Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unokoshesa Nhaka Yedu Inobva Kuna Mwari Here?

Unokoshesa Nhaka Yedu Inobva Kuna Mwari Here?

“Mwari . . . akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.”—MAB. 15:14.

1, 2. (a) “Dumba raDhavhidhi” raiva chii, uye raizovakwazve sei? (b) Mazuva ano ndivanaani vari kushumira pamwe chete sevashumiri vaJehovha?

PAMUSANGANO unokosha wedare rinodzora wakaitwa muJerusarema muna 49 C.E., mudzidzi Jakobho akati: “Simiyone [Petro] akarondedzera kwazvo kuti Mwari kwenguva yokutanga akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake. Zvakanyorwa nevaprofita zvinobvumirana naizvozvi, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti, ‘Pashure pezvinhu izvi ndichadzoka, ndivakezve dumba raDhavhidhi rakawa; uye ndichavakazve matongo aro ndirimisezve, kuti vaya vanosara pane vanhu ava vatsvake Jehovha nomwoyo wose, pamwe chete nevanhu vemamwe marudzi ose, vanhu vanoshevedzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, iye ari kuita zvinhu izvi, zvakazivikanwa kubvira kare.’”—Mab. 15:13-18.

2 “Dumba [kana kuti imba youmambo] raDhavhidhi” rakawa Mambo Zedhekiya paakabviswa pachigaro. (Amo. 9:11) Zvisinei, “dumba” iroro raizovakwazve, uye muzukuru waDhavhidhi Jesu ndiye aizova Mambo nokusingaperi. (Ezek. 21:27; Mab. 2:29-36) Sezvakataurwa naJakobho pamusangano iwoyo unokosha, uprofita hwaAmosi hwainge huchizadziswa nokuunganidzwa kwevagari venhaka voUmambo vaisanganisira vaJudha nevemamwe marudzi. Mazuva ano, vaKristu vakazodzwa vachiri pasi pano ne“mamwe makwai” aJesu ane mamiriyoni vakabatana pabasa rokuzivisa chokwadi cheBhaibheri sevashumiri vaJehovha.—Joh. 10:16.

CHIPINGAMUPINYI CHAKASANGANA NEVANHU VAJEHOVHA

3, 4. Vanhu vaJehovha vakaramba sei vachinamata Mwari vari muBhabhironi?

3 VaJudha pavakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi, zvaiva pachena kuti “dumba raDhavhidhi” rainge rawa.  Sezvo chitendero chenhema chainge chakapararira chaizvo muBhabhironi, vanhu vaMwari vakakwanisa sei kuramba vachimunamata mumakore 70 avainge vari nhapwa, kubva muna 607 B.C.E. kusvika muna 537 B.C.E.? Vaingoitawo sezviri kuitwa nevanhu vaJehovha munyika ino iri kutongwa naSatani. (1 Joh. 5:19) Nhaka inosanganisira zvakawanda inobva kuna Mwari yave ichibatsira chaizvo panyaya iyi.

4 Isu tine Shoko raMwari Bhaibheri sechikamu chenhaka yedu inobva kuna Mwari. VaJudha vaiva nhapwa muBhabhironi vainge vasina Magwaro Matsvene ose, asi vaiziva Mutemo waMosesi, pamwe neMirayiro Gumi. Vaiziva “nziyo dzokuZiyoni,” vaigona kuyeuka zvirevo zvakawanda, uye vaiziva zvainge zvaitwa nevashumiri vekare vaJehovha. Chokwadi, vaJudha ivavo vakachema pavakafunga Ziyoni, uye havana kukanganwa Jehovha. (Verenga Pisarema 137:1-6.) Izvozvo zvakaita kuti varambe vachinamata Mwari kunyange muBhabhironi, maiva nedzidziso dzenhema dzakawanda nemaitiro akaipa.

DZIDZISO YOUTATU HAISI ITSVA

5. Uchapupu hupi huripo hwokuti muBhabhironi nomuIjipiti mainamatwa vanamwari vatatu vatatu?

5 Kunamata vanamwari vatatu vatatu kana kuti utatu kwaiitwa chaizvo muBhabhironi. Vamwe vanamwari vainamatwa vari vatatu muBhabhironi vaisanganisira Sin (mwari wemwedzi), Shamash (mwari wezuva), uye Ishtar (mwari wembereko uye wehondo). MuIjipiti, zvaiwanzonzi mwari ainge akaroora mwarikadzi uyo aimuberekera mwanakomana, “vobva vaita mwari mumwe chete aiumbwa nevatatu, asi kakawanda baba vacho vasiri mukuru, vachingogutsikana nechinzvimbo chavo chokuva murume, mwari mukuru wenzvimbo yacho ari mwarikadzi.” (New Larousse Encyclopedia of Mythology) Vamwe vanamwari vainamatwa muIjipiti vari vatatu vaisanganisira mwari anonzi Osiris, mwarikadzi Isis, uye mwanakomana wavo Horus.

