Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kuisa Basa raJehovha Pokutanga?

Nei Tichifanira Kuisa Basa raJehovha Pokutanga?

Nei Tichifanira Kuisa Basa raJehovha Pokutanga?

“Muromo wangu ucharondedzera kururama kwenyu, noruponeso rwenyu zuva rose.”—PIS. 71:15.

UNGAPINDURA SEI?

Zvinhu zvipi zvakaita kuti Noa, Mosesi, Jeremiya, naPauro vararame sezvavakaita?

Chii chichakubatsira kusarudza zvaunoda kuita noupenyu hwako?

Nei watsidza mumwoyo mako kuisa basa raJehovha pokutanga?

1, 2. (a) Munhu paanozvitsaurira kuna Jehovha anenge achiratidzei? (b) Tingabatsirwa sei nokuongorora zvisarudzo zvakaitwa naNoa, Mosesi, Jeremiya uye Pauro?

PAUNOVA muteveri waJesu akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa, unenge watora danho rinokosha chaizvo. Chisarudzo chako chokuzvitsaurira kuna Mwari chinonyanya kukosha kupfuura zvimwe zvose. Zvinoita sokuti uri kuti: ‘Jehovha, ndinoda kuti muve Tenzi wangu pazvose zvandinoita muupenyu. Ndiri mushumiri wenyu. Ndinoda kuti mundisarudzire mashandisiro andinofanira kuita nguva yangu, zvinhu zvangu, unyanzvi hwangu uye zvandinofanira kuisa pokutanga.’

2 Izvi ndizvo zvawakavimbisa Jehovha kana uri muKristu akazvitsaurira. Zvawakasarudza zvinotendwa: wakagona uye wakaratidza kuti wakachenjera. Zvisinei, kubvuma kuti Jehovha ndiye Tenzi wako kunoratidzei nezvekushandisa kwaunoita nguva yako? Zvakaitwa naNoa, Mosesi, Jeremiya uye muapostora Pauro zvinogona kutibatsira kupindura mubvunzo iwoyo. Mumwe nomumwe wavo aishumira Jehovha nemweya wose. Mamiriro edu ezvinhu akafanana neavo. Zvisarudzo zvavo pane zvavainyanya kuita muupenyu zvinogona kutikurudzira kuti tiongorore mashandisiro atinoita nguva yedu.—Mat. 28:19, 20; 2 Tim. 3:1.

MAFASHAMO ASATI AUYA

3. Mazuva edu akafanana pakudii nemazuva aNoa?

3 Jesu akaratidza kufanana kwakaita mazuva edu neaNoa. Akati, “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. . . . Vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.” (Mat. 24:37-39) Mazuva ano vanhu vakawanda vanorarama vasingambofungi kuti nguva yapera. Havana basa nekuyambirwa kwavanoitwa nevashumiri vaMwari. Sezvaingoita vanhu vomuzuva raNoa, vakawanda vanotoseka pfungwa yokuti Mwari achapindira pane zvinoitwa nevanhu. (2 Pet. 3:3-7) Asi Noa akashandisa sei nguva yake zvinhu pazvainge zvakaoma kudaro?

4. Noa akashandisa sei nguva yake paakapiwa basa naJehovha uye nei akadaro?

4 Noa paakaudzwa zvaida kuitwa naMwari uye paakapiwa basa rokuita, akavaka areka kuti achengetedze vanhu nemhuka zviri zvipenyu. (Gen. 6:13, 14, 22) Noa akazivisawo mutongo waJehovha wainge wava pedyo. Muapostora Petro akati Noa aiva “muparidzi wokururama,” zvichiratidza kuti akaedza kubatsira vavakidzani vake kuti vanzwisise kuti zvinhu zvakanga zvisina kutombomira zvakanaka. (Verenga 2 Petro 2:5.) Unofunga kuti zvaizova nemusoro here kuti Noa nemhuri yake vaise pfungwa pakutanga bhizimisi, vachiedza kukunda vamwe kana kuti kurarama upenyu hwomutambarakede? Kana! Havana kuvhiringidzwa nezvinhu zvakadaro nokuti vaiziva zvaiva mberi.

ZVAKASARUDZWA NAMOSESI

5, 6. (a) Mosesi angangodaro akadzidziswa kuti agadzirire kuzoitei? (b) Nei Mosesi akaramba mikana yaakapiwa muIjipiti?

