Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

  Tevedzera Kutenda Kwavo

“Mukadzi Akanaka Kwazvo”

“Mukadzi Akanaka Kwazvo”

RUTE akapfugama pedyo nehura dzebhari dzaakanga aswera achiunganidza. Zuva rakanga rava kudoka muBhetrehema, uye vashandi vakawanda vakanga vava kutonanaira vachibva muminda vachikwidza kugedhi rekaguta kaiva pachikomo chaiva pedyo.[1] Rute anofanira kunge akanga aneta zvokuneta zviya, nokuti akanga aswera achishanda nesimba.[1a] Asi akaramba achishanda, achipura bhari yacho.[2] Pasinei nokurwadza kwebasa racho, akanga afira zviripo nokuti akawana zvaaisatombotarisira kuwana.

Kuti zvinhu zvingadaro zvakanga zvava kutanga kufambira zvakanaka chirikadzi iyi yechiduku here? Akanga asarudza kuenda navamwene vake Naomi, achitsidza kuti aizoramba anavo uye aizonamata Mwari wavo Jehovha. Vakadzi ava vaviri vainge vachine misodzi pamatama vakanga vauya kuMoabhi vachibva kuBhetrehema, uye pasina nguva Rute muMoabhi akazoona kuti Mutemo waJehovha waiva nourongwa hwakanaka hwaibatsira varombo muIsraeri, kusanganisira vokune dzimwe nyika. * Vamwe vanhu vaJehovha vakaratidza kuti vaiteerera Mutemo uyu nezvavakamuitira uye mutsa wavakamuratidza. Izvi zvakamunyaradza zvikuru.

Mumwe wevakanga vamunzwira tsitsi ndiBhoazi, murume akanga akapfuma aiva neminda yakanga yanonhongwa zvaisaririra naRute. Akanga amutarisira sababa musi uyu. Rute anofanira kunge aifara nechomumwoyo paaifunga nezvokurumbidzwa kwaakanga aitwa naBhoazi kuti airiritira Naomi aiva akwegura uye kuti akanga asarudza kutarisirwa naMwari wechokwadi Jehovha.—Rute 2:11-13.

Kunyange zvakadaro, Rute anofanira kunge ainetseka nezveramangwana rake. Zvaaiva mubvakure akanga asina murume kana mwana, aizozviriritira sei iye naNaomi mumakore aizotevera? Vaizongopona nokuunganidza zvaisaririra here? Uye ndiani aizotarisira Rute kana akwegura? Zvinonzwisisika kuti aigona kuzvidya mwoyo nepfungwa dzakadaro. Mazuva ano akaoma nyaya dzoupfumi, vakawanda vanozvidyawo mwoyo. Patichakurukura kuti  kutenda kwaRute kwakamubatsira sei kuti akurire matambudziko iwayo, tichaona zvakawanda zvatinogona kumutevedzera.

Ndivanaani Vanoumba Mhuri?

Rute akashanda nesimba kuti azviriritire iye naNaomi

Rute paakapedza kupura bhari, akazoona kuti akanga aunganidza efa imwe chete, kana kuti marita 22.[3] Bhari iyi ingadaro yairema makirogiramu 14![4] Akaiti mhitsu, zvichida yakaputirwa nomucheka, akaitsiga nomusoro[5] ndiye tande kuBhetrehema zuva rava kupinda muna mai varo.—Rute 2:17.

Naomi akafara chaizvo kuona muroora wake waaida adzoka, uye anogona kunge akatoshamiswa paakaona kuwanda kwebhari yaiva naRute. Rute akauyawo nezvokudya zvaakanga asiya pane zvakanga zvapiwa vashandi vaBhoazi, achibva adya navamwene vake. Naomi akabvunza kuti: “Waunganidza zvanga zvichisaririra kupi nhasi, uye washanda kupi? Munhu ava nehanya newe ngaakomborerwe.” (Rute 2:19) Naomi akaona kuti kuwanda kwezvokudya zvakanga zvauya naRute kwairatidza kuti pane munhu akanga aitira muroora wake tsitsi.

