Dhanieri naJohani vanotaura nezvehurumende ngani dzine simba kupfuura dzimwe? (b) Misoro yechikara chomuna Zvakazarurwa inomirirei?

5 Uprofita hwokutanga hwakapiwa muEdheni hwakataurawo kuti Satani aizovawo nembeu. Mbeu yake yaizoratidza ruvengo kumbeu yomukadzi. Mbeu yenyoka ndivanani? Vaya vose vanotevedzera Satani pakuvenga Mwari uye pakupikisa vanhu vake. Kubvira pakutanga, Satani akaronga mbeu yake kuti ive masangano ezvematongerwo enyika kana kuti umambo. (Ruka 4:5, 6) Zvisinei, panongova neumambo hushoma hwakanyatsorwisa vanhu vaMwari, verudzi rwaIsraeri kana kuti ungano yevaKristu vakazodzwa. Nei izvozvo zvichikosha? Nokuti zvinotibatsira kunzwisisa nei uprofita hwaDhanieri nehwaJohani huchingotaura umambo husere chete hwaiva nesimba pane humwe.

6 Zana remakore rokutanga C.E. rava kunopera, Jesu ane zvinhu zvinoshamisa zvaakaratidza muapostora Johani. (Zvak. 1:1) Pamwe pacho, Johani akaona Dhiyabhorosi, achifananidzwa nedhiragoni yakamira pamhenderekedzo yegungwa rakakura. (Verenga Zvakazarurwa 13:1, 2.) Akaonawo chikara chinoshamisa chichibuda mugungwa iroro uye chakapiwa simba guru naDhiyabhorosi. Ngirozi yakazoratidza Johani kuti misoro minomwe yechikara chitsvuku, icho chiri mufananidzo wechikara chepana Zvakazarurwa 13:1, inomirira “madzimambo manomwe,” kana kuti hurumende. (Zvak. 13:14, 15; 17:3, 9, 10) Johani paainyora izvi, mashanu ainge awa, mumwe chete ainge aripo, uye mumwe ainge “asati asvika.” Madzimambo iwayo kana kuti nyika idzodzo ndedzipi? Ngationgororei musoro mumwe nemumwe wechikara chomuna Zvakazarurwa. Tichadzidzawo humwe udzamu hunotaurwa naDhanieri nezvehwakawanda hweumambo uhwu. Zvimwe zvacho akazvitaura pachine mazana emakore umambo hwacho husati hwavapo.

MISORO MIVIRI YOKUTANGA—IJIPITI NEASIRIYA

7. Musoro wechikara wokutanga unomirirei uye nei tichidaro?

7 Musoro wokutanga wechikara chacho unomirira Ijipiti. Nei tichidaro? Nokuti panyika dzaiva nesimba pane dzimwe, Ijipiti ndiyo yakatanga kuratidza ruvengo pavanhu vaMwari. Vazukuru vaAbrahamu, kwaizobva mbeu yakapikirwa yomukadzi, vakatanga kuwanda muIjipiti. Ijipiti yakabva yatanga kuvadzvinyirira. Satani akaedza kutsakatisa vanhu vaMwari mbeu yacho isati yasvika. Sei? Nokukurudzira Farao kuti aparadze vana vechikomana vose vevaIsraeri. Jehovha akaita kuti izvozvo zvisabudirire, akasunungura vanhu vake muIjipiti. (Eks. 1:15-20; 14:13) Nokufamba kwenguva akazoita kuti vaIsraeri vagare muNyika Yakapikirwa.

8. Musoro wechipiri unomirira umambo hupi, uye hwakaedza kuitei?

8 Musoro wechikara wechipiri unomirira Asiriya. Umambo uhwu hwaiva nesimba hwakaedzawo kutsakatisa vanhu vaMwari. Ichokwadi kuti Jehovha akashandisa Asiriya kuranga umambo hwemadzinza gumi nemhaka yokunamata kwahwo zvidhori uye kupandukira. Zvisinei, Asiriya yakazorwisa Jerusarema. Zvimwe Satani aiva nechinangwa chokuparadza dzinza raizouya naJesu. Jehovha ainge asina chinangwa chokuti Asiriya irwise Jerusarema, uye akaita chishamiso chokununura vanhu vake vakatendeka nokuparadza vaAsiriya ivavo.—2 Madz. 19:32-35; Isa. 10:5, 6, 12-15.