5 Iye zvino ngationei muenzaniso waMosesi. Akakurira mumuzinda waFarao achinzi mwanakomana wemwanasikana waFarao. Sejaya reimba youmambo, akadzidziswa “uchenjeri hwose hwevaIjipiti.” (Mab. 7:22; Eks. 2:9, 10) Zvichida akapiwa dzidzo iyi kuti agadzirire kuzoshanda mumuzinda waFarao. Angadai akava nemukurumbira muhurumende yepanguva iyoyo yaiva nesimba kupfuura dzose, uye akavawo neupenyu hweumbozha, chinzvimbo uye mafaro eupenyu hwakadaro. Asi Mosesi aivavarira upenyu hunofadza hwakadaro here?

6 Zvichida Mosesi aiziva zvainge zvapikirwa madzitateguru ake Abrahamu, Isaka naJakobho, nokuti ainge adzidziswa nevabereki vake chaivo achiri mudiki. Mosesi aitenda muzvipikirwa izvozvo. Anofanira kunge akafungisisa nezveramangwana rake uye kuvimbika kuna Jehovha. Saka nguva yokuti asarudze kuramba ari mumuzinda weIjipiti kana kuti ave muranda wechiIsraeri payakasvika akaitei? Mosesi akasarudza “kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari panzvimbo pokufadzwa nechivi kwenguva duku.” (Verenga VaHebheru 11:24-26.) Akabvuma kutungamirirwa naJehovha pamararamiro aaifanira kuita. (Eks. 3:2, 6-10) Akazviitirei? Nokuti aitenda muzvipikirwa zvaMwari. Akaona kuti aisazova neramangwana rakajeka muIjipiti. Zvechokwadi, rudzi irworwo rwakaparadzwa nematambudziko gumi akabva kuna Mwari. Unoona chidzidzo chiripo here kune vaya vakazvitsaurira kuna Jehovha? Pane kungoramba tichifunga nezvebasa kana kuti mafaro enyika ino yakaipa, tinofanira kufunga nezvaJehovha uye basa rake.

JEREMIYA AIZIVA ZVAIZOITIKA

7. Mamiriro ezvinhu aJeremiya akafanana needu pakudii?

7 Mumwe murume akaisa basa raJehovha pokutanga aiva muprofita Jeremiya. Jehovha akapa Jeremiya basa rokuprofita achiparidza nezvemutongo waiuya pavagari vomuJerusarema neJudha vainge vapanduka. Tingatoti Jeremiya akararama “mumazuva okupedzisira.” (Jer. 23:19, 20) Ainyatsoziva kuti zvinhu zvaisazoramba zvakaita sezvazvaiva.

8, 9. (a) Nei Bharuki aifanira kugadzirisa mafungiro ake? (b) Tinofanira kufungei patinenge tichironga zvokuita?

8 Kunyatsova nechokwadi chezvaizoitika kwakaita kuti Jeremiya aite sei? Haana kuedza kurongera ramangwana rake munyika iyoyo yainge yoda kuparara. Kudai aizodaro, zvaizova nemusoro here? Zvisinei, kwechinguva munyori waJeremiya, Bharuki, haana kunyatsoona zvinhu sezvazvaiva chaizvo. Saka Mwari akafemera Jeremiya kuti audze munyori wake kuti: “Tarira! Ndichaputsa zvandakavaka, uye ndichadzura zvandakadyara, iyo nyika yacho yose. Asi iwe, unoramba uchizvitsvakira zvinhu zvikuru. Usaramba uchitsvaka. Nokuti tarira ndichaunza dambudziko panyama yose, . . . uye ndichakupa mweya wako sechinhu chakapambwa munzvimbo dzose dzaungaenda.”—Jer. 45:4, 5.

9 Hatizivi hedu kuti Bharuki aizvitsvakira “zvinhu zvikuru” zvakaita sei. * Asi tinoziva kuti zvaizoparara paizoparadzwa Jerusarema nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. Pane zvatingadzidza here? Kuti tiwane zvinotiraramisa, tinofanira kurongera ramangwana. (Zvir. 6:6-11) Asi kuchenjera here kushandisa nguva yakawanda nesimba pazvinhu zvichaparara? Ichokwadi kuti sangano raJehovha riri kuramba richironga kuvaka Dzimba dzoUmambo, mapazi nezvimwewo zvine chokuita nekunamata. Asi zvinhu izvi zvine chokuita neremangwana nokuti zvinotsigira Umambo. Zvaizova zvakakodzera kuti vanhu vose vaJehovha vakazvitsaurira vaisewo Umambo pokutanga pane zvavanoronga. Une chokwadi chokuti uri ‘kutanga kutsvaka umambo nokururama kwaJehovha here’?—Mat. 6:33.

