Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anozivisa “Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika”

Jehovha Anozivisa “Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika”

Jehovha Anozivisa “Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika”

“Zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”—ZVAK. 1:1.

UNGAPINDURA SEI?

Inhengo dzipi dzechifananidzo chikuru dzinomirira Umambo hweBritain neAmerica?

Johani anoratidza sei ukama huri pakati peUmambo hweBritain neAmerica neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose?

Dhanieri naJohani vanoratidza sei kuguma kuchaita utongi hwevanhu?

1, 2. (a) Uprofita hwaDhanieri nehwaJohani hunotibatsira kunzwisisei? (b) Misoro mitanhatu yechikara yatakakurukura inomirirei?

UPROFITA hwaDhanieri nehwaJohani hunopindirana nenzira inoita kuti tinzwisise zvakawanda zviri kuitika munyika iye zvino nezvichaitika mune ramangwana. Tingadzidzei patinoenzanisa chikara chakaonekwa naJohani nechikara chinotyisa chaiva nenyanga gumi chakaonekwa naDhanieri uye kududzirwa kwakaitwa chifananidzo chikuru naDhanieri? Uye kunyatsonzwisisa uprofita ihwohwo kunofanira kuita kuti tiitei?

2 Ngatikurukureizve chikara chakaonekwa naJohani. (Zvak., chitsauko 13) Sezvatakaona munyaya yakapfuura, pamisoro minomwe yechikara, mitanhatu yacho inomirira Ijipiti, Asiriya, Bhabhironi, Medhiya nePezhiya, Girisi uye Roma. Nyika idzodzo dzakaratidza kuvenga mbeu yomukadzi. (Gen. 3:15) Roma, musoro wechitanhatu, yakaramba iri umambo hune simba kwemazana emakore pashure pokunge Johani anyora zvaakaratidzwa. Asi musoro wechinomwe waizoitsiva. Umambo hupi hwaizova musoro wechinomwe, uye hwaizoitei kumbeu yomukadzi?

BRITAIN NEAMERICA ZVINOVA NESIMBA

3. Chikara chinotyisa chine nyanga gumi chinomirirei, uye nyanga dzacho gumi dzinomirirei?

3 Tinogona kuziva musoro wechinomwe wechikara chaZvakazarurwa chitsauko 13 nokuenzanisa zvakaonekwa naJohani nechikara chinotyisa chine nyanga gumi chakaonekwa naDhanieri. * (Verenga Dhanieri 7:7, 8, 23, 24.) Chikara chakaonekwa naDhanieri chinomirira Umambo hweRoma. (Ona chati iri pamapeji 12-13.) Muzana remakore rechishanu C.E., Umambo hweRoma hwakatanga kukamuka. Nyanga gumi dzakabuda mumusoro wechikara ichocho chinotyisa dzinomirira umambo hwakawanda hwakabuda mune hweRoma.

4, 5. (a) Nyanga duku yakaitei? (b) Musoro wechinomwe wechikara unomirirei?

4 Panyanga dzakabuda mumusoro mechikara chinotyisa, ina chete ndidzo dzinonyanya kutaurwa nezvadzo. Nhatu dzacho dzinodzurwa neimwe “nyanga duku.” Izvozvo zvakazadziswa, Britain, iyo yaimbova kachikamu keUmambo hweRoma, payakatanga kuva nesimba. Kutozosvikira makore ekuma1600, Britain yaiva nyika isingaverengwi pane dzimwe. Dzimwe nyika nhatu dzeUmambo hweRoma dzinoti Spain, Netherlands, neFrance dzaiva nesimba chaizvo kuipfuura. Britain yakariga nyika idzodzo imwe pashure peimwe dzikasara dzisisina mukurumbira. Pakazosvika makore ekuma1700, Britain yainge yava pedyo nokuva umambo hune simba chaizvo munyika yose. Asi yainge isati yava musoro wechinomwe wechikara.

