Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchinjwa Kwakaitwa Imwe Mhuri yechiHindu neShoko raMwari

Kuchinjwa Kwakaitwa Imwe Mhuri yechiHindu neShoko raMwari

HANDIKANGANWI rimwe zuva ari mangwanani omusi weMuvhuro 22 August 2005, tichidya nevamwe vomumhuri mangu. Upenyu hwangu hwakanga hwava pamutanhiko, nokuti ndaiva nebundu rakakura muuropi. Murume wangu Krishna anyengetera, ndakabva ndatanga kutaura.

Ndakati: “Ndiri kuenda kuchipatara kunovhiyiwa uye ndingangofa, saka garai makagadzirira chero zvingangoitika. Kana zvikaitika kuti ndafa, ndakaronga kare mavigirwo andichaitwa. Imi vari kutonamata Jehovha ndapota musakanda mapfumo pasi. Vamwe mose ndinokukumbirai kuti mubvume kudzidza Bhaibheri uye kuti mutange kupinda misangano yedu yechiKristu. Kana mukadaro tichava muchitendero chimwe chete munyika itsva iri kuuya inenge yava paradhiso ichagarwa nevanamati vaMwari nokusingaperi, vaine utano hwakanaka.”

Ndisati ndatsanangura zvakazoitika mushure mokuvhiyiwa kwandakaitwa, regai ndikuudzei makuriro andakaita uye kuti zvakafamba sei kuti ndizive Mwari wechokwadi.

Kurerwa somuHindu

Ndakabatwa naamai

Mhuri yedu yaigara muimba hombe yemapuranga nemarata yaiva pachikomo chiri muguta reDurban riri pedyo negungwa, muSouth Africa. Kuti tisvike pagedhi repamba pedu, taitanga takwira masitepisi 125 kubva kumugwagwa mukuru waiva nechezasi. Paaiperera paiva nekanzira kaiva nezvikwenzi kaizosvika pagedhi resimbi. Kune rimwe divi regedhi racho kwaiva netemberi yambuya vangu, yaiva yakazara mifananidzo nezvidhori zvanamwari vechiHindu. Mbuya vakandiudza kuti ndaiva “mwana womutemberi” (mandir kī baccā, muchiHindi) nokuti dai pasina vanamwari ava vatainamata, ndingadai ndisina kuberekwa. Temberi iyi yakanga yakatarisana nemasitepisi aiiswa porishi tsvuku, aienda kumusuo wokumberi kwemba. Imba yacho yaiva yakakura, iine koridho refu, kicheni hombe yaiva nechitofu chemarasha, dzimba dzokurara nomwe, neimwe imba duku yaiva padivi yaiva neimba yokurara imwe chete. Taigara pamwe chete nasekuru nambuya, baba vangu nevanun’una vavo vatatu, hanzvadzi yavo gotwe, nemhuri dzavo uye tose taisvika 27.

Imba yataigara semhuri

Zvaisava nyore kuriritira mhuri yakakura kudaro. Asiwo zvaiita kuti mhuri ibatane uyewo pane zvakawanda zvaiitika zvinofadza zvatisingakanganwi. Varoora vana vepamba apa, vaisanganisira amai vangu, Gargee Devi, ndivo vaiita mabasa epamba. Vaiita majana okuchenesa nokubika. Sekuru vangu ndivo vaiva musoro wemba, uye ndivo vaitengera mhuri yose zvokudya. Chitatu choga choga sekuru nambuya vaienda kumusika kunotenga nyama, michero nemiriwo zvaizodyiwa vhiki racho. Taiwanzogara pasi pomumvuri womupaini [Araucaria columnaris] waiva nechekumusoro kwaitangira masitepisi kwataiona zviri muzasi, tichimirira kuti vadzoke. Pataingovaona vachiburuka bhazi nemabhasikiti avo mahombe, taimhanya tichidzika masitepisi 125 kunovabatsira kutakura zvinhu zvavainge vauya nazvo.