Vaviri ava vakatanga kukurukura, uye Rute akaudza Naomi nezvomutsa waakanga aitirwa naBhoazi. Naomi akabayiwa mwoyo chaizvo achibva ati: “Ngaakomborerwe naJehovha, iye asina kurega kuva nomutsa worudo kuvapenyu nevakafa.” (Rute 2:19, 20) Akazvitora kuti mutsa waBhoazi waibva kuna Jehovha, uyo anoita kuti vashumiri vake vave norupo uye anovimbisa kuvapa mubayiro womutsa wavanoratidza. *Zvirevo 19:17.

Naomi akakurudzira Rute kuti abvume zvakanga zvataurwa naBhoazi zvokuti ashande muminda yake, pedyo nevasikana veimba yake kuitira kuti asanetswa nevakohwi. Rute akateerera zano racho. Nyaya yacho inoti: “Akaramba achigara navamwene vake.” (Rute 2:22, 23) Izvozvo zvinotiratidza humwe unhu hunoyemurika chaizvo hwaiva naRute, kureva rudo rwakavimbika. Zvaakaita zvingaita kuti tide kuzviongorora kana tichikoshesa vomumhuri medu uye kana tichivabatsira pazvinenge zvakakodzera. Jehovha haambofa akakanganwa rudo rwakadaro.

Rute naNaomi vakabatsirana uye vakakurudzirana

Naomi naRute vaigona kunzi imhuri here? Mune dzimwe tsika kuti panzi pane “mhuri” panotofanira kunge paine murume, mudzimai, mwanakomana, mwanasikana uye vanasekuru nanambuya nevamwewo. Zvakaitwa naNaomi naRute zvinotiyeuchidza kuti vanamati vaJehovha vanogona kutaurirana zviri pamwoyo voitirana mutsa, vachiratidzana rudo kunyange mumhuri dzine vamwe vasipo. Unokoshesa here mhuri yenyu? Jesu akayeuchidza vateveri vake kuti munhu asina vamwe vomumhuri anogona kuvawana muungano yechiKristu.—Mako 10:29, 30.

“Ndomumwe Wevadzikinuri Vedu”

Kubvira pakukohwa bhari munenge muna April kusvika pakukohwa gorosi munenge muna June, Rute akaramba achinhonga zvaisaririra muminda yaBhoazi.[7] Mavhiki zvaaipindana, hapana mubvunzo kuti Naomi ainetseka kuti oitirei muroora wake waaida. Vachiri kuMoabhi, Naomi aiva nechokwadi chokuti aisazombofa akakwanisa kubatsira Rute kuwana mumwe murume. (Rute 1:11-13) Asi iye zvino akanga ava nedzimwe pfungwa. Akati kuna Rute: “Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira nzvimbo yokuzororera, kuti zvikunakire here?” (Rute 3:1) Mazuva iwayo vabereki vaitsvakira vana vavo munhu wokuroorana naye, uye Rute akanga atova mwanasikana waNaomi chaiye.[8] Saka Naomi aida kuwanira Rute “nzvimbo yokuzororera,” kureva kuti ave nomurume uye kuti ave nomusha wakewo.[9] Asi aizozviita sei?

Rute paakatanga kutaura nezvaBhoazi, Naomi akati: “Murume wacho ane ukama nesu. Iye ndomumwe wevadzikinuri vedu.” (Rute 2:20) Zvaireveiko izvozvo? Mutemo waMwari kuna Israeri waisanganisira urongwa hworudo hwaibatsira  mhuri dzainge dziine urombo kana kuti dzainge dzafirwa. Kana mukadzi akafirwa asati ava nemwana, zvainyanya kumushungurudza nokuti zita romurume wake raibva raguma, pasisinazve zvizvarwa zvaizotevera.[9a] Asi Mutemo waMwari waibvumira mukoma kana munun’una womurume wacho kuti aroore chirikadzi yacho kuitira kuti ibereke mugari wenhaka aizopfuudzira zita romurume wake ainge afa uye aizotarisira pfuma yemhuri yacho. *Dheuteronomio 25:5-7.

