Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uri Mumupata waJehovha Unodzivirira

Ramba Uri Mumupata waJehovha Unodzivirira

“Jehovha [acharwa] nemarudzi iwayo sezvaanoita pazuva rake rehondo, pazuva rokurwa.”—ZEK. 14:3.

1, 2. Ihondo ipi iri kuuya, uye vashumiri vaMwari havazofaniri kuitei muhondo iyoyo?

MUSI wa30 October, 1938, vanhu vokuUnited States vane mamiriyoni vaiteerera purogiramu yeparedhiyo yainge yakakurumbira yaiita zvemitambo. Mutambo waivako manheru iwayo wainge watorwa mubhuku renyaya yokufungidzira rinonzi The War of the Worlds. Vatambi vacho vaiita sevari kuverenga nhau vachitsanangura kuti mazimhuka ainge abva kuMars ainge asvika panyika achiiparadza. Kunyange zvazvo zvainge zvaziviswa kuti purogiramu yacho yeparedhiyo yaiva mutambo, vateereri vakawanda vakafunga kuti izvi zvaitoitika uye vakatya. Vamwe vakatotora matanho okuzvidzivirira pamazimhuka ainzi ainge abva kuMars.

2 Mazuva ano kune hondo chaiyo iri kuuya. Zvisinei, vanhu vari kukundikana kutora matanho akakodzera. Hondo iyoyo haitaurwi mubhuku renyaya yokufungidzira, asi muShoko raMwari rakafemerwa, Bhaibheri. Ihondo yeAmagedhoni, hondo yaMwari yokurwisana nenyika ino yakaipa. (Zvak. 16:14-16) Muhondo iyi, vashumiri vaMwari vepanyika havazofaniri havo kuzvidzivirira sezvakaitwa nevanhu vambotaurwa. Asi vachakatyamadzwa nezviitiko zvinoshamisa uye kuratidzwa kwesimba kunotyisa kuchaitwa naMwari.

3. Tichakurukura uprofita hupi uye nei huchikosha kwatiri?

3 Uprofita hweBhaibheri huri muchitsauko 14 chaZekariya hunotaura zvakawanda zvichaitika pahondo yeAmagedhoni. Kunyange zvazvo hwakanyorwa makore anenge 2 500 apfuura, uprofita uhwu huri kuzadziswa munguva yedu. (VaR. 15:4) Zvakawanda zvahunotaura zvine chokuita nezvave zvichiitika  kuvanhu vaMwari kubvira pakagadzwa Umambo hwaMesiya kudenga muna 1914 uye zvinhu zvinofadza zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. Zvimwe zvinokosha zviri muuprofita hwacho zvinosanganisira kuvapo kwo“mupata mukuru” uye kubuda kwe“mvura mhenyu.” (Zek. 14:4, 8) Mupata iwoyo unokosha chaizvo pakudzivirira vanamati vaJehovha. Uye patinonzwisisa kubatsirwa kwatingaitwa nemvura mhenyu iyoyo, tichaona kukosha kwekuti tiinwe uyewo tichava nechido chokuinwa. Saka tinobatsirwa nokunyatsoongorora uprofita uhwu.—2 Pet. 1:19, 20.

KUTANGA KWE“ZUVA RAJEHOVHA”

4. (a) “Zuva raJehovha” rakatanga rini? (b) Pachine makumi emakore 1914 asati asvika, vanamati vaJehovha vaizivisei, uye vatungamiriri venyika vakaita sei?

4 Chitsauko 14 chaZekariya chinotanga nokutaura nezve“zuva raJehovha.” (Verenga Zekariya 14:1, 2.) Zuva iri chii? ‘Izuva raShe,’ rakatanga “umambo hwenyika” pahwakava “umambo hwaShe wedu nohwaKristu.” (Zvak. 1:10; 11:15) Zuva iroro rakatanga muna 1914 pakatanga Umambo hwaMesiya kudenga. Makumi emakore 1914 asati asvika, vanamati vaJehovha vakazivisa marudzi kuti “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzaizoguma gore iroro uye kuti nyika yaizopinda munguva yematambudziko ainge asati amboitika. (Ruka 21:24) Marudzi akaita sei? Pane kuteerera nyevero iyoyo yainge yapiwa panguva, vatungamiriri venyika nevezvitendero vakanyomba uye vakatambudza vaevhangeri ivavo vaishingaira. Zvavakaita izvozvo, kwaitova kunyomba Mwari Wemasimbaose, nokuti vaKristu vakazodzwa vanomiririra “Jerusarema rokudenga” kana kuti Umambo hwaMesiya.—VaH. 12:22, 28.