Pedyo nemasitepisi 125

Pane shiri dzinonzi mynahs [Acridotheres tristis] dzakavaka dendere radzo mumuti womuchindwe [Syagrus romanzoffiana] murefu chaizvo waiva mugadheni medu. Taidziona dzichibhururuka uye taidzinzwa dzichirira. Mbuya vangu vaigara pamasitepisi emusuo wokumberi kwemba vachitiudza nyaya, uye zvaiita sokuti  vari kududzira kurira kwaiita shiri idzi. Pane zvakawanda zvinonakidza zvandinoyeuka zvaiitika pamba apa. Tainakidzwa nokugara pamwe chete semhuri yakakura nokuti taiseka, taichema, taitamba, tainyemwerera, uye taigovana zvinhu. Asi chinonyanya kukosha ndechokuti pamba apa ndipo patakatangira kudzidza nezvoMusiki wedu Jehovha, noMwanakomana wake Jesu Kristu.

Tisati tadzidza nezvaJehovha, pane tsika dzakawanda dzataiita zuva nezuva pamanamatiro echiHindu. Taigarawo tichiita mitambo yakakura, tichikoka vanhu kuti tizonamata vanamwari nanamwarikadzi vakasiyana-siyana. Pane mimwe mitambo iyi, mbuya vaisvikirwa votanga kutaura nemidzimu, uye pakati pousiku chaipo, paipiwa zvibayiro zvemhuka kuti midzimu yacho ifare. Sekuru vangu vaizikanwawo munharaunda yedu nokuti vaipa zvipo zvemari zvokubatsira kuvaka nokutarisira zvikoro uye temberi dzechiHindu.

Mawaniro Atakaita Chokwadi nezvaJehovha

Muna 1972, sekuru vangu vakarwara ndokufa. Kwapera mwedzi mishomanana, mumwe wevanamainini vangu vainzi Indervathey, vataitiwo mainini Jane, vakapiwa magazini eNharireyomurindi neMukai! neZvapupu zvaJehovha. Vakazozvitongesa kuti vakanga vasina kuvapinza mumba. Takanga tagara tisingadi kuti Zvapupu zvipinde mumba medu. Asi pavakazoshanyazve, mainini vakavati vapinde uye vakataura navo nezvekunetsana kwavaiita nababamunini avo vaiva chidhakwa. Vavakidzani nevoukama vakanga vakurudzira mainini kuti varambane nababamunini. Zvapupu zvakatsanangura maonero anoita Mwari vanhu vakaroorana. (Mateu 19:6) Mainini vakabayiwa mwoyo nezano reBhaibheri uye nezvarinovimbisa zvokuti pasi pano pachava noupenyu hwakanaka. * Vakabva vasiyana nepfungwa yokurambana nababamunini, vakatanga kudzidza Bhaibheri nguva dzose neZvapupu. Pavaidzidzira muimba yokutandarira, amai nevamwe vanamainini vaiteerera vari mudzimba dzavo.

Amai navanamainini vose vakazoguma vava kudzidzawo Bhaibheri. Mainini Jane vaiudzawo vamwe zvavaidzidza uye vaiwanzotiverengera nokutitsanangurira nyaya dzomubhuku rinonzi KuTerera kunoMudzidzisi muKuru. * Vanababamunini pavakaziva kuti vanamainini vaidzidza Bhaibheri, vakatanga kutishora. Mumwe wavo akatora mabhuku edu ose, aisanganisira Bhaibheri, akaapisa. Vaitituka nokutirova kuti taipindirei misangano. Baba vangu ndivo chete vasina kumbotinetsa uye havana kumbotirambidza kudzidza nezvaJehovha. Amai nanamainini vose vari vana vakaramba vachipinda misangano uye vakawedzera kuda kwavaiita Jehovha Mwari.

Muna 1974, mainini Jane vakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, uye pasina nguva amai vangu nevamwe vanaamainini vakazobhabhatidzwawo. Nokufamba kwenguva, mbuya vakasiya chitendero chavo chechiHindu. Kwemakore akawanda ndaingoendawo kumisangano yose yechiKristu zvegundamusaira. Zvadaro, pane rimwe gungano reruwa reZvapupu zvaJehovha, chimwe Chapupu chinonzi  Shameela Rampersad chakandibvunza kuti, “Uchabhabhatidzwa rini?” Ndakapindura kuti, “Handikwanisi kubhabhatidzwa nokuti hapana ari kudzidza neni Bhaibheri.” Akabva ati aigona kudzidza neni. Ndakabhabhatidzwa pagungano reruwa rakatevera rakaitwa musi wa16 December 1977. Pavanhu 27 vomumhuri medu vaigara pamwe chete, 18 vakazoguma vabhabhatidzwa. Asi panguva yandakavhiyiwa, baba vangu Sonny Deva vakanga vachiri muHindu.