Naomi akaronga zvokuita. Ngatifungidzirei Rute akanyatsoteya nzeve vamwene vake pavaitaura naye. Anofanira kunge akanga asati ava kunyatsoziva Mutemo waIsraeri netsika dzawo dzakawanda. Asi airemekedza Naomi chaizvo zvokuti akanyatsoteerera zvose zvaaitaura. Rute akabvuma zvaakaudzwa naNaomi kunyange zvazvo angava aiona sezvisingaiti uye sezvaizomubvisa chimiro. Akazviisa pasi ndokuti: “Ndichaita zvose zvamunondiudza.”—Rute 3:5.

Dzimwe nguva zvakaoma kuti vaduku vateerere zano revaya vanenge vakura uye vava noruzivo muupenyu. Zviri nyore kufunga kuti vanhu vakuru havanyatsonzwisisi matambudziko evaduku. Muenzaniso waRute wokuzvininipisa unotiyeuchidza kuti kuteerera uchenjeri hwevakuru vanotida uye vanoda kuti zvinhu zvitinakire, kunogona kuita kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. Asi Naomi akapa Rute zano rokutii, uye Rute akabatsirwa here nokuriteerera?

Rute Anoenda Paburiro

Manheru iwayo, Rute akaenda kuburiro, nzvimbo yaive yakaomarara yakati sandara  yaipurirwa uye yaiurutsirwa zvirimwa nevarimi vakawanda. Kazhinji nzvimbo yaisarudzwa kuita buriro yaiva mujinga mechikomo kana kuti nechepamusoro pacho apo paiita mhepo yakasimba zuva rava kurereka uye manheru.[11] Kuti vaparadzanise bhari nehundi, vashandi vaizvikanda mudenga vachishandisa maforogo mahombe kana kuti mafoshoro, mhepo yobva yatakura hundi bhari ichisara.[12]

Rute aipota achikanda ziso kuvashandi vakanga vava kupedza basa ravo manheru. Bhoazi akanga aripo achiona kuti bhari yake iri kuurutswa sei, kusvikira yawanda chaizvo. Apedza kudya uye aguta, akarara pedyo nemurwi webhari yacho. Iyi inofanira kuva tsika yakanga yakajairika yaiitirwa kuti munhu achengetedze goho rake kuti risabiwa uye risatorwa nevapambi.[13] Rute akaona Bhoazi achienda kunorara. Nguva yakanga yasvika yokuti achiita zvaakanga audzwa naNaomi.

Rute akanyahwaira achiswedera pedyo, iyo hana ichiita kuridza ngoma. Akaona kuti Bhoazi akanga anyatsofa nehope. Saka sezvaakanga audzwa naNaomi, akaenda kutsoka dzake akadzifukura, akarara pedyo nadzo. Akabva amirira zvake kusvikira papfuura nguva yakati. Nguva iyi inofanira kunge yakamuitira gore chairo. Pava pakati pousiku, Bhoazi akatanga kushanyarika. Ava kudedera nechando, akagonya achida kufukidza tsoka dzake. Asi akabva anzwa kuti pane munhu. Nhoroondo yacho inoti: “Akaona mukadzi akarara kutsoka dzake!”—Rute 3:8.

Akabvunza kuti: “Ndiwe ani?” Rute angadaro akapindura nenzwi raidedera achiti:[14] “Ndini Rute murandasikana wenyu, fukidzai murandasikana wenyu nokunoperera nguo yenyu, nokuti muri mudzikinuri.” (Rute 3:9) Vamwe vadudziri veBhaibheri vemazuva ano vanoti zvakataurwa uye zvakaitwa naRute zvinoratidza kuti aida kuita zvebonde naBhoazi,[15] asi pane zvinhu zviviri zvavasingafungi nezvazvo. Chokutanga, Rute akanga ari kutevedzera tsika dzemazuva iwayo, dzakawanda dzacho dzatisingambozivi. Saka hatingaenzanisi tsika dzemazuva ano dzakaora nezvaakaita.[16] Chechipiri, mapinduriro akaita Bhoazi airatidza kuti pakanga pasina chakaipa nezvakaitwa naRute uye zvaitoyemurika.[17]

