Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Basa Rako soMuevhangeri

Ita Basa Rako soMuevhangeri

“Ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako zvizere.”—2 TIM. 4:5.

1. Nei tingati Jehovha ndiye Muevhangeri wokutanga uye anopfuura vamwe vose?

MUEVHANGERI munhu anoudza vamwe mashoko akanaka. Muevhangeri wokutanga uye anopfuura vamwe vose ndiJehovha Mwari. Vabereki vedu vokutanga pavakangopanduka, Jehovha akazivisa mashoko akanaka okuti nyoka, kureva Satani Dhiyabhorosi, ichaparadzwa. (Gen. 3:15) Kwemazana emakore akazotevera, Jehovha akafemera varume vakatendeka kuti vanyore udzamu hwokuti zita rake rakazvidzwa richacheneswa sei, kuti zvakakanganiswa naSatani zvichagadziriswa sei, uye kuti vanhu vangawanazve sei mikana yakaraswa naAdhamu naEvha.

2. (a) Ngirozi dzinoitawo chii pabasa rouevhangeri? (b) Jesu akaratidza kuti vaevhangeri vanofanira kuita sei?

2 Ngirozi dzinoitawo basa rouevhangeri. Idzo pachadzo dzinoudza vamwe mashoko akanaka, uye dzinobatsira vamwe pakuparadzira mashoko akanaka. (Ruka 1:19; 2:10; Mab. 8:26, 27, 35; Zvak. 14:6) Zvakadini naMikaeri, ngirozi huru? Paaiva panyika achinzi Jesu, akaratidza zvaifanira kuitwa nevaevhangeri vepanyika. Jesu akatoita kuti kuparadzira mashoko akanaka kuve chinhu chikuru muupenyu hwake!—Ruka 4:16-21.

3. (a) Mashoko akanaka atinoparadzira chii? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kufunga nezvayo sevaevhangeri?

3 Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vave vaevhangeri. (Mat. 28:19, 20; Mab. 1:8) Muapostora Pauro akakurudzira mumwe wake, Timoti, kuti: “Ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako zvizere.” (2 Tim. 4:5) Sevateveri vaJesu, mashoko api akanaka atinoparadzira? Anosanganisira chokwadi chinokurudzira chokuti Baba vedu vokudenga, Jehovha, vanotida. (Joh. 3:16; 1 Pet. 5:7) Jehovha Mwari anonyanya kuratidza rudo rwake achishandisa Umambo hwake. Saka, tinoudza vamwe tichifara kuti vose vanozviisa pasi pokutonga kwoUmambo, vanoteerera Mwari, uye vanoita zvakarurama vanogona kuva noukama naye seshamwari dzake. (Pis.  15:1, 2) Jehovha anotova nechinangwa chokubvisa kutambura kwose. Achabvisawo marwadzo anokonzerwa nokufunga kutambura kwatakaita munguva yakapfuura. Iwayo mashoko akanaka zvechokwadi! (Isa. 65:17) Sezvo tiri vaevhangeri, ngatikurukurei mhinduro dzemibvunzo miviri inokosha yokuti: Nei zvichikosha kuti vanhu vanzwe mashoko akanaka mazuva ano? Uye tingabudirira sei kuita basa redu sevaevhangeri?

NEI VANHU VACHIFANIRA KUNZWA MASHOKO AKANAKA?

Mibvunzo yakanaka inobatsira vamwe kuti vave nezvikonzero zvezvavanotenda

4. Inyaya dzipi dzenhema dzinoudzwa vanhu nezvaMwari?

4 Fungidzira uchiudzwa kuti baba vako vakakusiya uye vakasiyawo mhuri yose. Ngatitii vaya vanoti vaivaziva vanotaura kuti baba vako vaisava noushamwari, vaisabuda pachena pane zvakawanda, uye vaiva noutsinye. Vamwe vangatoita kuti ufunge kuti hazvibatsiri kuedza kuvatsvaka nokuti vakafa. Vakawanda vanotoudzwa nyaya dzakadaro nezvaMwari. Vanodzidziswa kuti Mwari haanzwisisiki, kuti hazviiti kumuziva, kana kuti ane utsinye. Somuenzaniso, vamwe vakuru vezvitendero vanoti Mwari acharanga vakaipa mumoto nokusingaperi. Vamwe vanoti kutambura kunokonzerwa nenjodzi dzinongoitika dzoga kunobva kuna Mwari. Kunyange zvazvo njodzi idzodzo dzichiuraya vakanaka nevakaipa, dzinonzi chirango chinobva kuna Mwari.

Mibvunzo inovavhura pfungwa nemwoyo kuti vagamuchire chokwadi

5, 6. Dzidziso yokushanduka-shanduka nedzimwe dzidziso dzenhema dzakakanganisa sei vanhu?

