Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Akaratidza Muenzaniso Wokuzvininipisa

Jesu Akaratidza Muenzaniso Wokuzvininipisa

“Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.”—JOH. 13:15.

1, 2. Pamanheru okupedzisira oupenyu hwake panyika, Jesu akapa vaapostora vake chidzidzo chipi?

PAMANHERU okupedzisira oupenyu hwake panyika, Jesu akapedza nguva refu aine vaapostora vake muimba yepamusoro muJerusarema. Vari pakati pokudya kwemanheru, Jesu akasimuka akaisa nguo dzake dzokunze parutivi. Akazvisunga chiuno nejira. Akaisa mvura mumudziyo wokugezera uye akatanga kugeza tsoka dzevadzidzi achidzipukuta nejira racho. Apedza, akapfeka nguo dzake dzokunze. Nei Jesu akaita basa iri raida kuzvininipisa?—Joh. 13:3-5.

2 Jesu pachake akatsanangura kuti: “Munoziva here zvandakuitirai? . . . Kana ini, kunyange ndiri Ishe noMudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kugezana tsoka. Nokuti ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.” (Joh. 13:12-15) Jesu paakaratidza chido chokuita basa risingakoshi rakadaro, akapa vaapostora vake chidzidzo achinyatsovaratidza zvokuita. Vaisazombofa vakachikanganwa uye chaizovakurudzira kuzvininipisa munguva yaiva mberi.

3. (a) Jesu akaratidza sei kukosha kwekuzvininipisa pazviitiko zviviri? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Jesu paakageza tsoka dzevaapostora vake, kaisava kekutanga kuratidza kukosha kwekuzvininipisa. Vaapostora pavainge vanetsana nenyaya youkuru, Jesu akaisa mwana muduku parutivi pake, akavaudza kuti: “Munhu wose anogamuchira mwana muduku uyu nokuda kwezita rangu anondigamuchirawo, uye munhu wose anondigamuchira anogamuchirawo iye akandituma. Nokuti anozviita muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.” (Ruka 9:46-48) Achiziva kuti vaFarisi vaitsvaka mukurumbira, Jesu akazotaura muushumiri hwake kuti: “Munhu wose anozvikwidziridza  achaninipiswa uye uya anozvininipisa achakwidziridzwa.” (Ruka 14:11) Zviri pachena kuti Jesu anoda kuti vateveri vake vazvininipise, kureva kuti vave nepfungwa dzinozvidukupisa uye vasingadadi uye vasingazvitutumadzi. Ngatinyatsoongororai muenzaniso wake wokuzvininipisa nechinangwa chokuti timutevedzere. Tichaonawo kuti kana tikazvininipisa tinobatsirwa sei uye kuti vamwe vanobatsirwa sei.

“HANDINA KUFURATIRA”

4. Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga akaratidza sei kuzvininipisa asati auya panyika?

4 Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga akaratidzawo kuzvininipisa asati auya panyika. Achiri kudenga, Jesu akapedza makore asingazivikanwi aina Baba vake. Bhuku reBhaibheri raIsaya rinotaura nezveukama hwepedyo uhwo Mwanakomana aiva nahwo naBaba vake, richiti: “Changamire Ishe Jehovha akandipa rurimi rwevakadzidziswa, kuti ndigone kupindura munhu akaneta neshoko. Iye anondimutsa mangwanani oga oga; anomutsa nzeve yangu kuti inzwe sezvinoita vakadzidziswa. Changamire Ishe Jehovha akavhura nzeve yangu, uye ini ndakanga ndisingapandukiri. Handina kufuratira.” (Isa. 50:4, 5) Mwanakomana waMwari akaratidza kuzvininipisa uye ainyatsoteerera zvaaidzidziswa naJehovha. Aida chaizvo kudzidziswa naMwari wechokwadi. Jesu anofanira kunge ainyatsocherechedza kuzvininipisa kwaJehovha paairatidza ngoni kuvanhu vane zvivi.

