Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvikoro Zvesangano​— Zvinoratidza Rudo rwaJehovha

Zvikoro Zvesangano​— Zvinoratidza Rudo rwaJehovha

JEHOVHA ndiye ‘Murayiridzi wedu Mukuru.’ (Isa. 30:20) Rudo runoita kuti adzidzise vamwe uye avarayiridze. Somuenzaniso, Jehovha anoratidza Jesu ‘zvinhu zvose zvaanoita’ nokuti anomuda zvakadzama. (Joh. 5:20) Jehovha anotipa “rurimi rwevakadzidziswa” patinenge tichibishaira kuti timukudze uye tibatsire vamwe nokuti anotida isu Zvapupu zvake.—Isa. 50:4.

Dare Rokudzidzisa reDare Rinodzora rinotevedzera rudo rwaJehovha, zvokuti rinoshandisa zvikoro gumi zvesangano kudzidzisa vaya vane chido uye mamiriro ezvinhu akakodzera. Unoona zvikoro izvi sokuratidzwa kwerudo rwaJehovha here?

Nakidzwa nokutsanangurwa kwemamiriro akaita zvikoro zvesangano uye zvakataurwa nevamwe vakazvipinda. Zvadaro zvibvunze kuti, ‘Ndingabatsirwa sei nedzidzo yatinopiwa naMwari?’

 BATSIRWA NEDZIDZO YATINOPIWA NAMWARI

Jehovha, “Mwari worudo,” anotidzidzisa kuti upenyu hwedu huve nechinangwa, anotibatsira kukunda matambudziko, uye kuti tifare chaizvo muushumiri hwedu. (2 VaK. 13:11) Kufanana nevadzidzi vemuzana remakore rokutanga, tine zvose zvatinoda kuti tibatsire vamwe, tivadzidzise “kuchengeta zvinhu zvose” zvatakarayirwa.—Mat. 28:20.

Kunyange zvazvo tingasakwanisa kupinda zvikoro izvi zvose, tinogona kubatsirwa nechimwe chete kana kupfuura. Uye tinogona kushandisa mirayiridzo inobva muBhaibheri yatakawana. Tinogonawo kubudirira muushumiri nokushanda nevashumiri vaJehovha vakanyatsodzidziswa.

Zvibvunze kuti, ‘Mamiriro angu ezvinhu anondibvumira kuvavarira kupinda chimwe chezvikoro izvi here?’

Vanamati vaJehovha vanoiona iri ropafadzo kupinda zvikoro izvi zvinokosha uye kudzidziswa nazvo. Dzidzo yaunowana ngaikuswededze pedyo naMwari uye iite kuti ugadzirire kuita mabasa aanokupa, kunyanya riya rinofanira kukurumidza kuitwa rokuparidza mashoko akanaka.