6. Ungatsanangura sei Utatu, uye takadzivirirwa sei kuti tisadavira nhema dzakadaro?

6 ChiKristudhomu china mwari wacho anoumbwa nevatatu. Vafundisi vanoti Baba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene ndiMwari mumwe chete. Asi ikoko kuzvidza uchangamire hwaJehovha, nokumuita chikamu chimwe chete chamwari weutatu. Vanhu vaJehovha vakadzivirirwa kuti vasadavira nhema dzakadaro nokuti vanobvumirana nemashoko aya akafemerwa: “Teerera, haiwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.” (Dheut. 6:4) Jesu akataurawo mashoko iwayo, uye pangava nomuKristu chero upi zvake angapikisana naye here?—Mako 12:29.

7. Nei zvisingaiti kuti munhu anotenda Utatu abhabhatidzwe zvichiratidza kuti azvitsaurira kuna Mwari?

7 Dzidziso yoUtatu inopesana nebasa iro Jesu akapa vateveri vake rokuita ‘kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, vachivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.’ (Mat. 28:19) Kuti munhu abhabhatidzwe somuKristu wechokwadi uye kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha, anofanira kubvuma ukuru hwaBaba, Jehovha, uyewo nzvimbo uye masimba eMwanakomana waMwari, Jesu. Munhu wacho anenge achida kubhabhatidzwa anofanirawo kutenda kuti mudzimu mutsvene isimba rinoshandiswa naMwari kuita basa, kwete chikamu choUtatu. (Gen. 1:2) Munhu anoramba achitenda Utatu haagoni kubhabhatidzwa zvichiratidza kuti azvitsaurira kuna Jehovha Mwari. Tinoonga chaizvo kuti nhaka yedu inobva kuna Mwari yakatidzivirira kuti tisatenda dzidziso iyoyo inozvidza Mwari!

KUSHATA KWEKUITA ZVEMIDZIMU KUNOVA PACHENA!

8. Vanhu vomuBhabhironi vaiona sei vanamwari uye madhimoni?

8 Dzidziso dzechitendero chomuBhabhironi dzaipa mikana yakawanda yokutenda  zvinhu zvenhema, vanamwari, madhimoni, uye kuita zvemidzimu. The International Standard Bible Encyclopaedia inoti: “Muchitendero cheBhabhironi, vanamwari ndivo vainyanya kukosha, vachiteverwa nemadhimoni ane simba rokuita kuti vanhu vabatwe nezvirwere zvisingaverengeki zvemuviri nepfungwa. Chikamu chakakura chechitendero chacho chinoita sokuti chainge chaitirwa kurwisa zvakasimba madhimoni aya, uye kwose kwose vanhu vainyengetera kuna vanamwari kuti vabatsirwe pakurwisa madhimoni aya.”

9. (a) Pashure pokunge vasunungurwa muBhabhironi, vaJudha vakawanda vakatanga sei kutenda nhema dzechitendero? (b) Takadzivirirwa sei pangozi dzokuita zvechidhimoni tichiziva hedu?

9 Pashure pokunge vasunungurwa muBhabhironi, vaJudha vakawanda vakatanga kutenda pfungwa dzisingapindirani neMagwaro. Pfungwa dzechiGiriki padzakatanga kusimudzirwa, vaJudha vakawanda vakava pangozi yokutongwa nemadhimoni nokuti vakabvuma mafungiro okuti madhimoni aigona kuva akaipa kana kuti akanaka. Nhaka yedu inobva kuna Mwari inotidzivirira pangozi dzokuita zvechidhimoni tichitoziva hedu, nokuti tinoziva kuti Mwari akashora zvemidzimu zvaiitwa muBhabhironi. (Isa. 47:1, 12-15) Uyezve tinobatsirwa nemaonero anoita Mwari zvemidzimu.—Verenga Dheuteronomio 18:10-12; Zvakazarurwa 21:8.

