Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SWEDERA PEDYO NAMWARI

Jehovha Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?

Jehovha Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?

“Kuzviona semunhu asingabatsiri ndiro dambudziko rakakura chaizvo randiri kurwisana naro kuti ndiswedere pedyo naMwari.” Izvi ndizvo zvakataurwa nemumwe mukadzi uyo aifunga kuti Jehovha haangambovi nehanya naye. Ndizvo zvaunofungawo here? Kana zvirizvo, unganetseka kuti, ‘Jehovha ane hanya zvechokwadi here nemunamati wake mumwe nomumwe?’ Mhinduro ndeyokuti hongu! Mashoko aJesu anotiratidza kuti Jehovha ane hanya nemunhu mumwe nomumwe.—Verenga Johani 6:44.

Jesu, uyo anonyatsoziva unhu hwaJehovha nezvaanoda kupfuura chero ani zvake, akati chii nezvaJehovha? (Ruka 10:22) Maererano neBhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi, Jesu akati: “Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva.” Saka hatigoni kuva muteveri waKristu uye munamati waBaba vedu vokudenga Jehovha, kunze kwokunge Jehovha atikweva. (2 VaTesaronika 2:13) Kana tikanzwisisa zvairehwa naJesu tichaona kuti mashoko ake ane uchapupu hwakasimba hwokuti Mwari ane hanya nesu.

Zvinorevei kuti Jehovha anotikweva? Shoko rechiito rechiGiriki rakashandurwa kuti “kweva” rinoshandiswawo panotaurwa nezvekudhonza mambure ehove. (Johani 21:6, 11) Jehovha anotidhonza tisingadi otimanikidza kuti timunamate here? Aiwa. Akatipa rusununguko rwokusarudza zvatinoda, saka haatimanikidzi kuvhura mwoyo wedu. (Dheuteronomio 30:19, 20) Imwe nyanzvi yakazvitaura ichiti: “Dhoo remwoyo womunhu harina mubato wokunze. Rinotofanira kuvhurwa nomukati.” Jehovha anoongorora mabhiriyoni emwoyo yevanhu vari munyika achitsvaka vaya vane mafungiro akanaka. (1 Makoronike 28:9) Kana akawana munhu akadaro, Jehovha anoita zvinoita kuti munhu wacho aite chimwe chinhu. Anozviita sei?

Jehovha anokweva norudo mwoyo wemunhu ane “mafungiro akanaka.” (Mabasa 13:48) Anozviita achishandisa nzira mbiri. Anoshandisa mashoko akanaka omuBhaibheri aanoita kuti tinzwe somunhu mumwe nomumwe uye anoshandisawo mudzimu wake mutsvene. Kana Jehovha akaona mwoyo unoda kuteerera chokwadi cheBhaibheri, anoshandisa mudzimu wake kubatsira munhu iyeye kuti anzwisise uye ashandise chokwadi chacho muupenyu hwake. (1 VaKorinde 2:11, 12) Taisazombokwanisa kuva vateveri vaJesu vemwoyo wose uye vanamati vaJehovha vakazvipira, kudai tisingabatsirwi naMwari.

“Dhoo remwoyo womunhu harina mubato wokunze. Rinotofanira kuvhurwa nomukati”

Saka mashoko aJesu ari pana Johani 6:44 anotidzidzisei nezvaJehovha Mwari? Jehovha anokwevera vanhu kwaari nokuti anoona zvakanaka zviri mumwoyo mavo uye ane hanya nemunhu mumwe nomumwe. Kunzwisisa chokwadi ichi kwakabatsira mukadzi ataurwa patangira nyaya ino. Anoti: “Kuva mushumiri waJehovha iropafadzo huru chaizvo isingaenzaniswi nedzimwe. Kana Jehovha akandisarudza kuva mushumiri wake, zvinoratidza kuti ndinokosha kwaari.” Zvakadini newe? Kuziva kuti Jehovha ane hanya nevanamati vake somunhu mumwe nomumwe kunoita kuti ude kuswedera pedyo naye here?

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna May

Ruka 22-24Johani 1-16