Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Zvinoita here kuti munhu anzwisise Bhaibheri?

Bhaibheri iShoko raMwari. Rakafanana netsamba inobva kuna baba vane rudo. (2 Timoti 3:16) MuBhaibheri, Mwari anotsanangura zvatingaita kuti timufadze, kuti nei achibvumira zvakaipa, uye zvaachaitira vanhu mune ramangwana. Asi vafundisi vakamonyanisa zvinodzidziswa neBhaibheri, zvokuti vakawanda vava kufunga kuti havambofi vakarinzwisisa.—Mabasa 20:29, 30.

Jehovha Mwari anoda kuti tizive chokwadi nezvake. Ndosaka akatipa bhuku iri ratinogona kunzwisisa.—Verenga 1 Timoti 2:3, 4.

Ungaita sei kuti unzwisise Bhaibheri?

Jehovha akatipa Bhaibheri uye anotibatsirawo kuti tirinzwisise. Akatuma Jesu kuti atidzidzise. (Ruka 4:16-21) Jesu akabatsira vateereri vake kuti vanzwisise Magwaro, achitaura nezvendima dzakasiyana-siyana.—Verenga Ruka 24:27, 32, 45.

Jesu akatanga ungano yechiKristu kuti basa raakatanga ritange. (Mateu 28:19, 20) Mazuva ano vateveri vaJesu vechokwadi vanobatsira vanhu kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri nezvaMwari. Kana uchida kunzwisisa Bhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvingafara chaizvo kukubatsira.—Verenga Mabasa 8:30, 31.