Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kumirisana Nematambudziko Emazuva Ano Takashinga

Kumirisana Nematambudziko Emazuva Ano Takashinga

“Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera nesimba redu, rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika.”—PIS. 46:1.

1, 2. Vakawanda vakasangana nematambudziko api, asi vashumiri vaMwari vane chido chei?

TIRI munguva yematambudziko. Njodzi dzakawandisa dziri kuitika panyika. Vanhu vaoneswa chitsvuku nokudengenyeka kwenyika, matsunami, kupiswa kwemasango, mafashamo, kuputika kwemakomo, madutu, uye mhepo dzine simba chaizvo. Uyewo vanhu vari kutya uye kushungurudzika pamusana pematambudziko emhuri uye anoitika pamunhu nemunhu. Chokwadi ndechokuti tose tinowirwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”—Mup. 9:11.

2 Vashumiri vaMwari vave vachitsungirira matambudziko akadaro akaoma. Kunyange zvakadaro, tinoda kugara takagadzirira chero matambudziko atingasangana nawo munguva ino yokuguma. Tingatsungirira sei matambudziko akadaro torega kukanda mapfumo pasi? Chii chichatibatsira kumirisana nematambudziko emazuva ano takashinga?

DZIDZA PANE VAYA VAIVA NOUSHINGI

3. Sezvinoratidzwa pana VaRoma 15:4, tinganyaradzwa sei patinosangana nematambudziko akaoma?

3 Kunyange zvazvo iye zvino matambudziko akaoma ari kuwira vanhu vakawanda kupfuura kare, iwo akagara aripo. Ngationei zvatinogona kudzidza pane vamwe vashumiri vaMwari vakaratidza ushingi, vakakunda matambudziko muupenyu.—VaR. 15:4.

4. Dhavhidhi akatsungirira matambudziko api, uye chii chakamubatsira?

4 Funga zvimwe zvakaitika kuna Dhavhidhi. Aivengwa namambo Sauro, akarwiswa nevavengi, madzimai ake akapambwa, akapandukirwa nevanhu vaaivimba navo, uye akashungurudzika chaizvo. (1 Sam. 18:8, 9; 30:1-5; 2 Sam. 17:1-3; 24:15, 17; Pis. 38:4-8) Nhoroondo dzoupenyu hwaDhavhidhi dziri muBhaibheri  dzinonyatsoratidza kurwadziwa kwaakaitwa nematambudziko aya. Zvisinei, matambudziko acho haana kuita kuti anete pakunamata. Achiratidza kutenda, akati: “Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu. Ndingadedereswa naaniko?”—Pis. 27:1; verenga Pisarema 27:5, 10.

5. Chii chakabatsira Abrahamu naSara kutsungirira upenyu hwakaoma?

5 Abrahamu naSara vakapedza chikamu chikuru choupenyu hwavo vari vatorwa mune dzimwe nyika.[1] Dzimwe nguva upenyu hwainge hwakaoma. Asi vakatsungirira zvinhu zvakadai senzara uye ngozi dzaigona kukonzerwa nemarudzi ainge akavapoteredza. (Gen. 12:10; 14:14-16) Chii chakavabatsira kutsungirira? Shoko raMwari rinotiudza kuti Abrahamu “akanga achimirira guta rine nheyo chaidzo, iro Mwari ari muvaki nomuiti waro.” (VaH. 11:8-10) Abrahamu naSara vakaramba vakaisa pfungwa pazvinhu zvaiva mberi, havana kurega upenyu hwakaoma huchivakandisa mapfumo pasi.

6. Tingatevedzera sei Jobho?

6 Jobho akatambura zvisingatauriki. Fungidzira manzwiro aakaita zvinhu zvose pazvakamuitira manyama amire nerongo. (Job. 3:3, 11) Chakatoita kuti zvinhu zvinyanye kuoma ndechokuti aisanyatsonzwisisa nei zvose izvozvo zvaiitika kwaari. Kunyange zvakadaro haana kukanda mapfumo pasi. Akaramba achitenda muna Mwari uye akaperera kwaari. (Verenga Jobho 27:5.) Chokwadi Jobho muenzaniso wakanaka chaizvo kwatiri!

