Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaitika Pamusangano Wepagore

Musangano Wairatidza Kubatana Uye Zvirongwa Zvinofadza

Musangano Wairatidza Kubatana Uye Zvirongwa Zvinofadza

MUSANGANO unoitwa kamwe pagore neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania wagara uchiita kuti vanhu vanzwe manyukunyuku. Ndizvo zvainge zvakaitawo wechi127, wakaitwa musi woMugovera, October 1, 2011. Vanhu vainge vakokwa kubva munyika yose vakaungana paImba Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha muJersey City, New Jersey, U.S.A.

Gerrit Lösch weDare Rinodzora ndiye akachingamidza vanhu ivavo vaifara vaibva kunyika 85. Akavaudza kuti vakabatana chaizvo kupfuura vamwe vose. Kubatana ikoko kunopa uchapupu hwakanaka uye kunoita kuti Jehovha arumbidzwe. Kubatana ndiro raitova dingindira romusangano wacho.

SHOKO RINOFADZA KUBVA KUMEXICO

Chikamu chokutanga chepurogiramu yacho chairatidza kubatana kwevanhu vaJehovha. Baltasar Perla akabvunzurudza nhengo nhatu dzaanoshanda nadzo kuBheteri rokuMexico nezvekubatanidzwa kwemapazi matanhatu okuCentral America nebazi rokuMexico. Izvozvo zvakaita kuti Bheteri rokuMexico rive nevanhu vanobva munyika dzakawanda uye vane tsika dzakasiyana-siyana. Kuuya kwehama idzodzo kwakaita kuti vanhu vakurudzirane. Zvakaita sokuti Mwari akabvisa miganhu yenyika idzi ndokudzibatanidza.

Rimwe rematambudziko akavapo raiva rokubatsira vaparidzi kuti vasafunga kuti sangano raJehovha rainge ravasiya nokuti munyika dzavo mainge musisina mapazi. Saka pakarongwa kuti ungano imwe neimwe kunyange dziya dziri kwadzo dzega dzikwanise kutaura nebazi pachishandiswa tsamba dzepaIndaneti.

MASHOKO EZVAKAITIKA KUJAPAN

James Linton webazi rokuJapan akatsanangura kuti hama dzakatambura sei nokudengenyeka kwenyika uye tsunami zvakaitika ikoko muna March 2011. Zvapupu zvakawanda zvakafirwa uye zvakarasikirwa nezvinhu. Zvapupu zvomunzvimbo dzisina kusvika njodzi yacho zvakabatsira nepokugara mumisha inopfuura 3 100 uye nemotokari dzakawanda. Hama dzinoshanda neMatare Okuvaka Omunharaunda dzakashanda chaizvo kugadzirisa dzimba dzehama. Vanopfuura 1 700 vakazvipira kushanda kwaidiwa rubatsiro. Vamwe vakabva kuUnited States vakazvipira kugadziridza Dzimba dzoUmambo, uye vose zvavo vaiita basa iri vaisvika 575.

Rubatsiro rwakanyanya kupiwa rwaiva rwokusimbisa hama pakunamata uye kudzinyaradza. Vakuru vanopfuura 400 vakanofudza hama munzvimbo dzaidiwa rubatsiro. Dare Rinodzora rakaratidza kushushikana kwaro nokutumira vatariri vanoshanyira mapazi vaviri kubva kumuzinda wedu kuti vanokurudzira hama. Hama idzi dzakanyaradzwa chaizvo padzakanzwa mashoko aibva kuZvapupu zvomunyika yose airatidza kushushikana kwazvo.

KUKUNDA MUMATARE

Vateereri vakanyatsoteya nzeve Stephen Hardy webazi reBritain paaikurukura nezvekukunda kwatakaita mumatare munguva pfupi yapfuura. Somuenzaniso, hurumende yeFrance yaida kubhadharisa bazi redu rokuFrance mutero weUS$82- 000 000. Nyaya yacho yakagadziriswa dare repamusoro-soro rokuEurope rinonzi European Court of Human Rights (ECHR) parakatonga kuti, hurumende yeFrance yakatyora Chikamu 9 chebumbiro remutemo renyika dzokuEurope, chinoti vanhu vanofanira kuva nerusununguko rwokunamata. Mashoko emutongo wacho anoratidza kuti yaisangova nyaya yemari nokuti anoti: “Kuramba kuti sangano rinyoreswe zviri pamutemo, kuita kuti riparare uye kutaura mashoko akashata nezvesangano rechitendero, zvose kutyora kodzero dzinotaurwa neChikamu 9.”

