Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Kubva Mudura Renhoroondo Yedu

‘Shoko Rakanaka Kupfuura Rainge Rambonzwiwa’

‘Shoko Rakanaka Kupfuura Rainge Rambonzwiwa’

“OSE ayo ndeechii?” akabvunza kudaro George Naish, achinongedza bakwa rematanda akareba mamita 18 aiva panzvimbo yaichengeterwa zvinhu muSaskatoon, Saskatchewan, Canada panguva yehondo. Akaudzwa kuti matanda acho aivakiswa nzvimbo dzakakwirira dzemasaisai ezviovhaovha muHondo Yenyika I. “Ndakabva ndafunga kuti taigona kuvakisa matanda iwayo nzvimbo dzakakwirira dzemasaisai eredhiyo,” Hama Naish vakazorondedzera kudaro, “saka ndipo pakatanga pfungwa yokuva nenhepfenyuro yokushandisa pakuparidza.” Papera gore chete, muna 1924, nhepfenyuro yainzi CHUC yakatanga. Ndiyo yaiva imwe yenhepfenyuro dzokutanga kutepfenyura zvechitendero muCanada.

(1) Nhepfenyuro yomuEdmonton, Alberta (2) Hama yaigadzira tambo dzemagetsi dzemuchina wokutepfenyurisa mashoko muToronto, Ontario

Sezvo Canada yakakura chaizvo kungoda kuenzana neEurope, zvainge zvakakodzera kuparidza tichishandisa redhiyo. “Kutepfenyura kwataiita neredhiyo kwakaita kuti vanhu vakawanda vataisakwanisa kuona vanzwe chokwadi,” akadaro Florence Johnson aishanda panhepfenyuro yomuSaskatoon. “Sezvo redhiyo yaiva chinhu chitsva, vanhu vaida chaizvo kunzwa zvose zvaitepfenyurwa.” Pakazosvika gore ra1926, Vadzidzi veBhaibheri (vava kunzi Zvapupu zvaJehovha) vaiva nenhepfenyuro dzavo pachavo mumaguta mana muCanada. *

Nhepfenyuro yainzi CHUC muSaskatoon, Saskatchewan

Kudai waizovhura redhiyo pane imwe yenhepfenyuro idzodzo waizonzwei? Hama nehanzvadzi dzemuungano yomunzvimbo iyoyo dzaiimba pamwe nevaya vairidza zviridzwa. Hama dzaipawo mharidzo uye dzaikurukuriranawo nyaya dzeBhaibheri. Amy Jones, uyo aimbotaurawo paredhiyo anoyeuka kuti, “Muushumiri hwomumunda, ndaitaura zita rangu uye dzimwe nguva saimba aibva ati, ‘Yaa, ndakakunzwai paredhiyo.’”

“Foni dzaidirana zvokuti taisakwanisa kudzidavira dzose”

Vadzidzi veBhaibheri vomuHalifax, Nova Scotia, vakatanga nzira yainge isati yamboshandiswa nevamwe pakutepfenyura. Vaiti vateereri vafone vachibvunza mibvunzo ine chokuita neBhaibheri. “Vanhu vakafarira chaizvo urongwa hwacho,” yakanyora kudaro imwe hama. “Foni dzaidirana zvokuti taisakwanisa kudzidavira dzose.”

 Sezvaiitwa nevanhu vemunguva yomuapostora Pauro, vamwe vaifarira uye vamwe vaisafarira mashoko eVadzidzi veBhaibheri. (Mab. 17:1-5) Vamwe vateereri vaida chaizvo mashoko acho. Somuenzaniso, Hector Marshall paakanzwa Vadzidzi veBhaibheri vachitaura nezvemabhuku anonzi Studies in the Scriptures paredhiyo, akabva aodha matanhatu. Akazonyora kuti, “Ndaifunga kuti aizondibatsira kudzidzisa kuSandesikuru.” Zvisinei, paakapedza kuverenga rokutanga, Hector akasarudza kusiya chechi yake. Akava muevhangeri anoshingaira uye akaramba achishumira Jehovha akatendeka kusvika paakazofa muna 1998. Nechokumabvazuva muNova Scotia, zuva rakatevera pashure pokunge hurukuro yaiti “Umambo, Tariro Yenyika” yatepfenyurwa, mukuru wemasoja ainzi J. A. MacDonald akaudza hama yemunzvimbo iyoyo kuti: “Zuro, vanhu vemuCape Breton Island vakanzwa shoko rakanaka kupfuura chero rakambonzwiwa munzvimbo ino.”

Asi vafundisi vaisafara nazvo. Vamwe vechechi yeRoma vomuHalifax vakati vaizoparadza nhepfenyuro yaishandiswa neVadzidzi veBhaibheri. Muna 1928, hurumende payakakurudzirwa nevatungamiriri vechitendero, yakazivisa kuti yaisazopa Vadzidzi veBhaibheri mamwezve marezinesi enhepfenyuro. Hama nehanzvadzi dzakabva dzaparadzira pepa raiva nemusoro unoti Who Owns the Air? (Ndiani Muridzi Wemhepo?) dzichiratidza kuti zvainge zvaitwa zvainge zvisina kururama. Zvisinei vakuru vakuru vehurumende vakaramba kupa Vadzidzi veBhaibheri marezinesi enhepfenyuro.

Izvi zvakaita kuti boka duku revashumiri vaJehovha raiva muCanada rinete here pakuparidza? “Chokwadi, pakutanga zvakaita sokuti muvengi ainge abudirira chaizvo,” akabvuma kudaro Isabel Wainwright. “Asi ndaiziva kuti Jehovha angadai akaita kuti zvisaitika kudai zvaienderana nechinangwa chake. Saka zvinofanira kunge zvaireva kuti taifanira kushandisa imwe nzira pakuzivisa mashoko akanaka oUmambo.” Pane kuparidza vachishandisa redhiyo, Vadzidzi veBhaibheri muCanada vakatanga kunyanya kushanyira vanhu mudzimba dzavo. Zvisinei, redhiyo yakabatsira chaizvo panguva yayo kuzivisa ‘shoko rakanaka kupfuura chero rainge rambonzwiwa.’—Kubva mudura renhoroondo yedu muCanada.

^ ndima 4 Hama dzomuCanada dzaibhadharawo dzimwe nhepfenyuro kuti dziparidze paredhiyo.