Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vaitungamirirwa Nomudzimu Mutsvene”

“Vaitungamirirwa Nomudzimu Mutsvene”

“Vaitungamirirwa Nomudzimu Mutsvene”

“Uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.”—2 PET. 1:21.

PFUNGWA DZOKUFUNGISISA

Vanyori veBhaibheri vakapiwa sei mashoko aMwari pachishandiswa mudzimu mutsvene?

Uchapupu hupi hunoratidza kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari?

Chii chaunogona kuita zuva rega rega kuti urambe uchikoshesa Shoko raMwari?

1. Nei tichida Shoko raMwari rakafemerwa?

TAKABVA kupi? Nei tiri panyika? Tiri kuenda kupi? Nei zvinhu zvakadai munyika? Chii chinoitika patinofa? Vanhu vari kwose kwose panyika vanobvunza mibvunzo iyi. Kudai tisina Shoko raMwari rakafemerwa taizoziva sei mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe inokosha? Kudai tisina Magwaro Matsvene, taizongodzidza kubva pane zvatinosangana nazvo muupenyu. Kudai taingodzidza kubva pane zvatinosangana nazvo muupenyu, taizotaura nezve“mutemo waJehovha” sezvakaitwa nemumwe munyori wemapisarema here?—Verenga Pisarema 19:7.

2. Chii chichatibatsira kuramba tichikoshesa Bhaibheri sechipo chinokosha chinobva kuna Mwari?

2 Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vamwe vakarega kuda kwavaiita chokwadi cheBhaibheri pakutanga kuchitonhora. (Enzanisa naZvakazarurwa 2:4.) Havasisiri kufamba nenzira inofadza Jehovha. (Isa. 30:21) Izvozvo hazvifaniri kuitika kwatiri. Tinogona uye tinofanira kushanda kuti tirambe tichikoshesa Bhaibheri nedzidziso dzaro. Bhaibheri chipo chinokosha chinobva kuMusiki wedu ane rudo. (Jak. 1:17) Chii chichatibatsira kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoita “shoko raMwari”? Tinofanira kufungisisa kutungamirirwa kwakaitwa vanyori veBhaibheri pakunyora Magwaro. Izvozvo zvinosanganisira kuyeuka humwe hweuchapupu hwakawanda hunoratidza kuti rakafemerwa. Kuita izvozvo kunofanira kutikurudzira kuverenga Shoko raMwari zuva rega rega uye kushandisa mazano aro.—VaH. 4:12.

“VAITUNGAMIRIRWA NOMUDZIMU MUTSVENE”—SEI?

3. Vaprofita nevanyori veBhaibheri “vaitungamirirwa nomudzimu mutsvene” sei?

3 Kwemakore 1 610, kubva muna 1513 B.C.E. kusvika muna 98 C.E., varume vanenge 40 vakanyora Bhaibheri. Vamwe vacho vaiva vaprofita “vaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” (Verenga 2 Petro 1:20, 21.) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “tungamirirwa” rine pfungwa “yokutakura chinhu kubva pane imwe nzvimbo uchichiendesa pane imwe,” uye “rinogona kushandurwa zvakasiyana-siyana kuti: kuendeswa, kutakurwa, kana kuti kubvuma kuendeswa kumwe.” * Mabasa 27:15 inorishandisa kutsanangura chikepe chakabatwa nemhepo chikaendeswa kumwe. Vaprofita vemuBhaibheri nevanyori varo “vaitungamirirwa nomudzimu mutsvene” pakuti Mwari akakurukura navo, akavatungamirira uye akaita kuti varinyore achishandisa simba rake. Saka vakanyora pfungwa dzaMwari, kwete dzavo. Dzimwe nguva vaprofita vacho nevanyori vaisatomboziva zvairehwa nezvavaiprofita kana kuti zvavainyora. (Dhan. 12:8, 9) Zvechokwadi, “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari” uye haruna pfungwa dzevanhu.—2 Tim. 3:16.

4-6. Jehovha akapa sei vanyori veBhaibheri mashoko ake? Ipa muenzaniso.

4 Asi mudzimu mutsvene wakaendesa sei shoko raMwari kuvanyori veBhaibheri? Vakapiwa mashoko chaiwo okunyora here kana kuti pfungwa chete dzavaigona kutaura nemashoko avo? Funga kunyorwa kungaitwa tsamba nemunhu ane kambani. Pazvinenge zvichikosha kuti mashoko asvitswe sezvaari, anonyora tsamba yacho iye pachake kana kuti anotaura mashoko acho mabharani achinyora. Mabharani wacho anonyora, asi muridzi wekambani ndiye anoisaina. Pamwe pacho, anongotaura pfungwa dzinokosha, mabharani onyora tsamba yacho nemashoko ake. Muridzi wekambani anozoiverenga oudza mabharani kuti agadzirise paakanganisa. Muridzi wekambani anozoisaina uye inonzi iri kubva kwaari.