5, 6. (a) Zvii zvakagara zvataurwa kuti marudzi aizoitira “guta” uye “vagari” varo? (b) ‘Vanhu vaizosara’ vaiva vanaani?

5 Zekariya akagara ataura zvaizoitwa nemarudzi achiti: “Guta racho [Jerusarema] richatorwa.” “Guta racho” rinomirira Umambo hwaMwari hunotongwa naMesiya. Rinomiririrwa panyika ne“vagari” varo, ivo vaKristu vakazodzwa vachiri panyika. (VaF. 3:20) MuHondo Yenyika I, hama dzaitungamirira muchikamu chepasi pano chesangano raJehovha ‘dzakatorwa’ kana kuti dzakasungwa, ndokuendeswa kujeri muAtlanta, Georgia, U.S.A. ‘Dzimba dzakapambwa’ pakuti hama idzi nevamwe vainge vakaperera kuna Mwari vakabatwa zvisina kunaka uye zvine utsinye. Vavengi ava vakaita sekuti vapamba kana kuti vamisa zvaiitwa nevakazodzwa vainge vachiri panyika nokurambidza mabhuku avo uye kumisa basa rokuzivisa Umambo.

6 Kunyange zvazvo vanhu vaMwari vaiva vashoma, vachireverwa nhema, vachipikiswa uye vachitambudzwa nevavengi, kunamata kwechokwadi kwaisagona kutsvairwa panyika. Paiva ‘nevanhu vaizosara,’ kureva vakazodzwa vainge vachiri panyika avo vakaramba ‘kuparadzwa muguta.’

7. Muenzaniso weZvapupu zvaJehovha zvakazodzwa unobatsira sei vanamati vose vechokwadi mazuva ano?

7 Uprofita uhwu hwakangozadziswa chete pakapera Hondo Yenyika I here? Kwete. Marudzi aizotambudzazve vakazodzwa vainge vachiri panyika neshamwari dzavo dzakavimbika dzaiva netariro yepanyika. (Zvak. 12:17) Izvozvo zvakaitikawo muHondo Yenyika II. Muenzaniso wokuperera kuna Mwari kweZvapupu zvakazodzwa zvakatendeka unokurudzira vashumiri vaMwari mazuva ano kuti vatsungirire chero miedzo yavangasangana nayo, inosanganisira kushorwa  neveukama vasingatendi, vokubasa, kana vokuchikoro vanovaseka nemhaka yokutenda kwavo. (1 Pet. 1:6, 7) Pasinei nekwavanogara, vanamati vechokwadi vakatsunga kupfuura kare ‘kumira vakasimba mumafungiro mamwe chete,’ ‘vasingambotyiswi nevanopikisana navo.’ (VaF. 1:27, 28) Asi vanhu vaJehovha vangawana kupi nzvimbo isina ngozi munyika inovavenga?—Joh. 15:17-19.

JEHOVHA ANOITA KUTI PAVE “NOMUPATA MUKURU”

8. (a) Dzimwe nguva makomo anomirirei muBhaibheri? (b) “Gomo remiorivhi” rinomirirei?

8 Sezvo Jerusarema, iro “guta,” richimirira Jerusarema rokudenga, “gomo remiorivhi, riri pakatarisana neJerusarema” rinofanirawo kumirira chimwe chinhu. Gomo iroro rinomirirei? ‘Raizotsemuka nepakati’ sei kuti rive makomo maviri? Nei Jehovha achiati “makomo angu”? (Verenga Zekariya 14:3-5.) MuBhaibheri, makomo anogona kumirira umambo, kana hurumende. Uyewo rinoti makomborero uye kudzivirirwa zvinobva kugomo raMwari. (Pis. 72:3; Isa. 25:6, 7) Saka gomo remiorivhi, pakamirwa naMwari kumabvazuva kweJerusarema repanyika, rinomirira uchangamire hwaJehovha, utongi hwake hunopfuura humwe hwose.

9. “Gomo remiorivhi” rinotsemuka nepakati pakudii?

