Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hungu Wako Ngaave Hungu

Hungu Wako Ngaave Hungu

“Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.”—MAT. 5:37.

1. Jesu akataurei nezvekupika uye nei akadaro?

KAZHINJI, vaKristu vechokwadi havafaniri havo kupika. Chikonzero chacho ndechekuti vanoteerera mashoko aJesu okuti: “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu.” Aireva kuti munhu anofanira kuita zvaanenge avimbisa. Asati ataura murayiro iwoyo, Jesu ainge ati: “Musambopika.” Akataura mashoko aya achishora katsika kaiitwa nevakawanda, kekungopika pakanhu kese kese vasina chinangwa chokuzadzisa zvavainge vataura. Nokutaura “zvinopfuura” kungoti Hungu kana kuti Aiwa pane zvavanenge vachida kuita, vanhu vakadaro vangaratidza kuti havana kuvimbika uye kuti vari kushandiswa ne“akaipa.”[1]—Verenga Mateu 5:33-37.

2. Tsanangura nei zvisina kuipa kuita mhiko pane dzimwe nguva.

2 Mashoko aJesu anoreva here kuti kupika kwose kwakaipa? Hazvingadaro! Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, Jehovha Mwari nomushumiri wake akarurama Abrahamu vaipika panyaya dzinokosha. Uyewo, Mutemo waMwari waida kuti vanhu vapike pakugadzirisa kumwe kukakavadzana. (Eks. 22:10, 11; Num. 5:21, 22) Saka muKristu paanenge achipa uchapupu mudare, angafanira kupika kuti ari kutaura chokwadi. Kana kuti dzimwe nguva muKristu angaona zvakakodzera kupika kuti aratidze vamwe kuti ari kutaura chokwadi pane zvaari kuda kuita kana pakugadzirisa dambudziko.[2] Mupristi mukuru paakapika achiti Jesu ataure chokwadi, Jesu haana kuramba asi akaudza Sanihedrini yechiJudha chokwadi. (Mat. 26:63, 64) Zvisinei, Jesu aisafanira hake kupika kuna chero ani. Kunyange zvakadaro, kuti aratidze kuti zvaaitaura chaiva chokwadi, aiwanzotanga nokuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri.” (Joh. 1:51; 13:16, 20, 21, 38)[3] Ngationei zvimwe zvatinogona kudzidza  pamuenzaniso waJesu, waPauro, newevamwe vakaita kuti Hungu wavo ave Hungu.

MUENZANISO WAKAZONAKA WAJESU

Kubva paakabhabhatidzwa kusvikira paakafa, Jesu akaita zvaainge avimbisa Baba vake

3. Jesu akavimbisei Mwari paainyengetera, uye Baba vake vokudenga vakaita sei?

3 “Tarirai! Ndauya . . . kuzoita zvamunoda, haiwa Mwari.” (VaH. 10:7) Nemashoko aya akadzama, Jesu akazvipa kuna Mwari kuti aite zvose zvakagara zvataurwa nezveMwana akapikirwa, kusanganisira ‘kupwanyiwa chitsitsinho’ naSatani. (Gen. 3:15) Hapana mumwe munhu akambozvipira kuita basa rakakura kudaro. Ari kudenga, Jehovha akataura kunyatsovimba kwaanoita neMwanakomana wake, kunyange zvazvo aisada hake kuti Jesu apike achiratidza kuti aizoita zvaainge ataura.—Ruka 3:21, 22.

4. Jesu akaita kuti Hungu wake ave Hungu kusvika papi?

4 Jesu aigara achiita zvaaitaura nokuita kuti Hungu wake ave Hungu. Haana kumbobvumira chero chii zvacho kumutsausa pakuita basa raakapiwa naBaba vake rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye rokuita kuti vose vaiunzwa kwaari naMwari vave vadzidzi. (Joh. 6:44) Bhaibheri rinotsanangura kutaura chokwadi kwaiita Jesu nemashoko aya anozivikanwa chaizvo: “Zvisinei nokuti zvipikirwa zvaMwari zvizhinji sei, izvo zvakava Hungu pachishandiswa iye.” (2 VaK. 1:20) Chokwadi, Jesu muenzaniso wakazonaka wemunhu akaita zvaakavimbisa Baba vake. Iye zvino ngatikurukurei mumwe munhu akaita zvose zvaaigona kuti atevedzere Jesu.