Dare racho rakapa mutongo wakatinakira panyaya yaibatanidza Armenia. Kubva muna 1965, dare iri raiti bumbiro remutemo renyika dzokuEurope raisataura nezvekodzero dzevanhu vairamba kupinda muchiuto. Chikamu chepamusorosoro chedare iri chakapa mutongo wokuti “munhu anoramba kupinda muchiuto nemhaka yokuti hana yake haitombomubvumidzi zvachose,” anofanira kudzivirirwa nebumbiro remitemo renyika dzokuEurope. Armenia nedzimwe nyika dzakadai seAzerbaijan neTurkey dzinofanira kuremekedza kodzero iyoyo nemhaka yemutongo uyu.

KUVAKA

Mukurukuri akatevera, Guy Pierce weDare Rinodzora, akataura kuti vose vaivapo vaida chaizvo kuziva nezvekuvaka kwatiri kuita muNew York State. Akaonesa vanhu vhidhiyo yairatidza zviri kuitwa kuWallkill, Patterson, uye nzvimbo dzichangobva kutengwa kuWarwick neTuxedo muNew York. KuWallkill, kuri kuvakwa chivako chitsva chichange chiine dzimwe dzimba dzinopfuura 300, uye chiri kutarisirwa kupera muna 2014.

Pane urongwa hwokuvaka panzvimbo yakakura mahekita 100 iri kuWarwick. “Kunyange zvazvo tisati tava kuziva kuti kuda kwaJehovha ndekupi nezveWarwick” vakadaro Hama Pierce, “tichangoenderera mberi nokuvaka tiine chinangwa chokutamisira muzinda weZvapupu zvaJehovha ikoko.” Makiromita 10 tichienda kuchamhembe kune mahekita 20 achachengeterwa michina nezvimwe zvokuvakisa. “Tikangobvumirwa kuvaka chete, tinotarisira kupedza basa racho mumakore mana,” vakadaro Hama Pierce. “Zvikadaro tichatengesa zvivako zvedu zvokuBrooklyn.”

Hama Pierce vakabvunza kuti: “Dare Rinodzora rachinja pfungwa here panyaya yokuti dambudziko guru rava pedyo?” Vakapindura kuti, “Kana! Kutambudzika kukuru kukaitika zvirongwa zvedu zviri pakati, zvakangonaka, zvakatonakisa!”

NGWARIRA SHUMBA INODZVOVA

Stephen Lett, imwe nhengo yeDare Rinodzora akakurukura 1 Petro 5:8 inoti: “Svinurirai, rindai. Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” Hama Lett vakati maitiro eshumba anoita kuti muenzaniso waPetro unyatsoenderana nezvinoitwa naDhiyabhorosi.

Sezvo shumba dziine simba uye dzichimhanya kupfuura vanhu, hatifaniri kuedza kurwisa kana kutiza Satani nesimba redu. Tinoda rubatsiro rwaJehovha. (Isa. 40:31) Shumba inovhima ichiita zvokuhwandira, saka tinofanira kusatambira murima rezvokunamata nokuti Satani ndimo maanovhimira. Satani haana tsitsi uye anoda kutiuraya sezvinongoita shumba inouraya mhembwewo zvayo kana mwana wembizi akarara. Uye kana shumba yapedza kudya haukwanisi kuona kuti imhuka rudzii yanga ichidyiwa, ndizvo zvakaitawo “kuguma” kwevaya vanobatwa naSatani, “kunova kwaipa kupfuura kutanga kwavo.” (2 Pet. 2:20) Saka tinofanira kurwisa Satani uye kuramba takabatisisa zvatakadzidza muBhaibheri.—1 Pet. 5:9.

KOSHESA NZVIMBO YAKO MUMBA MAJEHOVHA

Mukurukuri akatevera, Samuel Herd weDare Rinodzora, akati, “Tose tine nzvimbo yedu mumba maJehovha.” VaKristu vose vane nzvimbo yavo “mumba” maMwari, temberi yake yomudzimu, inoreva urongwa hwokumunamata pachishandiswa chibayiro chaJesu chorudzikinuro. Nzvimbo iyi inofanira kukosheswa seropafadzo. SaDhavhidhi, tinoda kugara “mumba maJehovha mazuva ose oupenyu” hwedu.—Pis. 27:4.

Hama Herd vakataura nezvePisarema 92:12-14 ndokubvunza kuti, “Jehovha anoita sei kuti tibudirire?” Vakapindura kuti: “Muparadhiso yomudzimu, Mwari anoita kuti tidziirwe, tive vakachengeteka, uye anotipa mvura inozorodza yechokwadi. Ngatimutendei nokuda kwaizvozvo.” Hama Herd vakabva vakurudzira vateereri kuti: “Ngatigutsikanei nokugara mumba maJehovha, kwete kwenguva pfupi chete asi nokusingaperi.”