10. Tingati chii nezvetsika uye dzidziso zveBhabhironi Guru?

10 Zvemidzimu zvaisaitwa nevaBhabhironi chete asi zviri kuitwawo nevanotsigira Bhabhironi Guru, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. (Zvak. 18:21-24) The Interpreter’s Dictionary of the Bible rinoti: “Bhabhironi [Guru] haringosanganisiri nyika imwe chete kana tsika. Harizivikanwi nenzvimbo kana kuti miganhu yechinguva asi nokunyanya kunamata zvidhori.” (Vol. 1, p. 338) Bhabhironi Guru richiripo uye rizere nezvemidzimu, kunamata zvidhori, nezvimwe zvivi, asi pasina nguva richaparara.—Verenga Zvakazarurwa 18:1-5.

11. Takabudisa nyevero dzipi mumabhuku edu pane zvemidzimu?

11 Jehovha akazivisa kuti: “Handingashiviriri kushandiswa kwesimba remashiripiti.” (Isa. 1:13) Kuita zvemidzimu kwainge kwakakurumbira chaizvo pamafungiro evanhu vemumakore ekuma1800. Saka Zion’s Watch Tower yaMay 1885 yakati: “Kutenda kuti vakafa vachiri vapenyu kune imwe nzvimbo kana kuti vava nemumwe muviri hakusi chinhu chitsva. Chitendero chevanhu vekare chaitaurawo izvozvo, uye ngano dzose dzaitorerwa ipapo.” Nyaya yacho yakawedzera kuti pfungwa isingabvi muMagwaro yokuti vakafa vanokurukura nevapenyu “yakaita kuti unyengeri ‘hwemadhimoni’ husaoneka uye huve nesimba achinyepera kuva midzimu yevanhu vakafa. Akashandisa chaizvo nzira iyi yokuvanza zvaari, uye akaramba achitonga pfungwa noupenyu zvevakawanda.” Kabhuku kepakutanga-tanga kainzi What Say the Scriptures About Spiritism? kakapawo nyevero dzakafanana nedzave dzichipiwa nemabhuku edu emunguva pfupi yapfuura.

MWEYA IRI KUTAMBURA MUNYIKADZIMU HERE?

12. Afemerwa naMwari, Soromoni akatii nezvevakafa?

12 “Vaya vose vakasvika pakuziva chokwadi” vanogona kupindura mubvunzo iwoyo. (2 Joh. 1) Chokwadi tinobvumirana nemashoko aSoromoni okuti: “Imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa. Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva . . . Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose, nokuti muSheori [guva], iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.”—Mup. 9:4, 5, 10.

13. VaJudha vakakanganiswa sei netsika nechitendero zvechiGiriki?

13 VaJudha vaikwanisa kuziva chokwadi  nezvevakafa. Zvisinei, vakuru veuto raAlexander, mambo weGirisi ainge akakurumbira, pavakakamurirana Girisi, pakaitwa urongwa hwokuti Judha ibatane neSiriya pachishandiswa chitendero netsika zvechiGiriki. Saka vaJudha vakagamuchira dzidziso dzenhema dzokuti mweya womunhu haufi uye kuti kune nyikadzimu kwaunotambudzwa. VaGiriki handivo vakatanga pfungwa yokuti kune nyikadzimu izere nemweya inenge ichitambura, nokuti vaBhabhironi vaiti “nyikadzimu . . . inzvimbo izere nezvinhu zvinotyisa, . . . inotongwa navanamwari uye madhimoni ane simba chaizvo uye anotyisa.” (The Religion of Babylonia and Assyria) Chokwadi, vaBhabhironi vaitenda kuti mweya haufi.

14. Jobho naAbrahamu vaizivei nezverufu uye kumuka?

14 Kunyange zvazvo murume akarurama Jobho ainge asina Magwaro, aiziva chokwadi nezverufu. Aizivawo kuti Jehovha ndiMwari ane rudo aizosuwa kumumutsa. (Job. 14:13-15) Abrahamu aitendawo kuti kuchava norumuko. (Verenga VaHebheru 11:17-19.) Sezvo zvisingaiti kumutsa munhu asingafi, varume ivavo vaitya Mwari vaisatenda kuti mweya haufi. Hapana mubvunzo kuti mudzimu waMwari wakabatsira Jobho naAbrahamu kunzwisisa chokwadi nezvevakafa uye kutenda kuti vakafa vachamutswa. Chokwadi ichiwo chikamu chenhaka yedu.

“KUSUNUNGURWA NORUDZIKINURO” KUNOKOSHA

15, 16. Takasunungurwa sei muchivi norufu?

15 Tinotenda kuti Mwari akazivisawo chokwadi nezvenzira yake yokutinunura munhaka yatakapiwa naAdhamu yechivi norufu. (VaR. 5:12) Tinoziva kuti Jesu “haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mako 10:45) Zvinofadza chaizvo kuziva nezve“kusunungurwa norudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu”!—VaR. 3:22-24.

