Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Basa Renyu Richapiwa Mubayiro”

“Basa Renyu Richapiwa Mubayiro”

“Basa Renyu Richapiwa Mubayiro”

MAMBO ASA ari kutungamirira uto rake. Anokurumidza kudzika nomupata wakadzika achibva munzvimbo yemakomo yeJudhiya akananga mubani riri mumhenderekedzo yegungwa. Ava kunosvika kunotangira bani racho, Asa anomira uye anoshamiswa. Nechemuzasi mune musasa wevavengi wakakura chaizvo. Masoja eItiopiya iwayo anofanira kuva anosvika miriyoni imwe chete. Masoja aAsa anoti pfuurei zvishoma hafu yenhamba iyoyo.

Asa zvaatarisana nehondo, chii chaari kunyanya kufunga? Mirayiro yokupa vakuru vake veuto here? Kukurudzira masoja ake here? Kunyorera mhuri yake tsamba here? Kana! Zvaatarisana nedambudziko iri, Asa anonyengetera.

Tisati taongorora munyengetero iwoyo uye zvakaitika panguva iyoyo, ngationei kuti Asa aiva munhu akaita sei. Chii chakaita kuti aite zvaakaita? Aiva nechikonzero chokutsvaka rubatsiro rwaMwari here? Nyaya yaAsa inotiudzei nezvekukomborera kunoita Jehovha mabasa evashumiri vake?

NHOROONDO YAASA

Mumakore 20 akatevera pashure pokukamuka kwerudzi rwaIsraeri kuva umambo huviri, umambo hwaJudha hwakashatiswa chaizvo netsika dzechihedheni. Asa paakava mambo muna 977 B.C.E., vanhu vomumuzinda wamambo vainge vatosvibiswawo nokunamata vanamwari vembereko veKenani. Asi nhoroondo yakafemerwa yokutonga kwaAsa inoti “akaita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.” Asa “akabvisa atari dzevokune dzimwe nyika nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa shongwe tsvene, akatema matanda matsvene.” (2 Mak. 14:2, 3) Asa akabvisawo muumambo hwaJudha “pfambi dzechirume dzepatemberi” dzaiita ungochani dzichiti dziri kunamata. Asa haana kungoita izvozvo chete. Akakurudzirawo vanhu kuti “vatsvake Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete mutemo nomurayiro” waMwari.—1 Madz. 15:12, 13; 2 Mak. 14:4.

Jehovha paakafadzwa nokushingairira kunamata kwakachena kwaiitwa naAsa, akamukomborera nemakore orugare. Saka mambo uyu aigona kuti: “Takatsvaka Jehovha Mwari wedu. Takamutsvaka, uye anotipa zororo kumativi ose.” Vanhu vakashandisa mukana uyu kuvaka masvingo emaguta eumambo hwaJudha. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Ivo vakavaka, vakabudirira.”—2 Mak. 14:1, 6, 7.

MUHONDO

Tichifunga nezvenhoroondo yaAsa, hazvifaniri kutishamisa kuti akanyengetera paakasangana neuto rakakura kupfuura mamwe ose anotaurwa neMagwaro. Asa aiziva kuti Mwari anopa mubayiro vaya vanoratidza kutenda. Achinyengetera, mambo akateterera kuti Jehovha amubatsire. Asa aiziva kuti kana akavimba naMwari, achiwana rutsigiro rwake, zvainge zvisina basa kuti vavengi vakawanda uye vane simba sei. Hondo iyi yaivawo nechokuita nezita raJehovha, saka Asa akateterera Mwari achifunga izvozvo. Mambo akanyengetera achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nokuti tinovimba nemi, uye tauya kuzorwa neboka revanhu ava muzita renyu. Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu. Musarega munhuwo zvake achiva nesimba pakurwa nemi.” (2 Mak. 14:11) Aiita seari kuti: ‘Uto reItiopiya rauya kuzorwisa imi Jehovha. Musarega zita renyu richizvidzwa nokubvumira vanhuwo zvavo kukunda vaya vanoshevedzwa nezita renyu.’ Saka “Jehovha akabva akunda vaItiopiya pamberi paAsa nepamberi pevaJudha, vaItiopiya vakatiza.”—2 Mak. 14:12.