MUSORO WECHITATU—BHABHIRONI

9, 10. (a) Jehovha akabvumira vaBhabhironi kuitei? (b) Kuti uprofita huzadziswe, chii chaifanira kuitika?

9 Musoro wechitatu wechikara chakaonekwa naJohani unomirira Umambo hweBhabhironi. Jehovha akabvumira vaBhabhironi kukunda Jerusarema uye kutapa vanhu vake. Zvisinei, Jehovha asati abvumira kuti vaIsraeri vainge vapanduka vanyadziswe zvakadaro, akayambira kuti njodzi yakadaro yaizouya pavari. (2 Madz. 20:16-18) Akagara ataura kuti vaIsraeri vaisazova nemadzimambo aizogara “pachigaro choumambo chaJehovha” muJerusarema. (1 Mak. 29:23) Kunyange zvakadaro, Jehovha akavimbisawo kuti muzukuru waMambo Dhavhidhi, aiva ne“kodzero yepamutemo,” aizouya otora chigaro ichocho.—Ezek. 21:25-27.

10 Humwe uprofita hwakaratidza kuti vaJudha vaizova vachinamatira patemberi yaiva muJerusarema paizosvika Mesiya akapikirwa, kana kuti Muzodziwa. (Dhan. 9:24-27) VaIsraeri vasati vatapwa vachiendeswa kuBhabhironi, humwe uprofita hwakanga hwatotaura kuti Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema. (Mika 5:2) Kuti uprofita ihwohwo huzadziswe, vaJudha vaifanira kusunungurwa, vodzokera kunyika yavo, uye vovakazve temberi. Asi Bhabhironi raisava netsika yokusunungura nhapwa. Saka vaJudha vaizodzokera sei kunyika yavo? Jehovha akazivisa vaprofita vake mhinduro yacho.—Amo. 3:7.

11. Umambo hweBhabhironi hunofananidzwa nezvinhu zvipi? (Ona mashoko omuzasi.)

11 Muprofita Dhanieri akatapwa pamwe nevamwe akaendeswa kuBhabhironi. (Dhan. 1:1-6) Jehovha akamushandisa kuzivisa umambo hwaizouya pashure peBhabhironi. Jehovha akazivisa zvakavanzika izvi, achishandisa zviratidzo zvinoverengeka. Somuenzaniso, akaita kuti mambo weBhabhironi, Nebhukadhinezari, arote hope dzechifananidzo chikuru chainge chakagadzirwa nezvakasiyana-siyana. (Verenga Dhanieri 2:1, 19, 31-38.) Achishandisa Dhanieri, Jehovha akazivisa kuti musoro wendarama wechifananidzo chacho waimirira Umambo hweBhabhironi. * Umambo hwakatevera Bhabhironi hunomirirwa nechipfuva nemaoko zvesirivha. Umambo ihwohwo hwaizova nyika ipi, uye hwaizobata sei vanhu vaMwari?

MUSORO WECHINA—MEDHIYA NEPEZHIYA

12, 13. (a) Jehovha akazivisei nezvekukundwa kweBhabhironi? (b) Nei zvakakodzera kuti Medhiya nePezhiya ifananidzwe nemusoro wechina wechikara?

12 Makore anopfuura zana mazuva aDhanieri asati asvika, Jehovha akazivisa achishandisa muprofita wake Isaya mashoko anokosha pamusoro peumambo hune simba hwaizokunda Bhabhironi. Jehovha akataura makundirwo aizoitwa guta reBhabhironi neuto roumambo hwacho uyewo zita romutungamiriri waro. Mutungamiriri wacho aiva Koreshi, wokuPezhiya. (Isa. 44:28–45:2) Kaviri, Dhanieri akaratidzwazve zvinhu zvaiva nechokuita noUmambo hweMedhiya nePezhiya. Kekutanga, umambo hwacho hwairatidzwa semhuka inonzi bheya yainge yakasimudza rimwe divi rayo. Yakaudzwa kuti ‘idye nyama zhinji.’ (Dhan. 7:5) Kechipiri, Dhanieri akaona umambo uhwu hwenyika mbiri huchifananidzwa negondohwe raiva nenyanga mbiri.—Dhan. 8:3, 20.