5 Saizvozvowo, zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvakanyorwa “nomunwe waMwari.” (Eks. 31:18) Pazvaikoshawo kuti mashoko abude sezvaari, Jehovha aitaura, munhu wacho onyora. Somuenzaniso, pana Eksodho 34:27, tinoverenga kuti: “Jehovha akati kuna Mosesi: ‘Nyora mashoko aya, nokuti ndinoita sungano newe naIsraeri maererano nemashoko aya.’” Jehovha akaudzawo muprofita Jeremiya kuti: “Nyora mubhuku mashoko ose andichakuudza.”—Jer. 30:2.

6 Zvisinei, kakawanda Mwari aiita chishamiso chokuti pfungwa, kwete mashoko acho chaiwo, dzive mumwoyo nepfungwa zvevanyori veBhaibheri, zvichivapa mukana wokusarudza mashoko avo pachavo okunyora. Muparidzi 12:10 inoti: “Muunganidzi akatsvaka kuti awane mashoko anofadza uye akatsvaka kunyora mashoko akarurama echokwadi.” Munyori weEvhangeri Ruka ‘akatsvaka zvinhu zvose nenzira yakarurama kubvira pakutanga, kuti anyore zvichitevedzana.’ (Ruka 1:3) Mudzimu waMwari wakabatsira kuti kusakwana kwevanhu kurege kukanganisa shoko rake.

7. Uchenjeri hwaMwari hunoratidzwa sei pakushandisa kwaakaita vanhu kuti vanyore Bhaibheri?

7 Tinoona kudzama kwouchenjeri hwaMwari pakushandisa kwaakaita vanhu kuti vanyore Bhaibheri. Mashoko haangopi pfungwa yezviri kutaurwa chete asi anoratidza manzwiro atinoita. Ko kudai Jehovha akashandisa ngirozi kuti dzinyore? Dzingadai dzakakwanisa here kunyora sezvakaitwa nevanhu, zvinhu zvinowanzoitika kuvanhu zvakadai sokutya, kushungurudzika, uye kuora mwoyo? Mwari akabvumira vanhu vasina kukwana kuti vasarudze mashoko avaida kuti vabudise pfungwa dzavaipiwa nomudzimu mutsvene uye izvozvo zvakaita kuti mashoko aMwari ataurwe zvine ushamwari, nemanyorero akasiyana-siyana uye nenzira inofadza vanhu!

GARA UCHIFUNGA NEZVEUCHAPUPU HWACHO

8. Nei zvinganzi hapana rimwe bhuku rechitendero rakafanana neBhaibheri?

8 Pane uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafemerwa. Hapana rimwe bhuku rechitendero rinotizivisa nezvaMwari sezvinoita Bhaibheri. Somuenzaniso, chiHindu chine mabhuku anosanganisira enziyo, anotsanangura nziyo idzi, anotaura nezveuzivi anonzi Upanishad uye ngano dzakareba dzinozivikanwa seRamayana uye Mahabharata. Rimwe remabhuku eMahabharata rinonzi Bhagavad Gita, rine mirayiridzo ine chokuita netsika. Pamabhuku matatu echiBhudha anonzi Tipitaka, rimwe racho rinongova remitemo nemirau yemagariro evarume nevakadzi vakapikira. Rimwe rinonyanya kutaura nezvedzidziso dzechiBhudha. Rechitatu racho rine dzidziso dzinonzi dzakataurwa naBuddha. Buddha pachake haana kutaura kuti aiva mwari, uye haana zvakawanda zvaakataura nezvaMwari. Zvinyorwa zvechiConfucius zvinosanganisira zvakaitika kare, mitemo yetsika, zvemashiripiti, uye nziyo. Ichokwadi kuti bhuku dzvene rechiIslam rinodzidzisa nezvekutenda muna Mwari mumwe chete uye rinoti Mwari wacho anoziva zvose, uye anoziva zviri mberi, asi haritombotauri nezvezita raMwari rokuti Jehovha, iro rinowanika kane zviuru muBhaibheri.

9, 10. Tinogona kudzidzei nezvaMwari muBhaibheri?