5 Vamwe vanosimbirira kuti Mwari haako. Panyaya iyi, funga nezvedzidziso yokushanduka-shanduka. Vakawanda vanotsigira dzidziso iyoyo vanoti zvinhu zvipenyu zvakangovapo zvoga. Vanoti hakuna Musiki. Vamwe vakatoti munhu anongova imwe mhuka, zvokuti hazvifaniri kushamisa munhu paanoita semhuka. Vanoti vane simba pavanodzvinyirira vasina simba vanenge vachingoitawo maererano nezvinoitwa nemhuka. Hazvishamisi kuti vakawanda vanofunga kuti zvakaipa zvicharamba zviripo. Saka vaya vanotenda dzidziso yokushanduka-shanduka havana tariro.

6 Hapana mubvunzo kuti dzidziso yokushanduka-shanduka nedzimwe dzidziso dzenhema zviri kuitawo kuti vanhu vatambure mumazuva ano ekupedzisira. (VaR. 1:28-31; 2 Tim. 3:1-5) Dzidziso idzi dzevanhu hadzisi mashoko akanaka echokwadi uye anogara kwenguva refu. Asi sezvakataurwa nemuapostora Pauro, dzakaita kuti vanhu vave ‘murima mupfungwa, uye vaparadzaniswe noupenyu hwaMwari.’ (VaEf. 4:17-19) Uyewo, dzidziso yokushanduka-shanduka nedzimwe dzidziso dzenhema dzakatadzisa vanhu kubvuma mashoko akanaka anobva kuna Mwari.—Verenga VaEfeso 2:11-13.

Mibvunzo inovabatsirawo kushandisa pfungwa kuti vaone kuti zvakarurama ndezvipi

7, 8. Ndeipi nzira imwe chete inogona kuita kuti vanhu vanyatsonzwisisa mashoko akanaka?

7 Kuti vanhu vayananiswe naMwari, vanofanira kutanga vava nechokwadi chokuti Jehovha ariko uye kuti pane zvikonzero zvakanaka zvokuswedera pedyo naye. Tinogona kuvabatsira kuwana ruzivo nokuvakurudzira kuongorora zvinhu zvakasikwa. Vanhu pavanodzidza zvinhu zvakasikwa vachida kunyatsowana chokwadi, vanodzidza nezveuchenjeri hwaMwari uye simba rake. (VaR. 1:19, 20) Kuti tibatsire vanhu kuremekedza Musiki wedu Mukuru pavanoona zvaakasika, tinogona kushandisa mabhurocha maviri anoti Was Life Created? uye The Origin of Life—Five Questions Worth Asking. Kunyange zvakadaro, vaya vanodzidza zvinhu zvakasikwa chete havazowani mhinduro dzemimwe mibvunzo inokangaidza pfungwa muupenyu, yakadai seiyi: Nei Mwari achibvumira kutambura? Mwari akasikirei nyika? Mwari ane hanya neni here?

8 Nzira imwe chete inogona kuita kuti vanhu vanyatsonzwisisa mashoko akanaka nezvaMwari  uye nezvechinangwa chake ndeyokudzidza Bhaibheri. Tine ropafadzo yakazonaka yokubatsira vanhu kuwana mhinduro dzemibvunzo yavo! Kuti titaure zvinobaya mwoyo yevateereri vedu, hatifaniri kungovaudza chokwadi, asi tinofanira kuvanyengetedzawo. (2 Tim. 3:14) Tinogona kuwedzera unyanzvi hwokunyengetedza nokutevedzera Jesu. Nei aibudirira chaizvo? Chimwe chikonzero ndechokuti aishandisa mibvunzo zvakanaka. Tingamutevedzera sei?

VAEVHANGERI VANOBUDIRIRA VANOSHANDISA MIBVUNZO ZVAKANAKA

9. Kana tichida kubatsira vanhu pakunamata, tinofanira kuitei?

9 Nei tichifanira kushandisa mibvunzo pabasa rouevhangeri sezvakaitwa naJesu? Funga muenzaniso uyu: Chiremba anokuudza kuti ane mashoko akanaka. Anogona kukurapa nokukuita oparesheni yakakura. Pamwe ungazvitenda. Asi ngatitii anokuvimbisa izvozvo asina kana kumbokubvunza nezveutano hwako. Pakadaro ungasambovimba naye. Pasinei nokuti chiremba wacho ane unyanzvi zvakadini, anofanira kukubvunza uye kuteerera paunotaura zvauri kunzwa asati akubatsira. Kana tichidawo kubatsira vanhu kuti vagamuchire mashoko akanaka eUmambo, tinofanira kuva nounyanzvi hwokubvunza mibvunzo inobatsira. Tinogona kuvabatsira kana tikatanga tanyatsonzwisisa kuti vakambomira sei panyaya dzokunamata.