9 Kutsemuka kwegomo remiorivhi nepakati kunorevei? Gomo riri kumabvazuva kweJerusarema rinotsemuka nepakati pakuti Jehovha anotanga humwe utongi kubva pane hwakagara huripo. Utongi uhwu hwechipiri ndihwo Umambo hwaMesiya hunotongwa naJesu Kristu. Ndosaka Jehovha achidana makomo maviri anovapo panotsemuka “gomo remiorivhi” nepakati kuti “makomo angu.” (Zek. 14:4) Ose ari maviri ndeake.

10. “Mupata mukuru” uri pakati pemakomo maviri unomirirei?

10 Gomo racho rekufananidzira parinotsemuka nepakati, hafu ichienda kuchamhembe imwe yacho kumaodzanyemba, Jehovha anoramba akatsika pamakomo acho ari maviri. Pasi petsoka dzaJehovha panova “nomupata mukuru.” Mupata uyu unomirira kudzivirira kwaMwari. Vashumiri vaJehovha vanodzivirirwa neuchangamire hwake uye Umambo hwaMesiya. Jehovha achava nechokwadi chokuti kunamata kwechokwadi hakuzomboparadzwi. Kutsemurwa kwegomo remiorivhi nepakati kwakaitika riini? Kwakaitika pakagadzwa Umambo hwaMesiya, pakaguma Nguva dzeMamwe Marudzi muna 1914. Vanamati vechokwadi vakatanga riini kutizira mumupata wokufananidzira?

KUTANGA KUTIZIRA MUMUPATA!

11, 12. (a) Vashumiri vaMwari vakatanga rini kutizira mumupata wokufananidzira? (b) Chii chinoratidza kuti Jehovha ari kutsigira vanhu vake noruoko rune simba?

11 Jesu akayambira vateveri vake kuti: “Muchavengwa nemarudzi ose nokuda kwezita rangu.” (Mat. 24:9) Mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa, kubvira muna 1914, ruvengo irworwo rwave ruchiwedzera. Pasinei nokuti vakazodzwa vachiri panyika vakarwiswa chaizvo nevavengi vavo muHondo Yenyika I, boka iroro rakatendeka harina kuparadzwa. Muna 1919, vakasunungurwa muBhabhironi Guru, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. (Zvak. 11:11, 12) * Ipapo ndipo pavakatanga kutizira mumupata wemakomo aJehovha.

12 Kubvira muna 1919 mupata wokudzivirira kwaMwari wave uchidzivirira  vanamati vechokwadi pasi pose. Munyika dzakawanda, kwemakumi emakore, hurumende dzange dzichiedza kumisa ushumiri hweZvapupu zvaJehovha uye kurambidza mabhuku azvo anotsanangura Bhaibheri. Izvozvo zvichiri kuitika mune dzimwe nyika. Asi pasinei nezvadzingaita, hadzizofi dzakabudirira kutsakatisa kunamata kwechokwadi! Jehovha acharamba achitsigira vanhu vake noruoko rune simba.—Dheut. 11:2.

13. Tinoramba sei tiri mumupata waJehovha unodzivirira, uye nei zvichikosha chaizvo kuti tirambe tirimo iye zvino?

13 Kana tikaramba tiri pedyo naJehovha uye takamira zvakasimba muchokwadi, iye neMwanakomana wake, Jesu Kristu, vachatidzivirira, uye Mwari haazoregi chero ani kana chero chii ‘chichitibvuta muruoko rwake.’ (Joh. 10:28, 29) Jehovha akagadzirira kutipa chero rubatsiro runodiwa kuitira kuti timuteerere saChangamire wezvinhu zvose uye kuti tirambe tiri vanhu vakavimbika vanotongwa noUmambo hwaMesiya. Zvinokosha kuti tirambe tiri mumupata unodzivirira, nokuti panguva yokutambudzika kukuru kwava pedyo tichatoda kudzivirirwa zvakanyanya.

KUSVIKA ‘KWEZUVA REHONDO’

14, 15. Pa“zuva [raMwari] rehondo” yokuparadza vavengi vake, zvinhu zvichange zvakaita sei kune vaya vari kunze kwemupata?

