Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsirwa Uye Batsira Vamwe neShoko raMwari

Batsirwa Uye Batsira Vamwe neShoko raMwari

“Ndakati mirayiro yose yezvinhu zvose yakarurama.”—PIS. 119:128.

1. Nei tichifanira kunyatsovimba neShoko raMwari?

VAKURU pavanoongorora kana mudzidzi weBhaibheri achikwanisa kutanga kuparidza, vanozvibvunza kuti, ‘Kutaura kwomunhu wacho kunoratidza here kuti anotenda kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa?’ * Vose vanenge vachida kuva vaparidzi voUmambo, kusanganisira vashumiri vose vaMwari, vanofanira kupindura kuti hongu zvisina kana mubvunzo. Nemhaka yei? Kuvimba kwatinoita neShoko raMwari uye kuva neunyanzvi pakurishandisa muushumiri zvichaita kuti tibatsire vamwe kuziva Jehovha uye kuwana ruponeso.

2.. Nei tichifanira ‘kurambira pazvinhu zvatakadzidza’?

2 Muapostora Pauro akasimbisa kukosha kweShoko raMwari paakanyorera Timoti kuti: “Rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo.” “Zvinhu” zvakataurwa naPauro ichokwadi cheBhaibheri chakaita kuti Timoti atende mashoko akanaka. Chokwadi ichi chave chichitibatsirawo uye chinoramba chichitibatsira kuramba ‘takachenjera kuti tiwane ruponeso.’ (2 Tim. 3:14, 15) Tinowanzoshandisa mashoko anotevera aPauro tichiratidza vamwe kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari, asi mumwe nomumwe anogona kubatsirwawo nemashoko iwayo ari pana 2 Timoti 3:16. (Verenga.) Ngatinyatsokurukurei ndima iyoyo. Izvozvo zvichaita kuti tiwedzere chivimbo chokuti dzidziso dzose dzaJehovha ‘dzakarurama.’—Pis. 119:128.

“RUNOBATSIRA PAKUDZIDZISA”

3-5. (a) Vanhu vazhinji vakaita sei pavakanzwa hurukuro yaPetro paPendekosti, uye nei vakadaro? (b) Chii chakaita kuti vakawanda muTesaronika vabvume chokwadi? (c) Chii chingashamisa vanhu mazuva ano nezveushumiri hwedu?

3 Jesu akaudza rudzi rwevaIsraeri kuti: “Ndiri kukutumirai vaprofita nevarume vakachenjera nevarayiridzi  vevanhu vose.” (Mat. 23:34) Jesu aitaura vadzidzi vake, vaakadzidzisa kushandisa Magwaro muushumiri hwavo. PaPendekosti ya33 C.E., mumwe weava “varayiridzi vevanhu vose,” muapostora Petro, akapa hurukuro kuvanhu vazhinji vaiva muJerusarema achishandisa ndima dzinoverengeka dzeMagwaro echiHebheru. Vakawanda pavakanzwa Petro achitaura kushanda kwemashoko acho, “vakabayiwa pamwoyo.” Vanhu ivavo vakapfidza zvivi zvavo. Vanenge 3 000 vakakumbira kukanganwirwa naMwari vakava vaKristu.—Mab. 2:37-41.

4 Mumwe murayiridzi wevanhu vose, muapostora Pauro, akaparidza mashoko akanaka munzvimbo dzaiva kure neJerusarema. Somuenzaniso, muTesaronika, guta reMakedhoniya, akataura nevaya vainamata musinagogi. KwemaSabata matatu, Pauro “akakurukurirana navo achishandisa Magwaro, achitsanangura uye achiratidza nezvakanyorwa kuti zvakanga zvakakodzera kuti Kristu atambure uye kuti amuke kubva kuvakafa.” Zvakaguma nei? “Vamwe vavo [vaJudha] vakava vatendi,” uye ndizvo zvakaitawo “vazhinjizhinji vevaGiriki.”—Mab. 17:1-4.

5 Mashandisiro anoita vashumiri vaMwari Bhaibheri mazuva ano anoshamisa vakawanda. Pashure pokunge mumwe saimba kuSwitzerland ateerera imwe hanzvadzi yedu ichiverenga rugwaro, akaibvunza kuti: “Muri vechechi ipi?” Yakapindura kuti: “Ini nemumwe wangu tiri Zvapupu zvaJehovha.” Iye akati: “Ndaisafanira kubvunza. Pane vamwe here kunze kweZvapupu zvaJehovha, vangauya pamba pangu kuzoverenga Bhaibheri?”