5. Paaiva Mikaeri, Jesu akaratidza sei muenzaniso wokuzvininipisa uye kuva nemwero paakapikisana naDhiyabhorosi?

5 Hazvisi zvisikwa zvose zvokudenga zvaiva nemafungiro akafanana neeMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga. Panzvimbo pokuva nechido chokudzidziswa naJehovha, ngirozi yakazova Satani Dhiyabhorosi yakabvuma kukanganiswa neunhu hunopesana nokuzvininipisa hunoti, kuzvikudza uye kudada, uye yakatopandukira Jehovha. Asi Jesu aigutsikana nechinzvimbo chake kudenga uye aisada kushandisa masimba ake zvisizvo. Kunyange zvazvo aiva Mikaeri ngirozi huru, Jesu haana kuita zvaainge asina kutumwa ‘paakapesana naDhiyabhorosi pamusoro pomutumbi waMosesi.’ Asi Mwanakomana waMwari akaratidza kuzvininipisa uye kuva nemwero. Akasiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha, Mutongi anopfuura vamwe vose kuti aigadzirise sezvaaida uye panguva yake.—Verenga Judha 9.

6. Jesu akaratidza sei kuzvininipisa nokubvuma kuva Mesiya?

6 Zvinhu zvakadzidzwa naJesu achiri kudenga zvinogona kunge zvaisanganisira uprofita hwaitaura nezveupenyu hwake panyika saMesiya. Saka anofanira kuva aiziva zvinhu zvisingafadzi zvaizoitika kwaari. Asi Jesu akabvuma kuuya kuzorarama panyika uye kufa saMesiya akapikirwa. Nei akabvuma? Achitaura nezvokuzvininipisa kweMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, muapostora Pauro akanyora kuti: “Kunyange zvazvo aivapo saMwari, haana kufunga nezvokubvuta, kureva kuti ave akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu.”—VaF. 2:6, 7.

“AVA SOMUNHU, AKAZVININIPISA”

Muenzaniso waJesu wokuzvininipisa ungatibatsira sei?

7, 8. Jesu akaratidza sei kuzvininipisa achiri muduku uye paaiita ushumiri hwake?

7 Pauro akanyora kuti: “[Jesu] paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira.” (VaF. 2:8) Kubvira achiri muduku, Jesu akatisiira muenzaniso wokuzvininipisa. Kunyange  zvazvo akarerwa nevabereki vane chivi, Josefa naMariya, Jesu “akaramba achizviisa pasi pavo.” (Ruka 2:51) Uyu muenzaniso wakazonaka kune vechiduku, avo vachakomborerwa naMwari pamusana pokuzviisa pasi pevabereki vavo zvichibva pamwoyo!

8 Ava munhu mukuru, Jesu akaratidza kuzvininipisa nokuisa pokutanga kuda kwaJehovha panzvimbo pezvaaida. (Joh. 4:34) Muushumiri hwake, Jesu Kristu aishandisa zita raMwari uye aibatsira vanhu vaida kufadza Mwari kuti vanyatsoziva unhu hwaJehovha uye chinangwa chake chokusika vanhu. Upenyu hwaJesu hwaienderanawo nezvaaidzidzisa pamusoro paJehovha. Somuenzaniso, paaidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera, pfungwa yaakatanga kutaura nezvayo yaiva yokuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mat. 6:9) Saka Jesu akarayira vateveri vake kuti vanyanye kufunga nezvokutsveneswa kwezita raJehovha. Iye ndizvo zvaaiita muupenyu hwake. Ava kunopedza ushumiri hwake hwepanyika, Jesu akatonyengetera kuna Jehovha achiti: “Ndakavazivisa [vaapostora] zita renyu uye ndicharizivisa.” (Joh. 17:26) Uyewo muushumiri hwake hwose, Jesu akapa mbiri kuna Jehovha nokuda kwezvaakaita ari panyika.—Joh. 5:19.