7. Pauro akasangana nechii paaishumira Mwari, asi chii chakamubatsira kuti arambe akashinga?

7 Fungawo muenzaniso womuapostora Pauro. Akasangana ‘nengozi muguta, murenje, uye mugungwa.’ Anotaura ‘nezvenzara nenyota, chando uye kusava nezvokupfeka.’ Pauro anotaurawo kuti akapedza ‘usiku humwe nezuva rimwe ari mugungwa,’ zvichida nemhosva yokuputsikirwa nengarava kwaakaita.[2] (2 VaK. 11:23-27) Pasinei nezvose izvozvo, ona zvaakataura paakapotsa afa pamusana pokushumira Mwari: “Izvi zvakaitika kuti chivimbo chedu chive muna Mwari anomutsa vakafa, kwete matiri. Iye akatinunura pachinhu chakakura kudai sorufu uye achatinunurazve.” (2 VaK. 1:8-10) Vashoma vakasangana nematambudziko akawanda seakasangana naPauro. Kunyange zvakadaro, vazhinji vedu tinonzwawo sezvaakaita uye tinogona kunyaradzwa nomuenzaniso wake wokushinga.[4]

USAKANDISWA MAPFUMO PASI NEMATAMBUDZIKO

8. Matambudziko emazuva ano angaita kuti tinzwe sei? Ipa muenzaniso.

8 Vakawanda vanonzwa vapererwa nemhosva yenjodzi nematambudziko zvizere munyika. Izvozvo zvakatoitikawo kune vamwe vaKristu. Lani, * uyo ainakidzwa nebasa renguva yakazara nomurume wake kuAustralia, anoti paakabatwa kenza yemazamu, akavhiringika zvisingatauriki. Anoti, “Kurapwa kwandaiitwa kwaindirwarisa chaizvo, uye ndainzwa ndisisiri munhu.” Rimwe dambudziko raivapo nderokuti aifanira kutarisira murume wake ainge avhiyiwa muzongoza.[5] Kana tikava mumamiriro ezvinhu akadaro, tingaitei?

9, 10. (a) Hatifaniri kubvumira Satani kuitei? (b) Tingatsungirira sei “matambudziko akawanda” anonzi naMabasa 14:22 tichasangana nawo?

9 Tinofanira kuyeuka kuti Satani anoshandisa matambudziko kuita kuti kutenda kwedu kuve zinyekenyeke. Zvisinei, hatifaniri kumurega achititadzisa kufara. Zvirevo 24:10 inoti: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” Kufungisisa mienzaniso iri muBhaibheri, yakadai seyambotaurwa, kuchatibatsira kushinga patinosangana nematambudziko.

10 Zvakanakawo kuyeuka kuti hatigoni  kubvisa matambudziko ose. Chokwadi ndechokuti tinotarisira kusangana nawo. (2 Tim. 3:12) Mabasa 14:22 inotiudza kuti: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomumatambudziko mazhinji.” Pane kusuwa, zvakanaka kuaona semikana yokuratidza ushingi hunobva pakutenda kuti Mwari anokwanisa kukubatsira.

11. Tingaita sei kuti matambudziko eupenyu asatikandisa mapfumo pasi?

11 Tinofanira kuramba takaisa pfungwa pazvinhu zvakanaka. Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Mwoyo unofara unoita kuti chiso chifare, asi mudzimu unotambudzika nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo.” (Zvir. 15:13) Vanachiremba vava nenguva vachiziva kubatsira kunoita mafungiro akanaka kuti munhu apore. Varwere vakawanda avo vakapiwa mapiritsi asina zvaanorapa vakanzwa zviri nani pamusana chete pokuti vaifunga kuti vairapwa. Vamwe vakatowedzera kurwara pavakaudzwa kuti mushonga wavaipiwa waizovarwarisa kunyange zvazvo chaisava chokwadi.[6] Saka, kugara pfungwa dziri pazvinhu zvatisingagoni kuchinja kunongotiodza mwoyo chete. Chinofadza ndechokuti Jehovha haaiti seari kutipa mapiritsi asina chaanoshanda. Asi kunyange panguva yenjodzi, anonyatsotibatsira achishandisa Shoko rake rinotikurudzira, hama dzedu dzinotitsigira, uye simba romudzimu mutsvene. Kuisa pfungwa pazvinhu izvi kuchaita kuti tifare. Pane kugara uchifunga matambudziko, ita zvaunokwanisa kuti utsungirire dambudziko rimwe nerimwe woisa pfungwa pane zviri kukufambira zvakanaka muupenyu.—Zvir. 17:22.[7]

12, 13. (a) Chii chave chichibatsira vashumiri vaMwari kutsungirira njodzi dzinovawira? Taura muenzaniso. (b) Njodzi dzinotibatsira sei kuona zvinonyanya kukosha muupenyu?

