Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Jesu Uve Neupenyu Hunogutsa

Tevedzera Jesu Uve Neupenyu Hunogutsa

“Famba sokufamba kwakaita Jesu.”—1 Johani 2:6, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

SEZVATAKURUKURA munyaya yapfuura, Jesu aiva neupenyu hunogutsa. Saka kana tichida kufara uye kugutsikana muupenyu, zvakanaka kuti titevedzere muenzaniso wake uye titeerere mazano ake.

Jehovha anototikurudzira kuti tidaro sezviri murugwaro ruri pamusoro apa. Kufamba sezvakaita Jesu kunosanganisira kuita kuti upenyu hwedu hwese huenderane nemararamiro aaiita uye zvaakadzidzisa. Kuita izvi kunoita kuti tifarirwe naMwari uye tive neupenyu hunogutsa.

Zvimwe zvakadzidziswa naJesu zvinosanganisira chokwadi chinotibatsira kuti timutevedzere. Tinowana zvimwe zvacho muMharidzo yake yakakurumbira yepaGomo. Ngatimboongororai zvimwe, toona kuti tingazvishandisa sei muupenyu hwedu.

ZANO RAJESU: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—Mateu 5:3.

KUBATSIRWA KWATINOITWA NEZANO IRI KUTI TIVE NEUPENYU HUNOGUTSA:

Jesu akaratidza kuti zviri muropa kuti vanhu vade kuziva Mwari. Tinoda kuziva mhinduro dzemibvunzo yakadai sokuti: Nei tiri panyika? Nei panyika paine matambudziko akawanda kudai? Mwari ane hanya nesu zvechokwadi here? Kune humwe upenyu pashure perufu here? Tinoda kuziva mhinduro dzemibvunzo iyi kuitira kuti tive neupenyu hunogutsa. Jesu aiziva kuti Shoko raMwari chete ndiro rinogona kutipa mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi. Paainyengetera kuna Baba vake, Jesu akati: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Shoko raMwari ringanyatsotibatsira kuti tizive Mwari uye kuti tifare here?

KUBATSIRWA KWAKAITWA VAMWE:

Esa aiva muimbi mukuru mune rimwe bhendi raiva nemukurumbira uye akanga ava pedyo nokuva muimbi ane mukurumbira mumusambo werock. Kunyange zvakadaro, Esa akanga asiri kunyatsofara muupenyu. Anoti: “Kunyange zvazvo ndainakidzwa nokuva mubhendi, ndainzwa sokuti upenyu hwangu hahuna chinangwa.” Esa akazosangana nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Ndakamunaya nemibvunzo. Mhinduro dzake dzemuMagwaro dzine musoro dzakaita kuti ndide kuziva zvakawanda zvokuti ndakabvuma kuti adzidze neni Bhaibheri. Esa akabayiwa mwoyo nezvaakadzidza uye akabva azvipira kunamata Jehovha. “Kare ndaigara ndichizvipinza muna taisireva asi iye zvino ndava neupenyu hunofadza uye hunogutsa,” anodaro Esa. *

ZANO RAJESU: “Vanofara vane ngoni.”—Mateu 5:7.

KUBATSIRWA KWATINOITWA NEZANO IRI KUTI TIVE NEUPENYU HUNOGUTSA:

Ngoni dzinosanganisira kunzwira vamwe tsitsi, kuvaitira mutsa uye kufungawo zvakavanakira. Jesu akanzwira ngoni vaya vaida kubatsirwa. Tsitsi huru dzaiita kuti abatsire vaya vaitambura. (Mateu 14:14; 20:30-34) Kana tikatevedzera Jesu pakuratidza ngoni, tinova neupenyu hunogutsa nokuti kuratidza ngoni kunoita kuti munhu agume ava kufara muupenyu. (Mabasa 20:35) Tinogona kuratidza ngoni kana tikava nemutsa mumatauriro nemaitiro edu, tichizorodza vaya vanoda kubatsirwa. Kuva nengoni kunoita kuti tifare zvechokwadi here?

