Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Itai Sevagari vomuUmambo hwaMwari!

Itai Sevagari vomuUmambo hwaMwari!

Itai Sevagari vomuUmambo hwaMwari!

‘Zvibatei nenzira yakakodzera.’—VAF. 1:27.

UNGAPINDURA SEI?

Ndivanaani vanogona kuva vagari vomuUmambo hwaMwari?

Chii chatinofanira kuita panyaya yomutauro, nhoroondo uye mitemo zvoUmambo hwaMwari?

Vagari vomuUmambo hwaMwari vanoratidza sei kuti vanoda zvaanovaudza kuti vaite?

1, 2. Nei zano raPauro raakapa ungano yomuFiripi raiva nepfungwa yaikosha?

MUAPOSTORA PAURO akakurudzira ungano yaiva muFiripi kuti “ingozvibatai nenzira yakakodzera mashoko akanaka.” (Verenga VaFiripi 1:27.) Mashoko echiGiriki akashandiswa naPauro pashoko rokuti ‘zvibatei’ anogona kushandurwawo kuti “itai sevagari vemo.” Mashoko iwayo aiva nepfungwa yaikosha kuungano yomuFiripi. Nemhaka yei? Nokuti zvinoita sekuti guta reFiripi raiva rimwe remaguta aiva nevanhu vainge vapiwa kodzero yokuva vagari vemuRoma. Vanhu vomuFiripi nevamwe vose vaiva muUmambo hweRoma avo vaiva nekodzero yokuva vagari vemuRoma, vaidada chaizvo nekodzero iyoyo uye vaidzivirirwa nemutemo weRoma.

2 Vaya vaiva muungano yeFiripi vaitova nechikonzero chakakura chokudada nacho. Pauro akavayeuchidza kuti sezvo vaiva vaKristu vakazodzwa, vaiva “vagari vokumatenga.” (VaF. 3:20) Vaisava vagari vomuumambowo zvahwo hwevanhu asi vomuUmambo hwaMwari. Vaidzivirirwa uye vaikomborerwa zvisingatauriki.—VaEf. 2:19-22.

3. (a) Ndivanaani vane mukana wokuva vagari vomuUmambo hwaMwari? (b) Munyaya ino tichakurukurei?

3 Kurudziro yaPauro yokuti “itai sevagari vemo” inonyanya kushanda kune vaya vachatonga naKristu kudenga. (VaF. 3:20) Asi inogona kushandawo kune vaya vachatongwa noUmambo hwaMwari vari pasi pano. Nei tichidaro? Nokuti vaKristu vose vakazvitsaurira vanoshumira Mambo mumwe chete, Jehovha, uye zvavanotarisirwa kuti vaite zvakafanana. (VaEf. 4:4-6) Mazuva ano, vanhu vanoshanda nesimba kuti vave vagari venyika dzakabudirira. Saka isu tinofanira kukoshesa chaizvo mukana watinawo wokuva vagari vomuUmambo hwaMwari! Kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoita ropafadzo iyoyo, ngatikurukurei kufanana kwakaita zvimwe zvinodiwa kuti munhu ave mugari womuhurumende yevanhu uye kuti munhu ave mugari womuUmambo hwaMwari. Zvadaro tichaongorora zvinhu zvitatu zvatinofanira kuita kana tichizoramba tiine ropafadzo yokuva vagari vomuUmambo hwaMwari.

ZVINODIWA KUTI TIVE VAGARI VOMUUMAMBO

4. Mutauro wakachena chii, uye tinoutaura sei?

4 Kudzidza mutauro. Dzimwe hurumende dzinoda kuti vaya vanenge vachida kuva vagari vemunyika dzavo vakwanise kutaura mutauro unonyanyoshandiswa munyika idzodzo. Kunyange vanhu pavanenge vanzi vava vagari vemo, vangatora makore kuti vagone kunyatsoutaura. Vangakurumidza kudzidza maumbirwo emutauro wacho asi zvingavatorera nguva refu kuti vakwanise kunyatsodudza mashoko acho. Saizvozvowo, Umambo hwaMwari hunoda kuti vagari vahwo vadzidze unonzi neBhaibheri “mutauro wakachena.” (Verenga Zefaniya 3:9.) Mutauro iwoyo chii? Ichokwadi chiri muBhaibheri chinotaura nezvaMwari uye zvinangwa zvake. Tinotaura mutauro wakachena patinorarama maererano nemitemo yaMwari nemazano aanotipa. Vagari vomuUmambo hwaMwari vangakurumidza kudzidza dzidziso dzeBhaibheri dzokutanga vobhabhatidzwa. Zvisinei, kunyange vabhabhatidzwa, vanofanira kuramba vachinatsiridza kutaura mutauro wakachena. Zvingaitwa sei? Tose zvedu tinofanira kushanda nesimba kuti tiite zvatinodzidza muBhaibheri.