 16 VaJudha vepanguva yevaapostora nevanhu vemamwe marudzi vaifanira kupfidza zvivi zvavo votenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu. Pasina kudaro, vaisazokanganwirwa. Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. (Joh. 3:16, 36) Kana munhu akasasiya dzidziso dzenhema dzakadai soUtatu uye kusafa kwemweya, haagoni kubatsirwa norudzikinuro. Asi isu tinogona kubatsirwa narwo. Tinoziva chokwadi nezve“Mwanakomana [waMwari] waanoda, anoshandiswa kutisunungura norudzikinuro, iko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.”—VaK. 1:13, 14.

RAMBAI MAKASHINGA SEVANHU VEZITA RAJEHOVHA!

17, 18. Tingawana kupi mashoko anobatsira enhoroondo yedu, uye tingabatsirwa sei nokudzidza pane zvakaitika?

17 Pane zvakawanda zvinogona kutaurwa nezvedzidziso dzechokwadi dzatinadzo, zvave zvichiitika kuvashumiri vaMwari, uye makomborero atinawo pakunamata uye pane zvimwewo. Kwemakumi emakore, Mabhuku Egore ave aine nyaya dzinofadza dzezvatiri kuita munyika dzakasiyana-siyana. Nhoroondo yedu inotaurwa nezvayo mumavhidhiyo maviri akanzi Faith in Action, uye mabhuku akadai saZvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari. Uye magazini edu anowanzova nenyaya dzeupenyu dzinofadza, dzehama dzedu dzatinonamata nadzo.

18 Tinobatsirwa nokuongorora zvakanaka nhoroondo yesangano raJehovha, sokubatsirwa kwakaitwa vaIsraeri nokufungisisa kununurwa kwavakaitwa naMwari pavaiva varanda muIjipiti. (Eks. 12:26, 27) Somunhu ainge akura aigona kupupura nezvemabasa anoshamisa aMwari, Mosesi akakurudzira vaIsraeri kuti: “Yeukai mazuva ekare, fungai nezvemakore ekare kubva pachizvarwa nechizvarwa; bvunza baba vako, uye vachakuudza; vakwegura vako, uye vachakutaurira.” (Dheut. 32:7) ‘Sevanhu vaJehovha uye makwai emafuro ake,’ tose zvedu tinofara kumurumbidza uye kuudza vamwe nezvemabasa ake esimba. (Pis. 79:13) Uyezve, zvakanaka kuti tiongorore nhoroondo yedu, todzidza pane zvakaitika, uye toronga ramangwana.

19. Sezvo tiine chiedza chinobva kuna Mwari, tinofanira kuitei?

19 Tinofara kuti hatidzadzariki murima asi tine chiedza chinobva kuna Mwari. (Zvir. 4:18, 19) Saka ngatishingairei kudzidza Shoko raMwari uye kuudza vamwe chokwadi tiine mafungiro akaita seemunyori wepisarema akarumbidza Changamire Ishe Jehovha nemashoko aya: “Ndichataura nezvokururama kwenyu, kwenyu imi moga. Haiwa Mwari, makandidzidzisa kubvira ndichiri muduku, uye kusvikira zvino ndinoramba ndichizivisa mabasa enyu anoshamisa. Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya, kusvikira ndaudza chizvarwa chinotevera nezvoruoko rwenyu, ivo vose vaya vachauya, nezvesimba renyu.”—Pis. 71:16-18.

20. Inyaya dzipi dziripo, uye unonzwa sei nezvadzo?

20 Sevanhu vaJehovha vakazvitsaurira, tinoziva nyaya dzine chokuita nouchangamire hwaMwari uye kuperera kwevanhu kwaari. Zvechokwadi, tinozivisa chokwadi chisingarambiki chokuti Jehovha ndiye Changamire wezvinhu zvose, akakodzera kuti tizvipire kwaari. (Zvak. 4:11) Tichibatsirwa nomudzimu wake, tinozivisawo mashoko akanaka kuvanyoro, tinosunga maronda evakaora mwoyo, uye tinonyaradza vaya vanochema. (Isa. 61:1, 2) Pasinei nezvingaitwa naSatani kuti atonge vanhu vaMwari uye vanhu vose, isu tinokoshesa chaizvo nhaka yedu inobva kuna Mwari uye tatsidza mumwoyo kuramba takaperera kuna Mwari uye kurumbidza Changamire Ishe Jehovha iye zvino uye nokusingaperi.—Verenga Pisarema 26:11; 86:12.