Maria naCarlos

KUBATSIRWA KWAKAITWA VAMWE:

Maria nemurume wake Carlos vanoratidza muenzaniso wakanaka wokuva nengoni. Baba vaMaria vakafirwa nemudzimai uye vava kungoswera vakarara nourwere. Maria naCarlos vakavatora uye vari kuvachengeta  kumba kwavo vachivaitira zvose. Mhuri iyi inombotadza kurara, pamwe pacho ichimbomhanya navo kuchipatara kana shuga yavo yakwidza. Vanobvuma kuti dzimwe nguva vanomborukutika zvikuru. Asi vari kufara sezvakataurwa naJesu, nokuti vanogutsikana zvikuru nokuziva kuti vari kubatsira baba vaMaria.

ZANO RAJESU: “Vanofara vanoita kuti pave norugare.”—Mateu 5:9.

KUBATSIRWA KWATINOITWA NEZANO IRI KUTI TIVE NEUPENYU HUNOGUTSA:

Kuita kuti pave nerugare kunoita sei kuti tive neupenyu hunogutsa? Tichafarirwa nevamwe kana tikaita zvose zvatinogona kuti tive nerugare navo. Zvakanaka kuteerera zano reBhaibheri rokuti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.” (VaRoma 12:18) “Vanhu vose” vanosanganisira vemumhuri nevamwewo vangadaro vasingatendi zvatinotenda. Kuva norugare “nevanhu vose” kunonyatsoita kuti tive neupenyu hunofadza uye hunogutsa here?

Nair

KUBATSIRWA KWAKAITWA VAMWE:

Funga zviri kuitika kune mumwe mukadzi anonzi Nair. Kwemakore akawanda, ange achisangana nemiedzo inoita kuti zvimuomere kuva nerugare nevamwe kunyanya vemumhuri make. Kubvira paakatizwa nemurume wake makore anenge 15 akapfuura, ari kurera vana vake ari oga. Mumwe mwanakomana wake akanga apindwa muropa nemadhiragi zvokuti akanga asisadzoreki, achitotyisidzira amai vake nehanzvadzi yake. Nair anoti zvaakadzidza muBhaibheri ndizvo zviri kumupa simba rokuti ave nerugare nevamwe kunyange pazvinenge zvakaoma saizvozvo. Anoedza kusaitisana nharo nevamwe. Anoedza kuva netsitsi nemutsa uye kunzwisisawo vamwe. (VaEfeso 4:31, 32) Anobvuma kuti kudzidza kuva nerugare nevamwe kuri kumubatsira kuti agarisane zvakanaka chaizvo nevemumhuri make uye nevamwewo vanhu.

KUZIVA RAMANGWANA

Kana tikatevedzera mazano okuchenjera aJesu, tichafara uye tichagutsikana muupenyu. Zvisinei, kuti tive neupenyu hunofadza uye hunogutsa zvechokwadi, tinofanira kuziva kuti ramangwana rakamira sei. Asi upenyu hwedu hungafadza sei isu tichiziva kuti tichakwegura uye ticharwara, tofa? Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika iye zvino.

Zvisinei pane mashoko akanaka! Jehovha ane makomborero akawanda aachapa vose vanoedza “kufamba sokufamba kwakaita Jesu.” Anovimbisa kuti achaunza nyika itsva yakarurama munguva pfupi iri pedyo, iyo ichange iine vanhu vakatendeka, vachirarama nokusingaperi vasingarwari, sezvaidiwa naJehovha. Shoko rake rinoti: “Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Maria, mbuya vane makore 84 vambotaurwa munyaya yokutanga, vari kufarira chaizvo kuzoona izvi zvichiitika. Ko iwe ungada here kuziva zvakawanda nezve“upenyu chaihwo” uhwo huchawanika kana Umambo hwaMwari hwava kutonga? (1 Timoti 6:19) Kana uchida, unogona kutaura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti kunyorera kuvabudisi vemagazini ino. *

^ ndima 8 Unogona kuverenga nyaya yakazara yaEsa panyaya yakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu—Ndaiva Neunhu Hwakashata”.

^ ndima 18 Bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha riri kubatsira vakawanda kudzidza nyaya dzakawanda dzemuMagwaro.