VAKRISTU VANOREMEKEDZA SHOKO RAMWARI

David Splane, imwewo nhengo yeDare Rinodzora, akatsanangura kuti vaKristu vechokwadi vagara vachiremekedza Shoko raMwari. Muzana remakore rokutanga, vakarishandisa kugadzirisa nyaya yokudzingiswa. (Mab. 15:16, 17) Asi vamwe vaizviti vaKristu avo vainge vadzidza uzivi hwechiGiriki vakatanga kukoshesa uzivi hwavo kupfuura Magwaro. Nokufamba kwenguva, vamwe vakasiya dzidziso dzeBhaibheri ndokutanga kushandisa pfungwa dzevanonzi vanaBaba vechechi nemadzimambo eRoma, zvikaita kuti pave nedzidziso dzenhema dzakawanda.

Hama Splane vakataura kuti mune mumwe muenzaniso Jesu akaratidza kuti panyika paizoramba paine vaKristu vakazodzwa vaizenge vachidzivirira chokwadi. (Mat. 13:24-30) Hatigoni hedu kunyatsotaura kuti vaiva vanaani. Zvisinei, kwemazana emakore, vakawanda vakashora dzidziso netsika zvisiri zvomuMagwaro. Vamwe vacho vaiva, mukuru wemabhishopi Agobard wekuLyons womuzana remakore rechi9, Peter wekuBruys, Henry wekuLausanne naValdès (kana kuti Waldo) vomuzana remakore rechi12, John Wycliffe womuzana remakore rechi14, William Tyndale womuzana remakore rechi16, Henry Grew naGeorge Storrs vomuzana remakore rechi19. Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvichiri kukoshesa zvinotaurwa neMagwaro uye zvinoti muBhaibheri ndimo munobva chokwadi. Ndosaka Dare Rinodzora rakasarudza kuti rugwaro rwegore rwa2012 ruve Johani 17:17: “Shoko renyu ichokwadi.”

KUCHINJA KUNOFADZA PANYAYA YOKUROVEDZA UYE BASA

Anthony Morris weDare Rinodzora akapa chiziviso chokuchinja kune chokuita nemamishinari uye mapiyona chaiwo. Muna September 2012, makirasi eChikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana achatanga munyika dzakasarudzwa. Chinangwa chechikoro cheGiriyedhi chakachinjwa. Kutanga October apfuura, vose vachadzidziswa kuGiriyedhi vanofanira kuva vaya vagara vari mubasa renguva yakazara, vakadai semamishinari asina kumbobvira aenda kuGiriyedhi, mapiyona chaiwo, vatariri vanofambira, uye vashandi vepaBheteri. Vanenge vapedza kudzidza vachashandiswa pakusimbisa vanhu vaMwari mumapazi, mubasa rokufambira, kana kuti munzvimbo dzine vanhu vakawanda, mavanogona kukurudzira ungano mubasa rokuparidza.

Mamwe mapiyona chaiwo achatumirwa kundima dzekumaruwa. Kutanga January 1, 2012 vamwe vaizopedza kudzidza paChikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora uye Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana vaizonoshanda semapiyona chaiwo kwenguva pfupi uye vaizotanga kuparidza kumaruwa. Vaizova mapiyona chaiwo kwegore rimwe chete, zvoonekwa kuti vari kubudirira zvakadini, vopiwa rechipiri uye rechitatu. Vanenge vaita zvakanaka vozogadzwa kuti varambe vari mapiyona chaiwo.

Musangano wa2011 wainakidza chaizvo. Tiri kutarisira kuti Jehovha akomborere urongwa uhwu hutsva hwokuwedzera basa uye hwokuti hama dzinyatsobatane, kuti Mwari arumbidzwe.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 18, 19]

Kunyatsovaziva

Pachirikadzi pfumbamwe dziripo dzenhengo dzeDare Rinodzora, pakabvunzurudzwa shanu papurogiramu yacho. Hanzvadzi Marina Sydlik, Edith Suiter, Melita Jaracz, Melba Barry, naSydney Barber vakataura kuti vakadzidza sei chokwadi uye kuti vakapinda sei mubasa renguva yakazara. Hanzvadzi imwe neimwe yakataura ndangariro dzinofadza, zvayaiyeuka nezvemurume wayo uye makomborero avakawana pamwe chete. Vapedza kubvunzurudzwa, vanhu vakaimba rwiyo 86 runoti, “Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu.”

[Mifananidzo]

(Pamusoro) Daniel naMarina Sydlik; Grant naEdith Suiter; Theodore naMelita Jaracz

(Pazasi) Lloyd naMelba Barry; Carey naSydney Barber

[Mepu iri papeji 16]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Mapazi matanhatu akabatanidzwa nebazi rokuMexico

MEXICO

GUATEMALA

HONDURAS

EL SALVADOR

NICARAGUA

COSTA RICA

PANAMA

[Mufananidzo uri papeji 17]

Zvinotarisirwa kunge zvakaita muzinda weZvapupu zvaJehovha wenyika yose kuWarwick, New York