Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuguma Kuchaita Nyika Ino

Kuguma Kuchaita Nyika Ino

“Hamusi murima, kuti zuva iroro rikusvikirei sezvaringaita mbavha.”—1 VAT. 5:4.

1. Chii chichatibatsira kuramba takarinda uye kutsungirira miedzo?

MUNGUVA pfupi iri kuuya pachaitika zviitiko zvikuru. Kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri kunoratidza izvozvo, saka tinofanira kuramba takarinda. Chii chichatibatsira kudaro? Muapostora Pauro anotikurudzira kuti tirambe “takatarira . . . zvinhu zvisingaoneki.” Chokwadi tinofanira kufunga nezvemubayiro wedu woupenyu husingaperi, kungava kudenga kana panyika. Sezvinoratidzwa nedzimwe ndima, Pauro akanyora mashoko aya kuti akurudzire hama dzake kuisa pfungwa pamubayiro unofadza wokutendeka kwadzo. Kuita izvozvo kwaizodzibatsira kutsungirira miedzo uye kutambudzwa.—2 VaK. 4:8, 9, 16-18; 5:7.

2. (a) Tinofanira kuitei kuti tariro yedu irambe yakasimba? (b) Munyaya ino neinotevera, tichakurukurei?

2 Mashoko aPauro ane zano iri rinokosha: Kuti tariro yedu irambe yakasimba, tinofanira kutarira zvinhu zviri mberi. Tinofanira kuisa pfungwa pazviitiko zvinokosha zvatisati taona. (VaH. 11:1; 12:1, 2) Saka ngatikurukurei zviitiko gumi zviri mberi zvine chokuita netariro yedu youpenyu husingaperi. *

CHII CHICHAITIKA MUNGUVA PFUPI MUGUMO USATI WASVIKA?

3. (a) Chiitiko chipi chisati chaitika chinotaurwa pana 1 VaTesaronika 5:2, 3? (b) Vakuru vezvematongerwo enyika vachaitei uye ndivanaani vangangobatana navo?

3 Mutsamba yaakanyorera vaTesaronika, Pauro akataura chimwe chinhu chichaitika mugumo usati wasvika. (Verenga 1 VaTesaronika 5:2, 3.) Akataura nezve“zuva raJehovha.” Mundima iyi, “zuva  raJehovha” rinoreva nguva ichatanga nokuparadzwa kwechitendero chenhema uye ichaguma nehondo yeAmagedhoni. Zvisinei, zuva raJehovha rava kuda kutanga, vatungamiriri venyika vachange vachiti “Rugare nokuchengeteka!” Izvi vangazviita kamwe chete kana kuti kakawanda. Marudzi angafunga kuti ava pedyo nokugadzirisa matambudziko makuru enyika. Zvakadini nevakuru vezvitendero? Ivo ndevenyika, saka zvingangodaro kuti vachabatana nevatungamiriri vezvematongerwo enyika. (Zvak. 17:1, 2) Kana vafundisi vakaita izvozvo, vachange vachitevedzera vaprofita venhema vekare vemuJudha. Jehovha akati nezvavo: “[Vari kuti], ‘Kune rugare! Kune rugare!’ iko kusina rugare.”—Jer. 6:14; 23:16, 17.

4. Kusiyana noruzhinji, isu tinonzwisisei?

4 Pasinei nokuti ndivanaani vachataura nezve“Rugare nokuchengeteka!” izvi zvicharatidza kuti zuva raJehovha rava kutanga. Saka Pauro aigona kuti: “Hama, hamusi murima, kuti zuva iroro rikusvikirei sezvaringaita mbavha, nokuti imi mose muri vanakomana vechiedza.” (1 VaT. 5:4, 5) Kusiyana noruzhinji rwevanhu, isu tinonzwisisa zvinotaurwa neMagwaro pane zviri kuitika iye zvino. Uprofita hwokuti “Rugare nokuchengeteka!” huchanyatsozadziswa sei? Tinofanira kumirira kuti tione. Saka ngatitsungei ‘kuramba takamuka, takasvinura.’—1 VaT. 5:6; Zef. 3:8.

“MAMBOKADZI” ACHAPARADZWA AKARIVARA

5. (a) “Kutambudzika kukuru” kuchatanga sei? (b) “Mambokadzi” achaparadzwa akarivara ndiani?

