Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Hamuzivi Zuva Racho Kana Awa Yacho”

“Hamuzivi Zuva Racho Kana Awa Yacho”

“Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.”—MAT. 25:13.

1-3. (a) Mienzaniso ipi inotibatsira kunzwisisa chidzidzo chiri mumifananidzo miviri yaJesu? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kupindura?

NGATITII wakumbirwa negurukota rehurumende kuti uriendese nemotokari kumusangano unokosha. Zvisinei, kwangosara maminitsi mashomanana kuti unomutora, unoona kuti motokari yako haina mafuta akakwana. Unotofanira kumhanya kunotenga mafuta acho. Waenda, anosara achisvika. Anokutsvaga kwose kwose okushaya. Hazviiti kuti akumirire, saka anokumbira mumwe kuti amuendese. Paunodzoka unobva waona kuti gurukota racho raenda. Waizonzwa sei?

2 Iye zvino ngatitii iwe ndiwe gurukota racho uye wasarudza varume vatatu kuti vaite basa rinokosha. Unovatsanangurira zvavanofanira kuita, uye vose vanobvuma basa racho. Zvisinei, paunodzoka kwapera chinguva, unoona kuti vaviri chete ndivo vaita basa ravo. Asi uya asina chaaita ari kutopa tuzvikonzero. Chokwadi ndechokuti haana kutomboedza. Waizonzwa sei?

3 Jesu akataura zvakada kufanana neizvi mumifananidzo yake miviri, wemhandara newematarenda, achiratidza zvaizoita kuti munguva yokuguma vamwe vaKristu vakazodzwa vave vakatendeka uye vakangwara, asi vamwe vasina. * (Mat. 25:1-30) Akasimbisa pfungwa yacho nokuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho,” kureva nguva iyo Jesu aizounza mutongo waMwari panyika yaSatani. (Mat. 25:13) Mazuva ano tinogona kushandisawo zano iroro. Tingabatsirwa sei nokuramba takarinda sezvatakakurudzirwa naJesu? Ndivanaani vakaratidza kuti vakagadzirira kupona? Uye tinofanira kuitei iye zvino kuti tirambe takarinda?

 BATSIRWA NOKURAMBA WAKARINDA

4. Nei ‘kuramba takarinda’ kusingarevi kugara takatarisa nguva?

4 Pane zvimwe zvinhu zvatinofanira kuita nenguva, zvakadai sokushanda mufekitari, kuenda kwachiremba, uye kukwira zvifambiso zvevoruzhinji. Asi zvimwe zvakadai sebasa rekudzima moto kana kuponesa vanenge vawirwa nenjodzi, hazvidi kuti tishande tichitarisa nguva nokuti izvozvo zvinogona kutikanganisa kana kutotiisa pangozi. Pakadaro zvinonyanya kukosha kuisa pfungwa pabasa rinenge richiitwa pane kunetseka nenyaya yenguva. Basa rokubatsira vanhu kuti vaponeswe naJehovha rava kunyanya kukosha iye zvino sezvo mugumo wenyika ino wava pedyo chaizvo. VaKristu pavanonzi varambe vakarinda hazvirevi kuti vanofanira kugara vakatarisa nguva. Chokwadi ndechokuti kusaziva zuva racho chairo kana awa pachaguma nyika ino kunotibatsira pazvinhu zvinenge zvishanu.

5. Kusaziva zuva neawa kunobatsira sei kuratidza zviri mumwoyo medu?

5 Chokutanga, kusaziva nguva ichauya mugumo kunotipa mukana wokuratidza zviri mumwoyo medu. Kunotoratidza kuti Jehovha anotiremekedza, nokutipa mukana wokuti tiratidze kuti takavimbika kwaari. Kunyange zvazvo tichitarisira kupona pachaguma nyika ino, tinoshumira Jehovha nokuti tinomuda, kwete chete nokuti tinoda upenyu. (Verenga Pisarema 37:4.) Tinonakidzwa nokuita zvaanoda, uye tinoziva kuti Mwari ari kutidzidzisa kuti tibatsirwe. (Isa. 48:17) Chokwadi mirayiro yake haitiremeri.—1 Joh. 5:3.

