Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndidzidzisei Kuita Kuda Kwenyu”

“Ndidzidzisei Kuita Kuda Kwenyu”

“Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti ndimi Mwari wangu.”—PIS. 143:10.

1, 2. Kufunga zvinodiwa naMwari kungatibatsira sei, uye tingatarisira kudzidzei panyaya iyi pane zvakaitwa naMambo Dhavhidhi?

URI kufamba munzvimbo ine makomo, uye kanzira kacho kanosvika pakanoparadzana. Hauchazivi kuti wotora kapi. Unoita sei pakadaro? Ungakwira pazidombo riri pedyo kuti unyatsoona kuti twakananga kupi. Kuita zvakafanana kunogona kutibatsira pakuita zvisarudzo zvinokosha. Kuita setiri kuona zvinhu tiri panzvimbo yakakwirira yoMusiki kuchatibatsira ‘kufamba nenzira’ inonzi naJehovha ndiyo yakarurama.—Isa. 30:21.

2 Munenge muupenyu hwake hwose, Mambo Dhavhidhi weIsraeri akaratidza muenzaniso wakazonaka wokufunga zvaidiwa naMwari. Ngatikurukurei zvimwe zvakaitika muupenyu hwaDhavhidhi nechinangwa chokudzidza pamaitiro emurume iyeye aiva nemwoyo wakakwana kuna Jehovha Mwari.—1 Madz. 11:4.

DHAVHIDHI AIREMEKEDZA ZITA RAJEHOVHA

3, 4. (a) Chii chakaita kuti Dhavhidhi amirisane naGoriyati? (b) Dhavhidhi aiona sei zita raMwari?

3 Funga zvakaitika Dhavhidhi paakarwisana nemhare yechiFiristiya yainzi Goriyati. Chii chakaita kuti wechiduku Dhavhidhi ade kurwisana nehofori yakareba mamita 2,9 yainge yakapakata zvombo? (1 Sam. 17:4) Hwaiva ushingi hwake here? Kwaiva kutenda kwake muna Mwari here? Zvose zvaikosha pane zvaakaita. Zvisinei, kuremekedza Jehovha uye zita rake guru ndiko kwakanyanya kuita kuti Dhavhidhi amirisane nehamburamakaka iyoyo. Dhavhidhi akabvunza akagumbuka kuti: “MuFiristiya uyu asina kudzingiswa ndianiko kuti ashore mauto akarongwa aMwari mupenyu?”—1 Sam. 17:26.

4 Achinosangana naGoriyati, wechiduku Dhavhidhi akati: “Uri kuuya kwandiri nebakatwa nepfumo  uye nepfumo duku, asi ini ndiri kuuya kwauri ndichishandisa zita raJehovha wemauto, Mwari wemauto akarongwa evaIsraeri, wawashora.” (1 Sam. 17:45) Dhavhidhi akavimba naMwari wechokwadi ndokubva aridigura mhare iyoyo yechiFiristiya nedombo rimwe chete rechipfuramabwe. Dhavhidhi haana kungovimba naJehovha uye kuremekedza zita raMwari panguva iyoyo chete, asi muupenyu hwake hwose. Chokwadi, Dhavhidhi akatokurudzira vaIsraeri kuti vadade kana kuti ‘vazvirumbidze nezita dzvene raJehovha.’—Verenga 1 Makoronike 16:8-10.

5. Ungatarisana nemamiriro api ezvinhu angafanana nokushora kwaGoriyati?

5 Unodada here nokuti Jehovha ndiye Mwari wako? (Jer. 9:24) Unoita sei vavakidzani, vokubasa, vokuchikoro, kana kuti voukama pavanoshora Jehovha uye pavanoseka Zvapupu zvake? Unodzivirira zita raJehovha parinenge richishorwa, uchivimba kuti achakutsigira here? Ichokwadi kuti pane “nguva yokunyarara,” asi hatifaniri kunyara kuti tiri Zvapupu zvaJehovha uye vateveri vaJesu. (Mup. 3:1, 7; Mako 8:38) Kunyange zvazvo tichifanira kungwarira uye kuva netsika kune vaya vasingafariri, ngatisava sevaIsraeri ‘vakavhunduka vakatya kwazvo’ pavakanzwa mashoko okushora aGoriyati. (1 Sam. 17:11) Pane kudaro, ngatishingei kuti titsvenese zita raJehovha Mwari. Chido chedu ndechokubatsira vanhu kuti vazive kuti Jehovha ndiMwari akamboita sei chaizvo. Saka tinoshandisa Bhaibheri tichiedza kubatsira vamwe kuona kukosha kwokuswedera pedyo naMwari.—Jak. 4:8.