“NDINOZVIONA SEMARARA MAZHINJI”

10, 11. (a) Chii chaiva pokutanga muupenyu hwaPauro asati ava muKristu? (b) Nei Pauro akachinja zvachose zvaaivavarira?

10 Ngatipedzisei nokuona muenzaniso waPauro. Asati atendeuka kuva muKristu, ramangwana rake raiita serakajeka. Ainge adzidziswa mutemo wechiJudha nemumwe mudzidzisi aiva nomukurumbira chaizvo mumazuva iwayo. Ainge apiwa masimba nemupristi mukuru wechiJudha. Uye aibudirira chaizvo muchiJudha kupfuura vazhinji vezera rake. (Mab. 9:1, 2; 22:3; 26:10; VaG. 1:13, 14) Asi zvose izvozvo zvakachinja Pauro paakaziva kuti Jehovha ainge asisiri kukomborera rudzi rwevaJudha.

11 Pauro akaziva kuti zvokuti nangananga nechiJudha zvaisakosha kuna Jehovha uye hapana kwazvaizomusvitsa. (Mat. 24:2) Murume uyu aimbova muFarisi akasvika pakutaura kuti zvaaifunga kuti zvaikosha ainge ava kuzviona “semarara mazhinji” paaizvienzanisa nokunzwisisa kwaainge ava kuita zvinangwa zvaMwari uye ropafadzo yokuva mushumiri wechiKristu. Pauro akasiya zvaaivavarira muchiJudha uye akashandisa upenyu hwake hwose pakuparidza mashoko akanaka.—Verenga VaFiripi 3:4-8, 15; Mab. 9:15.

ONGORORA ZVAUNOISA POKUTANGA

12. Kubva paakabhabhatidzwa, Jesu akaisa pfungwa dzake pachii?

12 Noa, Mosesi, Jeremiya, Pauro nevamwewo vakawanda, vakashandisa nguva yakawanda nesimba pakushumira Mwari. Ivo mienzaniso yakanaka kwatiri. Asi muenzaniso mukuru pane vashumiri vose vaJehovha vakazvitsaurira ndiJesu. (1 Pet. 2:21) Abhabhatidzwa, Jesu akashandisa upenyu hwake hwose panyika achiparidza mashoko akanaka uye achikudza Jehovha. Saka muKristu wose anobvuma kuti Jehovha ndiye Tenzi wake, anofanira kuita kuti kumushumira kuve pokutanga muupenyu hwake. Ndizvo zvaunoita here? Asi tingavavarira sei zvinangwa zvechiKristu uku tichiita mamwe mabasa okuzviriritira?—Verenga Pisarema 71:15; 145:2.

13, 14. (a) VaKristu vose vakazvitsaurira vanokurudzirwa kufunga nezvei? (b) Chii chinogona kuita kuti vanhu vaMwari vagutsikane?

13 Kwemakore, sangano raJehovha rave richikurudzira vaKristu kuti vanyengetere uye vaongorore kana vachikwanisa kupayona. Pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana, vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka havakwanisi kupedza avhareji yemaawa 70 vachiparidza mwedzi wega wega. Havafaniri havo kunetseka neizvi. (1 Tim. 5:8) Asi zvakadini newe? Ichokwadi here kuti haukwanisi kupayona?

14 Funga nezvekufara kwakaita vanhu vaMwari vakawanda mumwaka weChirangaridzo gore rino. Muna March, pakaitwa urongwa hwakazonaka hwokubvumira mapiyona ebetsero kuita maawa 30 kana kuti 50 muushumiri. (Pis. 110:3) Vane mamiriyoni vakaita upiyona hwebetsero, uye ungano dzakafara zvisingatauriki. Ungaronga here kuti ugare uchifara zvakadaro kakati wandei? Panopera zuva rega rega, izvozvo zvinoita kuti muKristu akazvitsaurira agutsikane chaizvo zvokuti anogona kuti, “Jehovha, ndaita zvose zvandinokwanisa mubasa renyu.”