5 Ndechipi chimwe chiitiko chatisati taona chichaitika? Pauro akati: “Chero panguva yavachati: ‘Rugare nokuchengeteka!’ kuparadzwa kusingatarisirwi kuchabva kwakurumidza kuvawira.” Chikamu chokutanga ‘chokuparadzwa uku kusingatarisirwi’ ndechokurwiswa kwe“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, hunonziwo “hure.” (Zvak. 17:5, 6, 15) Kurwiswa kuchaitwa zvitendero zvose zvenhema, kusanganisira chiKristudhomu, ndiko kutanga kwe“kutambudzika kukuru.” (Mat. 24:21; 2 VaT. 2:8) Izvi zvichaitika ruzhinji rwakarivara. Nemhaka yei? Nokuti kusvika panguva iyoyo, hure racho richange richizviona sa“mambokadzi” ‘asingazombochemi.’ Asi richabva raona kuti raigochera pautsi zvokuti harizoponi. Richatsvairwa, sokunge zvaitika “nezuva rimwe chete.”—Zvak. 18:7, 8.

6. Chitendero chenhema chichaparadzwa nani?

 6 Shoko raMwari rinoratidza kuti hure racho richarwiswa ne“chikara” chine “nyanga gumi.” Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti chikara chacho iSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose (United Nations kana kuti UN). “Nyanga gumi” dzinomirira hurumende dzose dziri kutsigira “chikara chitsvuku.” * (Zvak. 17:3, 5, 11, 12) Kuparadzwa kwacho kuchange kwakakura zvakadini? Nyika dzeUN dzichatora pfuma yose yehure racho, dzorifumura, dzoriparadza, uye ‘dzoriroromesa nemoto.’ Harizombovipozve.—Verenga Zvakazarurwa 17:16.

7. Chii chichaita kuti “chikara” chirwise hure?

7 Uprofita hweBhaibheri hunoratidzawo chichaita kuti rirwiswe. Jehovha achaita kuti vezvematongerwo enyika vaite “kufunga kwake,” izvo zvinoreva kuparadza hure racho, asi hatizivi kuti achazviita sei. (Zvak. 17:17) Chitendero chiri kukonzera hondo uye chiri kukanganisa pasi rose; saka marudzi angafunga kuti kuparadza hure iroro kwakaanakira. Vatongi pavacharirwisa, vachatofunga kuti vanenge vachiita ‘kufunga kwavo kumwe chete.’ Asi chokwadi ndechokuti vanenge vachishandiswa naMwari kuti vatsvaire zvitendero zvose zvenhema. Saka zvinhu zvichangoerekana zvachinja, chikamu chimwe chete chenyika yaSatani chicharwisa chimwe chikamu, uye Satani achange asina simba rokuzvidzivisa.—Mat. 12:25, 26.

KURWISA VANHU VAMWARI

8. Kurwisa kwa“Gogi wenyika yeMagogi” chii?

8 Pashure pokunge chitendero chenhema chaparadzwa, vashumiri vaMwari vachange “vachigara vakachengeteka” uye “vasina rusvingo.” (Ezek. 38:11, 14) Chii chichaitika kuboka iri revanhu vanoramba vachishumira Jehovha, vachiita sokuti havana kudzivirirwa? Zvinoita sokuti “marudzi mazhinji” achaedza kuvarwisa. Shoko raMwari rinotsanangura chiitiko ichocho sokurwisa kwa“Gogi wenyika yeMagogi.” (Verenga Ezekieri 38:2, 15, 16.) Tinofanira kuona sei kurwisa ikoko?

9. (a) MuKristu anonyanya kukoshesei? (b) Matanho api atinofanira kutora kuti tisimbise kutenda kwedu?

9 Kugara taziva nezvekurwiswa kuchaitwa vanhu vaMwari hakuiti kuti tizvidye mwoyo. Tinonyanya kukoshesa kutsveneswa kwezita raJehovha uye kurevererwa kwouchangamire hwake kwete kuponeswa kwedu. Jehovha akatozivisa kanopfuura ka60 kuti: “Muchaziva kuti ndini  Jehovha.” (Ezek. 6:7) Saka, tinotarisira nechido chakakura kuona kuzadziswa kwechikamu ichocho chouprofita hwaEzekieri, tichivimba kuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.” (2 Pet. 2:9) Panguva ino, tinoda kushandisa mikana yose kuti tisimbise kutenda kwedu kuitira kuti tikwanise kuramba takaperera kuna Jehovha pasinei nemiedzo yatingasangana nayo. Tinofanira kuitei? Tinofanira kunyengetera, kudzidza Shoko raMwari tichifungisisa, uye kuudza vamwe shoko roUmambo. Kana tikadaro, tinoita kuti tariro yedu youpenyu husingaperi isimbe, ichiita “sechinhu chinotsigisa.”—VaH. 6:19; Pis. 25:21.

