Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ngaakutungamirire Kurusununguko Rwechokwadi

Jehovha Ngaakutungamirire Kurusununguko Rwechokwadi

Jehovha Ngaakutungamirire Kurusununguko Rwechokwadi

“Nyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko.”—JAK. 1:25.

UNOGONA KUTSANANGURA HERE?

Mutemo upi unotungamirira kurusununguko rwechokwadi, uye ndivanaani vanobatsirwa nemutemo iwoyo?

Chii chinoita kuti munhu awane rusununguko rwechokwadi?

Vaya vanoramba vari panzira inoenda kuupenyu vachawana rusununguko rwakaita sei?

1, 2. (a) Chii chiri kuitika kurusununguko rwevanhu, uye nemhaka yei? (b) Vashumiri vaJehovha vanotarisira kuwana rusununguko rwakaita sei?

MAZUVA ano, makaro, kusateerera mutemo, uye chisimba zviri kuramba zvichiwedzera. (2 Tim. 3:1-5) Izvi zvinoita kuti hurumende dziwedzere mitemo, mapurisa, uye dzishandise makamera kuona zvinoitwa nevanhu. Mune dzimwe nyika, vanhu vanoedza kuita kuti vachengeteke nokuisa maaramu mudzimba dzavo, kuwedzera maroko uye kuisa fenzi yemagetsi. Vakawanda havatombobudi panze usiku kana kubvumira vana vavo kutambira panze vari vega, angava masikati kana usiku. Chokwadi vanhu havachina rusununguko, uye zvinenge zvicharamba zvichitoipa.

2 Kare mumunda weEdheni, Satani akati kana munhu akazvimirira, asingatongwi naJehovha, achava norusununguko rwechokwadi. Asi iye zvino zvava pachena kuti idzodzo dzaiva nhema dzisingaiti uye dzakaipa! Vanhu pavanowedzera kusateerera mitemo yaMwari panyaya yetsika uye kunamata, ruzhinji runobva rwawedzerawo kutambura. Izvi zvinoitawo kuti vashumiri vaMwari vatambure. Zvisinei, tine tariro yokuona vanhu vachisunungurwa muchivi nokuora, uye yokuva “norusununguko runobwinya rwevana vaMwari” runotaurwa neBhaibheri. (VaR. 8:21) Jehovha akatotanga kugadzirira vashumiri vake kuzova norusununguko irworwo. Ari kuzviita sei?

3. Jehovha akapa vateveri vaKristu mutemo upi, uye tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Mhinduro yacho tinoiwana pane chakanzi nemunyori weBhaibheri Jakobho, “mutemo wakakwana worusununguko.” (Verenga Jakobho 1:25.) Mamwe maBhaibheri anoshandisa mashoko okuti “murayiro wakakwana uyo unopa rusununguko” (Bhaibheri Dzvene) uye “murayiro wakakwana, . . . wokusunungurwa” (The Bible In Union Shona, rine zviperengo zvanhasi). Asi kazhinji vanhu pavanongonzwa nezvemutemo vanofunga nezvekurambidzwa kuita zvimwe zvinhu, kwete rusununguko. Saka chii chinonzi “mutemo wakakwana worusununguko”? Uye mutemo iwoyo unotisunungura sei?

MUTEMO UNOSUNUNGURA

4. “Mutemo wakakwana worusununguko” chii uye ndivanaani vanobatsirwa nawo?

4 “Mutemo wakakwana worusununguko” hausi Mutemo waMosesi, nokuti Mutemo waMosesi waiita kuti kudarika kuve pachena uye wakazadziswa muna Kristu. (Mat. 5:17; VaG. 3:19) Saka Jakobho aitaura nezvemutemo upi? Aitaura “mutemo waKristu,” uyo unonziwo “mutemo wokutenda” uye “mutemo wevanhu vakasununguka.” (VaG. 6:2; VaR. 3:27; Jak. 2:12) Saka “mutemo wakakwana” unosanganisira zvose zvatinonzi naJehovha tiite. Vose, vaKristu vakazodzwa ne“mamwe makwai” vanobatsirwa nemutemo uyu.—Joh. 10:16.

5. Nei mutemo worusununguko usingaremi?

5 “Mutemo wakakwana” wakasiyana nemitemo yenyika dzakawanda nokuti haunetsi kunzwisisa, hauremi uye unotaura zvinonyanya kukosha. (1 Joh. 5:3) Jesu akati, “Joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:29, 30) Uyewo “mutemo wakakwana” hautauri zvakawandawanda zvinonzi munhu asaita, nokuti unobva parudo uye wakanyorwa mupfungwa nemwoyo kwete pamatombo.—Verenga VaHebheru 8:6, 10.