6. Dhavhidhi aiva nechinangwa chei paakarwisa Goriyati, uye chii chatinofanira kunyanya kukoshesa?

6 Kurwisa kwakaita Dhavhidhi Goriyati kunotidzidzisa chimwe chidzidzo chinokosha. Dhavhidhi paakamhanyira kwairwiwa, akabvunza kuti: “Murume anouraya muFiristiya ari uko obvisa kuzvidzwa pavaIsraeri achaitirwei?” Vanhu vakamupindura nemashoko avainge vambotaura, vachiti: “Murume anomuuraya [Goriyati], mambo achamupfumisa nepfuma yakawanda, uye achamupa mwanasikana wake.” (1 Sam. 17:25-27) Asi Dhavhidhi aisanyanya kukoshesa kuwana pfuma. Aiva nechinangwa chinotopfuura izvozvo. Dhavhidhi aida kurumbidza Mwari wechokwadi. (Verenga 1 Samueri 17:46, 47.) Zvakadini nesu? Tinonyanya kukoshesa kuwana mukurumbira nokuunganidza pfuma uye kuita mbiri munyika here? Chokwadi tinoda kuva saDhavhidhi, uyo akaimba kuti: “Haiwa kudzai Jehovha pamwe chete neni, ngatikudzei zita rake pamwe chete.” (Pis. 34:3) Saka ngativimbei naMwari, tonyanya kukoshesa zita rake pane redu.—Mat. 6:9.

7. Tingava sei nokutenda kwakasimba kwatinoda patinosangana nevanhu vasingafariri?

7 Zvaitoda kuti Dhavhidhi anyatsovimba naJehovha kuti amirisane naGoriyati. Wechiduku Dhavhidhi aiva nokutenda kwakasimba. Chimwe chakamubatsira kuti ave nokutenda kwaiva kuvimba naMwari paaiva mufudzi. (1 Sam. 17:34-37) Nesuwo tinoda kutenda kwakasimba kuti tirambe tichiparidza, kunyanya patinosangana nevanhu vasingafariri. Tinogona kuva nokutenda kwakadaro kana tikavimba naMwari pane zvatinoita zuva nezuva. Somuenzaniso, tinogona kutanga kukurukura chokwadi cheBhaibheri nevanhu vanenge vakagara nesu muzvifambiso zvoruzhinji. Uye hatifaniri kurega kukurukura nevanhu vatinosangana navo mumugwagwa patinenge tichiita ushumiri hwepaimba neimba.—Mab. 20:20, 21.

DHAVHIDHI AKAMIRIRA JEHOVHA

Chii chakaita kuti Dhavhidhi asauraya Sauro paakawana mukana wacho?

8, 9. Dhavhidhi akaratidza sei kuti aifunga nezvekuda kwaJehovha pamabatiro aakaita Mambo Sauro?

8 Mumwe muenzaniso unoratidza chido  chaDhavhidhi chokuvimba naJehovha waiva nechokuita naSauro, mambo wokutanga waIsraeri. Katatu, Sauro akaedza kubayirira Dhavhidhi pamadziro nepfumo nemhaka yegodo, asi Dhavhidhi ainzvenga, uye aisadzorera. Pakupedzisira akatozotiza Sauro. (1 Sam. 18:7-11; 19:10) Sauro akabva atora varume vakasarudzwa 3 000 muIsraeri mose akanotsvaka Dhavhidhi murenje. (1 Sam. 24:2) Asingazvizivi, Sauro akazopinda mubako maiva naDhavhidhi nevarume vaaifamba navo. Dhavhidhi angadai akashandisa mukana iwoyo kupfuudza mambo aida kumuuraya. Kwainge kusiri kuda kwaMwari here kuti Dhavhidhi ave mambo waIsraeri panzvimbo paSauro? (1 Sam. 16:1, 13) Chokwadi, kudai Dhavhidhi akateerera zano revarume vaaiva navo, mambo angadai akaurayiwa. Asi Dhavhidhi akati: “Handingambofungi zvakadaro, mukuona kwaJehovha, kuti ndiitire ishe wangu, iye muzodziwa waJehovha.” (Verenga 1 Samueri 24:4-7.) Sauro ainge achiri mambo akazodzwa waMwari. Dhavhidhi aisada kutorera Sauro umambo, nokuti Jehovha ainge asati amubvisa. Kungocheka kwakaita Dhavhidhi kumupendero kwejasi raSauro risina maoko, kwakaratidza kuti aisada kumukuvadza.—1 Sam. 24:11.