6. Mwari anonzwa sei patinomushumira nokuti tinomuda uye chii chinoita kuti adaro?

6 Chechipiri, kusaziva zuva kana awa kunotipa mukana wokufadza mwoyo waJehovha. Patinomushumira pamusana pokumuda, kwete nokuti mugumo uri kuuya kana kuti tinoda mubayiro, tinobatsira Jehovha kupindura kushora kusina musoro kwemhandu yake, Satani. (Job. 2:4, 5; verenga Zvirevo 27:11.) Patinofunga nezvemarwadzo uye nhamo zvakakonzerwa naDhiyabhorosi, tinosarudza kutsigira uchangamire hwaJehovha uye tinoramba utongi hwaSatani hwakaipa.

7. Nei uchifunga kuti kurarama upenyu hwokuzvipira ndiko kwakanaka?

7 Chechitatu, kushumira tisingafungi nezvezuva romugumo kunotibatsira kuti tirarame upenyu hwokuzvipira. Vamwe vasingazivi Mwari mazuva ano vanofungawo kuti nyika ino ichatoguma chete. Sezvo vachityira kuti kungangoitika njodzi ichaparadza nyika, vane pfungwa yokuti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaK. 15:32) Asi isu hatityi. Hatizviiti vanazindoga kuti tigutse zvido zvedu zvoudyire. (Zvir. 18:1) Asi tinozviramba uye tinoshandisa nguva yedu, simba, uye zvinhu zvedu kuti tiudzewo vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Verenga Mateu 16:24.) Tinonakidzwa nokushumira Mwari, kunyanya patinobatsira vamwe kuti vamuzive.

8. Muenzaniso upi womuBhaibheri unoratidza kuti tinofanira kunyatsovimba naJehovha neShoko rake?

8 Chechina, kusaziva zuva kana awa kunotibatsira kuti tinyatsovimba naJehovha uye tiedze kunyatsoshandisa Shoko rake muupenyu hwedu. Chimwe chinhu chinowanzoitwa nevanhu vane chivi kuzvivimba. Pauro akakurudzira vaKristu vose kuti: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.” Vanhu zviuru makumi maviri nezvitatu vakagumbura Jehovha nguva pfupi Joshua asati apinza vanhu vaMwari muNyika Yakapikirwa. Pauro akati, “Zvinhu izvi . . . zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro  ezvinhu epanguva ino.”—1 VaK. 10:8, 11, 12.

9. Matambudziko angatinatsa sei uye kutiswededza pedyo naMwari?

9 Chechishanu, kusaziva pachauya mugumo kunoita kuti matambudziko atinosangana nawo anatsiridze unhu hwedu. (Verenga Pisarema 119:71.) Chokwadi mazuva okupedzisira enyika ino inguva “dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1-5) Vakawanda vari munyika yaSatani vanotivenga, saka tinogona kutambudzirwa kutenda kwedu. (Joh. 15:19; 16:2) Kana tikazvininipisa totsvaka kutungamirirwa naMwari patinenge tiri mumiedzo yakadaro, kutenda kwedu kunonatswa sokunge kwapfuura nemumoto. Miedzo haitikandisi mapfumo pasi. Asi inototiswededza pedyo naJehovha kupfuura zvataifunga.—Jak. 1:2-4; 4:8.

10. Chii chinoita kuti nguva iite seiri kumhanya?

10 Nguva inogona kuita seiri kumhanya kana kunonoka. Kana takabatikana uye tisingangotarisi-tarisi wachi, zvinoita sokuti nguva iri kumhanya. Saka, kana takabatikanawo nebasa rinonakidza ratakapiwa naJehovha, zuva iroro neawa zvinogona kusvika tisingafungiri. Panyaya iyi, ruzhinji rwevakazodzwa runoratidza muenzaniso wakanaka. Ngatikurukurei muchidimbu zvakaitika pashure pokunge Jesu agadzwa kuva Mambo muna 1914, toona kuti vamwe vakaratidza sei kuti vainge vakagadzirira asi vamwe vasina.