6, 7. (a) Vaya vanodzidzisa muungano vangashandisa sei Bhaibheri zvakanaka? (b) Nei kushandisa Magwaro nounyanzvi pazvidzidzo zveBhaibheri kuchikosha chaizvo?

6 Tinganyatsoshandisa sei Bhaibheri pakudzidzisa? Kana uine ropafadzo yokudzidzisa ungano uri pachikuva, nyatsosarudza magwaro okushandisa. Pane kungotaura zviri mumagwaro anokosha kana kuaverenga kubva papepa kana pane mumwe mudziyo wemagetsi, vhura Bhaibheri woriverenga, uye kurudzira vateereri kuvhurawo avo. Uyewo wana nguva yokuratidza kushanda kwendima dzacho zvokuti vateereri vanobatsirwa kuswedera pedyo naJehovha. Pane kushandisa mienzaniso yakaoma uye zvakaitika zvokungosetsa vanhu, shandisa nguva yacho kutsanangura Shoko raMwari.

7 Tinofanira kufungei patinenge tichiitisa zvidzidzo zveBhaibheri? Patinenge tichishandisa mabhuku edu echiKristu, tinofanira kungwarira kuti tisangosiya magwaro arimo. Tinofanira kukurudzira mudzidzi kuverenga magwaro ane mashoko asina kunyorwamo, tomubatsira kunzwisisa zvaanoreva. Tingazviita sei? Hatidi kuita mutorododo wetsanangudzo asi tinofanira kukurudzira mudzidzi kutaura zvaanofunga. Pane kumuudza zvaanofanira kutenda kana kuti zvokuita, tinogona kubvunza mibvunzo yakanaka ichamubatsira kuona pfungwa yakarurama. *

“RUNOBATSIRA . . . PAKUTSIURA”

8. Pauro aiva nedambudziko ripi?

8 Tinowanzofunga kuti “kutsiura” ibasa rinofanira kuitwa nevakuru vechiKristu. Uye zvechokwadi, vatariri vane basa ‘rokutsiura vaya vane tsika yokuita chivi.’ (1 Tim. 5:20; Tito 1:13) Asi kuzvitsiura kunokoshawo. Pauro aiva muKristu aiita zvakanaka uye aiva nehana yakachena. (2 Tim. 1:3) Kunyange zvakadaro, akanyora kuti: “Ndinoona munhengo dzangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi.” Kana  tikadzidza zvakaita kuti ataure mashoko aya, tichanzwisisa hondo yaiva naPauro pakuedza kuzvidzora kuti asaite chivi.—Verenga VaRoma 7:21-25.

9, 10. (a) Pauro angangodaro airwisana nematambudziko api? (b) Pauro angangodaro airwisa sei kuti asaita chivi?

9 Pauro aiedza kukunda matambudziko api? Kunyange zvazvo asina kuataura, akanyorera Timoti kuti aimbova “munhu aiita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Asati atendeuka, Pauro aiitira vaKristu hasha dzakaipa. Nezvemanzwiro aaiita pamusoro pevateveri vaKristu, akareurura kuti: “Ndaivapengera kwazvo.” (Mab. 26:11) Pauro akadzidza kudzora hasha dzake, asi dzimwe nguva aiomerwa nokudzora manzwiro ake uye zvaaitaura. (Mab. 15:36-39) Chii chakamubatsira kubudirira?

10 Paainyorera vaKristu vokuKorinde, Pauro akatsanangura nzira yaaishandisa pakuzvitsiura. (Verenga 1 VaKorinde 9:26, 27.) Aiita sokuti ari kunyatsokanda zvibhakera kuti arwise muviri wake usina kukwana. Angangodaro aitsvaka mazano muMagwaro, oteterera kubatsirwa naJehovha kuti aashandise, uye oshanda nesimba kuti avandudze. * Tinogona kubatsirwa nomuenzaniso wake nokuti isuwo tinorwisana nezvido zvokutadza.

11. Tingaramba sei ‘tichizviedza’ kuti tione kana tiri kufamba muchokwadi?

11 Pakunamata kwedu hatifaniri kumbofa takafunga kuti hapana chingatiwana. Asi tinofanira ‘kuramba tichizviedza’ kuti tive nechokwadi chokuti tiri kufamba muchokwadi. (2 VaK. 13:5) Patinenge tichiverenga magwaro akadai saVaKorose 3:5-10, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kushanda nesimba here kuuraya zvido zvokutadza kana kuti ndiri kufarira zvinovengwa naMwari? Pandinenge ndichishandisa Indaneti, pakabuda zvinhu zvounzenza ndinozvivhara here, kana kuti ndinotoita zvokutsvaka nzvimbo dzazviri?’ Kushandisa mazano eShoko raMwari saizvozvo kuchatibatsira ‘kuramba takamuka, takasvinura.’—1 VaT. 5:6-8.