Vavariro dzaRute paakaenda kuna Bhoazi dzakanga dzakanaka uye dzisiri dzoudyire

Bhoazi akataura nenzwi rounyoro uye izvi zvinofanira kunge zvakanyaradza Rute. Akati: “Jehovha ngaakukomborere, mwanasikana wangu. Waratidza mutsa wako worudo zviri nani pakupedzisira kupfuura pakutanga, nokusatevera majaya angava akaderera kana kuti akapfuma.” (Rute 3:10) Pari kunzi “pakutanga” pari kurehwa kuvimbika kwakaita Rute paakauya naNaomi kuIsraeri uye kumuriritira kwaaiita. Paakati “pakupedzisira” akanga ava kureva panguva iyi.[18] Bhoazi akaona kuti zvingadai zvakava nyore kuti mukadzi wechiduku anenge Rute atsvake murume wechiduku, akapfuma kana kuti murombo. Asi aida kuitira Naomi zvakanaka, kusanganisirawo murume waNaomi akanga afa, kuitira kuti zita romufi wacho rirambe riripo. Ndokusaka Bhoazi akabayiwa mwoyo nokufunga vamwe kwakaitwa nomukadzi uyu wechiduku.

Bhoazi akaenderera achiti: “Zvino, mwanasikana wangu, usatya. Zvose zvaunotaura ndichakuitira, nokuti munhu wose ari mukati megedhi revanhu vokwangu anoziva kuti uri mukadzi akanaka kwazvo.” (Rute 3:11) Akafarira chaizvo pfungwa yokuroora Rute; zvichida haana kutombonyanya kushamisika Rute paakamukumbira kuti ave mudzikinuri wake.[19] Zvisinei, Bhoazi aiva murume akarurama, uye akanga asina pfungwa yokungoita zvakamunakira iye. Akaudza Rute kuti pakanga paine mumwe mudzikinuri aiva noukama hwepedyo nemhuri yemurume waNaomi akanga afa, saka Bhoazi aizotanga ataura nomurume wacho omupa mukana wokuva murume waRute.

Bhoazi akakurudzira Rute kuti ararezve uye azorore kusvikira kwava kunoedza, zvadaro ozoita zvokusvova pasina amuona. Aisada kuti izvi zvisvibise mazita avo, sezvo vanhu vaigona kufungira zvisizvo kuti pane unzenza hungadaro hwakaitika.[20] Rute akarara pedyo netsoka dzomurume wacho zvakare, zvichida pfungwa  dzake dzadekara mushure mokunge murume wacho amuitira mutsa. Zvadaro, kuchakasviba, Bhoazi akazadza jasi raRute nebhari, uye Rute akabva aenda kuBhetrehema.

Rute anofanira kunge akafara chaizvo paaidzeya zvakanga zvataurwa naBhoazi zvokuti aizivikanwa nevanhu vose se“mukadzi akanaka kwazvo”! Hapana mubvunzo kuti chido chaaiva nacho chokuziva Jehovha uye chokumushumira ndicho chakaita kuti ave nemukurumbira uyu. Akanga aitirawo Naomi nevanhu vake mutsa wakakura uye amunzwira nyasha, achichinja kuita zvinhu netsika zvaakanga asina kujaira. Kana tikatevedzera kutenda kwaiva naRute, tichaedza kuremekedza vamwe uye tsika dzavo nemaitiro avo. Kana tikadaro, isuwo tichanzi tiri vanhu vakanaka chaizvo.

Nzvimbo Yokuzororera yaRute

Rute paakasvika kumba, Naomi akamuti, “Ndiwe ani, mwanasikana wangu?” Angangodaro akamubvunza nokuti kwakanga kuchakasviba, asi Naomi angangodaro aidawo kuziva kana paine chainge chafamba panyaya yokuroorwa kwake.[21] Rute akakurumidza kuudza vamwene vake zvose zvakanga zvaitika paakaonana naBhoazi. Akabva avapawo chipo chebhari chaakanga anzi naBhoazi avape. *Rute 3:16, 17.

Naomi akapa Rute zano rouchenjeri paakamuudza kuti agare kumba akati zii zvake musi iwoyo pane kuenda kunounganidza zvaisaririra. Akavimbisa Rute kuti: “Murume wacho haazozorori kutoti apedza nyaya yacho nhasi.”—Rute 3:18.