VAKAZODZWA VANORATIDZA KUTI VAKAGADZIRIRA

11. Pashure pa1914, nei vamwe vakafunga kuti Ishe akanga ari kunonoka?

11 Funga zvakare mufananidzo waJesu wemhandara uye wematarenda. Kudai mhandara idzodzo kana kuti varanda ivavo vaiziva musi waizouya muroori kana kuti tenzi, vangadai vakaona pasina chikonzero chokuramba vakarinda. Asi vaisaziva, saka vaifanira kuramba vakagadzirira. Kunyange zvazvo kwemakumi emakore vakazodzwa vaiziva kuti gore ra1914 raikosha, vaisanyatsonzwisisa zvaizoitika. Zvinhu pazvisina kufamba sezvavaitarisira, vamwe vakaona sokuti Muroori akanga ari kunonoka. Imwe hama yakazotaura kuti, ‘Vashomanana vedu taitofunga kuti taizoenda kudenga muvhiki yokutanga yaOctober iyeyo [wa1914].’

12. Vakazodzwa vakaratidza sei kuti vainge vakatendeka uye vakangwara?

12 Chimbofunga kuti zvaiodza mwoyo sei kutarisira kuuya kwemugumo iwo worega! Hama dzaitambudzwawo munguva iyoyo yeHondo yeNyika I. Basa rokuparidza rakaita seramira, zvikaita sokuti vakazodzwa varara. Asi muna 1919, pakava nokushevedzera kwokuti vamuke! Jesu ainge auya kutemberi yaMwari yomudzimu, uye nguva yokuongororwa yainge yasvika. Zvisinei, vamwe vakaonekwa vasina kukodzera uye vakarasikirwa neropafadzo yavo yokuramba vachiita “bhizimisi” raMambo. (Mat. 25:16) Vainge vasina kugadzirira, kufanana nemhandara dzakapusa dzisina kuzadzisa marambi adzo nemafuta. Uye sezvakaitwa nemuranda ane usimbe, vaisada kuzvipira kuti vatsigire Umambo. Zvisinei, vazhinji vevakazodzwa vainge vakanyatsovimbika uye vachida chaizvo kushumira Tenzi wavo kunyange panguva yakaoma yehondo.

13. Gore ra1914 richangopera, veboka romuranda vaiva nemafungiro akaita sei, uye zvakadiniwo nemazuva ano?

13 Gore ra1914 rapfuura, Nharireyomurindi yakataura mashoko aya anokosha: ‘Hama, vaya vedu vane mafungiro akanaka nezvaMwari havaodzwi mwoyo neurongwa hwake chero hupi zvahwo. Taisada kuti zvido zvedu zviitwe; saka patakaona kuti taitarisira zvisizvo muna October,  1914, takafara kuti Ishe haana kuchinja zvaakaronga kuti zvienderane nesu. Taisada kuti aite izvozvo. Tinongoda kukwanisa kunzwisisa zvaakaronga uye zvinangwa zvake.” Vakazodzwa vaShe vachiri kuratidza mafungiro iwayo okuzvininipisa uye okuzvipira. Havazviti vakafemerwa naMwari, asi vakazvipira kuita “bhizimisi” raIshe panyika. Uye iye zvino “boka guru” re“mamwe makwai,” vaKristu vane tariro yokurarama panyika, riri kutevedzera kurinda uye kushingaira kwavo.—Zvak. 7:9; Joh. 10:16.

KUGARA TAKAGADZIRIRA

Kunyange pazvinenge zvakaoma, tsvaka zvokudya zvinosimbisa pakunamata

14. Kusasiyana nenzira inoshandiswa naMwari pakupa zvokudya zvinosimbisa pakunamata kunotidzivirira sei?

14 Kufanana nevaKristu vakazodzwa, veboka guru vakamuka havasiyani nenzira inoshandiswa naMwari pakupa zvokudya zvokunamata. Saka vari kuitawo sevari kuzadzisa marambi avo nemafuta eShoko raMwari nemudzimu mutsvene. (Verenga Pisarema 119:130; Johani 16:13.) Izvozvo zvinovasimbisa, zvoita kuti vagadzirirewo kuuya kwaKristu, vachiramba vachishingaira kunyange pavanosangana nemiedzo yakakura. Somuenzaniso mune mumwe musasa wevasungwa weNazi, pakutanga hama dzaingova neBhaibheri chete. Saka vakanyengetera kuti vawane zvimwe zvokudya zvinosimbisa pakunamata. Pasina nguva, vakaziva kuti imwe hama yainge ichangobva kusungwa yainge yapinda musasa nemagazini matsva eNharireyomurindi akavigwa mugumbo rayo remuti. Imwe hama yakazodzwa yakapona mumusasa iwoyo, Ernst Wauer, yakazotaura kuti: ‘Jehovha akatibatsira nenzira inoshamisa kubata nemusoro pfungwa dzinosimbisa dzaiva mumagazini acho.’ Yakabva yati: ‘Mazuva ano, zviri nyore kuwana zvokudya zvomudzimu, asi tinozvionga nguva dzose here? Ndine chivimbo chokuti Jehovha ane zvikomborero zvakawanda zvakachengeterwa avo vanovimba naye, vanoramba vakavimbika, uye vanodya patafura yake.’