9 Kunyange zvazvo mabhuku anokosha ezvitendero achitaura zvishomanana kana kuti asingambotauri nezvaMwari, Bhaibheri rinotizivisa nezvaJehovha Mwari nemabasa ake. Rinotibatsira kuona zvakawanda zvinoratidza unhu hwake. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari ane masimba ose, akachenjera, akarurama, uyewo kuti anotida. (Verenga Johani 3:16; 1 Johani 4:19.) Uyezve, Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mab. 10:34, 35) Kuwanikwa kweBhaibheri nevakawanda kunopupurira chokwadi ichocho. Nyanzvi dzemitauro dzinoti pamitauro 6 700 inotaurwa munyika mazuva ano, inenge 100 inokwanisa kushandiswa nevagari vemunyika vanosvika 90 kubva muzana. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rakashandurirwa mumitauro inopfuura 2 400, rose zvaro kana kuti zvikamu zvaro. Anenge munhu wose ari panyika anogona kuriwana rose kana kuti zvikamu zvaro.

10 Jesu akati: “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino, uye ini ndinoramba ndichishanda.” (Joh. 5:17) Jehovha ndiMwari “kubvira narini kusvikira narini.” Saka funga nezvezvinhu zvose zvaakaita! (Pis. 90:2) Bhaibheri chete ndiro rinotiudza nezvemabasa aMwari ekare, epanguva ino uye zvaachaita mune ramangwana. Magwaro anotidzidzisawo zvinomufadza nezvinomugumbura, uye anoratidza zvatingaita kuti tiswedere pedyo naye. (Jak. 4:8) Ngatisambobvumira chero chii zvacho chatinoita kana kuti chinotidya mwoyo chichitiendesa kure naye.

11. MuBhaibheri mune uchenjeri hwakadzama uye hwatinogona kuvimba nahwo hwakaita sei?

11 Uchenjeri hwakadzama uye hwatinogona kuvimba nahwo huri muBhaibheri hunoratidzawo kuti bhuku racho harisi revanhu asi raMwari. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kuti amurayiridze?” (1 VaK. 2:16) Ndima iyoyo inotorerwa pane zvakabvunza muprofita Isaya vanhu vemuzuva rake kuti: “Ndiani akayera kukura kwomudzimu waJehovha, uye ndiani anogona kumuita kuti ave nechaanoziva somupi wake wemazano?” (Isa. 40:13) Mhinduro yacho iri pachena, hapana. Ndokusaka zvichibatsira chaizvo kushandisa mazano eMagwaro panyaya yewanano, pakurera vana, zvokuzvivaraidza nazvo, shamwari, kushanda nesimba, kuvimbika, uye tsika! Hatimbowani mazano akaipa kubva muBhaibheri. Asi kana vari vanhu, havatomborina uchenjeri hwokuti vaudze vamwe zvichagara zvichishanda. (Jer. 10:23) Mazano avo anoramba achigadziridzwa uye achichinjwa pavanoona kuti avakambopa aisashanda. “Pfungwa dzevanhu,” rinodaro Bhaibheri, “dzakaita semhepo inofemwa.”—Pis. 94:11.

12. Kwemazana emakore, vamwe vakaedza kuitei kuti Bhaibheri riparare?

12 Humwe uchapupu hwokuti Mwari wechokwadi ndiye Muridzi weBhaibheri hunooneka pane zvakaitika kare, vamwe pavakaedza kuriparadza. Muna 168 B.C.E., mambo weSiriya, Antiochus IV akaedza kutsvaka mabhuku ose akafemerwa eMutemo kuti aapise. Muna 303 C.E., mambo weRoma Diocletian akarayira kuti nzvimbo dzokunamatira dzevaKristu dziputswe uye Magwaro avo apiswe. Izvozvo zvakaitwa kwemakore gumi. Zana remakore rechi11 rapfuura, vanapapa vakaedza kuita kuti ruzivo rweBhaibheri rusapararira, vachipikisa kushandurirwa kweMagwaro mumitauro yaishandiswa nevakawanda. Pasinei nezvakaedzwa naSatani nevanhu vake, Bhaibheri richiripo nanhasi. Jehovha haana kubvumira chero ani zvake kuti aparadze chipo chaakapa vanhu.

UCHAPUPU HWAKAITA KUTI VAZHINJI VABVUME

13. Uchapupu hupi hunoratidza kuti Bhaibheri rakafemerwa?

13 Pane humwe uchapupu hwokuti Bhaibheri rakafemerwa: zvose zvirimo zvinobvumirana, rakarurama pane zvesayenzi, rine uprofita hwakazadziswa, harina charinovanza, rine simba rokuchinja upenyu, rinonyatsotaura zvakaitika, uye rine mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yataurwa mundima 1. Funga zvakabatsira vamwe vanhu kuti vabvume kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari.

14-16. (a) Chii chakaita kuti muMuslim, muHindu, uye musikana aiva nepfungwa yokuti hazvizivikanwi kana Mwari ariko, vabvume kuti Bhaibheri nderaMwari? (b) Uchapupu hupi hwokuti Bhaibheri rakafemerwa hwaunoda kushandisa muushumiri?