KUSUNUNGURWA KWATINOITWA NE“MUTEMO WAKAKWANA”

6, 7. Tingatii nezvezvinodiwa naJehovha, uye nei mutemo worusununguko uchigona kutisunungura?

6 Mitemo inoisirwa vanhu naJehovha inovabatsira uye inovadzivirira. Somuenzaniso, funga nezvemitemo yakaiswa pazvinhu zvakasikwa, zvakadai sesimba rinokwevera zvinhu pasi. Vanhu havachemi-chemi kuti mitemo iyoyo iri kuvadzvinyirira. Asi vanototenda kuti iripo, vachiziva kuti mitemo iyoyo inovabatsira. Saka zvinotaurwa naMwari panyaya yetsika uye kunamata zviri “mumutemo wakakwana” waKristu, zvakaitirwawo kuti vanhu vabatsirwe.

7 Mutemo worusununguko unotidzivirira uyewo unoita kuti tigutse zvido zvedu zvose zvakanaka, tisingazvikuvadzi uye tisingakanganisi kodzero uye rusununguko zvevamwe. Saka kana tichida kunyatsosununguka, kana kuti kuita zvatinoda, tinofanira kuva nezvido zvakanaka, zvinoenderana neunhu hwaJehovha nezvaanoda. Izvozvo zvinoreva kuti tinofanira kudzidza kuda zvinodiwa naJehovha, nokuvenga zvaanovenga, uye tinobatsirwa kuita izvozvo nemutemo worusununguko.—Amo. 5:15.

8, 9. Vaya vanoteerera mutemo worusununguko vanobatsirwa sei? Taura muenzaniso.

8 Kusakwana kwedu kunoita kuti zvitiomere kukurira zvido zvakaipa. Zvisinei, kana tikaramba tichinyatsoteerera mutemo worusununguko, tinokwanisa kuravira kusunungura kwaunoita kunyange iye zvino. Somuenzaniso: Mumwe mudzidzi mutsva weBhaibheri anonzi Jay aisvuta fodya zvokuti aitadza kuisiya. Paakadzidza kuti katsika kake kaisafadza Mwari, aifanira kusarudza kuti oramba achiita zvaidiwa nenyama yake here kana kuti oteerera Jehovha. Akaratidza kuchenjera paakasarudza kushumira Mwari, kunyange zvazvo aitorwara akasaiputa. Akanzwa sei paakasiya katsika kake? Akazoti, “Ndakanzwa kunyatsosununguka uye ndakafara chaizvo.”

9 Jay akawana chidzidzo chokuti rusununguko rwenyika, urwo runoita kuti vanhu vave ‘nokufunga kwenyama’ runotovaita varanda, asi rusununguko rwaJehovha urwo runoreva “kufunga kwomudzimu,” runosunungura uye runotungamirira ku“upenyu norugare.” (VaR. 8:5, 6) Jay akawana kupi simba rokukunda katsika kake kaimuita muranda? Raiva simba raMwari, kwete rake. Akati: “Ndaigara ndichidzidza Bhaibheri, ndichinyengeterera mudzimu mutsvene, uye ndaibvuma kubatsirwa neungano yechiKristu ine rudo.” Izvozvo zvinogona kutibatsirawo tose pakutsvaka rusununguko rwechokwadi. Ngationei kuti zvinotibatsira sei.

NYATSOTARIRA MUSHOKO RAMWARI

10. Zvinorevei ‘kunyatsotarira’ mumutemo waMwari?

10 Jakobho 1:25 inoti: “Iye anonyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri . . . achafara paanouita.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “nyatsotarira” rinoreva “kukotama kuti utarise,” izvo zvine kapfungwa kekunyatsoisa pfungwa pachinhu. Chokwadi, kana tichida kuti mutemo worusununguko ubatsire pfungwa dzedu nemwoyo, tinofanira kuitawo pedu nokunyatsodzidza Bhaibheri uye kufungisisa zvatinenge taverenga.—1 Tim. 4:15.

11, 12. (a) Jesu akaratidza sei kuti zvinokosha kurarama zvinoenderana nechokwadi? (b) Sezviri kuratidzwa pamusoro apa, vechiduku vanofanira kungwarira ngozi ipi?

