Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Nyaya Youpenyu

Ushamwari Hwava Nemakore 60 Uye Hucharamba Huripo Nokusingaperi

Ushamwari Hwava Nemakore 60 Uye Hucharamba Huripo Nokusingaperi

Mamwe manheru muchirimo cha1951, vakomana vechiduku vana, vaiva nemakore okuma20 vaifonera kuMichigan, Iowa, uye California vari kuIthaca muNew York, U.S.A. Vaifona nezvemashoko aifadza![1]

MUMWEDZI waFebruary gore iroro, mapiyona 122 akanga asvika kuSouth Lansing, New York kuzopinda kirasi yechi17 yeChikoro cheGiriyedhi. Vamwe vevakapinda kirasi iyi ndiLowell Turner, William (Bill) Kasten, Richard Kelsey naRamon Templeton. Pasina nguva Lowell naBill, vaibva kuMichigan, Richard aibva kuIowa, naRamon wokuCalifornia vakanga vava shamwari neshamwari.[2]

Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Richard, Lowell, Ramon, naBill vakava shamwari vari kuGiriyedhi

Pashure pemwedzi mishanu, vadzidzi vose vakafara pakaziviswa kuti Hama Nathan Knorr vokudzimbahwe vaizouya kuzotaura nevadzidzi ava. Hama idzi ina dzakanga dzataura kuti kana zvaiita, dzaida kuzoshumira munyika imwe chete. Iye zvino vakanga vava kuzoudzwa nyika dzavaizoendeswa semamishinari!

Kirasi yose yakatanga kutarisira kunzwa kwavaizoenda, Hama Knorr pavakatanga kutaura nyika dzavaizotumirwa. Vokutanga vakadaidzwa kuchikuva ndivo varume vaye vechiduku vana, avo vakafara pavakazonzwa kuti vaizoramba vari pamwe chete! Asi kupi kwacho? Kirasi yose yakashamiswa ikarova maoko kwenguva refu payakanzwa kuti varume ava vaizotumirwa kuGermany.

Zvapupu zvaJehovha kwose kwose zvaishamiswa nokutendeka kwakaita Zvapupu zvokuGermany paitonga Hitler kubva muna 1933 zvichienda mberi. Vadzidzi vakawanda vaiyeuka vachirongedza mbatya nemamwe mapasuru zvokutumira hama dzavo dzokuEurope pakapera Hondo Yenyika II. Vanhu vaMwari muGermany vakaratidza kutenda kwakasimba, kushinga uye kuvimba naJehovha. Lowell anoyeuka achifunga kuti, ‘Iye zvino tichanyatsoziva hama idzi nehanzvadzi.’ Ndosaka pakava nomufaro wakadaro uye ndizvo zvavakafonera kuti vataure!

KUENDA KUGERMANY

Ramon achiitisa kirasi yeChikoro Choushumiri hwoUmambo

Musi wa27 July, 1951, ngarava yainzi SS Homeland yakatanga rwendo rwokubva kuEast River kuNew York kuenda kuGermany uye rwendo rwehama idzi ina rwaizotora mazuva 11. Hama Albert Schroeder, mumwe wevarayiridzi veGiriyedhi avo vakazova nhengo yeDare Rinodzora, vakanga vavadzidzisa mashoko mashomanana echiGerman. Zvimwe vaizodzidza zvakawanda sezvo mungarava umu maiva nevanoverengeka vaitaura  chiGerman. Asi vaivamo vaitaura mapazi akasiyana-siyana emutauro wechiGerman. Hakusi kuvhiringa kwazvakavaita!

Mangwanani emusi weChipiri, August 7, hama dzakazosvika kuGermany muHamburg, asi dzainge dzamborwara nemhaka yokufamba nengarava kwemazuva. Kwose kwose vaiona kuparadzwa kwainge kwaitwa zvinhu nehondo yakanga yava nemakore matanhatu yapera uye zvakavasiririsa. Vakazokwira chitima cheusiku chaienda kuWiesbaden uko kwaiva nehofisi yebazi.

