Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

  Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Nei Mwari Akatuma Jesu Panyika?

Nei Mwari Akatuma Jesu Panyika?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo yaungava nayo uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Jesu aiva kupi asati atumwa naMwari panyika?

Jesu akararama kudenga aine muviri usingaoneki asati aberekwa muBhetrehema. Ndiye chisikwa chaMwari chokutanga uye akasikwa naMwari pachake. Ndosaka zvakanyatsokodzera kuti anzi Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waMwari. Paaiva kudenga, aiwanzotaura achimiririra Mwari. Ndosaka achinzi Shoko. Akashandawo semubatsiri waMwari uye akabatsirawo pakusika zvimwe zvinhu zvose. (Johani 1:2, 3, 14) Jesu akararama kudenga naMwari kwemakore asingaverengeki vanhu vasati vasikwa.—Verenga Mika 5:2; Johani 17:5.

2. Mwari akaita sei kuti Mwanakomana wake auye panyika?

Jehovha akatamisa upenyu hwaJesu kubva kudenga kuenda mudumbu raMariya achishandisa mudzimu mutsvene. Saka Jesu haana kuberekwa pachishandiswa baba vepanyika pano. Ngirozi dzakazivisa nezvekuberekwa kwaJesu kuvafudzi vaigara kunze kwemisha usiku vachichengeta zvipfuwo zvavo. (Ruka 2:8-12) Izvi zvinoratidza kuti Jesu haana kuberekwa muchando, asi zvimwe pakutanga kwaOctober, kunze kuchiri kudziya. Pave paya, Mariya nemurume wake Josefa vakaenda naJesu kumba kwavo kuNazareta uye vakamurerera ikoko. Josefa akarera Jesu semwanakomana wake.—Verenga Mateu 1:18-23.

Jesu paakanga ava nemakore anenge 30, akabhabhatidzwa uye Mwari akazivisa pachena kuti Jesu aiva Mwanakomana wake. Jesu akabva atanga kuita basa raakanga atumwa naMwari.—Verenga Mateu 3:16, 17.

 3. Nei Mwari akatuma Jesu panyika?

Mwari akatuma Jesu kuti azodzidzisa vanhu chokwadi. Jesu akadzidzisa nezveUmambo hwaMwari, hurumende iri kudenga ichaita kuti pasi pose pave norugare. Akapa vanhu tariro youpenyu husingaperi. (Johani 4:14; 18:36, 37) Jesu akadzidzisawo vanhu zvakawanda nezvokuwana mufaro wechokwadi. (Mateu 5:3; 6:19-21) Aidzidzisawo nezviito zvake. Somuenzaniso, akaratidza kuti munhu angaita sei kuda kwaMwari kunyange pazvinenge zvakaoma. Paaiitirwa zvakaipa, haana kutsiva.—Verenga 1 Petro 2:21-24.

Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vave nerudo rwokuzvipira. Akanga ararama kudenga naBaba vake aine basa rinokosha, asi akateerera Baba vake nokuzvininipisa ndokuuya panyika kuzorarama nevanhu. Hapana mumwe munhu watingambodzidza kwaari panyaya yerudo kupfuura Jesu.—Verenga Johani 15:12, 13; VaFiripi 2:5-8.

4. Kufa kwaJesu kwakabatsirei?

Mwari akatumawo Jesu kuti azofira zvitadzo zvedu. (Johani 3:16) Tose tine chivi. Ndokusaka tichirwara uye tichifa. Takasiyana naAdhamu uyo akanga asina chivi. Dai asina kutadza, aisazomborwara kana kufa. Asi kusateerera Mwari kwaakaita ndiko kwakaita kuti ave nechivi. Isuwo tine chivi uye tinofa nokuti takabva kuna Adhamu.—Verenga VaRoma 5:12; 6:23.

Jesu akafa kwete nokuti akanga aine chivi. Asi akafira zvivi zvedu. Kufa kwakaita Jesu kunotipa mukana wokuti tikwanise kurarama nokusingaperi uye tikomborerwe naMwari.—Verenga 1 Petro 3:18.