9. Zekariya akaprofitei nezvaMesiya uye zvakazadziswa sei naJesu?

9 Zekariya akanyora mashoko ouprofita aitaura nezvaMesiya achiti: “Fara kwazvo, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni. Shevedzera mukukunda, haiwa iwe mwanasikana weJerusarema. Tarira! Mambo wako anouya kwauri. Akarurama, chokwadi akaponeswa; anozvininipisa, akatasva mbongoro hono yanyatsokura, yakaberekwa nembongoro hadzi.” (Zek. 9:9) Izvi zvakazadziswa Jesu paakapinda muJerusarema Paseka isati yaitwa mugore ra33 C.E. Vanhu vakawanda vakawaridza nguo dzavo dzokunze uye mapazi emiti mumugwagwa. Zvechokwadi guta rose rakaita ruzha paakapinda muJerusarema. Kunyange paairumbidzwa nevanhu saMambo, Jesu aizvininipisa.—Mat. 21:4-11.

10. Chido chaJesu chokuteerera kusvikira afa chakaratidzei?

 10 Kuzvininipisa uye kuteerera kwaJesu Kristu ari panyika kwakaguma norufu padanda rokutambudzikira. Akanyatsoratidza kuti vanhu vanogona kuramba vakavimbika kuna Jehovha kunyange vakaedzwa zvakaoma. Jesu akaratidzawo kuti Satani ainyepa paakati vanhu vanoshumira Jehovha nokuti pane zvavanowana. (Job. 1:9-11; 2:4) Kunyatsoperera kwaKristu kwakatsigirawo kuti Jehovha ndiye Changamire akakodzera uye akarurama. Chokwadi Jehovha akafara paakaona Mwanakomana wake anozvininipisa achiramba akavimbika.—Verenga Zvirevo 27:11.

11. Chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu chakaita kuti vanhu vanotenda vave netariro dzipi?

11 Jesu akabhadharawo zvaidiwa kuti vanhu vadzikinurwe nokufa kwaakaita padanda rokutambudzikira. (Mat. 20:28) Izvi zvakapa vanhu vane zvivi mukana wokurarama nokusingaperi, asi zvichiitwa nenzira yakarurama. Pauro akanyora kuti, “Nokuda kwokururamisa kumwe chete, vanhu vemarudzi ose vanonzi vakarurama nokuda kwoupenyu.” (VaR. 5:18) Kufa kwaJesu kwakaita kuti vaKristu vakazodzwa vave netariro yokurarama kudenga vasingafi uye “mamwe makwai” ave netariro youpenyu husingaperi panyika.—Joh. 10:16; VaR. 8:16, 17.

“NDINE MWOYO UNOZVININIPISA”

12. Jesu akaratidza sei kuti aiva munyoro uye aizvininipisa pane zvaaiitira vanhu vanotadza?

12 Jesu aikoka vaya vose ‘vaishanda zvakaoma uye vainge vakaremerwa’ kuti vauye kwaari. Akati: “Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.” (Mat. 11:28, 29) Kuzvininipisa uye unyoro zvakaita kuti Jesu ave nemutsa uye asasarura pane zvaaiitira vanhu vanotadza. Aisatarisira kuti vadzidzi vake vaite zvavaisakwanisa. Jesu aivarumbidza uye aivakurudzira. Aisaita kuti vafunge kuti vaisanyatsokwanisa basa ravo kana kuti vaisakosha. Zvechokwadi Jesu aisava noutsinye uye aisadzvinyirira vamwe. Asi akavimbisa vateveri vake kuti kana vaizouya kwaari uye vaizoita zvaaidzidzisa vaizozorodzwa nokuti joko rake raiva romutsa uye mutoro wake wainge wakareruka. Vanhurume nevanhukadzi, uye vanhu vemazera ose vainzwa vakasununguka vainaye.—Mat. 11:30.

Kuratidza tsitsi kwaJesu, muenzaniso wakazonaka

13. Jesu akaratidza sei tsitsi kune vaitambura?

13 Paaiwadzana nevanhuwo zvavo vemuIsraeri, Jesu aivanzwira tsitsi nokuti vaitambura, uye aivabatsira. Ari pedyo neJeriko, akasangana naBhatimeyo, bofu raipemha. Bhatimeyo ainge aine shamwari yakewo bofu, isina kutaurwa nezita. Mapofu aya akaramba achikumbira kuti abatsirwe naJesu asi boka revanhu  rakaaudza zvakasimba kuti anyarare. Zvaiva nyore chaizvo kuti Jesu angosiyana nechikumbiro chemapofu aya. Asi akati vauye nawo, uye asiririswa, akaita kuti aonezve. Chokwadi Jesu akatevedzera Baba vake Jehovha, nokuratidza kuzvininipisa uye kunzwira ngoni vatadzi vaitarisirwa pasi.—Mat. 20:29-34; Mako 10:46-52.