“RUNOBATSIRA . . . PAKURURAMISA ZVINHU”

12, 13. (a) Chinangwa chedu “pakururamisa zvinhu” ndechei, uye tingatevedzera sei Jesu pakuita izvozvo? (b) Matauriro api asingatombofaniri kuitwa “pakururamisa zvinhu” nevamwe?

12 Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kururamisa zvinhu” rinoreva “kuita kuti chinhu chinake, kuchigadzirisa, kuita kuti chirurame sepakutanga.” Dzimwe nguva tinofanira kutora danho rokururamisa zvinhu nevamwe vasingatinzwisisi kana kuti vasinganzwisisi zvatinoita. Somuenzaniso, vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakanyunyuta kuti Jesu aiva nomutsa ku“vateresi nevatadzi.” Jesu akavapindura kuti: “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda. Saka endai, mudzidze kuti izvi zvinorevei, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’” (Mat. 9:11-13) Aitsanangurira vose mashoko aMwari nemwoyo murefu uye nomutsa. Saka vanhu vaizvininipisa vakasvika pakuziva Jehovha sa“Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi.” (Eks. 34:6) Vakawanda vakasvika pakutenda mashoko akanaka pamusana pezvaiedza kuitwa neMwanakomana waMwari “pakururamisa zvinhu.”

13 Muenzaniso waJesu unotidzidzisa zvatinofanira kuita pakubatsira vamwe. Munhu anenge agumbuka angangoerekana ati, ‘Ndinoda kukugadzirisa.’ Asi izvozvo handicho chinangwa chezvinotaurwa pana 2 Timoti 3:16. “Rugwaro rwose” harutipi mvumo yokuitira vamwe hasha. Kufanana ‘nokubaya kunoita bakatwa,’ kutsoropodza  vamwe kunowanzokonzera marwadzo uye hakuna zvakunobatsira.—Zvir. 12:18.

14-16. (a) Vakuru ‘vangaruramisa sei zvinhu’ nenzira inobatsira vamwe kugadzirisa matambudziko avo? (b) Nei “kururamisa zvinhu” maererano neMagwaro kuchikosha chaizvo pakurera vana?

14 Saka tingaratidza sei mwoyo murefu uye mutsa “pakururamisa zvinhu”? Ngatitii murume nomudzimai vakumbira mukuru kuti avabatsire kupedza kukakavadzana kwavanogara vachiita. Mukuru wacho angaitei? Asina waanotsigira, anogona kukurukura navo zvinotaura Bhaibheri, zvichida achishandisa zviya zviri muchitsauko 3 chebhuku raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Mukuru wacho paanenge achitungamirira pakukurukurirana kwacho, murume nomudzimai wacho vangaona kuti mumwe nomumwe anofanira kunyanya kushandisa zano ripi. Nokufamba kwenguva, mukuru wacho angazobvunza kuti zvinhu zviri sei mumhuri yacho opa rumwe rubatsiro kana zvakakodzera.

 15 Vabereki ‘vangaruramisa zvinhu’ sei zvokuti vanosimbisa vana vavo pakunamata? Fungidzira uchida kubatsira mwanasikana wako kuti arege ushamwari husina kukodzera. Kutanga, unofanira kutsvaka chokwadi chenyaya yacho. Kana paine chikonzero chokuti utaure naye, unogona kutaura naye zvichida uchishandisa mazano ari muna Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2. Mumazuva anotevera, unogona kupedza imwe nguva uinaye. Unogonawo kuona mafungiro ake paanenge ari muushumiri kana kuti pamunenge muchizvivaraidza semhuri. Kana ukava nemwoyo murefu uye mutsa, mwanasikana wako achaona kuti unomuda. Izvozvo zvingangoita kuti ashandise mazano ako osakanganisa upenyu hwake.

Kana vabereki vakashandisa Bhaibheri nemutsa “pakururamisa” vana vavo, vachavabatsira kudzivisa marwadzo akawanda (Ona ndima 15)

16 Kana tikaratidza mwoyo murefu uye mutsa saizvozvo, tinogonawo kukurudzira vaya vari kushushikana neutano, vakaora mwoyo nokupererwa nebasa, kana kuti vari  kuvhiringidzika nedzimwe dzidziso dzemuMagwaro. Kushandisa Shoko raMwari “pakururamisa zvinhu” kunounza makomborero akawanda kuvanhu vaJehovha.