“Musazvidya Mwoyo Pamusoro Pechinhu Chero Chipi Zvacho”

Mashoko ari pana VaFiripi 4:6, 7 akandibatsira chaizvo, kunyanya pandakaudzwa kuti ndine bundu muuropi. Ndima idzodzo dzinoti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” Hazvisi nyore kuti “usazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho,” kunyanya kana waudzwa kuti ungangofa panguva chero ipi zvayo. Pakutanga ndakachema, ndikazonyengetera kuna Jehovha. Kubvira ipapo, ndakava no“rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.”

Jehovha Mwari akaita seakabata ruoko rwangu rworudyi, uye ndakanyatsoona kuti akanditungamirira kusvikira pakupedzisira. (Isaya 41:13) Akandibatsira kutsanangurira vanachiremba noushingi kuti ndakanga ndatsidza kuteerera murayiro weBhaibheri wokuti ndisawedzerwa ropa. (Mabasa 15:28, 29) Izvi zvakaita kuti chiremba anovhiya nemukoti anokotsirisa vabvume kundivhiya vasingandiwedzeri ropa. Pavakapedza, chiremba akanditsanangurira kuti vakanga vabudirira kundivhiya uye kuti vakanga vakwanisa kubvisa bundu racho rose. Akatiwo akanga asati amboona murwere achikurumidza kupora kudaro mushure mekuvhiyiwa uropi.

Kwapera vhiki nhatu ndakatanga kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri ndichiri pamubhedha. Pakapera vhiki yechinomwe, ndakatangazve kutyaira, kuparidzira, uye kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Ndakatenda chaizvo kubatsirwa kwandaiitwa nehama nehanzvadzi dzechiKristu dzandaishanda nadzo mubasa rokuparidzira. Vaiva nechokwadi chokuti ndaisamboshanda ndoga uye kuti ndaisvika kumba zvakanaka. Ndinofunga kuti kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa uye kuramba ndichiita zvinhu zvine chokuita nokunamata ndiko kwakaita kuti ndikurumidze kupora.

Ndakafarawo kuti mushure mokunge ndavhiyiwa, baba vangu vakabvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Vakabhabhatidzwa vava nemakore 73, uye iye zvino vava kushingaira kushumira Jehovha. Vanhu vanopfuura 40 vomumhuri medu iye zvino vava kunamata Jehovha nesu. Kunyange hazvo ziso rangu rokuruboshwe risingachanyatsooni uye ndakaiswa simbi mumusoro, ndinotarisira nguva iyo Jehovha achaita kuti “zvinhu zvose zvive zvitsva” muParadhiso iri kuuya pasi pano.—Zvakazarurwa 21:3-5.

Ndiine murume wangu (ari kuruboshwe), mwanasikana wangu uye vabereki vangu

Ndakakomborerwa nekuva nomurume anondida, mukuru muungano yechiKristu, uye nemwanasikana akazonaka Clerista, uyo anonditsigira kuti ndirambe ndiri muparidzi wenguva yakazara. Jehovha Mwari akandikomborera chaizvo muushumiri. Iye zvino, ndakwanisa kubatsira vanhu vakawanda vandinodzidza navo Bhaibheri kuti vachinjwe nesimba reShoko raMwari. Vanopfuura 30 vavo vakazvitsaurira kuna Mwari vakabhabhatidzwa.

Ndine tarisiro yakasimba yokuti Jehovha Mwari achatibvisira nyika ino inorwadza achitipinza muparadhiso pasi pano.

^ ndima 12 Kuti uwane mamwe mashoko nezvechinangwa chaMwari nokuda kwenyika, ona chitsauko 3 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 13 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi.