Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?

Mwari haana mudzimai waakabereka naye vana. Ndiye Musiki wezvinhu zvose zvipenyu. Vanhu vakasikwa vachikwanisa kutevedzera unhu hwaMwari. Ndokusaka munhu wokutanga akasikwa naMwari, Adhamu achinzi “mwanakomana waMwari.” Jesu anonziwo “Mwanakomana waMwari” nokuti akasikwa aine unhu hwakafanana nehwaBaba vake.—Verenga Ruka 3:38; Johani 1:14, 49.

Jesu akasikwa rini?

Mwari akasika Jesu asati asika Adhamu. Mwari akatoshandisa Jesu pakusika zvimwe zvinhu zvose, kusanganisira ngirozi. Ndosaka Bhaibheri richidana Jesu kuti “dangwe rezvisikwa zvose” zvaMwari.—Verenga VaKorose 1:15, 16.

Jesu aigara kudenga ari ngirozi asati aberekwa muBhetrehema. Mwari akazotamisa upenyu hwaJesu kubva kudenga kuenda mudumbu raMariya kuitira kuti aberekwe semunhu.—Verenga Ruka 1:30-32; Johani 6:38; 8:23.

Nei Mwari akaita kuti Jesu aberekwe panyika semunhu? Ibasa ripi rinokosha rakaitwa naJesu? Unogona kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi muBhaibheri uye dzichakubatsira chaizvo kuwedzera kunzwisisa uye kuonga kwaunoita zvawakaitirwa naMwari naJesu.