5. Nei tichifanira kudzidza zvose zvatinokwanisa nezvenhoroondo yesangano raJehovha?

5 Kudzidza nhoroondo. Munhu anenge achida kuva mugari womuhurumende yevanhu angafanira kudzidza zvimwe zvine chokuita nenhoroondo yehurumende yacho. Saizvozvowo, vaya vanoda kuva vagari vomuUmambo hwaMwari vanofanira kudzidza zvose zvavanokwanisa nezvahwo. Funga muenzaniso wevanakomana vaKora vaishumira muIsraeri yekare. Vaifarira chaizvo Jerusarema nenzvimbo yaro yokunamatira uye vaigara vachitaura nezvenhoroondo yeguta racho. Chikuru chaivafadza kwaisava kunaka kweguta racho nenzvimbo yaro yokunamatira, asi zvazvaimirira. Jerusarema raiva “taundi raMambo mukuru,” Jehovha, nokuti ndiwo waiva muzinda wokunamata kwakachena. Ndimo maidzidzisirwa Mutemo waJehovha. Vanhu vaitongwa naMambo weJerusarema ndivo vainge vaitirwa mutsa werudo naJehovha. (Verenga Pisarema 48:1, 2, 9, 12, 13.) Iwe unewo here chido chokudzidza uye kurondedzera nhoroondo yechikamu chesangano raJehovha chepasi pano? Kana ukadzidza zvakawanda nezvesangano raJehovha uye kutsigira kwaari kuita vanhu vake, uchabva wanyatsoona kuti Umambo hwaMwari ndehwechokwadi. Chido chako chokuparidza mashoko akanaka oUmambo chichabva chawedzerawo.—Jer. 9:24; Ruka 4:43.

6. Nei zviine musoro kuti Jehovha anotarisira kuti tidzidze uye titeerere mitemo nemazano zvoUmambo hwake?

6 Kuziva mitemo. Hurumende dzevanhu dzinoda kuti vanhu vadzo vadzidze uye vateerere mitemo yemunyika idzodzo. Saka zvine musoro kuti Jehovha atarisire kuti tidzidze uye titeerere mitemo nemazano zvinoshanda pavagari vose vomuUmambo hwaMwari. (Isa. 2:3; Joh. 15:10; 1 Joh. 5:3) Kazhinji mitemo yevanhu inenge isina kunyatsoti twasu uye ichidzvinyirira. Asi “mutemo waJehovha wakakwana.” (Pis. 19:7) Tinofarira mutemo waMwari uye tinoverenga Shoko rake zuva rega rega here? (Pis. 1:1, 2) Nzira bedzi yokudzidza mutemo waMwari ndeyokuudzidza isu pachedu. Hapana anogona kudzidza nepedu.

VAGARI VOMUUMAMBO HWAMWARI VANODA ZVAANOVAUDZA KUTI VAITE

7. Nei vagari vomuUmambo hwaMwari vachiteerera mitemo yaMwari?

7 Kuti tirambe tiri vagari vomuUmambo hwaMwari, hatifaniri kungoziva chete zvaanoda asi tinofanira kuzvidawo. Vagari vomuhurumende dzevanhu vanoti vanobvumirana nemitemo nezvinodiwa nenyika dzavo. Asi pavanoona kuti mumwe mutemo unovatadzisa kuita zvavanoda uye kuti hapana ari kuvaona, vanoutyora. Kazhinji kacho vanoedza ‘kufadza vanhu.’ (VaK. 3:22) Vagari vomuUmambo hwaMwari havaiti izvozvo. Tinoteerera mitemo yaMwari zvichibva pamwoyo, kunyange kana pasina ari kutiona. Nei tichidaro? Nokuti tinoda iye akatipa mitemo yacho.—Isa. 33:22; verenga Ruka 10:27.

8, 9. Ungaziva sei kana uchinyatsoda mitemo yaMwari?

8 Ungaziva sei kana uchinyatsoda mitemo yaMwari? Nokuongorora zvaunoita paunopiwa zano panyaya yezvaunofunga kuti hazvinei nevamwe, somuenzaniso panyaya yemapfekero nokushambidzika. Usati wava mugari womuUmambo hwaMwari zvimwe waifarira kupfeka zvouyanga kana kuti zvinomutsa chido chebonde mune vamwe. Sezvawakawedzera kuda Mwari, wakadzidza kupfeka zvinomukudza. (1 Tim. 2:9, 10; 1 Pet. 3:3, 4) Iye zvino ungafunga kuti wava kupfeka zvakanaka. Asi zvakadini kana mukuru akakuudza kuti zvaunofarira kupfeka zviri kugumbura vaparidzi vakawanda muungano? Ungaita sei pakadaro? Ungaramba, ungagumbuka, kana kuti ungatoomesa musoro here? Mutemo unonyanya kukosha woUmambo hwaMwari ndewokuti vagari vahwo vose vanofanira kutevedzera Kristu. (1 Pet. 2:21) Nezvemuenzaniso waJesu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvinhu zvakanaka kuti iye avakwe. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza.” (VaR. 15:2, 3) Kuti muungano muve norugare, muKristu akakura pakunamata haagumbuki asi anobvuma kurega zvinhu zvinogumbura hana dzevamwe.—VaR. 14:19-21.