14 Anwar * akakurira muchitendero chechiMuslim kuMiddle East. Paakamboti garei kuNorth America, Zvapupu zvaJehovha zvakamushanyira pamba pake. Anwar anoti: “Panguva iyoyo, ndaisafarira zvitendero zvechiKristu pamusana pehondo dzavairwa uye kuranga kwavaiita vasiri vezvitendero zvavo. Zvisinei, sezvo ndiri munhu anoda kuziva twakawanda-wanda, ndakabvuma kudzidza Bhaibheri.” Pasina nguva, Anwar akadzokera kumusha uye haana kuzoonana neZvapupu. Papfuura makore, akatamira kuEurope kwaakanotangazve kudzidza Bhaibheri uye akazoti: “Kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri, kupindirana kunoita zviri muMagwaro Matsvene, kusapikisana kweBhaibheri, uye kudanana kwevanamati vaJehovha, zvakaita kuti ndibvume kuti Bhaibheri iShoko raMwari.” Anwar akabhabhatidzwa muna 1998.

15 Asha ane makore 16 anobva mumhuri inoshingaira chaizvo muchitendero chechiHindu. Anoti: “Ndaingonyengetera pandaienda kutemberi kana kuti zvinhu pazvainge zvandiomera, asi ndaisafunga nezvaMwari pandaifambirwa neupenyu.” Anoenderera mberi achiti: “Asi kushanya kwakaita Zvapupu zvaJehovha kumba kwangu kwakachinja upenyu hwangu zvachose.” Asha akadzidza Bhaibheri uye akasvika pakuziva Mwari seShamwari yake. Chii chakaita kuti abvume kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari? Anotsanangura kuti: “Bhaibheri rakapindura mibvunzo yose yandaiva nayo. Rakandibatsira kuva nokutenda kunyange ndaisaona Mwari, kureva kuti ndisingaendi kutemberi kunopfugamira chidhori.”

16 Paula akarererwa muchechi yeRoma, asi paakanga ava chimhandara, ainge ava nepfungwa yokuti hazvizivikanwi kana Mwari ariko. Asi pane zvakabva zvaitika. Anotsanangura kuti: “Ndakasangana neshamwari yandainge ndisina kuonana nayo kwemwedzi yakawanda. Iwayo aiva makore okuma1960, vechiduku pavairarama upenyu hwemadiro. Pandakaona kuchinja kwaainge aita, agerwa zvakanakanaka uye ava kufara, ndakamubvunza kuti, ‘Chii chakaitika, uye wanga uri kupi?’ Akati ainge achidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye akatanga kundiparidzira.” Kuona kubatsira kwechokwadi cheMagwaro kwakaita kuti musikana uyu aiva nepfungwa yokuti hazvizivikanwi kana Mwari ariko ade shoko riri muBhaibheri, uye abvume kuti rakafemerwa naMwari.

“SHOKO RENYU IRAMBI RETSOKA DZANGU”

17. Kuverenga Shoko raMwari zuva rega rega uchifungisisa, kunogona kukubatsira sei?

17 Bhaibheri chipo chinoshamisa chatakapiwa naJehovha achishandisa mudzimu wake mutsvene. Farira kuriverenga zuva rega rega, uye kurida kwaunoita nekuda kwaunoita Muridzi waro kuchawedzera. (Pis. 1:1, 2) Pose paunoridzidza tanga nokunyengetera, uchikumbira mudzimu waMwari kuti utungamirire zvaunofunga. (Ruka 11:13) Bhaibheri rine pfungwa dzaMwari, saka paunofungisisa zvarinotaura, unogona kuita kuti ufunge sezvinoita Mwari.

18. Nei uchifanira kuramba uchidzidza Bhaibheri?

18 Sezvaunoramba uchiwedzera zivo yakarurama yechokwadi, rarama zvinoenderana nezvaunodzidza. (Verenga Pisarema 119:105.) Nyatsotarira muMagwaro sezvawaizoita mugirazi. Kana ukaona kuti pane zvaunofanira kugadzirisa, zvigadzirise. (Jak. 1:23-25) Shandisa Shoko raMwari sebakatwa kuti udzivirire zvaunotenda uye kuti uteme uchibvisa dzidziso dzenhema mumwoyo yevanhu vanyoro. (VaEf. 6:17) Paunenge uchidaro, ratidza kuonga kuti vaprofita nevarume vakashandiswa kunyora zviri muBhaibheri “vaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 A Greek-English Lexicon of the New Testament and Other Early Christian Literature.

^ ndima 14 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

Verenga Bhaibheri zuva rega rega uye kurida kwaunoita uye kuda kwaunoita Muridzi waro kuchawedzera

[Mufananidzo uri papeji 26]

Tsamba inonzi iri kubva kumunhu aisaina