9 Dhavhidhi akaratidzazve kuti airemekedza muzodziwa waMwari paakapedzisira kuona mambo. Panguva iyoyo, Dhavhidhi naAbhishai vakasvika painge pakadzikwa musasa naSauro vakamuona akarara. Kunyange zvazvo Abhishai akafunga kuti Mwari ainge aisa muvengi uyu mumaoko aDhavhidhi ndokuti aida kubayirira Sauro pasi nepfumo, Dhavhidhi haana kubvumira izvozvo. (1 Sam. 26:8-11) Sezvo Dhavhidhi aigara achitsvaka kutungamirirwa naMwari, akaramba akatsunga kuita maererano nokuda kwaJehovha pasinei nezvaaikurudzirwa kuita naAbhishai.

10. Tingasangana nemamiriro ezvinhu api akaoma, uye chii chichatibatsira kuti timire takasimba?

10 Isuwo tingasangana nemamiriro ezvinhu akaoma uye shamwari dzedu dzingatikurudzira kuita zvadzinofunga pane kuti dzititsigire kuita kuda kwaJehovha. Kufanana naAbhishai, vamwe vangatotikurudzira kutora matanho pane imwe nyaya tisingafungi nezvekuda kwaMwari. Kuti timire takasimba, tinoda kunyatsofunga maonero anoita Jehovha nyaya yacho, totsunga kuita zvaanoda.

11. Wadzidzei pane zvakaitwa naDhavhidhi panyaya yokugara uchifunga nezvekuda kwaMwari?

11 Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha Mwari achiti: “Ndidzidzisei kuita  kuda kwenyu.” (Verenga Pisarema 143:5, 8, 10.) Pane kuvimba nezvaaifunga kana kuti kuita zvaaikurudzirwa nemumwe munhu, Dhavhidhi aida chaizvo kudzidziswa naMwari. ‘Aifungisisa mabasa ose aJehovha uye airamba achifunga nezvebasa remaoko aMwari nechido.’ Isu tinogona kunzwisisa kuda kwaMwari nokunyatsodzidza Magwaro uye nokufungisisa nyaya dzakawanda dziri muBhaibheri dzinoratidza mabatiro aiita Jehovha vanhu.

DHAVHIDHI AINZWISISA CHINANGWA CHEMUTEMO

12, 13. Chii chakaita kuti Dhavhidhi adururire pasi mvura yaakaunzirwa nevarwi vake vatatu?

12 Zvinokoshawo kuti titevedzere kunzwisisa kwaiita Dhavhidhi chinangwa chezvaitaurwa neMutemo uye chido chake chokuzviita. Funga zvakaitika Dhavhidhi paakati aiva nenyota ye“mvura yomumugodhi wokuBhetrehema.” Vatatu vevarwi vake vakamanikidzira kupinda muguta rainge richigarwa nevaFiristiya panguva iyoyo, vakaunza mvura yacho. Zvisinei, “Dhavhidhi akaramba kuinwa, asi akaidururira kuna Jehovha.” Akairambirei? Dhavhidhi akatsanangura kuti: “Handingambofungi zvakadaro, nokuda kwaMwari wangu, kuti ndiite izvi! Ndinganwa ropa revarume ava vaisa mweya yavo pangozi here? Nokuti vaisa mweya yavo pangozi kuti vauye nayo.”—1 Mak. 11:15-19.

Tinogona kudzidzei pakuramba kwakaita Dhavhidhi kunwa mvura yaakaunzirwa nevarwi vake?

13 Dhavhidhi aiziva kubva muMutemo kuti ropa raifanira kudururirwa kuna Jehovha kwete kudyiwa. Ainzwisisawo kuti nei zvaifanira kudaro. Dhavhidhi aiziva kuti “mweya wenyama uri muropa.” Asika iyi yaiva mvura kwete ropa! Dhavhidhi akarambirei kuinwa? Ainzwisisa chinangwa chezvaidiwa nemutemo. Dhavhidhi aiona mvura yacho ichikosha seropa revarume ivavo vatatu. Saka akaona zvisingaiti kunwa mvura yacho. Pane kuinwa, akaidururira pasi.—Revh. 17:11; Dheut. 12:23, 24.

14. Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti ave nemaonero aJehovha?

