Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudza Zita Guru raJehovha

Kudza Zita Guru raJehovha

“Ndichakudza zita renyu nokusingagumi.”—PIS. 86:12.

1, 2. Kusiyana nemachechi echiKristudhomu, Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei zita raMwari?

MACHECHI echiKristudhomu akawanda akaramba zita raMwari. Somuenzaniso, mashoko okutanga eBhaibheri rinonzi Revised Standard Version anoti: “Kushandiswa kwezita chairo raMwari mumwe chete . . . hakuna kutombokodzera zvachose kuChechi yechiKristu.”

2 Asi Zvapupu zvaJehovha zvinodada nokudanwa nezita raMwari uye kurikudza. (Verenga Pisarema 86:12; Isaya 43:10.) Uyewo tinoiona seropafadzo kunzwisisa zvinorehwa nezita iroro uye nyaya ine chokuita nekutsveneswa kwaro. (Mat. 6:9) Iyoyo iropafadzo yatinofanira kukoshesa. Saka ngatikurukurei mibvunzo mitatu inokosha: Zvinorevei kuziva zita raMwari? Jehovha ave achiita sei zvinoenderana nezita rake guru kuti rirambe richikudzwa? Uye tingafamba sei nezita raJehovha?

ZVAZVINOREVA KUZIVA ZITA RAMWARI

3. Zvinorevei kuziva zita raMwari?

3 Kuziva zita raMwari kunosanganisira zvakawanda kupfuura kungoziva kuti anonzi “Jehovha.” Kunosanganisira kuziva mukurumbira wake, uyewo zvaari, chinangwa chake, uye mabasa ake anotaurwa muBhaibheri, akadai sezvaakaitira vashumiri vake. Ichokwadi kuti Jehovha anoita kuti vanhu vawedzere zvishoma nezvishoma kumunzwisisa paanenge achizadzisa chinangwa chake. (Zvir. 4:18) Jehovha akazivisa vanhu vaviri vokutanga zita rake, zvokutoti Evha akarishandisa paakabereka Kaini. (Gen. 4:1) Vanhu vainge vakatendeka vakadai saNoa, Abrahamu, Isaka, uye Jakobho, vaiziva zita raMwari. Uyewo vaiwedzera kurinzwisisa, Jehovha zvaaivakomborera, kuvatarisira, uye kuvazivisa zvimwe zvinhu zvine chokuita nechinangwa chake. Mwari akaita kuti Mosesi anzwisise chimwe chinhu chinokosha pamusoro pezvinorehwa nezita rake.

Mosesi aiziva zvinorehwa nezita raMwari uye izvozvo zvakasimbisa kutenda kwake

4. Nei Mosesi akabvunza Mwari zita rake uye nei zvaiva nemusoro kuti Mosesi anetseke?

4 Verenga Eksodho 3:10-15. Mosesi paainge ava nemakore  80, Mwari akamupa murayiro wokuti: “Ubudise vanhu vangu, ivo vanakomana vaIsraeri, muIjipiti.” Mosesi akabva abvunza mubvunzo unokosha asi achiratidza kuremekedza. Tingatoti Mosesi akabvunza kuti: ‘Munonzi ani?’ Sezvo zita raMwari rainge ragara richizivikanwa, Mosesi aibvunzirei? Zviri pachena kuti aida kuziva zvakawanda nezvemunhu aiva nezita iroro, zvinhu zvaizoita kuti vanhu vaMwari vabvume kuti zvechokwadi aizovanunura. Zvaiva nemusoro kuti Mosesi anetseke, nokuti vaIsraeri vainge vava nenguva vari varanda. Zvimwe vainetseka kana Mwari wemadzitateguru avo aizokwanisa kuvanunura. Zvechokwadi, vamwe vaIsraeri vainge vava kutonamata vanamwari vevaIjipiti!—Ezek. 20:7, 8.

5. Jehovha akaratidza sei zvinorehwa nezita rake paakapindura Mosesi?

5 Jehovha akapindura sei Mosesi? Akati: “Uti kuvanakomana vaIsraeri, ‘NDICHAVA ndiye andituma kwamuri.’” * Uye akawedzera kuti: “Jehovha, Mwari wemadzitateguru enyu . . . andituma kwamuri.” Mwari akaratidza kuti anova chero zvaanosarudza kuva kuti azadzise chinangwa chake uye kuti nguva dzose anozadzisa zvaanenge avimbisa. Saka mundima 15 tinoverenga kuti Jehovha pachake akati: “Iri ndiro zita rangu nokusingagumi, uye ndiro randichayeukwa naro kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.” Mashoko aya anofanira kunge akasimbisa kutenda kwaMosesi uye akaita kuti ashamiswe!