“RUNOBATSIRA . . . PAKURANGA NOKURURAMA”

17. Nei tichifanira kugamuchira chirango tichifara?

17 “Hapana kurangwa kunoita sokunofadza panguva ino, asi kunoshungurudza.” Asi “pashure kwozoberekera vakarovedzwa nakwo chibereko chine rugare, iko kururama.” (VaH. 12:11) VaKristu vakawanda vakura vanobvuma kuti kurangwa kwavaiitwa nevabereki vavo Zvapupu kwakavabatsira. Uye kubvuma kurangwa naJehovha achishandisa vakuru, kunoita kuti tirambe tiri munzira inoenda kuupenyu.—Zvir. 4:13.

18, 19. (a) Nei zano riri pana Zvirevo 18:13 richikosha chaizvo “pakuranga nokururama”? (b) Vakuru pavanoratidza unyoro uye rudo pakukurukura nevatadzi, chii chinowanzoitika?

18 Zvinoda unyanzvi kuti munhu ape chirango chinobatsira. Jehovha akaudza vaKristu kuti vachipe “nokururama.” (2 Tim. 3:16) Saka tinofanira kushandisa mazano eBhaibheri patinopa vamwe chirango. Rimwe racho riri pana Zvirevo 18:13, panoti: “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.” Saka, vakuru pavanenge vachifanira kutaura nemunhu anenge achinzi akaita chivi chakakura, vanofanira kunyatsoongorora nyaya yacho kuti vawane zvose. (Dheut. 13:14) Kana vakadaro vachakwanisa kupa chirango “nokururama.”

19 Uyezve, Shoko raMwari rinorayira vakuru kuti varuramise vamwe “nounyoro.” (Verenga 2 Timoti 2:24-26.) Chokwadi, munhu angazvidzisa Jehovha uye angarwadzisa vanhu vasina mhosva. Kunyange zvakadaro, mukuru anoshatirwa pakupa munhu akadaro zano haazomubatsiri. Zvisinei, kana vakuru vakatevedzera “mutsa waMwari,” vangaita kuti mutadzi apfidze.—VaR. 2:4.

20. Vabereki vanofanira kushandisa mazano api pakuranga vana vavo?

20 Vabereki vanofanira kushandisa mazano eBhaibheri pakurera vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Baba havafaniri kuranga mwanakomana wavo vasina kunzwa zvose zvine chokuita nenyaya yacho. Uye mumhuri yechiKristu hamutombofaniri kuitwa zvehasha. “Jehovha ane rudo rukuru uye ane ngoni,” uye vaya vane basa rokuranga vaduku vanofanira kuedza kutevedzera rudo rwakadaro.—Jak. 5:11.

CHIPO CHINOKOSHA CHATAKAPIWA NAJEHOVHA

21, 22. Mashoko api ari muPisarema 119:97-104 anonyatsotsanangura manzwiro aunoita pamusoro peShoko raJehovha?

21 Mumwe murume aitya Mwari akataura chaiita kuti ade mutemo waJehovha. (Verenga Pisarema 119:97-104.) Kuudzidza kwakaita kuti awane uchenjeri uye kunzwisisa. Kuchengeta zano rawo kwakamubatsira kusafamba munzira dzenhema dzaiunza marwadzo kune vamwe. Kudzidza Magwaro kwaimufadza uye kwaiita kuti agutsikane. Ainge akatsunga kuteerera Mwari ane mirayiridzo yainge yamubatsira pane zvakawanda chaizvo muupenyu.

22 Unokoshesa “Rugwaro rwose” here? Unogona kurushandisa kusimbisa kutenda kwaunoita kuti Mwari achazadzisa chinangwa chake. Mazano arimo anokudzivirira kuti usava netsika yokuita chivi zvichizoguma norufu. Kana ukatsanangura Magwaro nounyanzvi, unogona kubatsira vamwe kutanga kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu uye kuramba vari mauri. Tose zvedu ngatinyatsoshandisei “Rugwaro rwose” sezvatinoshumira Jehovha, Mwari wedu akachenjera kupfuura vamwe vose uye ane rudo.

^ ndima 1 Ona Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, peji 79.

^ ndima 7 Paaidzidzisa, Jesu aiwanzobvunza vamwe kuti: “Munofungei?” Aibva avapa nguva yokupindura.—Mat. 18:12; 21:28; 22:42.

^ ndima 10 Tsamba dzaPauro dzinokurudzira chaizvo nyaya yokuti tirwise kuti tisaita chivi. (VaR. 6:12; VaG. 5:16-18) Saka zvine musoro kuti titi iyewo aishandisa mazano aaipa vamwe.—VaR. 2:21.