9 Fungawo nezvedzimwe nyaya mbiri dzinokosha: maonero atinoita bonde uye kuroorana. Vaya vasati vava vagari vomuUmambo hwaMwari vangafunga kuti ungochani, kuona zvinonyadzisira, upombwe kana kuti kurambana hazvina kuipa uye inyaya dzisinei nevamwe. Asi vagari vomuUmambo hwaMwari vanofunga nezvemigumisiro yezvavanoita uye kukanganisa kwazvinoita vamwe. Kunyange zvazvo vaKristu vakawanda vaimborarama upenyu hwounzenza, iye zvino vanoona bonde uye kuroorana sezvipo zvinobva kuna Mwari. Vanokoshesa zvinodiwa naJehovha uye vanobvuma nomwoyo wose kuti vaya vanoramba vachiita unzenza havana kukodzera kuva vagari vomuUmambo hwaMwari. (1 VaK. 6:9-11) Zvisinei, vanozivawo kuti mwoyo unonyengera. (Jer. 17:9) Saka vanotenda yambiro dzavanopiwa, dzinovabatsira kuti varambe vaine tsika dzakanaka.

VAGARI VOMUUMAMBO VANOKOSHESA YAMBIRO

10, 11. Umambo hwaMwari huri kupa yambiro dzipi dzakakodzera nguva, uye unofungei nezvadzo?

10 Hurumende dzevanhu dzingapa yambiro dzezvoutano panyaya yezvokudya uye mishonga. Zviri pachena kuti hazvisi zvokudya zvose uye mishonga zvakaipa. Asi kana chimwe chinhu chiine ngozi, hurumende inopa yambiro dzakakodzera kuti idzivirire vanhu vayo. Kana hurumende ikasadaro, ingava nemhosva yokusava nehanya nevanhu. Umambo hwaMwari hunopawo yambiro dzakakodzera nguva nezvengozi dzingakanganisa tsika dzedu uye kunamata. Somuenzaniso, Indaneti yazova nzira inobatsira chaizvo pakukurukurirana, pakudzidza, uye pakuvaraidzwa. Sangano raMwari rinoshandisa Indaneti uye iri kubatsira chaizvo. Zvisinei, paIndaneti pane nzvimbo dzakawanda dzinogona kukanganisa tsika dzedu uye kunamata. Zviri pachena kuti nzvimbo dzine zvinonyadzisira dzinokanganisa kunamata kwevagari vomuUmambo hwaMwari. Kwemakore, boka remuranda akatendeka rave richitiyambira nezvenzvimbo dzakadaro. Tinoonga chaizvo yambiro dzakadaro!

11 Mumakore mashoma apfuura, Indaneti yakatanga kuva nedzimwe nzvimbo dzakakurumbira chaizvo, idzo dzinogona kubatsira kana dzikashandiswa nokunyatsongwarira. Asi nzvimbo idzi dzinoshandiswa nevakawanda pakukurukurirana (social networking), dzine ngozi chaizvo. Dzinogona kuita kuti munhu ashamwaridzane nevanhu vakaipa. (1 VaK. 15:33) Ndokusaka sangano raMwari rakapa yambiro dzakakodzera nezvekushandisa nzvimbo idzodzo. Wakaverenga here mashoko ose akabudiswa munguva pfupi yapfuura nemuranda akatendeka nezvenzvimbo dzakadaro? Chokwadi hwaizova ufuza kushandisa nzvimbo dzakadaro usina kuverenga mashoko iwayo! * Zvingafanana nekunwa mushonga une simba usina kutanga waverenga yambiro iri pabhodhoro racho.

12. Nei huri ufuza kusava nehanya neyambiro?

12 Vaya vasina basa neyambiro dzinopiwa nomuranda akatendeka vanotozvikuvadza uye vanokuvadzawo hama dzavo neshamwari. Vamwe vakasvika pakutadza kurega kuona zvinonyadzisira kana kuti vakaita ufeve vachibva vafunga zvenhema kuti Jehovha haaoni zvavari kuita. Kupusa chaiko kufunga kuti tinogona kuvanzira Jehovha zvatinoita! (Zvir. 15:3; verenga VaHebheru 4:13.) Mwari anoda kubatsira vanhu vakadaro uye anoshandisa vamiririri vake vepasi pano kuti vaedze kuvabatsira. (VaG. 6:1) Zvisinei, sezvo hurumende yevanhu ichigona kutorera munhu kodzero yokuva mugari wemunyika yacho kana akaita chimwe chinhu, saizvozvowo Jehovha achatorera vanhu vasingapfidzi vanotyora mitemo yake kodzero yokuva vagari vomuUmambo hwake. * (1 VaK. 5:11-13) Kunyange zvakadaro, iye ane ngoni. Vaya vanopfidza, vochinja maitiro avo vanogona kuvazve noukama hwakanaka naJehovha voramba vari vagari vomuUmambo hwake. (2 VaK. 2:5-8) Chokwadi iropafadzo chaiyo kushumira Mambo ane rudo akadaro!