11 Tinofanirawo ‘kuramba’ tichishandisa Shoko raMwari, toita kuti mararamiro edu aenderane nechokwadi. Jesu akataura zvakada kufanana neizvi paaitaura nevamwe vaitenda maari kuti: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Joh. 8:31, 32) Rimwe bhuku rinoti shoko rokuti “ziva” rakashandiswa pano, rinorevawo kunzwisisa chinhu nokuti “chinhu chacho ‘chinozivikanwa’ chinokosha kune anochiziva.” Saka patinorarama maererano nechokwadi, tinogona kutaura kuti ‘tinonyatsochiziva’ uye kuti “shoko raMwari” riri “kushanda” matiri, richigadzirisa unhu hwedu kuti tinyatsoratidza zvakaita Baba vedu vokudenga.—1 VaT. 2:13.

12 Zvibvunze kuti, ‘Ndinonyatsoziva chokwadi here? Mararamiro angu anoenderana nechokwadi here? Kana kuti ndichiri kuda ‘rusununguko’ rwenyika here?’ Imwe hanzvadzi yakarerwa nevabereki vechiKristu inotaura zvakaitika payaikura ichiti: “Kana wakakurira muchokwadi, zvinoita sokuti una Jehovha muupenyu hwako nguva dzose. Asi ini handina kumbobvira ndanyatsomuziva. Handina kumbodzidza kuvenga zvaanovenga. Handina kumbofunga kuti ane basa nezvandinoita. Uye handina kumbobvira ndadzidza kunyengetera kwaari pandaiva nezvainditambudza. Ndaivimba nokunzwisisa kwangu, asi iye zvino ndava kuziva kuti hwaiva ufuza, nokuti hapana chandaiziva.” Zvinofadza kuti hanzvadzi iyi yakazoziva kuti mafungiro ayo ainge asina kutombonaka uye yakachinja upenyu hwayo. Yakatozova piyona wenguva dzose.

MUDZIMU MUTSVENE UNOGONA KUKUBATSIRA KUTI USUNUNGUKE

13. Mudzimu mutsvene unotibatsira sei kuti tive norusununguko?

13 Pana 2 VaKorinde 3:17 tinoverenga kuti: “Pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” Mudzimu mutsvene unotibatsira sei kuti tive norusununguko? Unoita kuti tive neunhu hunotibatsira kuva norusununguko. Tinova ne“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaG. 5:22, 23) Pasina unhu hwakadaro, kunyanya rudo, vanhu havagoni kunyatsova norusununguko, uye izvozvo zvinonyatsooneka munyika mazuva ano. Pashure pokunge muapostora Pauro ataura chibereko chomudzimu, akawedzera kuti: “Hapana mutemo unorambidza zvinhu zvakadai.” Airevei? Chibereko chomudzimu hachitadziswe kukura nemutemo chero upi zvawo. (VaG. 5:18) Kunyange dai uripo, waizova wei? Jehovha anoda kuti tive neunhu hwakaita sehwaKristu nokusingaperi tohuratidza pasina chinotitadzisa kudaro.

14. Mudzimu wenyika unoita sei kuti vaya vanobvuma kuva pasi pawo vave varanda?

14 Vaya vanotungamirirwa nemudzimu wenyika uye vanoita zvinodiwa nenyama yavo vangafunga kuti vakasununguka. (Verenga 2 Petro 2:18, 19.) Zvisinei ichocho hachisi chokwadi. Panotodiwa mitemo yakawanda kuti vasaenderera nezvido kana maitiro avo anokuvadza. Pauro akati, “Mutemo hauitirwi munhu akarurama, asi vanhu vasingateereri mutemo nevasingadzoreki.” (1 Tim. 1:9, 10) Ivowo varanda vechivi pakuti vanoita ‘zvinhu zvinodiwa nenyama,’ uye nyama ine chivi nditenzi ane utsinye. (VaEf. 2:1-3) Vanhu ivavo vakaita sezvipukanana zvinonanaira zvichipinda mundiro ine uchi. Nemhaka yokuda kudya, zvinozongoona zvanamira muuchi.—Jak. 1:14, 15.

KUVA MUUNGANO KUNOITA KUTI TIVE VAKASUNUNGUKA

15, 16. Kuwadzana kwatinoita neungano kunokosha zvakadini, uye tine rusununguko rwakaita sei?