MARUDZI ANOFANIRA KUBVUMA UKURU HWAJEHOVHA

10, 11. Chii chicharatidza kuti Amagedhoni yatanga, uye chii chichaitika munguva iyoyo?

10 Kurwiswa kuchaitwa vashumiri vaJehovha kuchaita kuti pave nechiitiko chipi chakakura? Jehovha, achishandisa Jesu nemauto ekudenga, achapindira achitsigira vanhu vake. (Zvak. 19:11-16) Kupindira ikoko ndiko kuchava “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose” yeAmagedhoni.—Zvak. 16:14, 16.

11 Nezvehondo iyoyo, Jehovha akazivisa achishandisa Ezekieri kuti: “‘Ndichamushevedzera [iye Gogi] bakatwa munzvimbo yangu yose ine makomo,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha. ‘Bakatwa romumwe nomumwe richarwisa hama yake.’” Vavhunduka, vaya vari kudivi raSatani vachavhiringidzika, voshandisa zvombo zvavo vachirwisana pachavo. Zvisinei, zvinhu zvichaitawo manyama amire nerongo kuna Satani. Jehovha anoti: “Ndichanayisa . . . moto nesarufa pamusoro pake [iye Gogi] nepamusoro pemapoka ake nepamusoro pemarudzi aachange ainawo.” (Ezek. 38:21, 22) Zvinhu zvichaguma sei kana Mwari apindira?

12. Marudzi achamanikidzwa kuitei?

12 Marudzi achafanira kuziva kuti kukundwa kwawo kunenge kwakonzerwa naJehovha pachake. Sezvakaitwa nevaIjipiti vekare vaidzingirira vaIsraeri paGungwa Dzvuku, mauto aSatani angashevedzera apererwa: “Jehovha ari kuvarwira”! (Eks. 14:25) Chokwadi, marudzi achamanikidzwa kubvuma ukuru hwaJehovha. (Verenga Ezekieri 38:23.) Tava pedyo zvakadini kuti zvinhu izvi zvose zvitange kuitika?

HAPANA HUMWE UMAMBO HUNE SIMBA PANE HUMWE HUCHAZOMUKA

13. Tinozivei nezvechikamu chokupedzisira chechifananidzo chakarondedzerwa naDhanieri?

13 Uprofita huri mubhuku raDhanieri hunotibatsira kuziva kuti tiri munguva ipi. Dhanieri anorondedzera chifananidzo chakaita semunhu chainge chakagadzirwa nesimbi dzakasiyana-siyana. (Dhan. 2:28, 31-33) Chinomirira umambo hwakatevedzana hune simba panyika yose, hwakanyatsorwisa vanhu vaMwari, kare uye iye zvino. Umambo hwacho ndeuhwu; Bhabhironi, Medhiya nePezhiya, Girisi, Roma, uye hwokupedzisira hwacho huri kutonga iye zvino. Uprofita hwaDhanieri hunoratidza kuti umambo uhwu hwokupedzisira hunomirirwa netsoka nezvigunwe zvechifananidzo chacho. MuHondo Yenyika I, Britain neUnited States zvakanyatsobatana. Zvechokwadi, Umambo hweBritain neAmerica ndihwo chikamu chechishanu chechifananidzo chaDhanieri. Tsoka ndidzo dzokupedzisira pachifananidzo chacho, zvichiratidza kuti hapana humwe umambo huchavapo. Tsoka nezvigunwe zvazviri musanganiswa wesimbi nevhu, izvi zvinoratidza kusava nesimba zvakanyanya  kweUmambo hweBritain neAmerica.