15, 16. Imwe hama nemudzimai wayo vakakomborerwa sei nemhaka yokushingaira kwavo muushumiri hwechiKristu, uye iwe ungadzidzei panyaya dzakadaro?

15 Vemamwe makwai vanogarawo vakabatikana pakuita basa raTenzi, vachinyatsotsigira hama dzaKristu. (Mat. 25:40) Kusiyana nemuranda ane usimbe womumufananidzo  waJesu, ivo vanoda chaizvo kuzvipira uye kushandisa simba ravo pakuisa Umambo pokutanga. Somuenzaniso, Jon naMasako pavakakumbirwa kunobatsira ndima inotaura chiChinese kuKenya, pakutanga vaizeza. Asi pavakanyengetera ndokufungisisa nezvemamiriro avo ezvinhu, vakasarudza kutamira ikoko.

16 Vakakomborerwa chaizvo nemhaka yezvavakaita. Vakati, “Kuno ushumiri hunonakidza chaizvo.” Vakatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvinomwe. Vakazonakidzwa chaizvo nezvimwe zvakawanda zvaiitika. Vakawedzerawo kuti, “Zuva nezuva tinotenda Jehovha nokutibvumira kuti tive kuno.” Ichokwadi kuti kune dzimwe hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaratidza nezvadzakasarudza kuti dzakatsunga kuramba dzakabatikana mubasa raMwari pasinei nokuti mugumo unouya riini. Chimbofunga nezvezviuru zvakapedza kudzidza kuChikoro cheGiriyedhi ndokutanga basa roumishinari. Kana uchida kuona kunakidza kwebasa iroro wadii kuverenga nyaya inoti “Tinoita Nepatinogona Napo!” iri muNharireyomurindi yaOctober 15, 2001? Paunenge uchiverenga nyaya iyoyo inonakidza nezvezvinoswera zvichiita mamishinari, funga zvaungaita kuti uwedzere basa raunoitira Mwari kuti arumbidzwe uye kuti iwe ufare.

IWEWO RAMBA WAKARINDA

Nguva inomhanya kana pfungwa dzedu dziri pamabasa echiKristu

17. Kusaziva zuva kana awa kwave kuri chikomborero sei?

17 Chokwadi kusaziva kwedu zuva kana awa pachaguma nyika ino chave chiri chikomborero. Hakuiti kuti tinetseke kana kuora mwoyo, asi patinobishaira kuita kuda kwaJehovha, Baba vedu vane rudo, tinoramba tichiswedera pedyo navo. Kuramba takabata gejo, tisingavhiringwe nezvimwe zvinhu kwave kuchiita kuti tifare chaizvo mubasa raTenzi wedu.—Ruka 9:62.

18. Nei tisingafaniri kuneta pakutenda?

18 Zuva raMwari rorutongeso rava pedyo pedyo. Hapana mumwe wedu anoda kuodza mwoyo Jehovha kana Jesu. Mumazuva ano okupedzisira, vakatipa basa rinokosha chaizvo. Chokwadi tinokoshesa kuvimba kwavanoita nesu!—Verenga 1 Timoti 1:12.

19. Tingagara sei takagadzirira?

19 Pasinei nokuti tariro yedu ndeyokurarama kudenga kana kuti muParadhiso panyika, ngatitsidzei mumwoyo kuramba takatendeka pabasa ratakapiwa naMwari rokuparidza uye kuita kuti vamwe vave vadzidzi. Hatizivi zuva kana awa pachauya zuva raJehovha, uye tinodirei kuzviziva? Tinogona kugara takagadzirira uye ticharamba takadaro. (Mat. 24:36, 44) Tine chokwadi chokuti kana tikaramba tichivimba naJehovha uye tichiisa Umambo hwake pokutanga, hatizomboodzwi mwoyo.—VaR. 10:11.