15 Pawakatanga kuwadzana neungano yechiKristu, hauna kuita souri kujoina kirabhu. Asi wakauya muungano nokuti Jehovha akaita kuti uuye kwaari. (Joh. 6:44) Chii chakaita kuti adaro? Akakuona semunhu akarurama, anotya Mwari here? Zvimwe ungati “Kana!” Saka Mwari akaonei? Akaona kuti une mwoyo unogona kubvuma mutemo wake unosunungura, mwoyo unogona kubvuma kutungamirirwa naye. Wava muungano, Jehovha akatarisira mwoyo wako nokukupa zvokudya zvinosimbisa pakunamata, achikusunungura padzidziso dzechitendero chenhema nepakutenda mashura, uye akakudzidzisa kuti uve neunhu hwakaita sehwaKristu. (Verenga VaEfeso 4:22-24.) Nemhaka yaizvozvo, pavanhu vose vari munyika, wava nechikomborero chokuva mumwe wevaya chete vanogona kunyatsonzi “vanhu vakasununguka.”—Jak. 2:12.

16 Funga izvi: Paunenge uine vaya vanoda Jehovha nemwoyo wose, unonzwa kutya here? Unogara uchingocheuka-cheuka here? Paunenge uchikurukura nevamwe paImba yoUmambo, unogara wakabata zvinhu zvako uchityira kuti zvingamera makumbo here? Kana! Unotonzwa wakadekara uye wakasununguka. Ungadaro here pakaungana vanhu venyika? Ungasadaro. Rusununguko rwaunarwo iye zvino uri pakati pevanhu vaMwari runongova nzwisa chete yerusununguko ruri mberi.

“RUSUNUNGUKO RUNOBWINYA RWEVANA VAMWARI”

17. Kusunungurwa kwevanhu kwakabatana papi ‘nokuratidzwa kwevanakomana vaMwari’?

17 Pauro paaikurukura nezvekusunungura kuchaita Jehovha vashumiri vake vachagara panyika, akanyora kuti: “Zvisikwa zviri kumirira nomwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.” Akabva awedzera kuti: “Zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (VaR. 8:19-21) “Zvisikwa” zvinoreva vanhu vane tariro yepasi pano, vaya vachabatsirwa no“kuratidzwa kwevanakomana” vaMwari vakazodzwa nomudzimu mutsvene. Kuratidzwa ikoko kuchatanga “vanakomana” ava vanenge vamutsirwa kudenga pavachashanda naKristu kubvisa zvakaipa panyika uye pavachaita kuti “boka guru” ripinde munyika itsva.—Zvak. 7:9, 14.

18. Vanhu vanoteerera vachawedzera sei kuva norusununguko, uye vachapedzisira vava norusununguko rwakaita sei?

18 Vanhu vanenge vaponeswa vachabva vava norusununguko rutsva, vasisanetswi naSatani nemadhimoni. (Zvak. 20:1-3) Chokwadi vanenge vasunungurwa! Kubva ipapo, madzimambo uye vapristi vane 144- 000 avo vachange vachitonga naKristu vacharamba vachiita kuti vanhu vasununguke vachishandisa chibayiro chorudzikinuro kusvikira chivi chaAdhamu uye kusakwana zvapera. (Zvak. 5:9, 10) Vanhu pavanenge varatidza kuti vakatendeka kunyange vachiedzwa, vachawana rusununguko rwakakwana urwo Jehovha aida kuti vave narwo, “rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” Pafunge! Hauzotamburiri kuita zvinonzi naMwari ndizvo zvakarurama, nokuti muviri wako wose uchange wakwana uye unhu hwako hwanyatsochinjwa kuti huenderane nehwaMwari.

19. Mazuva ano, tinofanira kuramba tichiitei kuti tirambe tiri panzira inoenda kurusununguko rwechokwadi?

19 Unoda here kuwana “rusununguko runobwinya rwevana vaMwari”? Kana zvakadaro, pfungwa dzako nemwoyo ngazvirambe zvichitungamirirwa ne“mutemo wakakwana worusununguko.” Bishaira kudzidza Magwaro. Rarama zvinoenderana nechokwadi wonyatsochibatisisa. Nyengeterera mudzimu mutsvene. Nyatsobatsirwa neungano yechiKristu uye zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvinobva kuna Jehovha. Usabvuma kunyengerwa naSatani sezvakaitwa Evha. Ngaarege kuita kuti ufunge kuti nzira dzaMwari dzinokushayisa rusununguko. Chokwadi ndechokuti Dhiyabhorosi akachenjera. Asi sezvatichaona munyaya inotevera, hatidi kubvuma “kunyengerwa naSatani, nokuti mazano ake tinoaziva.”—2 VaK. 2:11.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 9]

Ndichiri kuda “rusununguko” rwenyika here?

[Mifananidzo iri papeji 9]

Mararamiro angu anoenderana nechokwadi here?