14. Umambo hupi huchange huchitonga pasi rose pachasvika Amagedhoni?

14 Uprofita ihwohwo hunoratidzawo kuti Umambo hwaMwari, hunomirirwa nedombo guru, hwakacherwa mugomo rouchangamire hwaJehovha muna 1914. Iye zvino dombo iroro riri kuvhiririka rakananga kutsoka dzechifananidzo chacho. PaAmagedhoni, tsoka nechifananidzo chacho chose zvichaputswa. (Verenga Dhanieri 2:44, 45.) Saka Umambo hweBritain neAmerica ndihwo huchange huchitonga pasi rose pachasvika Amagedhoni. Tichafara zvisingatauriki kuona kunyatsozadziswa kweuprofita uhwu! * Asi Jehovha achaitei naSatani pachake?

ZVICHAITIRWA MUVENGI MUKURU WAMWARI

15. Pashure peAmagedhoni, chii chichaitika kuna Satani nemadhimoni ake?

15 Kutanga, Satani achaona sangano rake rose panyika richitsvairwa, kubva kwekutanga kusvika kwekupedzisira. Zvadaro, zvichabva zvamuvinga iye pachake. Muapostora Johani anotaura zvichatevera kuitika. (Verenga Zvakazarurwa 20:1-3.) Jesu Kristu, “ngirozi . . . ine kiyi yegomba rakadzikadzika,” achabata Satani nemadhimoni ake, ovakanda mugomba rakadzikadzika, oita kuti varambe varimo kwemakore ane chiuru. (Ruka 8:30, 31; 1 Joh. 3:8) Izvozvo ndiko kuchava kutanga kwekupwanyiwa kwemusoro wenyoka. *Gen. 3:15.

16. Kuva kwaSatani “mugomba rakadzikadzika” kucharevei?

16 “Gomba rakadzikadzika” muchakandwa Satani nemadhimoni ake chii? Shoko rechiGiriki rokuti a′bys·sos rakashandiswa naJohani rinoreva “kudzika chaizvo kana kuti zvakanyanyisa.” Rinoshandurwawo kuti “gomba risina pasi, zienda nakuenda” uye “nzvimbo isina chinhu isina painogumira.” Saka, inzvimbo isingasvikiki nomumwe munhu kunze kwaJehovha nengirozi yake “ine kiyi yegomba” racho. Imomo, Satani achange akaita seakafa, asina chaanokwanisa kuita kuitira kuti “arege kutsausa marudzi.” Chokwadi, “shumba inodzvova” iyoyo ichanyaradzwa!—1 Pet. 5:8.

ZVIITIKO ZVICHATISVITSA MUNGUVA YORUGARE

17, 18. (a) Ndezvipi zviitiko zvatisati taona zvatakurukura? (b) Pashure pezviitiko izvi, tichapinda munguva yakaita sei?

17 Zviitiko zvinokosha uye zvakakura zviri pamberi apa. Tinotarisira kuona kuti kutaura nezve“Rugare nokuchengeteka!” kuchaitika sei. Tichabva taona Bhabhironi Guru richiparadzwa, kurwisa kwaGogi weMagogi, hondo yeAmagedhoni, uye kukandwa kwaSatani nemadhimoni ake mugomba rakadzikadzika. Pashure pezviitiko izvi, uipi hwose pahunenge hwabviswa, tichatanga upenyu hutsva munguva yeKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, patichava “norugare rukuru.”—Pis. 37:10, 11.

18 Kuwedzera pazviitiko zvishanu zvataongorora, pane zvimwe “zvinhu zvisingaoneki” zvatinoda ‘kuramba takatarira.’ Zviitiko izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

^ ndima 2 Zviitiko zvacho gumi zvichakurukurwa munyaya ino neinotevera.

^ ndima 6 Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! mapeji 251-258.

^ ndima 14 Mashoko okuti “hwogumisa umambo hwose uhwu” ari pana Dhanieri 2:44 anotaura nezveumambo kana kuti hurumende dzine simba pane dzimwe, dzinomirirwa nezvikamu zvechifananidzo chacho. Zvisinei, humwe uprofita hweBhaibheri hwakafanana neuhwu hunoratidza kuti “madzimambo enyika yose inogarwa” achaungana kuti arwisane naJehovha pazuva “guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvak. 16:14; 19:19-21) Saka, paAmagedhoni, umambo hwose hunomirirwa nechifananidzo chaDhanieri huchaparadzwa pamwe chete nedzimwe hurumende dzose dzevanhu.

^ ndima 15 Kupwanywa zvachose kwemusoro wenyoka kuchaitika panopera makore ane chiuru, Satani nemadhimoni ake pavachakandwa “mugungwa romoto nesarufa.”—Zvak. 20:7-10; Mat. 25:41.