JEHOVHA AKAITA ZVAIENDERANA NEZITA RAKE

6, 7. Zvii zvakaitwa naJehovha zvinonyatsoenderana nezita rake guru?

6 Pashure pokunge apa Mosesi basa, Jehovha akanyatsoita zvaienderana nezita rake ‘nokuva’ Mununuri waIsraeri. Akanyadzisa Ijipiti nematambudziko gumi, achiratidzawo kuti vanamwari veIjipiti, vaisanganisira Farao, vainge vasina simba. (Eks. 12:12) Akabva avhura Gungwa Dzvuku, akaita kuti vaIsraeri vafambe nepakati paro uye akanyudza Farao nemauto ake. (Pis. 136:13-15) “Murenje guru uye rinotyisa,” Jehovha akava Muchengetedzi woupenyu nokupa zvokudya nemvura vanhu vake, zvimwe vaiva mamiriyoni maviri kana matatu kana kupfuura! Akatoitawo kuti nguo nehwashu dzavo zvisasakare. (Dheut. 1:19; 29:5) Chokwadi hapana chinogona kutadzisa Jehovha kuita zvinoenderana nezita rake risina rimwe raringaenzaniswa naro. Akazoudza Isaya kuti: “Ini—ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.”—Isa. 43:11.

 7 Joshua, uyo akazotsiva Mosesi, akaonawo mabasa anoshamisa aJehovha muIjipiti uye murenje. Ndokusaka Joshua paainge ava kuda kufa akakwanisa kutaura zvinobva pamwoyo kune vamwe vaIsraeri kuti: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.” (Josh. 23:14) Chokwadi, pasina kana mubvunzo, Jehovha akazadzisa shoko rake, kana kuti akaita zvinoenderana nezita rake.

8. Jehovha ari kuita sei zvinoenderana nezita rake mazuva ano?

8 Mazuva ano, Jehovha ari kuitawo zvinoenderana nezita rake. Achishandisa Mwanakomana wake, akagara ataura kuti mumazuva okupedzisira, mashoko oUmambo aizoparidzwa “munyika yose inogarwa.” (Mat. 24:14) Ndiani mumwe kunze kwaMwari Wemasimbaose aigona kugara ataura nezvebasa rakadaro, oona kuti raitwa achishandisa “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza” vakawanda? (Mab. 4:13) Saka patinoitawo basa iri tinenge tichitobatsirawo pakuzadzisa uprofita hweBhaibheri. Tinokudza Baba vedu uye tinoratidza kuti tinenge tichirevesa patinonyengetera tichiti: “Zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mat. 6:9, 10.

ZITA RAKE IGURU

Farao akaramba kuti Jehovha aiva Mwari

9, 10. Nemabatiro aakaita vaIsraeri, Jehovha akaramba sei achiwedzera kuratidza zvairehwa nezita rake, uye zvakaguma nei?

9 VaIsraeri vachangobuda muIjipiti, Jehovha akaita kuti vanhu vake vawedzere kumuziva kupfuura zvavaiita. Achishandisa sungano yoMutemo, akava ‘murume wavo’ achizvipira kuita mabasa ose anotarisirwa kuti aitwe nomurume. (Jer. 3:14) VaIsraeri vakabva vavawo mudzimai wake wokufananidzira, vanhu vaidanwa nezita rake. (Isa. 54:5, 6) Pavaizviisa pasi pake uye pavaichengeta mirayiro yake, iye aibva avawo ‘Murume’ wavo akanaka. Aivakomborera, achivachengeta, uye achiita kuti vave norugare. (Num. 6:22-27) Saka zita guru raJehovha raibva rakudzwa pakati pemarudzi. (Verenga Dheuteronomio 4:5-8; Pisarema 86:7-10.) VaIsraeri pavaiva vanhu vaMwari, vanhu vemamwe marudzi vakawanda vaibatana navo mukunamata kwechokwadi. Vaiita sevari kutaura zvakaudzwa Naomi naRute muMoabhi: “Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo.”—Rute 1:16.