12 Munguva yapfuura iyi, dzimwe nyika dzakawirwa nenjodzi dzakakura. Hama dzakawanda munyika idzodzo dzakaratidza kushinga kunoshamisa. Izvi hazvirevi kuti zvinhu zvaiva nyore. Muna February 2010, muChile makava nokudengenyeka kwenyika kwakakura uye tsunami, izvo zvakaparadza misha yehama dzakawanda nezvinhu, uye vamwe vakarasikirwa nemabasa. Pasinei neizvi, hama dzakaramba dzakasimba pakunamata. Samuel, uyo ane musha wakaparadzwa zvachose, akati: “Kunyange zvinhu pazvainge zvakaoma kudaro, ini nomudzimai wangu hatina kumborega kupinda misangano uye kuparidza. Ndinofunga kuti izvozvo zvakatibatsira kuti tisapererwa nemazano.”[8] Ivo pamwe nevamwe vakawanda, havana kuramba vachifunga nezvenjodzi yacho asi vari kupfuurira nebasa raJehovha.

13 Muna September 2009, chikamu cheguta reManila riri kuPhilippines chinopfuura 80 kubva muzana chakafukidzwa nemafashamo.[9] Mumwe mupfumi akarasikirwa nezvakawanda akati, “Mafashamo acho akaita kuti tienzane, akaunza nhamo nematambudziko kuvapfumi nevarombo.”[10] Izvi zvinotiyeuchidza zano rokuchenjera raJesu rinoti: “Zviunganidzirei pfuma kudenga, kusina chitemamachira kana ngura zvinodya, uye kusina mbavha dzinopaza dzoba.” (Mat. 6:20) Kana munhu akaita kuti pfuma, iyo inokurumidza kuparara, ive chinhu chikuru muupenyu hwake, achaora mwoyo. Chokwadi tinoratidza kuti takachenjera kana tikaita kuti ukama hwedu naJehovha huve chinhu chikuru muupenyu! Ukama ihwohwo hunoramba huripo pasinei nokuti chii chaitika.—Verenga VaHebheru 13:5, 6.

ZVIKONZERO ZVOKUTI TIRATIDZE USHINGI

14. Ndezvipi zvikonzero zvatinazvo zvinoita kuti tiratidze ushingi?

14 Jesu akabvuma kuti munguva yokuvapo kwake paizova nematambudziko, asi akati: “Musatya.” (Ruka 21:9) Tine zvikonzero zvakanaka zvokuva nechivimbo nokuti Mambo wedu Jesu noMusiki wezvinhu zvose vari kutitsigira. Pauro akakurudzira  Timoti nemashoko okuti: “Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba noworudo nowokuva nepfungwa dzakanaka.”—2 Tim. 1:7.

15. Ipa mienzaniso yevashumiri vaMwari vaiva nechivimbo, uye tsanangura kuti tingavawo sei noushingi hwakadaro.

15 Ona zvakataurwa nevamwe vashumiri vaMwari zvinoratidza kuti vainyatsovimba naye. Dhavhidhi akati: “Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu. Mwoyo wangu wakavimba naye, ndakabatsirwa, zvokuti mwoyo wangu unopembera nomufaro.” (Pis. 28:7) Pauro akaratidza chivimbo chake chakasimba achiti: “Pazvinhu zvose izvi tiri kunyatsokunda naiye akatida.” (VaR. 8:37) Paakanga ava kutarisana nengozi, Jesu akanyatsoratidza vadzidzi vake kuti aiva neukama hwakasimba naMwari, nokutaura kuti: “Handisi ndoga, nokuti Baba vaneni.” (Joh. 16:32) Zvakataurwa nevanhu ava zvinoratidzei? Zvinoratidza kuti vainyatsovimba naJehovha. Kana tikanyatsovimbawo naMwari sezvavakaita, tinogona kuva noushingi hwokumirisana nematambudziko emazuva ano.—Verenga Pisarema 46:1-3.

BATSIRWA NOURONGWA HUNOITA KUTI TIRAMBE TAKASHINGA

16. Nei kudzidza Shoko raMwari kuchikosha kwatiri?

16 Ushingi hwechiKristu hahurevi kuzvivimba. Tinowana ushingi nokudzidza Shoko rake, Bhaibheri. Izvi zvinoita kuti tizive Mwari uye tivimbe naye.[11] Imwe hanzvadzi ine chirwere chokuora mwoyo (depression) inotsanangura chinoibatsira ichiti, “Ndinogara ndichidzokorora kuverenga zvikamu zvinonyanya kundinyaradza.”[12] Tave tichiita here zvakarayirwa panyaya yokugara tichinamata semhuri? Kuita zvinhu izvi kuchatibatsira kuva nemafungiro emunyori wepisarema akati: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.”—Pis. 119:97.