Kuti titaure zvinobaya mwoyo yevateereri, tinofanira kuvanyengetedza

10, 11. Tinogona kubudirira kuitei kana tikatevedzera madzidzisiro aJesu?

10 Jesu aiziva kuti mibvunzo yakanyatsofungwa inobatsira mudzidzisi kuziva mudzidzi wake uye kumubatsirawo kutaura zvaanofunga. Somuenzaniso, Jesu paaida kudzidzisa vadzidzi vake nezvekuzvininipisa, akatanga avabvunza mubvunzo waitokonya pfungwa. (Mako 9:33) Kuti adzidzise Petro kutanga afunga asati ataura, Jesu akamubvunza mubvunzo waiva nemhinduro mbiri. (Mat. 17:24-26) Pane imwe nguva, Jesu paaida kuziva zvaiva mumwoyo mevadzidzi vake, akavabvunza mibvunzo yaitevedzana. (Verenga Mateu 16:13-17.) Mashoko aJesu uye mibvunzo yaaibvunza, zvaisangoratidza kuti aitaura chokwadi. Asi zvaibayawo mwoyo, zvichikurudzira vanhu kuita maererano nemashoko akanaka.

11 Patinotevedzera Jesu nokubvunza mibvunzo inobatsira, tinoita zvinhu zvinenge zvitatu. Tinoona kunyatsobatsira kwatingaita vanhu, tinobudirira kutaura nevanhu vanenge vachida kuramba kuparidzirwa, uye tinodzidzisa vanhu vanozvininipisa kuti vabatsirwe. Funga mienzaniso mitatu inotevera inoratidza kushandisa kwatingaita mibvunzo zvakanaka.

12-14. Ungabatsira sei mwana kuti ave nechivimbo pakuudza vamwe mashoko akanaka? Taura muenzaniso.

12 Muenzaniso 1: Somubereki, waizoitei kana mwana wako ari kuyaruka akaratidza kuti ari kuomerwa nokutsanangurira waanodzidza naye kuti zvinhu zvakaita zvokusikwa? Hapana mubvunzo kuti waizoda kumubatsira kuti ave nechivimbo chokuudzawo vamwe mashoko akanaka. Saka pane kubva wamushora kana kumuudza zvokutaura, unogona kutevedzera Jesu nokumubvunza mibvunzo inoita kuti ataure zvaanofunga. Ungazviita sei?

13 Pashure pokuverenga naye zvikamu zviri mubhurocha rakanzi The Origin of Life—Five Questions Worth Asking, unogona kumubvunza kuti mashoko api aaona anotokonya pfungwa. Mukurudzire kuti iye pachake  atange agutsikana kuti Musiki ariko uye nei achida kuita kuda kwaMwari. (VaR. 12:2) Ita kuti mwana wako azive kuti zvikonzero zvake hazvifaniri hazvo kubva zvanyatsofanana nezvako.

14 Mutsanangurire kuti paanenge achitaura newaanodzidza naye, anogona kutevedzera zvawaita. Kureva kuti, anogona kutaura dzimwe pfungwa obvunza mibvunzo inoita kuti mumwe wake ataure zvaanofunga. Somuenzaniso, anogona kukumbira womukirasi make kuverenga bhokisi riri papeji 21 mubhurocha rinonzi Origin of Life. Mwana wako anogona kubva abvunza kuti, “Ichokwadi here kuti DNA inogona kuchengeta mashoko akawanda kupfuura chero kombiyuta ipi zvayo mazuva ano?” Zvichida womukirasi make achati hongu. Mwana wako anogona kuzobvunza kuti, “Kana nyanzvi dzemakombiyuta dzisingakwanisi kugadzira kombiyuta inochengeta mashoko seDNA, zvinhu zvisingafungi zvingakwanisa sei kuzvigadzira zvoga?” Kuti ubatsire mwana wako kuti ataure nevamwe zvaanotenda akasununguka, unogona kugara uchidzidzira naye. Kana ukamudzidzisa kushandisa mibvunzo zvakanaka, uchamubatsira kuti aite basa rake rouevhangeri.

15. Tingashandisa sei mibvunzo patinenge tichida kubatsira munhu anoti hakuna Mwari?

15 Muenzaniso 2: Mubasa redu rokuparidza, tinosangana nevanhu vanofunga kuti hakuna Mwari. Somuenzaniso, mumwe munhu angatiudza kuti anodavira kuti hakuna Mwari. Pane kubva tarega kukurukura naye, tinogona kumubvunza tichimuremekedza kuti ava nenguva yakareba sei achidavira kuti Mwari haako uye chii chakaita kuti ave nepfungwa idzodzo. Pashure pokuteerera zvaanopindura uye kumutenda nokunyatsofungisisa nyaya yacho, tinogona kumubvunza kuti anoona paine chakaipa here nekuverenga mabhuku anopa uchapupu hwokuti zvinhu zvakaita zvokusikwa. Kana saimba wacho  achida kuziva chokwadi, angangotaura kuti zvaisazova nemusoro kuramba kuongorora uchapupu hwacho. Tinogona kubva tamupa bhurocha rakanzi Was Life Created? kana kuti The Origin of Life—Five Questions Worth Asking. Mibvunzo yokungwarira, inogona kuita kuti munhu avhure mwoyo wake kuti ateerere mashoko akanaka.