 Zvakataurwa naNaomi nezvaBhoazi chaiva chokwadi. Bhoazi akaenda kugedhi reguta kwaiwanzoungana vakuru veguta,[23] akamirira kusvikira murume aiva hama yepedyo apfuura nepo. Pamberi pezvapupu, Bhoazi akapa murume wacho mukana wokuti ave mudzikinuri aizoroora Rute. Zvisinei, murume wacho akaramba, achiti izvozvo zvaizovhiringidza nhaka yake. Saka pamberi pezvapupu zvose zvaiva pagedhi reguta, Bhoazi akati aizova iye mudzikinuri, aizotenga munda womurume waNaomi akanga afa, Erimereki, uye aizoroora Rute, chirikadzi yaMaroni mwanakomana waErimereki. Bhoazi akati aiva netariro yokuti izvozvo zvaizoita kuti amutse “zita romurume akafa panhaka yake.” (Rute 4:1-10) Zvechokwadi Bhoazi aiva murume akarurama uye asina udyire.

Bhoazi akazoroora Rute. Zvadaro, nyaya yacho inoti: “Jehovha akaita kuti abate pamuviri akabereka mwanakomana.” Vakadzi veBhetrehema vakatanga kurumbidza Naomi uye kutaura zvakanaka nezvaRute nokuti akanga aratidza kuti ari nani kuna Naomi kupfuura vanakomana vanomwe. Nhoroondo yacho inozoratidza kuti mwanakomana waRute akazova tateguru waMambo Dhavhidhi. (Rute 4:11-22) Dhavhidhi akazovawo tateguru waJesu Kristu.—Mateu 1:1. *

Jehovha akakomborera Rute neropafadzo yokuva tateguru waMesiya

Rute akakomborerwa zvechokwadi, sezvakaitwa Naomi, uyo akabatsira kurera mwana wacho achiita sowake chaiye. Upenyu hwevakadzi vaviri ava hunotiyeuchidza kuti Jehovha Mwari anoona vose vanotamburira kuti variritire mhuri dzavo uye vanomushumira vakavimbika pamwe chete nevanhu vake. Haambotadzi kukomborera vanhu vake vakatendeka vaanoona kuti vari kuita zvakanaka, sezvakaita Rute.

^ ndima 4 Ona nyaya inoti “Tevedzera Kutenda Kwavo—‘Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo,’” iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 2012.

^ ndima 10 Sezvakataurwa naNaomi, Jehovha haangoitiri mutsa vapenyu chete asiwo vakafa. Naomi akanga afirwa nomurume nevanakomana vake vose vari vaviri. Rute akanga afirwawo nomurume. Vakadzi ava vaida chaizvo varume vatatu ava vakanga vafa. Saka mutsa waizoitirwa Naomi naRute waizoita souri kuitirwa varume vangadai vaizoda chaizvo kutarisira vakadzi ava kudai vaiva vapenyu.[6]

^ ndima 15 Zviri pachena kuti kodzero yokuroora chirikadzi yakadaro yaitanga yapiwa vakoma nevanun’una vomufi yozopiwa hama dzepedyo, sezvaingoitwawo kodzero yokugara nhaka zvinhu.[10]—Numeri 27:5-11.

^ ndima 28 Bhoazi akapa Rute zviyero zvitanhatu zvisina hazvo kutaurwa kuti zvairema zvakadini. Zviyero izvi zvingangodaro zvaimiririra kuti mazuva aRute okushanda nesimba akanga ava kuzopera nokuti aizowana ‘zororo’ kana aroorwa uye ava nemba yakewo, kungofanana nekuzorora kwaiita vanhu paSabata mushure mokushanda mazuva matanhatu. Asiwo zviyero zvitanhatu, zvingadaro zvaipimwa nefoshoro, zvinogona kunge zvirizvo chete zvaigona kutakurwa naRute.[22]

^ ndima 31 Rute ndomumwe wevakadzi vana vanonzi neBhaibheri vaiva mudzinza raJesu. Mumwe wacho ndiRakabhi, aiva amai vaBhoazi.[24] (Mateu 1:3, 5, 6) Akanga asiri muIsraeri, sezvakangoitawo Rute.