17. (a) Urongwa hupi hungatibatsira kuramba takashinga? (b) Ipa muenzaniso wenyaya youpenyu yakabudiswa mumagazini edu yakakubatsira.

17 Tinewo mabhuku anotsanangura Bhaibheri ane mashoko anoita kuti tiwedzere kuvimba naJehovha. Hama dzakawanda dzakaona kuti nyaya dzoupenyu dziri mumagazini edu dzinobatsira chaizvo. Imwe hanzvadzi yokuAsia ine chirwere chinokanganisa pfungwa (bipolar mood disorder) yakafara chaizvo payakaverenga nyaya youpenyu yeimwe hama yaichimbova mumishinari yakatsungirira chirwere ichocho. Hanzvadzi yacho yakanyora kuti, “Nyaya yacho yakandibatsira kunzwisisa dambudziko rangu uye yakandipa tariro.”[13]

Paunosangana nedambudziko, batsirwa nourongwa hwaJehovha

18. Nei tichifanira kugara tichinyengetera?

18 Kunyengetera kunogona kubatsira mumamiriro ose ezvinhu. Muapostora Pauro akataura nezvekubatsira kwokunyengetera  achiti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaF. 4:6, 7) Tinogara tichinyengetera here kuti tibatsirwe kuwana simba patinenge tiri mumatambudziko? Imwe hama yokuBritain inonzi Alex yava nenguva iine chirwere chokuora mwoyo yakati: “Kutaura naJehovha ndichinyengetera uye kumuteerera nokuverenga Shoko rake ndiko kwave kuchinyanya kundibatsira.”[15]

19. Tinofanira kuona sei nyaya yokupinda misangano yechiKristu?

19 Kuwadzana nevamwe pamisangano ndehumwe urongwa hunotibatsira. Mumwe munyori wepisarema akati: “Mweya wangu wasuwa zvivanze zvaJehovha uye waperawo simba nokuda kwazvo.” (Pis. 84:2) Ndiwo manzwiro atinoitawo here? Lani ambotaurwa, anotsanangura maonero aanoita kuwadzana nevamwe vaKristu achiti: “Ndaitofanira kupinda misangano yechiKristu. Ndaiziva kuti ndaitofanira kuipinda kana ndaida kuti Jehovha andibatsire kutsungirira.”[16]

20. Kuita basa rokuparidza kuchatibatsira sei?

20 Tinowanawo ushingi nokugara tichishingaira kuparidza Umambo. (1 Tim. 4:16) Imwe hanzvadzi yokuAustralia yakapinda nomumatambudziko akawanda yakati: “Ndaisamboda kunzwa nezvekuparidza, asi mumwe mukuru akandikumbira kuti tinoparidza tose. Ndakaenda. Jehovha anofanira kunge aindibatsira; pose pandaibuda muushumiri, ndainzwa ndichifara chaizvo.”[17] (Zvir. 16:20) Vakawanda vakaona kuti pavanenge vachibatsira vamwe kuti vatende muna Jehovha, kutenda kwavowo kunosimba. Pavanenge vachidaro, vanokanganwa nhamo dzavo voisa pfungwa pane zvinonyanya kukosha.—VaF. 1:10, 11.[18]

21. Tine chivimbo chipi panyaya yematambudziko atinosangana nawo?

21 Jehovha akatipa zvinhu zvakawanda zvinotibatsira kumirisana nematambudziko emazuva ano takashinga. Kana tikashandisa urongwa hwose uhwu, tikafungisisa uye tikatevedzera mienzaniso yakanaka yevashumiri vaMwari vainge vakashinga, tinova nechivimbo chokuti tinogona kukunda matambudziko. Kunyange zvazvo zvinhu zvakawanda zvisingafadzi zvingaitika munguva ino yomugumo, tinogona kunzwa sezvakaita Pauro, uyo akati: “Tinopunzirwa pasi, asi hatiparadzwi. . . . Hatineti.” (2 VaK. 4:9, 16) Tichibatsirwa naJehovha, tinogona kumirisana nematambudziko emazuva ano takashinga.—Verenga 2 VaKorinde 4:17, 18.

^ ndima 8 Mamwe mazita akachinjwa.