Mazuva ano, vanhu vaJehovha vanorwisana nevavengi vazhinji vane simba. Hatirwi navo nezvombo setiri muhondo. Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anopa mubayiro wokuti vose vakatendeka vanorwa hondo yokunamata muzita rake vakunde. Hondo idzi dzingasanganisira kuramba zvachose tsika dzakaora dziri kwose kwose, kurwisa kusakwana kwatinako, kana kuti kudzivirira mhuri pazvinhu zvinosvibisa. Zvisinei nokuti tinosangana nedambudziko rakaita sei, tinogona kukurudzirwa nomunyengetero waAsa. Kukunda kwaakaita kwaiva kukunda kwaJehovha. Munyengetero iwoyo unoratidza zvinogona kuitirwa vose vanovimba naMwari. Hapana ane simba rokumirisana naJehovha.

KURUDZIRO UYE YAMBIRO

Achidzoka kubva kuhondo, Asa akasangana naAzariya. Muprofita uyu akapa kurudziro uye yambiro achiti: “Ndinzwei, haiwa imi Asa nemi mose vaJudha nevaBhenjamini! Jehovha anemi chero bedzi imi muinaye; uye kana mukamutsvaka, iye achaita kuti mumuwane, asi kana mukamusiya, achakusiyaiwo. . . . Shingai uye musashayisa maoko enyu simba, nokuti basa renyu richapiwa mubayiro.”—2 Mak. 15:1, 2, 7.

Mashoko aya anogona kusimbisa kutenda kwedu. Anoratidza kuti Jehovha achava nesu chero bedzi tichimushumira takavimbika. Patinochemera kubatsirwa, tinogona kuva nechivimbo chokuti anotinzwa. Azariya akati, “Shingai.” Zvinoda kushinga chaizvo kuti tiite zvakarurama, asi tinoziva kuti tinogona kuzviita norubatsiro rwaJehovha.

Sezvo ambuya vaAsa, Maaka, vainge “vagadzirira danda dzvene chidhori chinotyisa,” Asa aiva nebasa rakaoma rokuvabvisa pakuva “vahosi.” Akakunda dambudziko racho, uyewo akapisa chidhori chavo. (1 Madz. 15:13) Asa akakomborerwa pamusana pokutsunga kwake uye kushinga. Isuwo tinofanira kunamatira kuna Jehovha uye kune zvaanoda zvakarurama pasinei nokuti veukama vakavimbika kuna Mwari kana kuti havana. Kana tikadaro, Jehovha achatipa mubayiro wokutendeka kwedu.

Mubayiro waAsa waisanganisira kuona vaIsraeri vakawanda vokuumambo hwokumusoro hwakanga hwasiya Mwari vachidirana muJudha pavakaona kuti Jehovha aiva naye. Vakakoshesa kunamata kwakachena chaizvo zvokuti vakasarudza kusiya misha yavo kuti vanogara nevashumiri vaJehovha. Asa nevanhu vose vomuJudha vakaita ‘sungano yokuti vatsvake Jehovha nemwoyo yavo yose nemweya’ vachifara. Zvakaguma nei? Mwari “akaita kuti vamuwane; uye Jehovha akaramba achivapa zororo kumativi ose.” (2 Mak. 15:9-15) Tinofara chaizvo vanhu vanoda zvakarurama pavanobvuma kunamata Jehovha!

Zvisinei, muprofita Azariya akataurawo mashoko airatidza zvakaipa zvaigona kuitika. Akayambira kuti: “Kana mukamusiya [Jehovha], achakusiyaiwo.” Ngatisamboita zvakadaro, nokuti migumisiro yacho yakaipa! (2 Pet. 2:20-22) Magwaro haatauri chakaita kuti Jehovha atumire Asa yambiro iyi, asi mambo akatadza kuiteerera.