PAURO AIITA ZVAAIVIMBISA

5. Muapostora Pauro akatisiyira muenzaniso wakaita sei?

5 “Ndoitei, Ishe?” (Mab. 22:10) Pauro, uyo aizivikanwa saSauro panguva iyoyo, akabvunza mubvunzo iwoyo kuna Ishe Jesu ainge amutswa paakazviratidza kwaari kuti arege kutambudza vadzidzi vaKristu. Kusangana kwakaita Sauro naJesu kwakaita kuti azvininipise uye apfidze pamararamiro ake akaipa, akabhabhatidzwa uye akabvuma basa raikosha raakapiwa rokupupurira nezvaJesu kune mamwe marudzi. Kubva panguva iyoyo, Pauro akaramba achidana Jesu kuti “Ishe,” achimuteerera kusvika apedza upenyu hwake hwepanyika. (Mab. 22:6-16; 2 VaK. 4:5; 2 Tim. 4:8) Pauro ainge akasiyana nevamwe vakanzi naJesu: “Zvino, nei muchinditi ‘Ishe! Ishe!’ asi musingaiti zvinhu zvandinotaura?” (Ruka 6:46) Chokwadi, Jesu anotarisira kuti vose vanomubvuma saIshe wavo vaite zvavakavimbisa, sezvakaitwa nomuapostora Pauro.

6, 7. (a) Chii chakaita kuti Pauro achinje urongwa hwake hwokushanyirazve Korinde, uye nei vaimutsoropodza vainge vasina chikonzero chokuti vati haana kuvimbika? (b) Tinofanira kuona sei vaya vakagadzwa kuti vatitungamirire?

 6 Pauro akashingaira kuparadzira shoko roUmambo muAsia Minor mose uye muEurope, achitanga ungano dzakawanda uye achizodzishanyirazve. Pamwe pacho, aiona zvakakodzera kupika kuti zvaainyora chaiva chokwadi.[4] (VaG. 1:20) Vamwe vaiva muKorinde pavakapomera Pauro kuti ainge asina kuvimbika, akapikisa achiti: “Mwari angavimbwa naye kuti shoko redu ratakataura kwamuri harisi Hungu asi panguva imwe chete riri Aiwa.” (2 VaK. 1:18) Pauro akanyora izvozvo abva muEfeso, achipfuura nomuMakedhoniya akananga kuKorinde.[5] Pakutanga ainge aronga kushanyirazve Korinde asati aenda kuMakedhoniya. (2 VaK. 1:15, 16)[6] Asi dzimwe nguva zvinenge zvarongwa zvinogona kuchinjwa. Somuenzaniso mazuva ano vatariri vanofambira, vanogona kuchinja misi yokushanyira ungano. Kuchinja kwakadaro hakuitwi pamusana petuzvikonzero twoudyire asi nemhaka yezvimwewo zvinongoerekana zvamuka. Pauro ainge ambomira kushanyira Korinde nechikonzero chainge chakanakira ungano. Pakudini?

7 Pashure pokunge aronga kuvashanyira, Pauro akatambira mashoko asina kunaka ari muEfeso okuti muKorinde hama dzainge dzisisina kubatana uye kuti paiva nemunhu aiita upombwe achingosiyiwa akadaro. (1 VaK. 1:11; 5:1) Kuti agadzirise zvinhu, akanyorera vaKorinde zano rakasimba mutsamba yake yokutanga. Adaro, pane kunanga nechikepe kuKorinde achibva kuEfeso, Pauro akasarudza kupa hama dzake nguva yokushandisa zano rake kuitira kuti paaizosvika, vakurudzirwe zvakanyanya nokushanya kwake. Pauro akanyora mutsamba yake yechipiri achivavimbisa kuti chikonzero chokuchinja urongwa hwake chaiva chechokwadi. Akati: “Ndinodana Mwari kuti apupurire mweya wangu kuti handisati ndauya kuKorinde kuti ndimbokuregai.” (2 VaK. 1:23) Tisambofa takava sevaya vaitsoropodza Pauro; asi ngatiremekedzei chaizvo vaya vakagadzwa kuti vatitungamirire. Chokwadi ndechokuti tinofanira kutevedzera Pauro, sezvo iye aitevedzera Kristu.—1 VaK. 11:1; VaH. 13:7.

MIMWE MIENZANISO YAKANAKA

8. Ribheka akatisiyira muenzaniso wakaita sei?

8 “Ndinoda kuenda.” (Gen. 24:58) Ribheka akapindura amai vake nehanzvadzi yake nemashoko mashoma iwayo achiratidza chido chake chokubva pamba pavo musi iwoyo ndokufamba rwendo rwemakiromita anopfuura 800[7] nemunhu waaisaziva kuti anova mudzimai waIsaka, mwanakomana waAbrahamu. (Gen. 24:50-58) Hungu waRibheka aiva Hungu, uye akava mudzimai waIsaka akatendeka uye anotya Mwari. Kweupenyu hwake hwose, akagara mumatende somueni muNyika Yakapikirwa. Akapiwa mubayiro wokutendeka kwake nokuva mumwe wevanaambuya veMwana akapikirwa, Jesu Kristu.—VaH. 11:9, 13.

