Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukurudzira Kunobva “Mumuromo Mevana”

Kukurudzira Kunobva “Mumuromo Mevana”

Muna December 2009, Dare Repamusoro-soro reRussia rakatsigira mutongo wokuti sangano raimiririra Zvapupu zvaJehovha muTaganrog, Russia rirambidzwe, Imba yoUmambo ivharwe uye mabhuku edu 34 arambidzwe achinzi ndeekupandukira hurumende. Nyaya iyi yaisafadza yakabudiswa papeji yepaIndaneti yeZvapupu zvaJehovha pamwe chete nemifananidzo yeZvapupu zvemunzvimbo iyi kusanganisira vana vaduku.

Vana vokuAustralia

Mwedzi mishomanana izvi zvaitika, vepahofisi yeZvapupu zvaJehovha muRussia vakagamuchira bhokisi netsamba kubva kune imwe mhuri yeZvapupu yekuQueensland, Australia, yakanga yaona mutongo wedare. Tsamba yacho yaiti: “Hama Dzinodiwa, Vana vedu, Cody naLarissa vakakurudzirwa nekutenda uye kutsungirira kweshamwari dzavo dzemuRussia. Vanyora makadhi netsamba, uye tatumirawo tuzvipo twatinoda kuti tuende kuvana vekuTaganrog kuti vangoziva kuti kune vamwewo vana vari kune dzimwe nyika dziri kure vari kushumirawo Jehovha vakatendeka uye vari kufunga nezvavo. Vanokwazisa vana vose vari ikoko norudo.”

Pavakagamuchira zvipo izvi, vana vekuTaganrog vakanyora tsamba dzine mifananidzo dzokutenda mhuri iyi yokuAustralia. Chimwe Chapupu chepabazi rokuRussia chafadzwa nekukurudzira uku kwakabva “mumuromo mevana,” chakanyorera Cody naLarissa tsamba yaiti: “Fungidzirai kurwadza kwazvinoita vanhu vakuru nevana vaduku pavanotambudzwa vachipomerwa zvavasina kumboita. Hapana chakaipa chakaitwa nehama dzedu nehanzvadzi muTaganrog, asi dzakatorerwa Imba yoUmambo. Izvi zvakavasuruvarisa zvikuru. Vachakurudzirwa chaizvo pavachaziva kuti pane vamwewo vari kune imwe nyika vari kuvafunga. Ndinokutendai nerudo rwenyu uye rupo rwamuinarwo!”—Pis. 8:2.

Vana vokuRussia vakapiwa zvipo nevana vokuAustralia

Zvechokwadi tiri nhengo dzesangano romunyika yose rehama, uye kudanana kwatinoita kunotibatsira kutsungirira miedzo nematambudziko zvoupenyu. Matare paari kuti mabhuku eZvapupu zvaJehovha anoita kuti vanhu vavengane, vana vedu vari kuratidza kuti vane rudo nehanya nevamwe vavo, pasinei nekusiyana kwetsika nenyika dzavanobva uye izvi zviri kuzadzisa mashoko aJesu okuti: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Joh. 13:35.[1]