Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

VaJudha vomunguva yaJesu vaigadzirira sei mitumbi yevakafa kuti vazovaviga?

VaJudha vaikurumidza kuviga mufi, kazhinji musi chaiwo waanenge afa. Pane zvikonzero zviviri zvaiita kuti vadaro. Chokutanga, kuMiddle East kunopisa, saka mitumbi haitani kuora. Chechipiri, maererano nemafungiro aiita vanhu vepanguva yacho, kusiya mutumbi usina kuvigwa kwemazuva kwairatidza kusaremekedza mufi wacho nemhuri yake.

Munhoroondo dzeEvhangeri uye mubhuku raMabasa makanyorwa nezvevanhu vanenge vana vakavigwa musi chaiwo wavakafa. (Mateu 27:57-60; Mabasa 5:5-10; 7:60–8:2) Mazana emakore akanga apfuura, mudzimai waJakobho waaida Rakeri akafa Jakobho nemhuri yake vari parwendo. Pane kuti atakure mutumbi wake kuenda nawo kwaivigirwa vanhu vemumhuri yake, Jakobho akamuviga muguva “panzira inoenda . . . kuBhetrehema.”—Genesisi 35:19, 20, 27-29.

Nyaya dzomuBhaibheri dzinotaura nezvourongwa hwokuvigwa kwevafi dzinoratidza kuti vaJudha vainyatsogadzirira mutumbi kuti uzovigwa. Vemumhuri neshamwari vaigeza mutumbi wemufi, vouzora mafuta nezvinonhuwirira vobva vauputira nemachira. (Johani 19:39, 40; Mabasa 9:36-41) Vavakidzani nevamwewo vanhu vaiuya kuzochema nokunyaradza mhuri yemufi.—Mako 5:38, 39.

Jesu akavigwa zvakafanana nezvaiitwa vamwe vaJudha here?

Mhuri dzakawanda dzechiJudha dzaiviga vafi vadzo mumapako nemumakuva aicherwa pamatombo akapfava anowanikwa munzvimbo dzakawanda muIsrael. Zvavaiita ndizvo zvaiitwa nemadzitateguru avo kare. Abrahamu, Sara, Isaka, Jakobho nevamwewo, vakavigwa mubako reMakpera pedyo neHebroni.—Genesisi 23:19; 25:8, 9; 49:29-31; 50:13.

Jesu akavigwa muguva rakacherwa padombo guru. (Mako 15:46) Makuva akadaro aiwanzova nemusuo mudiki. Mukati macho mainge makacherwa anenge masherefu padombo racho umo maizoiswa mitumbi yevakafa vemumhuri. Kana mutumbi waora, mabhonzo anenge aoma aiunganidzwa oiswa mubhokisi rakagadzirwa nedombo uye iyi ndiyo tsika yaiitwa munguva yaJesu. Izvi zvaiita kuti mhuri yacho izowana nzvimbo muguva racho yokuviga vamwe vomumhuri vaizofa.

Mutemo waMosesi wairambidza vaJudha kuviga munhu pazororo reSabata. Sezvo Jesu akafa anenge maawa matatu Sabata risati ratanga, Josefa wokuArimatiya nevamwe vake, vakaviga mutumbi wake usati wapera kugadzirirwa. (Ruka 23:50-56) Ndokusaka dzimwe shamwari dzaJesu dzakaenda kuguva pashure peSabata dzichida kupedzisa kugadzirira mutumbi wake.—Mako 16:1; Ruka 24:1.