5 Kunyange zvazvo Britain yainge yava nesimba kwazvo, nyika dzayaitonga dzokuNorth America dzakapanduka. Kunyange zvakadaro, Britain yakarega United States ichiva nesimba, ichitoidzivirira nengarava dzayo dzehondo. Pakazotanga zuva raShe muna 1914, Britain yainge yamisa umambo hwakakura kupfuura hwose hwakambovapo uye United States yainge yava nyika ine maindasitiri kupfuura dzimwe dzose pasi pose. * MuHondo Yenyika I, United States yakabva yanyatsobatana neBritain. Izvi zvakaita kuti Umambo hweBritain neAmerica huve musoro wechinomwe wechikara. Musoro uyu wakaitei kumbeu yemukadzi?

6. Musoro wechinomwe wakaitei kuvanhu vaMwari?

6 Zuva raShe richangotanga, musoro wechinomwe wakabva warwisa vanhu vaMwari, kureva hama dzaKristu dzainge dzichiri panyika. (Mat. 25:40) Jesu akataura kuti panguva yokuvapo kwake vamwe vembeu vaizova vari panyika vachiita basa. (Mat. 24:45-47; VaG. 3:26-29) Umambo hweBritain neAmerica hwakarwisa vatsvene ivavo. (Zvak. 13:3, 7) MuHondo Yenyika I, umambo ihwohwo hwakadzvinyirira vanhu vaMwari, hukarambidza mamwe mabhuku avo uye hukaisa mujeri vamiririri veboka remuranda akatendeka. Musoro wechinomwe wechikara wakatoita sewauraya kana kuti sewamisa basa rokuparidza kwechinguva. Jehovha akagara aona zvose izvi achibva azvizivisa Johani. Mwari akaudzawo Johani kuti vamwe vembeu vaizomuka kana kuti vaizotangazve basa ravo vachishingaira. (Zvak. 11:3, 7-11) Nhoroondo yevashumiri vaJehovha vemazuva ano inoratidza kuti izvozvo zvakaitika.

UMAMBO HWEBRITAIN NEAMERICA UYE TSOKA DZESIMBI NEVHU

7. Musoro wechinomwe wechikara unopindirana nechii pachifananidzo chikuru?

7 Musoro wechinomwe wechikara unopindirana nechii pachifananidzo chikuru? Sezvo Britain yakabuda muRoma uye United States yakabva muBritain, tinogonawo kuti zvose zvakabuda muRoma. Asi tsoka dzechifananidzo dzinomirirei? Dzinotsanangurwa semusanganiswa wesimbi nevhu. (Verenga Dhanieri 2:41-43.) Tsanangudzo iyi inopindirana nenguva iyo musoro wechinomwe, unomirira Umambo hweBritain neAmerica, waizova nesimba. Sezvo chinhu chakagadzirwa nemusanganiswa wesimbi nevhu chisina kusimba sechesimbi iri yega, saizvozvowo, Umambo hweBritain neAmerica hauna simba rakaita sehweRoma, mahwakabuda. Sei tichidaro?

8, 9. (a) Umambo hwechinomwe hwakaratidza sei simba rakaita seresimbi? (b) Ivhu riri mutsoka dzechifananidzo rinomirirei?

8 Dzimwe nguva, musoro wechinomwe wechikara unoratidza simba rakaita seresimbi. Somuenzaniso, wakaratidza simba rawo pawakakunda muHondo Yenyika I. MuHondo Yenyika II, wakaratidzawo simba rakaita seresimbi. * Kubvira pakapera hondo iyoyo, dzimwe nguva wave uchiratidza simba rakaita seresimbi. Zvisinei, kubvira kwokutanga, simbi yacho yave yakasanganiswa nevhu.

