Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mashoko aJesu ari pana Mateu 19:10-12 anoratidza here kuti vaya vanosarudza kusaroora vakapiwa chipo chokusaroora nenzira inoshamisa?

Funga zvakaita kuti Jesu ataure nezvekusaroora. VaFarisi pavakauya kwaari nenyaya yokurambana, Jesu akajekesa zvinodiwa naMwari panyaya yokuwanana. Kunyange zvazvo Mutemo waibvumira murume kunyora gwaro rokuramba mudzimai wake kana awana “chimwe chinhu chisina kunaka paari,” zvinhu zvainge zvisina kudaro kubvira pakutanga. (Dheut. 24:1, 2) Jesu akabva ati: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve, akaroora mumwe, iye anoita upombwe.”—Mat. 19:3-9.

Vadzidzi pavakanzwa izvi vakati: “Kana zvakadaro kumurume nomudzimai wake, kuroora hakukurudzirwi.” Jesu akapindura kuti: “Havasi vanhu vose vanogona kuwanira nzvimbo mashoko acho, asi vaya vane chipo chacho chete. Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu raamai vadzo, uye kune ngomwa dzakaitwa ngomwa nevanhu, uye kune ngomwa dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokumatenga. Regai anogona kuzviwanira nzvimbo azviwanire nzvimbo.”—Mat. 19:10-12.

Ngomwa chaidzo dzaiva vaya vakaberekwa vari ngomwa, kana kuti vakaita ngomwa pamusana petsaona kana kuti kuchekwa. Zvisinei, paivawo nevamwe vakasarudza kuzviita ngomwa. Kunyange vaikwanisa kuroora, vaizvidzora uye vaigara vasina kuroora “nokuda kwoumambo hwokumatenga.” Kufanana naJesu, vakasarudza kugara vasina kuroora kuti vazvipire kuita basa roUmambo. Havana kuberekwa vaine chipo chokusaroora uyewo havana kuita zvokuchipiwa. Vakaita zvokuchiwanira nzvimbo, kureva kuti vakaita zvokusarudza kuva nacho.

Achitorera pane zvainge zvataurwa naJesu, muapostora Pauro akatsanangura kuti kunyange zvazvo vaKristu vose, vane dzimba nevasina dzimba, vachigona kushumira Mwari zvinogamuchirika, vaya vasina dzimba, avo ‘vakagadzikana mumwoyo mavo’ vanoita “zviri nani.” Pakudini? Vanhu vane dzimba vanofanira kukamura nguva yavo uye simba kuti vafadze uye vatarisire mumwe wavo. Asi vaya vasina kuroora kana kuroorwa vanogona kushanda mubasa raIshe vasingavhiringwi naizvozvo. Vanoona zvavari ‘sechipo’ chinobva kuna Mwari.—1 VaK. 7:7, 32-38.

Saka, Magwaro anotiudza kuti muKristu haapiwi chipo chokusaroora nenzira inoshamisa. Asi anotochishandira nokuramba asina kuroora kana kuroorwa kuti atsigire Umambo asina zvinomuvhiringa. Vakawanda mazuva ano vakatsidza mumwoyo kugara vasina kuroora kana kuroorwa nokuda kwechikonzero ichi, uye zvingava zvakanaka kuti vamwe vavakurudzire.