13 Jehovha akaita kuti Umambo hweMedhiya nePezhiya hukunde Bhabhironi, hukadzorera vaIsraeri kunyika yavo, uye izvozvo zvakazadzisa uprofita. (2 Mak. 36:22, 23) Asi, umambo ihwohwo hwakazopotsa hwatsakatisa vanhu vaMwari. Bhuku reBhaibheri raEsteri rine nhoroondo yezvainge zvarongwa nemumwe mukuru mukuru wePezhiya, ainzi Hamani. Akaronga kutsvaira vaJudha vose vaiva muUmambo hwePezhiya uye akasarudza zuva raaizotsakatisa rudzi irworwo. Asi Jehovha akapindira, uye vanhu vake vakadzivirirwazve paruvengo rwembeu yaSatani. (Est. 1:1-3; 3:8, 9; 8:3, 9-14) Saka zvakakodzera kuti Medhiya nePezhiya ifananidzwe nemusoro wechina wechikara chemuna Zvakazarurwa.

MUSORO WECHISHANU—GIRISI

14, 15. Jehovha akazivisa udzamu hupi nezveUmambo hweGirisi yekare?

14 Musoro wechishanu wechikara chemuna Zvakazarurwa unomirira Girisi. Sezvakanga zvatoziviswa naDhanieri paakadudzira hope dzaNebhukadhinezari, umambo uhwu hunomirirwa nedumbu nezvidya zvemhangura zvechifananidzo chacho. Dhanieri ane zvaakaratidzwa kaviri, zvinopa udzamu hunoshamisa pamusoro poumambo uhwu uye mambo wahwo ainge akakurumbira.

15 Pane zvimwe zvaakaratidzwa, Dhanieri akaona Girisi ichifananidzwa neingwe yaiva nemapapiro mana, zvichiratidza kuti umambo uhwu hwaizokurumidza kukunda humwe. (Dhan. 7:6) Pamwe pacho, Dhanieri akaona mbudzi yaiva nenyanga huru imwe chete ichikurumidza kuuraya gondohwe raiva nenyanga mbiri, raimirira Medhiya nePezhiya. Jehovha akaudza Dhanieri kuti mbudzi yacho yaimirira Girisi uye nyanga yacho huru yaimirira mumwe wemadzimambo acho. Dhanieri akanyorazve kuti nyanga yacho huru yaizotyoka uye nyanga duku ina dzaizobuda panzvimbo yayo. Kunyange zvazvo uprofita uhwu hwakanyorwa mazana emakore Girisi isati yava nesimba, zvose zvakataurwa zvakazadziswa. Alexander Mukuru, mambo weGirisi ainge akakurumbira chaizvo kupfuura vose, akatungamirira pakurwisa Medhiya nePezhiya. Asi nyanga iyi yakatyoka pasina nguva. Mambo uyu mukuru akafa ava nesimba chaizvo asi achingova nemakore 32 chete. Vakuru veuto rake vana vakazokamurirana umambo hwake.—Verenga Dhanieri 8:20-22.

16. Antiochus IV akaitei?

16 Girisi payakakunda Pezhiya, yakatonga nyika yevanhu vaMwari. Panguva iyoyo vaJudha vainge vava kugarazve muNyika Yakapikirwa uye vavakazve temberi muJerusarema. Vainge vachiri vanhu vakasarudzwa naMwari, uye temberi yavainge vavakazve yainge ichiri muzinda wokunamata kwechokwadi. Zvisinei, muzana remakore rechipiri B.C.E., Girisi, musoro wechikara wechishanu, yakarwisa vanhu vaMwari. Antiochus IV, mumwe wevakanga vava kutonga chikamu cheumambo hwakasiyiwa naAlexander, akaisa atari yechihedheni munzvimbo yetemberi yomuJerusarema uye akati munhu wose aiita zvechitendero chechiJudha aifanira kurangwa nokuurayiwa. Chokwadi urwu rwaiva ruvengo rusingaiti rwembeu yaSatani! Zvisinei, pasina nguva Girisi yakakundwa nehumwe umambo. Saka inyika ipi yaizova musoro wechikara wechitanhatu?