9 Vashumiri vaJehovha vakabvira kare vachida kuziva zvinomirirwa netsoka dzechifananidzo. Dhanieri 2:41 inotsanangura musanganiswa wesimbi nevhu se“umambo” humwe chete, kwete hwakawanda. Saka ivhu rinomirira zvinhu zviri muUmambo hweBritain neAmerica, zvinoita kuti husava nesimba seUmambo hweRoma hwakafanana nesimbi iri yega. Ivhu racho rinotsanangurwa se“vanakomana vevanhu,” kana kuti vanhuwo zvavo. (Dhan. 2:43) MuUmambo hweBritain neAmerica, makatanga kuva nevanhu vanosimudzira kodzero dzavo vachishandisa masangano anomirira kodzero dzevashandi uye masangano anoda kuzvitonga. Vanhuwo zvavo vanotadzisa Umambo hweBritain neAmerica kuratidza simba rakaita seresimbi. Uyewo pfungwa dzevanopikisa, kuhwina nemavhoti asina kunyanya kuwanda pasarudzo, zvinoita kuti vatungamiriri vanenge vahwina vasava nesimba rakakura rokuita zvavanenge vachida. Dhanieri akagara ataura kuti: “Umambo hwacho huchati pamwe hwakasimba uye pamwe pacho hunoputsika nyore.”—Dhan. 2:42; 2 Tim. 3:1-3.

10, 11. (a) Chii chichaitika ku“tsoka” mune ramangwana? (b) Tingati chii nezvenhamba yezvigunwe?

10 Muzana rino remakore rechi21, Britain neAmerica dzichakabatana chaizvo, uye kazhinji dzinoita mabasa enyika anokosha pamwe chete. Uprofita hwechifananidzo chikuru nehwechikara hunoratidza kuti hapana humwe umambo huchatsiva hweBritain neAmerica. Umambo uhwu hwokupedzisira hungasava nesimba rakaita seriya rehwaimirirwa nemakumbo esimbi, asi hahuzongoparari hwoga.

11 Nhamba yezvigunwe zvechifananidzo ine zvainonyatsomirirawo here? Chimbofunga izvi: Pane zvimwe zvakaratidzwa Dhanieri, anotaura nezvedzimwe nhamba, somuenzaniso, nhamba yenyanga dziri mumisoro yezvikara zvaakaona. Nhamba idzodzo dzinokosha. Zvisinei, Dhanieri paanotsanangura chifananidzo, haatauri nhamba yezvigunwe. Saka, zvinoita sekuti nhamba yacho haikoshi, nokuti kudai yaikosha, zvaizorevawo kuti kuva kwechifananidzo chacho nemaoko maviri, minwe gumi, makumbo maviri, netsoka mbiri, kunewo zvakunomirira. Dhanieri anonyatsotaura kuti zvigunwe zvacho zvaizova zvesimbi nevhu. Kubva pane zvaanotsanangura, tinogona kuti Umambo hweBritain neAmerica ndihwo huchange huchitonga nyika, “dombo” rinomirira Umambo hwaMwari paricharova tsoka dzechifananidzo.—Dhan. 2:45.

BRITAIN NEAMERICA UYE CHIKARA CHINE NYANGA MBIRI

12, 13. Chikara chine nyanga mbiri chinomirirei, uye chinoitei?

12 Kunyange zvazvo Umambo hweBritain neAmerica huri musanganiswa wesimbi nevhu, zvakaratidzwa Johani naJesu zvinoratidza kuti umambo uhwu hwaizoramba huine basa rinokosha mumazuva okupedzisira. Sei? Johani akaona chikara chine nyanga mbiri chaitaura sedhiragoni. Chikara ichi chinomirirei? Chine nyanga mbiri, saka chinomirira umambo hunoumbwa nenyika mbiri. Pano Johani ari kuonazve Umambo hweBritain neAmerica, asi huchiita basa rakasiyana.—Verenga Zvakazarurwa 13:11-15.