15. Chinangwa chomuKristu wechiduku chokuwana dzidzo yenyika chinofanira kuva chei?

15 Kana wava kuda kupedza chikoro, pamwe ungaona kuti une utano hwakanaka uye kuti hauna mabasa akawanda okuita. Wakambonyatsofunga nezvekuita upiyona hwenguva dzose here? Hapana mubvunzo kuti vanachipangamazano vokuchikoro vanofunga kuti kuwana dzidzo yepamusorosoro uye kuronga kuwana basa rokunyika ndiko kwakanyanya kukunakira. Ivo vanovimba nekugara zvakanaka kwevanhu uye kuva nemari, izvo zvichaguma nokukurumidza. Asi kana ukavavarira kuita basa renguva yakazara, unenge uine zvinangwa zvinonyatsobatsira uye zvichagara narini. Uye unenge uchitevedzera muenzaniso wakakwana waJesu. Chisarudzo chokuchenjera chakadaro chichaita kuti ufare. Chichakudzivirira. Uye unenge uchiratidza kuti wakatsunga kurarama zvinoenderana nokuzvitsaurira kwawakaita kuna Jehovha.—Mat. 6:19-21; 1 Tim. 6:9-12.

16, 17. VaKristu vanofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi ine chokuita nebasa ravanoitira Jehovha?

16 Mazuva ano vashumiri vaJehovha vakawanda vanoshanda nguva yakawanda kuti variritire mhuri dzavo. Asi vamwe vangave vachishanda nguva yakawandisa ivo vasingafaniri havo kudaro. (1 Tim. 6:8) Vezvekutengeserana vanoedza chaizvo kuita kuti tibvume kuti hatigoni kurarama tisina zvakawanda zvavanotengesa uye chese chinenge chichangoburwa. Asi vaKristu vechokwadi havafaniri kurega nyika yaSatani ichivaudza zvokuisa pokutanga. (1 Joh. 2:15-17) Kana vari vaya vasisaendi kubasa, pangava neimwe nzira iri nani here yokushandisa nguva yavo kunze kwokuita upiyona, vachiisa basa raJehovha pokutanga?

17 Vashumiri vose vaJehovha vakazvitsaurira vanogona kuzvibvunza kuti: Chinangwa changu chikuru muupenyu ndechei? Ndiri kuisa Umambo pokutanga here? Ndinotevedzera mafungiro aJesu okuzvipira here? Ndiri kuteerera zano raJesu rokuramba ndichimutevera here? Ndinogona kugadzirisa zvinhu kuti ndiwane nguva yakawanda yebasa rokuparidza Umambo kana yemamwe mabasa echiKristu here? Kunyange iye zvino ndisingakwanisi kuwedzera ushumiri hwangu, ndiri kuramba ndichivavarira kuva munhu anozvipira here?

‘KUDA UYE KUITA’

18, 19. Chii chaunganyengeterera, uye nei chikumbiro chakadaro chichizofadza Jehovha?

18 Zvinofadza chaizvo kuona kufara kunoita vanhu vaMwari. Zvisinei, vamwe vanganzwa vasina chido chokupayona kana kuti vasingakwanisi kuita izvozvo, kunyange zvazvo mamiriro avo ezvinhu achivabvumira kudaro. (Eks. 4:10; Jer. 1:6) Saka vanofanira kuitei? Iyi haingavi nyaya yakanaka yokuti vanyengeterere here? Ndizvozvo chaizvo. Pauro akaudza vaainamata navo kuti Jehovha, “ari kushanda mamuri kuti mude uye muite zvinomufadza.” (VaF. 2:13) Kana uchinzwa usina chido chokuwedzera ushumiri hwako, kumbira Jehovha kuti akupe chido chacho uye unyanzvi hwacho.—2 Pet. 3:9, 11.

19 Noa, Mosesi, Jeremiya, Pauro, naJesu, vose vaiva varume vakazvipira. Vakashandisa nguva yavo nesimba kuzivisa mashoko aJehovha eyambiro. Havana kurega zvimwe zvinhu zvichivavhiringidza. Nyika ino yakaipa yava kuguma; saka, isu tose vakazvitsaurira kuna Mwari tinofanira kuva nechokwadi chokuti tiri kuramba tichiita zvose zvatinogona pakutevedzera mienzaniso iyi yakazonaka iri muMagwaro. (Mat. 24:42; 2 Tim. 2:15) Kana tikadaro, tinogona kufadza Jehovha towana makomborero asingatauriki.—Verenga Maraki 3:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Ona Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya, mapeji 104-106.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Vanhu havana kuteerera yambiro yakapiwa naNoa

[Mufananidzo uri papeji 24]

Wakambonyatsofunga here nezvekutanga upiyona hwenguva dzose?