Richard achishandisa muchina wokunyoresa kero dzetsamba unonzi Addressograph ari paBheteri muWiesbaden

Mangwanani-ngwanani eChitatu, Chapupu chomuGermany chavakatanga kusangana nacho ndiHans. Hans akavatora pachiteshi chechitima nemotokari akaenda navo kuBheteri, akabva avasiya vava nevamwe hanzvadzi vakura vaisambogona Chirungu. Zvisinei, hanzvadzi ava vaifunga kuti vaizonzwanana kana vakaita zvokushevedzera. Asi pasinei nekuti vairamba vachikwidza izwi, zvakatoita kuti vose vatowedzera kuvhiringidzika. Hama Erich Frost, muranda webazi, vakazosvika ndokuvamhoresa noushamwari neChirungu. Vakanga vava kuti nzwananei.

Mwedzi waAugust wava kunopera, vari vana vakapinda gungano reruwa ravo rokutanga rechiGerman raiti “Kunamata Kwakachena” rakaitirwa kuFrankfurt am Main. Kupinda kwakaita vanhu 47- 432 uye kubhabhatidzwa kwevanhu 2 373 zvakasimbisa chido chemamishinari aya chokuparidza.[6] Asi pashure pemazuva mashoma, Hama Knorr vakataurira mamishinari aya kuti aizoshanda paBheteri.

Kufara kwavakazoita mubasa ravo kwakaita kuti vave nechokwadi chokuti Jehovha aiziva zvakavanakira

Ramon akanga amboramba mukana wokunoshanda paBheteri kuUnited States nokuti mwoyo wake waiva pabasa roumishinari. Richard naBill vakanga vasina kumbofunga nezvokuzoshanda paBheteri. Asi kufara kwavakazoita mubasa ravo kwakaita kuti vave nechokwadi chokuti Jehovha aiziva zvakavanakira. Chokwadi kuchenjera kuvimba nekutungamirira kwake pane kuisa zvido zvedu pamberi. Munhu anoziva izvi achafarira kushumira  Jehovha chero kwaanenge ari uye kuita chero basa raanenge apiwa.

VERBOTEN!

Vakawanda vepaBheteri reGermany vakafara kuva nevanhu vokuAmerica vaizovadzidzisa Chirungu. Asi rimwe zuva, zvakaitika muimba yokudyira zvakaita kuti tarisiro iyoyo ive yenguva pfupi. Hama Frost vairatidza kuti vaitaura chimwe chinhu chaikosha mumutauro wavo wechiGerman vachitaura nemanyukunyuku, sezvavaigara vachiita. Vakawanda vakaramba vakati zii, vakangotarisa mundiro dzavo. Varume vatsva ava, kunyange zvazvo vasina kunzwisisa zvaitaurwa, vakatanga kuona kuti ndivo vaitaurwa. Saka Hama Frost pavakataura nesimba kuti “VERBOTEN!” (“Hazvichabvumirwa!”) vachidzokorora nenzwi rakati kwirirei, varume ava vakanetseka. Vakanga vaitei chaiita kuti Hama Frost vataure nesimba kudaro?

Hama Frost (kurudyi) nevamwe pakashanya Hama Knorr (kuruboshwe)

Vanhu vapedza kudya, vakabva vangonanga kumakamuri avo nokukurumidza. Gare gare imwe hama yakatsanangura kuti: “Kuti munyatsotibatsira, munofanira kunge muchigona chiGerman. Ndosaka Hama Frost vataura kuti kusvikira madzidza mutauro uyu, kutaura nemi neChirungu hazvichabvumirwa.

Mhuri yeBheteri yakabva yangoteerera zvakanga zvataurwa. Izvi zvakabatsira vatsva ava kudzidza chiGerman uye zvakavadzidzisawo kuti zano rinobva kuhama ine rudo, kunyange rakaoma kutevedzera, rinenge rakatinakira. Zano raHama Frost rakaratidza kuda kwavaiita kuti zvinhu zvifambe musangano raJehovha uye kuda kwavaiita hama dzavo. * Izvi zvakaita kuti hama idzi ina dzivade!