“WAITA ZVOUPENZI”

Mugore rechi36 rokutonga kwaAsa, Mambo Bhaasha weIsraeri akatanga kuda kurwisa Judha. Bhaasha akatanga kuvaka masvingo eguta reRama raiva pamuganhu, makiromita masere kuchamhembe kweJerusarema, zvichida achida kudzivisa vanhu vake kuti vasaenda kuna Asa kunonamata Jehovha. Panzvimbo pokutsvaka rubatsiro rwaMwari sezvaainge aita vaItiopiya pavakauya kuzomurwisa, Asa akatsvaka rubatsiro rwevanhu. Akatumira mambo weSiriya chipo, achimukumbira kuti anorwisa umambo hwokumusoro hwaIsraeri. VaSiriya pavakaita izvozvo, Bhaasha akabva kuRama.—2 Mak. 16:1-5.

Jehovha haana kufara nezvakaitwa naAsa saka akatuma muprofita Hananai kunomuudza. Sezvo Asa aiziva zvainge zvaitwa naMwari kuvaItiopiya, aifanira kunge akadzidza kuti maziso aJehovha “anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” Zvichida Asa akafurirwa kana kuti akafunga kuti Bhaasha neuto rake vaisanyanya kutyisa zvokuti aigona kugadzirisa nyaya yacho ega. Hazvinei kuti akafungei, chokwadi ndechokuti Asa akava nemafungiro evanhu uye akatadza kuvimba naJehovha. Hananai akati: “Waita zvoupenzi pachinhu ichi, nokuti kubvira zvino hondo dzichauya kuzokurwisa.”—2 Mak. 16:7-9.

Asa akagumbuka, ndokuita kuti Hananai asungwe mumatanda. (2 Mak. 16:10) Kuti Asa angave akafunga kuti, ‘Pane anofanira kunditsiura here ini ndave ndakatendeka kwemakore akawanda?’ Zvaainge ava kukwegura, kuti kwainge kwava kurasika pfungwa? Bhaibheri haritauri.

Mugore rechi39 rokutonga kwake, Asa akarwara chaizvo nemakumbo. Nhoroondo yacho inoti: “Kunyange mukurwara kwake haana kutsvaka Jehovha asi akatsvaka varapi.” Panguva iyoyo zvinoita sokuti Asa ainge ava kuregeredza kunamata kwake. Ava kurwara zvakadaro uye ava nemafungiro iwayo, akafa mugore rechi41 rokutonga kwake.—2 Mak. 16:12-14.

Zvisinei, zvinoita sokuti unhu hwakanaka hwaAsa uye kushingairira kunamata kwakachena zvaikunda zvaakakanganisa. Haana kurega kushumira Jehovha. (1 Madz. 15:14) Saka tichifunga izvozvo, tingadzidzei paupenyu hwake? Tinogona kudzidza kuti tinofanira kufunga nezvokubatsirwa kwatakaitwa kare naJehovha, nokuti ndangariro dzakadaro dzinogona kuita kuti tinyengeterere rubatsiro rwake patinosangana nemiedzo mitsva. Asi hatifaniri kufunga kuti hapana chikonzero chokupiwa zano romuMagwaro nokuti tave takatendeka kuna Mwari kwemakore. Pasinei nezvatakaita, Jehovha achatitsiura kana tikatadza. Tinofanira kubvuma zano rakadaro kuti ritibatsire. Chinonyanya kukosha ndechokuti Baba vedu vokudenga vachange vainesu chero tikaramba tinavo. Maziso aJehovha anotsvaka munyika yose vaya vakatendeka kwaari. Anovapa mubayiro nokushandisa simba rake achivatsigira. Jehovha akaita izvozvo kuna Asa, uye anogona kudaro kwatiri.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

Jehovha anopa mubayiro vaya vakatendeka vanorwa hondo yokunamata

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

Tinoda ushingi kuti tiite zvinonzi naJehovha zvakarurama