“MUNHU WOSE ANOZVININIPISA ACHAKWIDZIRIDZWA”

14. Vanhu vanobatsirwa sei nokuzvininipisa kwaJesu?

14 Kuzvininipisa kwaJesu Kristu kunofadza uye kunobatsira chaizvo. Jehovha akafara chaizvo kuona Mwanakomana wake anozvininipisa achibvuma kuita kuda kwake. Vaapostora uye vadzidzi vakazorodzwa nounyoro kwaJesu uye kuva kwake nemwoyo unozvininipisa. Muenzaniso wake, dzidziso dzake uye kuvarumbidza kwaaiita zvakaita kuti vafambire mberi pakunamata. Vanhuwo zvavo vakabatsirwa nokuzvininipisa kwaJesu nokuti aivabatsira, aivadzidzisa uye aivakurudzira. Chokwadi, vanhu vose vanodzikinurika vachabatsirwa nechibayiro chaJesu nokusingaperi.

15. Jesu akabatsirwa sei nokuzvininipisa?

15 Zvakadini naJesu? Kuzvininipisa kwake kwakamubatsira here? Hungu, nokuti Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa.” (Mat. 23:12) Izvozvo zvakaitika kwaari. Pauro anotsanangura kuti: “Mwari akamukwidziridza [Jesu] kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose rubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vakudzwe.” Jehovha Mwari akakwidziridza Mwanakomana wake, akamupa simba pazvisikwa zvokudenga nezvepanyika nokuti Jesu aizvininipisa uye ainge akatendeka ari pasi pano.—VaF. 2:9-11.

JESU ‘ACHATASVA BHIZA RAKE NOKUDA KWECHOKWADI NOKUZVININIPISA’

16. Chii chinoratidza kuti Mwanakomana waMwari acharamba achizvininipisa paanenge achiita mabasa ake?

16 Mwanakomana waMwari acharamba achizvininipisa mumabasa ake. Munyori wepisarema akagara ataura nezvokurwisa kuchaita Jesu vavengi vake achibva kudenga, achiti: “Enda ubudirire nokubwinya kwako; tasva bhiza rako nokuda kwechokwadi nokuzvininipisa nokururama.” (Pis. 45:4) Jesu Kristu achatasva bhiza rake paAmagedhoni nokuda kwechokwadi nokururama uyewo achizvininipisa. Uye achaita sei pachapera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru, “paanenge aparadza hurumende dzose nechiremera chose nesimba”? Achazvininipisa here? Hungu, nokuti ‘achagamuchidza umambo kuna Mwari wake uye Baba.’—Verenga 1 VaKorinde 15:24-28.

17, 18. (a) Nei zvichikosha kuti vashumiri vaJehovha vatevedzere muenzaniso waJesu wokuzvininipisa? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Zvakadini nesu? Tichatevedzera here muenzaniso watakasiyirwa naJesu uye tozvininipisa? Zvichatifambira sei Mambo Jesu Kristu paachaparadza vakaipa paAmagedhoni? Paachatasva bhiza rake achangoponesa chete vaya vanozvininipisa uye vakarurama. Saka kana tichizopona zvinokosha kuti tizvininipise. Sezvo kuzvininipisa kwaJesu Kristu kwakamubatsira uye kwakabatsirawo vamwe, kuzvininipisa kwedu kuchabatsirawo nenzira dzakasiyana-siyana.

18 Chii chinogona kutibatsira kuti titevedzere muenzaniso waJesu wokuzvininipisa? Tingaedza sei kuramba tichizvininipisa pasinei nezvipingamupinyi zvatingasangana nazvo? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.