KUDZIDZA KUSHAMWARI DZEDU

Vari pazororo kuSwitzerland muna 1952

Tinogona kudzidza zvidzidzo zvinokosha kushamwari dzinotya Mwari, izvo zvinotibatsira kuvandudza ushamwari naJehovha. Shamwari idzi ina dzakadzidza zvakawanda kuhama nehanzvadzi dzakatendeka dzokuGermany dzakawanda, asi vaiwanawo zvavaidzidza paushamwari hwavo vari vana. Richard anotsanangura kuti: “Lowell aiti zivei chiGerman uye aikurumidza kuchibata, asi isu vamwe chaitiomera. Sezvo aiva mukuru kwatiri tose, ndiye wataiudza zvainetsa panyaya yomutauro uye ndiye aititungamirira.” Ramon anoyeuka kuti: “Papera gore tiri muGermany, ndakafara zvikuru imwe hama payakatibvumira kugara muimba yayo yemapuranga patakashanya kuSwitzerland pazororo redu rokutanga! Zvakatifadza kuti taizoita mavhiki maviri tiri toga pasina zvokunetseka  nokutaura chiGerman! Asi ndakanga ndakanganwa kuti taiva naLowell. Akati taitofanira kuverenga uye kukurukura rugwaro rwezuva nechiGerman mangwanani oga oga! Zvakandinetsa paakaratidza kuti akanga asiri kuzochinja. Asi takadzidza chidzidzo chinokosha. Teerera vaya vanoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka, kunyange paunenge usingabvumirani nezvawaudzwa. Kuita izvi kwakatibatsira kwemakore ose aya uye kwakaita kuti zvive nyore kwatiri kuteerera zvatinoudzwa nesangano.”

Shamwari idzi ina dzakadzidzawo kuziva zvinogonekwa nemumwe nomumwe wavo, sezvinotaurwa pana VaFiripi 2:3 iyo inokurudzira kuva “nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.” Saka vamwe vaiwanzoremekedza Bill nokumupa mamwe mabasa avaiona vose kuti aikwanisa kuita zvakanaka kuvadarika. Lowell anoyeuka kuti, “Pataifanira kutora matanho asiri nyore okugadzirisa matambudziko, taiudza Bill kuti atibatsire. Aiva neunyanzvi hwokugadzirisa matambudziko zvataitoonawo kuti ndizvo zvinofanira kuitwa asi tisina ushingi kana unyanzvi hwokuzviita.”

MHURI DZINOFARA

Nokufamba kwenguva mumwe nomumwe wavo akasarudza kuroora. Ushamwari hwavo hwainge hwakavakirwa pakuda Jehovha uye basa renguva yakazara, saka chinangwa chavo chaiva chokuzowanawo madzimai anoda kuita zvinodiwa naJehovha pakutanga muupenyu. Basa renguva yakazara rakanga ravadzidzisa kuti kupa kune mubayiro mukuru pane kugamuchira uye kuti zvatinoda isu hazvifaniri kukosheswa kupfuura kutsigira Umambo. Saka vakasarudza hanzvadzi dzakanga dzazvisarudzira dzoga kupinda mubasa renguva yakazara. Zvakazoita kuti vose vave nemhuri dzakasimba uye dzinofara.

Kuti ushamwari kana kuti wanano zvigare, Jehovha anofanira kunge ari pakati pevanhu vacho. (Mup. 4:12) Kunyange zvazvo Bill naRamon vakarwadziwa pavakazofirwa nemadzimai avo, vose vakanga vaona kufadza kwazvinoita kutsigirwa nomudzimai akatendeka. Lowell naRichard vachiri kutsigirwa nemadzimai avo, uye Bill uyo akazoroorazve, akasarudza wokuroorana naye nokuchenjera kuti arambe ari mubasa renguva yakazara.