13 Chikara ichi ndicho chinoita kuti pave nemufananidzo wechikara. Johani akanyora kuti mufananidzo wacho wechikara waizovapo, wonyangarika uye wozovapozve. Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika pasangano rakatangwa neBritain neUnited States, uye rakaumbwa kuti ribatanidze uye rimiririre nyika dzepasi pose. * Sangano iri rakaumbwa pakapera Hondo Yenyika I uye rainzi Sangano Renyika Dzakabatana. Rakanyangarika pakatanga Hondo Yenyika II. Pairwiwa hondo yacho, vanhu vaMwari vakazivisa kuti maererano neuprofita hwaZvakazarurwa, mufananidzo wechikara waizoonekazve. Uye zvechokwadi wakazooneka wava Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose.—Zvak. 17:8.

14. Mufananidzo wechikara “ndimambo wechisere” pakudini?

14 Johani akatsanangura kuti mufananidzo wechikara “ndimambo wechisere.” Pakudini? Mufananidzo wacho hausi pachikara chokutanga somusoro wechisere. Unongova mufananidzo wechikara ichocho. Simba rose romufananidzo wechikara rinobva kunyika dzinouumba, kunyanya Umambo hweBritain neAmerica. (Zvak. 17:10, 11) Asi unopiwa simba rokuva mambo kuti uite basa rinokosha, richaita kuti pave nezviitiko zvakatevedzana zvichachinja nyika zvachose.

MUFANANIDZO WECHIKARA UNOPARADZA HURE

15, 16. Hure rinofananidzirei, uye chii chave chichiitika kune vanoritsigira?

15 Maererano naJohani, pachikara chitsvuku, kureva mufananidzo wechikara, pakagara hure rokufananidzira rinochiudza zvokuita. Rine zita rokuti “Bhabhironi Guru.” (Zvak. 17:1-6) Saka zvakakodzera kuti hure iri rimirire zvitendero zvose zvenhema, chiKristudhomu chiri pokutanga chaipo. Masangano ezvitendero zvenhema akakomborera mufananidzo wechikara uye akaedza kuuudza zvokuita.

16 Zvisinei, muzuva raShe, mvura yeBhabhironi Guru, kana kuti vanhu vanoritsigira, iri kudzikira chaizvo. (Zvak. 16:12; 17:15) Somuenzaniso, pakatanga kuoneka mufananidzo wechikara, machechi echiKristudhomu, chikamu chikuru cheBhabhironi Guru, ainge aine simba chaizvo munyika dzokuMadokero. Iye zvino vanhu havacharemekedzi machechi nevafundisi. Vanhu vakawanda vanotofunga kuti chitendero chinokonzera kurwisana kana kuti chinoita kuti kuwedzere. Vamwe vanhu vakadzidza vanototaura pachena kuti nyika inofanira kubvisa zvitendero zvose.

17. Munguva pfupi iri kutevera, chii chichaitika kuchitendero chenhema, uye nei?

17 Zvisinei, chitendero chenhema hachizongoparari choga. Hure racho richaramba riine simba, richiedza kuudza madzimambo zvokuita kutozosvikira Mwari aisa kufunga kwake mumwoyo memadzimambo iwayo. (Verenga Zvakazarurwa 17:16, 17.) Pasina nguva, Jehovha achaita kuti masangano aSatani ezvematongerwo enyika, anomirirwa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, arwise chitendero chenhema. Hure richange risisakwanisi kuudza madzimambo acho zvokuita uye upfumi hwaro hwose huchaparadzwa. Makumi emakore apfuura, izvozvo zvaiita sezvisingambofi zvakaitika. Iye zvino hure harisisina kugadzikana riri pachikara chitsvuku. Asi harisi kuzotsvedza zvishoma nezvishoma richibva pamusana pechikara. Richangoerekana rawisirwa pasi zvine simba.—Zvak. 18:7, 8, 15-19.