9. Rute akaratidza sei kuti aiita zvaainge avimbisa?

9 “Aiwa, asi tichadzokera nemi kuvanhu venyu.” (Rute 1:10) Chirikadzi dzechiMoabhi, Rute naOpa, vakaramba vachitaura mashoko aya kuna vamwene vavo Naomi aiva chirikadzi, paainge ava kudzokera kuBhetrehema achibva kuMoabhi. Opa akazodzokera kumusha kwake pashure pokunge anyengetedzwa naNaomi. Asi Rute akaita kuti Aiwa wake ave Aiwa. (Verenga Rute 1:16, 17.) Akaramba aina vamwene vake, uye akasiya zvachose mhuri yake nechitendero chenhema chevaMoabhi. Akaramba ari munamati waJehovha akavimbika uye akawana mubayiro wokuva mumwe wevakadzi vashanu chete vanotaurwa naMateu mudzinza raKristu.—Mat. 1:1, 3, 5, 6, 16.

10. Nei Isaya ari muenzaniso wakanaka kwatiri?

10 “Ndiri pano! Nditumei.” (Isa. 6:8) Asati  ataura mashoko aya, Isaya akaratidzwa Jehovha akagara pachigaro chake choumambo pamusoro petemberi yeIsraeri.[8] Paaiona izvi, Isaya akanzwa Jehovha achiti: “Ndichatuma ani, uye ndiani achatiendera?” Jehovha aimukumbira kuti aendese mashoko ake kuvanhu vake vainge vatsauka. Isaya akaita sezvaainge avimbisa, akaita kuti Hungu wake ave Hungu. Kwemakore anopfuura 46,[9] akaramba akatendeka achiprofita, achizivisa mashoko ane simba okutsamwa kwaMwari uye vimbiso dzakazonaka dzokuti vaizotangazve kunamata kwechokwadi.

11. (a) Nei kuita zvatinenge tavimbisa kuchikosha chaizvo? (b) Mienzaniso ipi inotinyevera yevanhu vasina kuita zvavainge vavimbisa?

11 Nei Jehovha akaita kuti tinyorerwe mienzaniso iyi muShoko rake? Uye kuita kuti Hungu wedu ave Hungu kunokosha zvakadini? Bhaibheri rinoyambira zviri pachena kuti munhu “asingachengeti zvibvumirano” ari pakati pevaya “vakakodzerwa norufu.” (VaR. 1:31, 32) Mimwe mienzaniso yakaipa yevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakaita kuti Hungu wavo asava Hungu ndiFarao weIjipiti, Mambo Zedhekiya weJudha uye Ananiyasi naSafira. Vose vakaita zvakaipa uye mienzaniso yavo inotinyevera.—Eks. 9:27, 28, 34, 35; Ezek. 17:13-15, 19, 20; Mab. 5:1-10.

12. Chii chichatibatsira kuti tiite zvatinenge tavimbisa?

12 Sezvo tiri “mumazuva okupedzisira,” tiri kurarama nevanhu “vasina kuvimbika,” vanhu “vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.” (2 Tim. 3:1-5) Tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tisawadzana nevanhu vakadaro. Asi tinofanira kugara tichiungana nevaya vanoedza kuita kuti Hungu wavo ave Hungu.—VaH. 10:24, 25.

HUNGU WAKO PANYAYA INONYANYA KUKOSHA

13. Muteveri waJesu Kristu anoti Hungu panyaya ipi inonyanya kukosha?

13 Vimbiso inonyanya kukosha inoitwa nemunhu ndeiya ine chokuita nekuzvitsaurira kwake kuna Mwari. Katatu, vaya vanoda kuzviramba kuti vave vadzidzi vaJesu vane mikana yokuti Hungu pavanobvunzwa pane zvavanenge vachida kuita. (Mat. 16:24) Vakuru vaviri pavanokurukura nemunhu anenge achida kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, vanomubvunza kuti, “Zvechokwadi unoda here kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha?”[10] Munhu wacho paanenge afambira mberi uye ava kuda kubhabhatidzwa, vakuru vanogara naye pasi vomubvunza kuti, “Wakazvitsaurira kuna Jehovha uchinyengetera here?”[11] Musi wokubhabhatidzwa paunosvika vanenge vachida kubhabhatidzwa vanobvunzwa kuti, “Nokuda kwechibayiro chaJesu Kristu, wakapfidza zvivi zvako ndokuzvitsaurira kuna Jehovha  kuti uite zvaanoda here?”[12] Saka vatsva ava vanoti Hungu pamberi pezvapupu vachivimbisa kuti vachashumira Mwari nokusingaperi.