VAGARI VOMUUMAMBO VANOKOSHESA DZIDZO

13. Vagari vomuUmambo hwaMwari vanoratidza sei kuti vanokoshesa dzidzo?

13 Hurumende dzakawanda dzinoshanda nesimba kuti dzipe vanhu vadzo dzidzo. Dzinoronga kuti pave nezvikoro zvokuti vanhu vagone kuverenga, uye zvinodzidzisa mabasa. Vagari vomuUmambo hwaMwari vanokoshesa zvikoro zvenyika zvakadaro uye vanobishaira kudzidza kuverenga, kunyora, uye kuzviriritira. Asi vanonyanya kukoshesa dzidzo yavanopiwa naMwari sevagari vomuUmambo hwake. Jehovha anosimudzira nyaya yokugona kuverenga achishandisa ungano yechiKristu. Vabereki vanokurudzirwa kuverengera vana vavo vaduku. Mwedzi wega wega, muranda akatendeka anobudisa mashoko akawanda anotaura nezveBhaibheri muNharireyomurindi neMukai! Kana ukaverenga mapeji mashomanana pazuva, panopera mwedzi uchange wapedza kuverenga magazini acho ose ane dzidzo inopiwa noUmambo hwaMwari.

14. (a) Mwari ari kutidzidzisa sei? (b) Mazano api awakashandisa pamanheru oKunamata Kwemhuri?

14 Vhiki yega yega, vagari vomuUmambo hwaMwari vanodzidziswa pamisangano yavo yeungano. Somuenzaniso, kwemakore anopfuura 60, Chikoro chaMwari Choushumiri chave chichibatsira vadzidzi kuti vave vadzidzisi veShoko raMwari vanobudirira. Wakanyoresawo pachikoro ichi here? Mumakore achangopfuura muranda akatendeka akakurudzira kuti vhiki yega yega tive nemanheru oKunamata Kwemhuri. Urongwa uhwu hunosimbisa mhuri. Wave uchishandisawo mazano atakapiwa nesangano here? *

15. Ndeipi ropafadzo yakakura chaizvo yatinayo?

15 Vagari vomuhurumende dzevanhu vanoedza kuita kuti vamwe vatsigire mapato avo ezvematongerwo enyika, dzimwe nguva vachitofamba pamba nemba. Asi vagari vomuUmambo hwaMwari, vanoshingaira kuhutsigira mumigwagwa uye pamba nemba munyika yose. Sezvatakatokurukura munyaya yakapfuura, Nharireyomurindi, iyo inozivisa Umambo hwaJehovha, ndiyo magazini yava kuparadzirwa zvakanyanya munyika yose! Ropafadzo yakakura chaizvo yatinayo ndeyokuudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari. Uri kushingairawo kuita basa rokuparidza here?—Mat. 28:19, 20.

16. Ungaratidza sei kuti uri mugari akanaka womuUmambo hwaMwari?

16 Pasina nguva, Umambo hwaMwari ndihwo chete hurumende ichange yava kutonga nyika. Huchange huchiona nezveupenyu hwedu hwezuva nezuva kwete pakunamata chete. Panguva iyoyo uchava mugari akanaka womuUmambo hwaMwari here? Iye zvino ndiyo nguva yokuratidza kuti uchadaro. Pazvisarudzo zvose zvaunoita zuva nezuva, ita zvinhu zvose kuti Jehovha akudzwe uye ucharatidza kuti uri kuita semugari akanaka womuUmambo hwaMwari.—1 VaK. 10:31.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Somuenzaniso, ona Mukai! yaJanuary-March 2012, mapeji 16-23 uye Awake! yaFebruary 2012, mapeji 3-9.

^ ndima 14 Ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 2011, mapeji 6-7 uye Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2011, mapeji 3-6.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Unoteerera yambiro dzaunopiwa dzine chokuita neIndaneti here?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Unofarira kunamata kwakachena uye nhoroondo yacho sezvaiita vanakomana vaKora here?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Manheru oKunamata Kwemhuri yenyu anogona kukubatsirai chaizvo kuti muve vagari vakanaka vomuUmambo hwaMwari