Makore akazotevera, mabasa avo akaita kuti vaendeswe kunyika dzakasiyana-siyana, kunyanya kuGermany, Austria, Luxembourg, Canada, neUnited States. Saka zvakaita kuti shamwari idzi ina dzisave nenguva yakawanda dziri pamwe chete sezvadzaida. Asi kunyange zvazvo vakanga vava kure nokure, vaigara vachikurukura, vachifara pamwe chete nezvikomborero zvavaiwana uye vachichema vose mumatambudziko avo. (VaR. 12:15) Shamwari dzakadaro dzinokosha uye tinofanira kutenda kana tiinadzo. Zvipo zvinokosha zvinobva kuna Jehovha. (Zvir. 17:17) Kashoma kuwana shamwari dzechokwadi mazuva ano! Asi muKristu wose wechokwadi anokwanisa kuva neshamwari  dzechokwadi dzakawanda. SeZvapupu zvaJehovha, tinoshamwaridzana nevatinonamata navo munyika yose uye zvinotokosha ndezvokuti tine ushamwari naJehovha Mwari naJesu Kristu.

Sezvinongoitikawo kwatiri tose, shamwari idzi ina dzakambosanganawo nenguva dzakaoma, dzakadai sokufirwa nomudzimai, kunetseka nechirwere chakaipisisa, kuchengeta vabereki vakwegura, matambudziko okurera mwana uri mubasa renguva yakazara, kutya paunopiwa mamwe mabasa musangano, uye pari zvino vari kusangana nematambudziko okukwegura. Asi vanozivawo kuti shamwari, dzingava dziri kure kana dziri pedyo, dzinobatsira vanoda Jehovha kutsungirira dambudziko rimwe nerimwe ravangasangana naro.

USHAMWARI HUCHARAMBA HURIPO NOKUSINGAPERI

Vose vakaita zvakanaka nokutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha, Lowell aine makore 18, Ramon aine 12, Bill aine 11, uye Richard aine 10, uye vose vakatanga basa renguva yakazara vaine makore ari pakati pe17 ne21. Vakaita zvavakakurudzirwa naMuparidzi 12:1 iyo inoti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.”

Kana uri mukomana wechiKristu, bvuma kukokwa naJehovha kuti upinde mubasa renguva yakazara kana zvichiita. Nemutsa wake usina kukodzera kuwanwa, ungazofarawo sezvakaita shamwari idzi ina, nokuita basa remudunhu, reruwa, kushanyira mapazi; kushanda paBheteri, kusanganisira kushanda muMatare eMapazi; kudzidzisa Chikoro Choushumiri hwoUmambo uye Chikoro Chebasa Roupiyona; kupa hurukuro pamagungano makuru nemaduku. Vari vana vakafara kuziva kuti makumi ezviuru akabatsirwa nebasa ravo! Zvose izvi zvakaitika nekuti vakabvuma kukokwa naJehovha kuti vamushumire nemwoyo wose vachiri vakomana.—VaK. 3:23.

Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Richard, Bill, Lowell, naRamon pavakasangana muSelters pakatsaurirwa zvivako zvitsva zvebazi muna 1984

Iye zvino, Lowell, Richard, naRamon vava kushandazve pamwe chete pahofisi yebazi, yava kuSelters, kuGermany. Zvinosuruvarisa kuti Bill akafa muna 2010 achishumira sapiyona chaiye muUnited States. Ushamwari hwavakava nahwo kwemakore anoda kusvika 60 vari vana hwakazoparadzwa norufu! Asi Jehovha, Mwari wedu, haambokanganwi shamwari dzake. Tine chokwadi chokuti muUmambo hwake, shamwari dzechiKristu dzakaparadzaniswa nerufu dzichazoonanazve.

“Makore ose 60 eushamwari hwedu, hapana kana patakambogumburisana”

Nguva pfupi asati afa, Bill akanyora kuti: “Makore ose 60 eushamwari hwedu, hapana kana patakambogumburisana. Ndinokoshesa zvikuru ushamwari hwedu.” Shamwari dzake nhatu, dzichifunga nezvenyika itsva dzinowedzera pamashoko ake dzichiti, “Ushamwari hwedu hucharamba huripo nokusingaperi.”

^ ndima 17 Nyaya youpenyu inonakidza yaHama Frost yakabudiswa muNharireyomurindi yeChirungu yaApril 15, 1961, mapeji 244-249.