16. Nei tisingafaniri kugutsikana nokungoita kuti mudzidzi weBhaibheri averenge mhinduro dziri mubhuku ratinenge tichidzidza?

16 Muenzaniso 3: Patinenge tichiitisa chidzidzo cheBhaibheri, tinogona kungorega mudzidzi achidzokorora mhinduro dziri mubhuku ratiri kudzidza. Zvisinei, kana tikadaro, tingaita kuti mudzidzi wacho asakura pakunamata. Nemhaka yei? Nokuti mudzidzi anongodzokorora mhinduro asingadzifungisisi haangambodziki midzi pakunamata. Zviri nyore kuti paanoshorwa apedzisire aita sechirimwa chinooma pamusana pokupisa. (Mat. 13:20, 21) Kuti zvisadaro, tinofanira kubvunza mudzidzi kuti anofungei nezvaari kudzidza. Tinofanira kuedza kuona kana achibvumirana nepfungwa dzinenge dzataurwa. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti ataure nei achibvumirana kana kuti asingabvumirani nazvo. Zvadaro, ngatimubatsirei kufunga achishandisa Magwaro zvokuti anozokwanisa kuzvionera kuti zvakarurama ndezvipi. (VaH. 5:14) Kana tikashandisa mibvunzo zvakanaka, kakawanda vanhu vatinodzidzisa vachadzika midzi mukutenda uye vachamira vakasimba pavanoshorwa uye havazotsauswi. (VaK. 2:6-8) Chiizve chatingaita kuti tiite basa redu sevaevhangeri?

VAEVHANGERI VANOBUDIRIRA VANOBATSIRANA

17, 18. Patinenge tiri muushumiri nomumwe muKristu, tingabatsirana sei?

17 Jesu akatuma vadzidzi vake kunoparidza vari vaviri vaviri. (Mako 6:7; Ruka 10:1) Papfuura nguva, muapostora Pauro akataura nezvevamwe ‘vaaishanda navo’ “vakabishaira pamwe chete [naye] nokuda kwemashoko akanaka.” (VaF. 4:3) Maererano nemienzaniso iyoyo iri muMagwaro, muna 1953, vaparidzi voUmambo vakatanga urongwa hwokudzidzisa vamwe kuti vabudirire muushumiri.

18 Paunobuda nemumwe muKristu muushumiri, mungabatsirana sei? (Verenga 1 VaKorinde 3:6-9.) Vhurawo muBhaibheri rako magwaro anenge achiverengwa nomumwe wako. Ramba wakateerera mumwe wako kana kuti saimba paanenge achitaura. Ramba uchiona kuti nyaya yacho iri kuenda nokupi kuitira kuti ubatsire mumwe wako kana saimba akatanga kupikisa. (Mup. 4:12) Asi unofanira kungwarira kuti usangodimburira mumwe wako panzira paanenge achiedza kubudisa imwe pfungwa. Manyukunyuku ako anogona kuodza mwoyo mumwe wako uye kuvhiringidza saimba. Dzimwe nguva zvingava zvakanaka kuva nezvaunotaurawo pakukurukurirana kwacho. Asi kana ukasarudza kutaura chimwe chinhu, ingotaura mashoko mashoma, worega mumwe wako achipfuurira.

19. Tinofanira kuyeukei, uye nemhaka yei?

19 Iwe nemumwe wako mungabatsirana sei pamunenge muchifamba muchienda kune mumwe musha? Munogona kushandisa nguva yacho kukurukura zvamungaita kuti munatsiridze mharidzo dzenyu. Ngwarirai kuti zvamunotaura nezvevaya vanogara mundima yenyu hazviodzi mwoyo. Dzivisaiwo muedzo wokungotaura zvinokanganiswa nevamwe vaevhangeri. (Zvir. 18:24) Tinofanira kuyeuka kuti tiri midziyo yevhu. Jehovha akatiitira mutsa usingatauriki nokuita kuti titarisire pfuma youshumiri hwemashoko akanaka. (Verenga 2 VaKorinde 4:1, 7.) Saka tose zvedu ngatiratidzei kuti tinokoshesa pfuma iyoyo nokuita zvose zvatinogona pabasa redu sevaevhangeri.