10 Kwemakore anenge 1 500, mabatiro aiita Jehovha vaIsraeri akaratidza zvimwe  zvinhu zvitsva zvakawanda nezvake. Kunyange zvazvo vairamba vachimutadzira, Jehovha akaratidza kuti aiva “Mwari ane ngoni” uye “anononoka kutsamwa.” Aivaitira mwoyo murefu unoshamisa. (Eks. 34:5-7) Zvisinei, mwoyo murefu waJehovha une pawaizogumira, uye wakazoguma rudzi rwechiJudha parwakaramba Mwanakomana wake, rukamuuraya. (Mat. 23:37, 38) VaIsraeri havana kuramba vari vanhu vanodanwa nezita raMwari. Mwari, ainge ava kuvaona semuti wakaoma. (Ruka 23:31) Izvozvo zvakaita kuti vaone sei zita raMwari?

11. Rudzi rwechiJudha rwakasvika sei pakurega kushandisa zita raMwari?

11 Zvakaitika kare zvinoratidza kuti vaJudha vakatanga kuva nepfungwa isiriyo yokuti zita raMwari raiva dzvene zvokuti raisatombofanira kutaurwa. (Eks. 20:7) Zvishoma nezvishoma vaJudha vakarega kushandisa zita raMwari. Zviri pachena kuti Jehovha akarwadziwa kuona zita rake richizvidzwa zvakadaro. (Pis. 78:40, 41) Kunyange zvakadaro, zviri pachena kuti Mwari, uyo “ane zita rokuti Ane Godo” aisazorega zita rake riri pavanhu vainge vamuramba uye vaainge aramba. (Eks. 34:14) Pfungwa iyoyo inofanira kuita kuti tione kukosha kwokuremekedza zvikuru zita roMusiki wedu.

VANHU VATSVA VANODANWA NEZITA RAMWARI

12. Jehovha akaita sei kuti pave nevanhu vanodanwa nezita rake vainge vagara vataurwa?

12 Jehovha akashandisa Jeremiya kuzivisa chinangwa chake chokuita “sungano itsva” nerudzi rutsva, Israeri waMwari. Jeremiya akazivisa kuti vanhu vose verudzi irworwo, “kubvira kumuduku wavo kunyange kusvikira kumukuru wavo” ‘vaizoziva Jehovha.’ (Jer. 31:31, 33, 34) Uprofita ihwohwo hwakatanga kuzadziswa paPendekosti ya33 C.E., Mwari paakaita sungano itsva. Rudzi rutsva, kana kuti “Israeri waMwari,” urwo rwaisanganisira vaJudha nevasiri vaJudha, rwakava “vanhu vezita” raMwari, kana kuti “vanhu vanoshevedzwa nezita rangu,” akadaro Jehovha.—VaG. 6:16; verenga Mabasa 15:14-17; Mat. 21:43.

13. (a) VaKristu vepakutanga vaishandisa zita raMwari here? Tsanangura. (b) Unoona sei ropafadzo yokushandisa zita raJehovha muushumiri?

13 Sezvo vaiva “vanhu vanoshevedzwa nezita” raMwari, vanhu vaiva murudzi urwu rutsva vaishandisa zita raMwari, uye vairishandisawo pavaitora mashoko muMagwaro echiHebheru. * Saka muapostora Petro paakataura nevaJudha uye vakatendeukira kuchiJudha vainge vabva kunyika dzakawanda paPendekosti ya33 C.E., akashandisa zita raMwari kanoverengeka. (Mab. 2:14, 20, 21, 25, 34) VaKristu vepakutanga vaikudza Jehovha, saka iye akavakomborerawo pabasa ravo rokuparidza. Mazuva ano, Jehovha anotikomborerawo patinoita ushumiri hwedu tichizivisa zita rake uye tichiriratidza vanofarira mumaBhaibheri avo, kana zvichiita. Tinenge tichivabatsira kuti vazive Mwari wechokwadi. Chokwadi iropafadzo kwavari uye kwatiri! Dzimwe nguva, kuvabatsira saizvozvo kunoita kuti vatange ukama hwakazonaka naJehovha uhwo hunozoramba huchisimba uye hunozogara nokusingaperi.

14, 15. Pasinei nokupararira kwakaita vanhu vakaramba chokwadi, Jehovha akaitei panyaya yezita raanoyeukwa naro?