Uri kuita zvawakavimbisa pawakati Hungu panyaya inonyanya kukosha here?

14. Tinofanira kugara tichizviongorora sei?

14 Pasinei nokuti uchangobva kubhabhatidzwa kana kuti wave uchishumira Mwari kwemakumi emakore, unofanira kugara uchizviongorora uye kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kuramba ndichiita zvinoenderana naHungu wangu panyaya inonyanya kukosha ndichitevedzera Jesu Kristu here? Ndiri kuramba ndichiteerera Jesu nokuita kuti basa rokuparidza uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi rive chinhu chikuru muupenyu hwangu here?’—Verenga 2 VaKorinde 13:5.

15. Tinofanira kuita kuti Hungu wedu ave Hungu pane dzimwe nyaya dzipi dzinokosha?

15 Kuzadzisa mhiko yatakaita patakazvitsaurira kunorevawo kuti tinofanira kuva vakatendeka pane dzimwewo nyaya dzinokosha. Somuenzaniso: Wakaroora kana kuti wakaroorwa here? Saka ramba uchikoshesa mhiko inokosha yawakaita yokuda uye kutarisira mumwe wako. Wakambosaina chibvumirano chebhizimisi kana kuti kuzadza fomu rine chokuita neropafadzo dzechiKristu here? Kana zvakadaro ita sezvawakavimbisa. Wakabvuma kukokwa nemurombo here? Saka usazochinja nokuti unenge wakokwa nemumwe akabudirira. Kana kuti wakavimbisa mumwe munhu wawakasangana naye muushumiri kuti uchadzoka kuzodzidza naye here? Kana zvakadaro, ita kuti Hungu wako ave Hungu, uye Jehovha achakomborera ushumiri hwako.—Verenga Ruka 16:10.

KUBATSIRWA NEMUPRISTI WEDU MUKURU UYE MAMBO

16. Kana tikakundikana kuita zvatinenge tavimbisa tinofanira kuitei?

16 Bhaibheri rinotaura kuti isu vanhu vasina kukwana, “tinokanganisa kazhinji,” kunyanya pamashandisiro atinoita rurimi rwedu. (Jak. 3:2) Tinofanira kuitei patinoona kuti tatadza kuita zvatakavimbisa? Mutemo waMwari waakapa vaIsraeri waiva neurongwa hwairatidza ngoni hwaibatsira munhu aiva nemhosva yokutaura “nemiromo yake asingafungi.” (Revh. 5:4-7, 11) Mazuva ano kunewo urongwa hwerudo hunobatsira vaKristu vanoita chivi chakadaro.[13] Kana tikareurura chivi chacho kuna Jehovha, achatinzwira ngoni otikanganwira achishandisa Mupristi wedu Mukuru, Jesu Kristu. (1 Joh. 2:1, 2) Zvisinei, kuti tirambe tichifarirwa naMwari, tinofanira kuratidza zvibereko zvakakodzera rupfidzo nokusadzokorora zvivi zvakadaro uye nokuedza kugadzirisa zvinenge zvakonzerwa nokutaura tisina kufunga. (Zvir. 6:2, 3) Ichokwadi kuti zviri nani kutanga tanyatsofunga tisati taita vimbiso dzatisingazokwanisi kuzadzisa.—Verenga Muparidzi 5:2.

17, 18. Vose vanoedza kuita kuti Hungu wavo ave Hungu vane ramangwana rakaita sei?

17 Vanamati vaJehovha avo vanoramba vachiedza kuita kuti Hungu wavo ave Hungu vane ramangwana rakazonaka! Vakazodzwa vane 144 000 vachararama kudenga vasingafi, vari pamwe naJesu muUmambo hwake “uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.” (Zvak. 20:6) Vamwe vanhu vasingaverengeki, vachabatsirwa nokutonga kwoUmambo hwaKristu vari muParadhiso pasi pano. Imomo vachabatsirwa kuti vave nemiviri uye pfungwa zvakanyatsokwana.—Zvak. 21:3-5.

18 Kana tikaramba takatendeka pamuedzo wokupedzisira pachapera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu, hatizombofungiri vamwe kuti vari kureva nhema. (Zvak. 20:7-10) Hungu wose achava Hungu uye Aiwa, Aiwa. Nokuti munhu wose anenge achirarama panguva iyoyo achange achinyatsotevedzera Baba vedu vokudenga vane rudo, Jehovha, “Mwari wechokwadi.”—Pis. 31:5.