ZVIKARA ZVACHO ZVINOPARADZWA

18. (a) Chikara chichaitei, uye zvichaguma nei? (b) Dhanieri 2:44 inoti Umambo hwaMwari huchaparadza umambo hupi? (Ona bhokisi riri papeji 17.)

18 Pashure pokunge chitendero chenhema chaparadzwa, chikara, urongwa hwaSatani hwezvematongerwo enyika, chichakusvudzirwa kuti chirwise Umambo hwaMwari. Sezvo madzimambo asingakwanisi kusvika kudenga, achabva aedza kupedzera shungu dzawo kune vaya vanenge vari panyika vanotsigira Umambo hwaMwari. Asi vanenge vaigochera pautsi. (Zvak. 16:13-16; 17:12-14) Dhanieri anotsanangura chimwe chichaitika pahondo yokupedzisira. (Verenga Dhanieri 2:44.) Chikara chinotaurwa pana Zvakazarurwa 13:1, mufananidzo wacho, uye chikara chine nyanga mbiri, zvichaparadzwa.

19. Tinogona kuva nechivimbo chei, uye iye zvino inguva yokuitei?

19 Tiri kurarama panguva yemusoro wechinomwe. Hakuchina mimwe misoro ichavapo pachikara ichi kusvikira chaparadzwa. Umambo hweBritain neAmerica ndihwo huchange huchitonga pasi rose pachaparadzwa chitendero chenhema. Zvose zvinotaurwa muuprofita hwaDhanieri nehwaJohani zvave zvichinyatsozadziswa. Tinogona kuva nechivimbo chokuti kuparadzwa kwechitendero chenhema uye hondo yeAmagedhoni zvava pedyo. Mwari akagara azivisa zvinhu zvose izvi. Tichateerera nyevero yatinowana muuprofita hwacho here? (2 Pet. 1:19) Iye zvino ndiyo nguva yokutsigira Jehovha neUmambo hwake.—Zvak. 14:6, 7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 MuBhaibheri, nhamba gumi inowanzomirira boka rakakwana, saka pano inomirira umambo hwose hwakabuda mune hweRoma.

^ ndima 5 Kunyange zvazvo Britain neUnited States, nyika mbiri dziri muumambo hwechinomwe, dzakagara dziine simba kubvira kuma1700, Johani anorondedzera umambo hwenyika mbiri idzi sezvahwaizova hwakaita pakutanga kwezuva raShe. Tinodaro nokuti zvinhu zvinotaurwa muna Zvakazarurwa zvaizozadziswa “muzuva raShe.” (Zvak. 1:10) Musoro wechinomwe wakatozotanga kushanda seumambo hwakabatana muHondo Yenyika I.

^ ndima 8 Dhanieri akagara aona kuparadza kwakaipa kwaizoitwa namambo uyu muhondo iyoyo, zvokuti akanyora kuti: “Achaparadza nenzira inoshamisa [yakaipa].” (Dhan. 8:24) Somuenzaniso, United States yakadonhedzera mabhomba maviri enyukireya pamuvengi weumambo hwenyika mbiri idzi, ikakonzera kuparara kusingaiti.

^ ndima 13 Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! mapeji 240, 241, 253.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 17]

“UMAMBO HWOSE UHWU” NDEHUPI?

Uprofita huri pana Dhanieri 2:44 hunotaura kuti Umambo hwaMwari “huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu.” Uprofita ihwohwo hunongotaura nezveumambo hunomirirwa nenhengo dzakasiyana-siyana dzechifananidzo chacho.

Zvakadini nedzimwe hurumende dzose dzevanhu? Uprofita hwakafanana huri muna Zvakazarurwa hune humwe udzamu. Hunoratidza kuti “madzimambo enyika yose inogarwa” achaungana kuti arwe naJehovha pazuva “guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvak. 16:14; 19:19-21) Saka, paAmagedhoni, umambo hwose hunomirirwa nechifananidzo chaDhanieri huchaparadzwa pamwe chete nedzimwe hurumende dzose dzevanhu.