14 Vanhu vakaramba chokwadi vakazotanga kukanganisa ungano yechiKristu yepakutanga, kunyanya pakafa vaapostora. (2 VaT. 2:3-7) Vadzidzisi venhema vakatotanga kutevedzera tsika yechiJudha  yokusashandisa zita raMwari. Asi Jehovha aizorega zita raaiyeukwa naro richitsakatiswa here? Kana! Ichokwadi kuti madudzirwo arwo haachanyatsozivikanwi, asi richiripo. Kwenguva yakareba, zita iroro rave richiwanika mushanduro dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri, uye muzvinyorwa zvevaongorori veBhaibheri. Somuenzaniso, muna 1757, Charles Peters akanyora kuti zita rokuti “Jehovha” “rinoita sokuti ndiro rinonyanya kuratidza zvaari chaizvo” kupfuura mamwe mazita ose aMwari okuremekedza. Mubhuku raakanyora muna 1797, raitaura nezvekunamata Mwari, Hopton Haynes akatanga chitsauko 7 nokuti: “JEHOVHA zita chairo raMWARI raishandiswa nevaJudha; iye mumwe chete wavainamata; sezvaiitawo Kristu neVaapostora vake.” Henry Grew (1781-1862) haana kungoshandisa zita Mwari chete asi akanzwisisawo kuti rainge razvidzwa uye raifanira kutsveneswa. George Storrs (1796-1879), uyo akashanda naCharles T. Russell, akashandisawo zita raMwari, sezvaiitawo Russell.

15 Gore ra1931 raikosha chaizvo, nokuti mugore iroro vanhu vaMwari, vainzi Vadzidzi veBhaibheri panguva iyoyo, vakagamuchira zita rinobva muMagwaro rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10-12) Saka vakazivisa nyika yose kuti vaidada nokuva vashumiri vaMwari mumwe chete wechokwadi, kuva “vanhu vezita rake,” vachirirumbidza. (Mab. 15:14) Kuchengetedza kwakaita Jehovha zita rake kunotiyeuchidza mashoko ake ari pana Maraki 1:11 okuti: “Zita rangu richava guru pakati pemarudzi kubvira kunobuda nezuva kusvikira kwarinovirira.”

FAMBA NEZITA RAJEHOVHA

16. Nei tichifanira kuona kufamba nezita raJehovha sekukudzwa?

16 Muprofita Mika akanyora kuti: “Marudzi ose, achafamba rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.” (Mika 4:5) Kubvumira kwakaita Jehovha kuti Vadzidzi veBhaibheri vashandise zita rake kwaiva kuvakudza chaiko. Kwairatidzawo kuti aivafarira. (Verenga Maraki 3:16-18.) Asi iwe unoti kudii nazvo? Uri kuita zvose zvaunogona kuti ‘ufambe nezita raJehovha’ here? Unonzwisisa here kuti izvozvo zvinosanganisirei?

17. Kufamba nezita raMwari kunosanganisirei?

17 Kufamba nezita raMwari kunosanganisira zvinhu zvinenge zvitatu. Chokutanga, tinofanira kuzivisa vamwe zita iroro, tichiziva kuti vaya ‘vanodana zita raJehovha chete ndivo vachaponeswa.’ (VaR. 10:13) Chechipiri, tinofanira kutevedzera Jehovha, kunyanya pakuratidza rudo. Uye chechitatu, tinofamba nezita raMwari patinoteerera mitemo yake yakarurama nomufaro, tisingamboiti kuti zita dzvene raBaba vedu rizvidzwe. (1 Joh. 4:8; 5:3) Watsunga here kufamba “nezita raJehovha Mwari wedu nokusingagumi”?

18. Nei vose vanokudza zita guru raJehovha vachikwanisa kutarisira kuti ramangwana richange rakanaka?

18 Pasina nguva, vaya vose vasingateereri kana kuti vanopandukira Jehovha vachamanikidzwa kumuziva. (Ezek. 38:23) Izvozvo zvinosanganisira vanhu vakaita saFarao uyo akati: “Jehovha ndianiko, kuti nditeerere inzwi rake?” Pasina nguva, akazoziva kuti Jehovha aiva ani! (Eks. 5:1, 2; 9:16; 12:29) Asi isu takasvika pakuziva Jehovha nemwoyo unoda. Tinodada nokuva vanhu vanomuteerera uye vanodanwa nezita rake. Saka tinotarisira chaizvo mune ramangwana tiine chivimbo nemashoko ari pana Pisarema 9:10 anoti: “Vaya vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti hamuzosiyi vaya vanokutsvakai, haiwa Jehovha.”

^ ndima 5 Zita raMwari rakafanana neshoko rechiito rechiHebheru rinoreva kuti “kuva.” Saka “Jehovha” zvinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.”—Gen. 2:4.

^ ndima 13 Magwaro echiHebheru aishandiswa nevaKristu vepakutanga aiva nemabhii mana anomiririra zita raMwari. Pane uchapupu hunoratidza kuti mabhii iwayo aivawo mumaBhaibheri epakutanga eshanduro yechiGiriki yeMagwaro echiHebheru inonzi Septuagint.