MUSORO WECHITANHATU—ROMA ‘YAITYISA UYE YAIVHUNDUTSA’

17. Musoro wechitanhatu wakanyanya kuzadzisa Genesisi 3:15 pakudii?

17 Roma ndiyo yainge yava kutonga, Johani paakaratidzwa chikara. (Zvak. 17:10) Musoro uyu wechitanhatu ndiwo wakanyanya kuzadzisa uprofita huri pana Genesisi 3:15. Satani akashandisa vakuru vakuru veRoma kuti vakuvadze mbeu, vachiipwanya “chitsitsinho.” Vakazviita sei? Vakatonga Jesu nezvaaipomerwa zvenhema kuti aipandukira uye vakaita kuti aurayiwe. (Mat. 27:26) Asi chitsitsinho chacho chakapora nokuti Jehovha akamutsa Jesu.

18. (a) Jehovha akasarudza rudzi rutsva rupi uye nemhaka yei? (b) Mbeu yenyoka yakaramba ichiratidza sei ruvengo kumbeu yemukadzi?

18 Vatungamiriri vechitendero chevaIsraeri vakabatana neRoma kurwisa Jesu uye ruzhinji rwerudzi rwacho rwakamuramba. Saka, Jehovha akaramba rudzi rwechiIsraeri. (Mat. 23:38; Mab. 2:22, 23) Akabva asarudza rudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaG. 3:26-29; 6:16) Rudzi irworwo rwaiva ungano yevaKristu vakazodzwa vaisanganisira vaJudha nevanhu vemamwe marudzi. (VaEf. 2:11-18) Pashure pokufa uye kumutswa kwaJesu, mbeu yenyoka yakaramba ichiratidza ruvengo kumbeu yemukadzi. Kanopfuura kamwe chete, Roma yakaedza kutsakatisa ungano yechiKristu, kureva vamwe vembeu yakapikirwa. *

19. (a) Dhanieri anotsanangura sei umambo hwechitanhatu hwaiva nesimba pane humwe? (b) Mune imwe nyaya tichakurukura chii?

19 Pahope dzaNebhukadhinezari dzakadudzirwa naDhanieri, Roma inofananidzwa nemakumbo esimbi. (Dhan. 2:33) Dhanieri akaratidzwawo zvimwe zvainyatsotsanangura Umambo hweRoma uyewo umambo hwaizotevera huchibuda mune hweRoma. (Verenga Dhanieri 7:7, 8.) Kwemazana emakore, vavengi veRoma vaiiona ‘seyaityisa, yaivhundutsa uye iine simba kwazvo.’ Zvisinei uprofita hwacho hwakagara hwataura kuti “nyanga gumi” dzaizokura kubva muumambo uhwu uye kuti pane imwe yaizobuda yova nesimba kupfuura dzimwe. Nyanga idzi gumi nenyanga duku dzinomirirei? Nyanga duku inopindirana nechikamu chipi chechifananidzo chikuru chakaonekwa naNebhukadhinezari? Nyaya iri papeji 14 ichatipa mhinduro dzacho.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mukadzi uyu anomirira sangano raJehovha rakaita somudzimai, rezvisikwa zvomudzimu zvokudenga.—Isa. 54:1; VaG. 4:26; Zvak. 12:1, 2.

^ ndima 11 Umambo hweBhabhironi hunofananidzwa nemusoro wechifananidzo chemubhuku raDhanieri uye nemusoro wechitatu wechikara chemuna Zvakazarurwa. Ona chati riri pamapeji 12-13.

^ ndima 18 Kunyange zvazvo Roma yakaparadza Jerusarema muna 70 C.E., izvozvo zvaisava kuzadziswa kwaGenesisi 3:15. Panguva iyoyo, vaIsraeri vainge vasisiri rudzi rwakasarudzwa naMwari.

[Mibvunzo Yechidzidzo]