14 Dhavhidhi aiedza kuisa pfungwa dzake dzose pamutemo waMwari. Akaimba  kuti: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu.” (Pis. 40:8) Dhavhidhi aidzidza mutemo waMwari uye aiufungisisa. Aivimba nouchenjeri hwaiva mumirayiro yaJehovha. Saka Dhavhidhi aida chaizvo kuita zvaitaurwa noMutemo waMosesi uye zvaienderana nechinangwa chawo. Patinodzidza Bhaibheri, tinoratidza kuti takachenjera kana tikafungisisa zvatinoverenga, tozvichengeta mumwoyo kuitira kuti tione zvinofadza Jehovha panyaya yega yega ingamuka.

15. Soromoni akatadza sei kuremekedza Mutemo waMwari?

15 Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi akafarirwa chaizvo naJehovha Mwari. Asi nokufamba kwenguva, Soromoni akatadza kuremekedza Mutemo waMwari. Haana kuteerera murayiro waJehovha wokuti mambo wevaIsraeri aisafanira ‘kuzviwanzira madzimai.’ (Dheut. 17:17) Soromoni akatoroora vakadzi vakawanda vemamwe marudzi. Paakanga akwegura, “madzimai ake akanga atsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vanamwari.” Pasinei nezvingave zvakaita kuti adaro, “Soromoni akatanga kuita zvakaipa pamberi paJehovha, uye haana kutevera Jehovha zvizere sababa vake Dhavhidhi.” (1 Madz. 11:1-6) Chokwadi zvinokosha chaizvo kuti titevedzere mitemo nemazano zviri muShoko raMwari! Somuenzaniso, izvi zvinokosha munhu paanenge achifunga zvokuroora kana kuroorwa.

16. Kunzwisisa chinangwa chemurayiro wokuroora kana kuroorwa “munaShe chete” kuchaita kuti vaya vanenge vachida kutanga zvemba vaitei?

16 Kana vasingatendi vakaita zvinoratidza kuti vari kuda kuti tidanane navo, zvatinoita zvinoratidza maonero akaita seaDhavhidhi here kana kuti aSoromoni? Vanamati vechokwadi vanoudzwa kuti varoore kana kuti varoorwe “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Kana muKristu akasarudza kutanga zvemba, anofanira kuroorana nemutendi. Uye kana tichinzwisisa chinangwa cheizvi zvinodiwa neMagwaro, tichadzivisa kutanga imba nemunhu asiri mutendi, uyewo hatizosekereri chero munhu asiri mutendi anenge achiita zvinoratidza kuti ari kuda kuti tidanane naye.

17. Chii chinogona kutibatsira kuti tisabatwa nemusungo wokuona zvinonyadzisira?

17 Fungawo kuti muenzaniso waDhavhidhi wokunyatsotsvaka kutungamirirwa naMwari ungatibatsira sei kurwisa muedzo wokuona zvinonyadzisira. Verenga magwaro anotevera, funga zvaari kutaura, uye edza kuona zvinodiwa naJehovha panyaya iyi. (Verenga Pisarema 119:37; Mateu 5:28, 29; VaKorose 3:5.) Kufungisisa zvinodiwa naMwari kunotibatsira kuti tisabatwa nemusungo wokuona zvinonyadzisira.

FUNGA NEZVEMAONERO AMWARI NGUVA DZOSE

18, 19. (a) Kunyange zvazvo Dhavhidhi ainge asina kukwana, chii chakamubatsira kuti arambe achifarirwa naMwari? (b) Watsunga kuitei?

18 Kunyange zvazvo Dhavhidhi akaita zvakanaka pane zvakawanda, akaita zvivi zvakakura zvinoverengeka. (2 Sam. 11:2-4, 14, 15, 22-27; 1 Mak. 21:1, 7) Zvisinei, muupenyu hwake, Dhavhidhi aipfidza paaiita chivi. Akafamba pamberi paMwari “nomwoyo wakakwana.” (1 Madz. 9:4) Nei tingadaro? Nokuti Dhavhidhi akaedza kuita zvaienderana nokuda kwaJehovha.

19 Pasinei nokusakwana kwedu, tinogona kuramba tichifarirwa naJehovha. Tiine chinangwa ichocho, ngatibishairei kudzidza Shoko raMwari, kufungisisa zvatinodzidza mariri, uye kunyatsozviita. Chokwadi, tinenge tichiita setiri kunyengetera kuna Jehovha sezvakaita munyori wepisarema akakumbira achizvininipisa kuti: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu.”