14 Sezvo kuguma kwenyika ino yakaipa kunoswedera pedyo, Satani achawedzera kurwisa vashumiri vaJehovha. Pasina nguva, Satani acharwisa vanhu vaMwari kekupedzisira. Jehovha achabva aunza “zuva rake rehondo” pavavengi vake. Pazuva iroro, Changamire wezvinhu zvose acharatidza kuti anorwa zvine mbiri kupfuura zvaakamboita “pazuva rokurwa” chero ripi zvaro.—Zek. 14:3.

15 Pazuva raMwari rehondo, zvinhu zvichange zvakaita sei kune vaya vari kunze kwe“mupata mukuru” unodzivirira? Havazovi “nechiedza chinokosha,” izvo zvinoreva kuti havazofarirwi naMwari. Pazuva iroro rokurwa riri kuuya, “mabhiza, manyurusi, ngamera, mbongoro hono, nezvipfuwo zvemarudzi ose,” izvo zvinomirira zvombo zvehondo zvemarudzi, zvichashaya basa. Zvombo zvakadaro “zvichaumbana,” zvotadza kushanda sokuti zvaoma nechando. Jehovha achashandisawo chirwere uye “denda.” Pasinei nokuti ringava denda chairo kana kuti kwete, iro richaita kuti vavengi vatadze kutityisidzira. Pazuva iroro, ‘maziso omunhu uye rurimi zvichaora’ pakuti vavengi vacho havazokwanisi kutirwisa uye kutaura mashoko akaipa. (Zek. 14:6, 7, 12, 15) Hapana chikamu chenyika chichapona. Vanenge vachitsigira Satani muhondo yacho vachange vakawanda. (Zvak. 19:19-21) “Vaya vachaurayiwa naJehovha vachavapo pazuva iroro kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika.”—Jer. 25:32, 33.

16. Zuva raMwari rehondo zvarava pedyo, mibvunzo ipi yatinofanira kufungisisa uye tichafanira kuitei?

16 Hondo yagara ichiunza kutambura kunyange kune vaya vanozokunda. Zvokudya zvingaita zvishoma. Vanhu vangarasikirwa nezvinhu zvavo. Upenyu hungaoma. Vanhu vangashayiwa rusununguko. Kana tikazosangana nematambudziko akadaro, tichaita sei? Tichashaya kuti toita sei here? Ticharega kuvimba naMwari here? Tichaora mwoyo here toshaya tariro? Zvichange zvichikosha chaizvo panguva yokutambudzika kukuru kuti tirambe tichivimba nesimba raJehovha rokuponesa uye kuramba tiri mumupata unodzivirira!—Verenga Habhakuki 3:17, 18.

 “MVURA MHENYU ICHABUDA”

17, 18. (a) “Mvura mhenyu” chii? (b) “Gungwa rokumabvazuva” rinomirirei uye “gungwa rokumavirira” rinomirirei? (c) Sezvaunotarira mberi, watsidza mumwoyo kuitei?

17 Pashure peAmagedhoni, “mvura mhenyu” icharamba ichiyerera ichibva kuchigaro choUmambo hwaMesiya. “Mvura mhenyu” iyi inomirira urongwa hwaJehovha hwokutsigira upenyu. “Gungwa rokumabvazuva” iGungwa Rakafa, “gungwa rokumavirira” iGungwa reMediterranean. Ose anomirira vanhu. Zvakakodzera chaizvo kuti Gungwa Rakafa rimirire vaya vari muguva. Sezvo Gungwa reMediterranean rakazara nezvisikwa zvipenyu, zvakakodzera kuti rimiririre “boka guru” revachapona paAmagedhoni. (Verenga Zekariya 14:8, 9; Zvak. 7:9-15) Saka, mapoka acho ari maviri achabatsirwa nokusunungurwa murufu rwakaunzwa naAdhamu sezvaanoramba achipedza nyota yawo nemvura yokufananidzira, kana kuti “rwizi rwemvura youpenyu.”—Zvak. 22:1, 2.

Tsidza mumwoyo kuramba uri mumupata waJehovha unodzivirira

18 Tichidzivirirwa naJehovha, tichapona kuguma kwenyika ino yakaipa topinda munyika yaMwari yakarurama. Kunyange zvazvo tichivengwa nemarudzi ose, ngatitsidzei mumwoyo kuramba tiri vanhu vakavimbika vanotongwa noUmambo hwaMwari, uye kuramba tiri mumupata waJehovha unodzivirira.

^ ndima 11 Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! mapeji 169-170.